Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unobvumira Muumbi Mukuru Kuti Akuumbe Here?

Unobvumira Muumbi Mukuru Kuti Akuumbe Here?

“Tarirai! Sezvakaita ivhu riri muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu.”—JER. 18:6.

NZIYO: 60, 22

1, 2. Nei Mwari akaona Dhanieri ‘semurume anodiwa kwazvo,’ uye tingatevedzera sei kuteerera kwaaiita?

PAKAPINDA vaJudha vainge vatapwa muBhabhironi, vakaona makazara zvidhori uye vanhu vacho vari varanda vemidzimu yakaipa. Kunyange zvakadaro, vaJudha vakatendeka vakadai saDhanieri neshamwari dzake vakaramba kuumbwa nevanhu vemuBhabhironi. (Dhan. 1:6, 8, 12; 3:16-18) Dhanieri neshamwari dzake vakanga vakatsunga kuramba vakazvipira kuna Jehovha seMuumbi wavo uye vakabudirira. Dhanieri akagara muBhabhironi kwemakore mazhinji eupenyu hwake, asi ngirozi yaMwari yakamuti “murume anodiwa kwazvo.”—Dhan. 10:11, 19.

2 Munguva inotaurwa muBhaibheri, muumbi aigona kuumba ivhu kuti ribudise chinhu chaanenge achida. Vanamati vechokwadi vanoziva kuti Jehovha ndiye Changamire wezvinhu zvese, uyo ane simba rekuumba marudzi evanhu. (Verenga Jeremiya 18:6.) Mwari anewo simba rekuumba mumwe nemumwe wedu. Asi anokoshesa rusununguko rwedu rwekusarudza uye anoda kuti tibvume kutungamirirwa naye tisingamanikidzwi. Ngationei zvinhu zvitatu zvingatibatsira kuti tione kuti tingaita sei kuti tirambe tiri ivhu rekuumbisa rakapfava riri mumaoko aMwari: (1) Tingadzivisa sei unhu hungaita kuti tisada kuteerera patinotsiurwa naMwari? (2) Tingaita sei kuti tive neunhu hunotibatsira kuti tirambe takapfava uye tichibvuma kutungamirirwa naMwari? (3) Vabereki vechiKristu vangabvuma sei kutungamirirwa naMwari pakuumba vana vavo?

DZIVISA UNHU HUNOGONA KUKUOMESA MWOYO

3. Unhu hupi hunogona kuomesa mwoyo yedu? Taura muenzaniso.

3 Zvirevo 4:23 inoti, “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako, nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.” Unhu hupi hunoomesa mwoyo hwatinofanira kungwarira? Hunosanganisira kuzvikudza, kugara uchiita chivi, uye kusava nekutenda. Izvi zvinogona kukurudzira vanhu kusateerera uye kupanduka. (Dhan. 5:1, 20; VaH. 3:13, 18, 19) Mambo weJudha ainzi Uziya akaratidza kuzvikudza. (Verenga 2 Makoronike 26:3-5, 16-21.) Pakutanga, Uziya aiita “zvakarurama pamberi paJehovha,” uye ‘airamba achitsvaka Mwari.’ Asi “paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza” kunyange zvazvo simba rake raibva kuna Mwari. Akatoedza kuita basa raingofanira kuitwa nevapristi vedzinza raAroni chete, rekupisa rusenzi patemberi. Vapristi pavakamutsiura, Uziya akazvikudza uye akagumbuka chaizvo! Chii chakazoitika? ‘Akaparara’ zvinonyadzisa mumaoko aMwari uye akafa aine maperembudzi.—Zvir. 16:18.

4, 5. Chii chinogona kuitika kana tikatadza kubvisa unhu hwekuzvikudza? Taura muenzaniso.

4 Kana tikakundikana kubvisa unhu hwekuzvikudza, tinogona kutanga ‘kufunga nezvedu kupfuura zvatinofanira kufunga,’ zvichida kutosvika pakuramba kutsiurwa neMagwaro. (VaR. 12:3; Zvir. 29:1) Funga nezvezvakaitika kuna Jim, uyo akapesana nevamwe vakuru pane imwe nyaya yemuungano. Jim anoti: “Ndakaudza hama kuti dzakanga dzisina rudo, uye ndakabva ndabuda mumusangano wacho.” Papera mwedzi 6, akatamira kune imwe ungano yaiva pedyo asi haana kugadzwa kuva mukuru ikoko. Anoti: “Zvakandirwadza chaizvo. Kuda kuzviita akarurama kwakandikunda, saka ndakabva ndasiya chokwadi.” Jim akaramba asingaiti mabasa echiKristu kwemakore gumi. Anotaura kuti: “Ndakafunga kuti ndiri kutarisirwa pasi, uye ndakatanga kuona sekuti Jehovha akanga andirasa. Mumakore ese iwayo, hama dzaindishanyira uye dzaiedza kundibatsira asi ndairamba.”

5 Zvakaitika kuna Jim zvinoratidza kuti kuzvikudza kunogona sei kuita kuti titange kutsvaga tuzvikonzero pane zvatinenge takanganisa, zvoita kuti tisava vanhu vanoumbika. (Jer. 17:9) Jim anoti: “Ndairamba ndichingofunga kuti hama ndidzo dziri kukanganisa.” Wakamborwadziwawo here nezvakaitwa nemumwe muKristu kana kuti nekurasikirwa neimwe ropafadzo? Kana zvakakurwadza, wakaitei pazvakaitika? Wakatanga kuzvikudza here? Kana kuti wakanyanya kufunga nezvekuva nerugare nehama yako here uye kuramba wakavimbika kuna Jehovha?—Verenga Pisarema 119:165; VaKorose 3:13.

6. Chii chinogona kuitika kana tikaramba tichiita chivi?

6 Kana munhu akagara achiita chivi, kunyange achichiita pachivande, anogona kupedzisira asisateereri mazano anobva kuna Mwari. Zvinopedzisira zvava nyore kuti arambe achiita chivi. Imwe hama yakataura kuti nekufamba kwenguva yakanga isingacharohwi nehana payaiita zvakaipa. (Mup. 8:11) Imwewo hama yakambenge yava netsika yekuona zvinonyadzisira yakati: “Ndakaona kuti ndakapedzisira ndava kushora vakuru.” Izvi zvairamba zvichiikuvadza pakunamata. Zvayaiita zvakazobuda pachena, uye yakapiwa rubatsiro. Ichokwadi kuti tese tiri vanhu vanotadza. Asi kana tikatanga kuva netsika yekushora vakuru kana kuti yekuvhara zvikanganiso zvedu pane kutsvaka kubatsirwa uye kukanganwirwa naMwari, mwoyo wedu unogona kunge watotanga kuoma.

7, 8. (a) Zvakaitwa nevaIsraeri zvinoratidza sei kuti kusava nekutenda kunoomesa mwoyo? (b) Chidzidzo chipi chatinowana?

7 Muenzaniso wezvakaitika kuvaIsraeri vakanunurwa naJehovha kubva muIjipiti unoratidza kuti kusava nekutenda kunoomesa sei mwoyo. VaIsraeri vakaona Mwari achiita zvishamiso, zvimwe zvacho zvaiomesa mate mukanwa! Asi pavakasvika pedyo neNyika Yakapikirwa, vakaratidza kusava nekutenda. Pane kuti vavimbe naJehovha, vakatanga kutya uye vakanyunyutira Mosesi. Vakanga vava kutoda kudzokera kuIjipiti kwavaimbova varanda! Jehovha akarwadziwa zvikuru. Akati: “Vanhu ava vacharamba vasingandiremekedzi kusvikira rini?” (Num. 14:1-4, 11; Pis. 78:40, 41) Chizvarwa ichocho chakaperera murenje nemhaka yekuva nemwoyo yakaoma uye kusava nekutenda.

8 Sezvo tava kuda kupinda munyika itsva, kutenda kwedu kuri kuedzwa. Zvakanaka kuti tiongorore kuti kutenda kwedu kwakadini. Semuenzaniso, tinogona kuongorora kuti tinoona sei mashoko aJesu ari pana Mateu 6:33. Zvibvunze kuti: ‘Zvandinokoshesa uye zvisarudzo zvangu zvinoratidza here kuti ndinotenda mashoko iwayo aJesu? Ndaizosarudza kusaenda kumisangano kana kuti kunoparidza kuti ndiwedzere mari yandinowana here? Ndichaita sei kana basa rangu richindishayisa nguva yekuita zvekunamata? Ndichabvumira kuti nyika indiumbe here, zvimwe ichitoita kuti ndisiye chokwadi?’

9. Nei tichifanira kugara ‘tichizviedza’ kuti tione kana tiri mukutenda, uye tingazviita sei?

9 Chimbofunga nezvemushumiri waJehovha asinganyatsotevedzeri zvinodzidziswa neBhaibheri, zvichida panyaya yeshamwari, urongwa hwekudzinga, kana kuti panyaya yevaraidzo. Zvibvunze kuti: ‘Ndizvo zvandingadaro ndiri kuitawo here?’ Kana tikangoona kuti unhu hwakadaro hunoomesa mwoyo hwava kutanga matiri, tinofanira kukurumidza kuongorora kutenda kwedu. Bhaibheri rinotipa zano rekuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri mukutenda, rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.” (2 VaK. 13:5) Tinofanira kunyatsozviongorora nemwoyo wese tichishandisa Shoko raMwari kuti tigare tichigadzirisa mafungiro edu.

RAMBA UCHIUMBIKA

10. Chii chinogona kutibatsira kuti tiite seivhu rakapfava riri mumaoko aJehovha?

10 Zvinhu zvatinopiwa naJehovha kuti atibatsire kuramba tiri ivhu rakapfava zvinosanganisira Shoko rake, ungano yechiKristu, uye ushumiri hwemumunda. Sezvinoita mvura inopfavisa ivhu, kuverenga uye kufungisisa zviri muBhaibheri zuva nezuva kunogona kutibatsira kuti tiumbike mumaoko aJehovha. Jehovha aida kuti madzimambo aIsraeri azvinyorere kopi yeMutemo waMwari oiverenga zuva nezuva. (Dheut. 17:18, 19) Vaapostora vakaona kuti kuverenga Magwaro uye kuafungisisa kwaibatsira zvikuru pabasa ravo reushumiri. Vaishandisa zvikamu zveMagwaro echiHebheru kakawanda muzvinyorwa zvavo uye vaikurudzira vanhu vavaiparidzira kuti vaverengewo uye kufungisisa zviri muMagwaro. (Mab. 17:11) Isuwo tinoziva kuti kuverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye kufungisisa zviri mariri kunokosha. (1 Tim. 4:15) Izvozvo zvinotibatsira kuti tirambe tichizvininipisa pamberi paJehovha uye kuti tive vanhu vanoumbika mumaoko ake.

Shandisa zvatinopiwa naMwari kuti urambe uchiumbika (Ona ndima 10-13)

11, 12. Jehovha anoshandisa sei ungano yechiKristu kuti atiumbe zvinoenderana nemumwe nemumwe wedu? Taura muenzaniso.

11 Jehovha anotiumba zvinoenderana nemumwe nemumwe wedu achishandisa ungano yechiKristu. Jim, ambotaurwa nezvake, akatanga kuchinja mafungiro ake mumwe mukuru paakaratidza kuti aiva nehanya naye. Jim anoti: “Hapana kana paakambondishora kana kundipa mhosva pamusoro pezvakaitika. Panzvimbo pezvo, akaramba aine maonero akanaka, achiratidza kuti aida kundibatsira zvechokwadi.” Pashure pemwedzi inenge mitatu, mukuru wacho akakoka Jim kumisangano yechiKristu. Jim anoti: “Ungano yakandigamuchira nemufaro, uye rudo rwandakaratidzwa ndirwo rwakaita kuti nditange kuchinja. Ndakatanga kuona kuti ndaifanira kuchinja maonero angu. Ndichibatsirwa neungano uye mudzimai wangu, uyo asina kumbobvira adzoka kumashure pakunamata, ndakatangazve kusimba pakunamata. Ndakakurudzirwawo chaizvo nenyaya dzaiti, ‘Jehovha Haana Mhaka’ uye ‘Batira Jehovha Nokuvimbika,’ dzaiva muNharireyomurindi yaNovember 15, 1992.”

12 Nekufamba kwenguva, Jim akazogadzwa zvakare kuva mukuru. Kubva ipapo, abatsira hama dzakawanda kuti dzikurire miedzo yakafanana newake uye kuti dzisimbe zvakare pakunamata. Anogumisa achiti: “Ndaifunga kuti ndakanga ndiine ukama hwakasimba naJehovha asi ndakanga ndisina. Ndinozvidemba kuti ndakabvumira kuzvikudza kuti kunditadzise kuona zvinhu zvinokosha uye kuchiita kuti ndirambe ndichingofunga nezvezvikanganiso zvevamwe.”—1 VaK. 10:12.

13. Basa reushumiri rinogona kutibatsira kuvandudza unhu hupi uye zvinobatsirei?

13 Ushumiri hwemumunda hungatiumba sei kuti tive vanhu vakanaka? Kuudzawo vamwe mashoko akanaka kunogona kutibatsira kuti tive vanhu vanozvininipisa uye kuti tive neunhu hunoumba chibereko chemudzimu waMwari. (VaG. 5:22, 23) Funga nezveunhu hwakanaka hwawakava nahwo kuburikidza nekushanda muushumiri. Patinoratidza unhu hwechiKristu, tinenge tichishongedza mashoko atinopa vanhu, ayo anogona kuchinja mafungiro avo. Semuenzaniso, vamwe vaparidzi vaviri kuAustralia vakanyatsoteerera mumwe mukadzi paaitaura navo achivachenamira. Zvisinei, mukadzi wacho akazozvidemba uye akanyorera hofisi yebazi. Mamwe mashoko aakanyora ndeekuti: “Ndinoda kukumbira ruregerero kuvanhu vaviri ivavo vaiva nemwoyo murefu uye vaizvininipisa, nekuti ndakazviita munhu akarurama uye ndaizviona sendiri nani kuvapfuura. Ndakaita zveupenzi pandakamira pamberi pevanhu vaviri vari kuparadzira Shoko raMwari ndokuedza kuvadzinga zvakadaro.” Mukadzi uyu angadai akanyora mashoko akadai here kudai vaparidzi vacho vakaratidza sekuti vagumbuka? Pamwe aisazoanyora. Chokwadi, ushumiri hwedu hunotibatsira uye hunobatsirawo vavakidzani vedu.

TUNGAMIRIRWAI NAMWARI PAMUNOUMBA VANA VENYU

14. Vabereki vanofanira kuitei kana vachida kubudirira pakuumba vana vavo?

14 Vana vadiki vakawanda vanofarira kudzidza uye vanowanzozvininipisa. (Mat. 18:1-4) Saka vabereki vakachenjera vanoedza kuroverera chokwadi mupfungwa uye mumwoyo yevana vavo uye kuita kuti vade chokwadi. (2 Tim. 3:14, 15) Asi kuti vabudirire, vabereki vanofanira kutanga varoverera chokwadi mumwoyo yavo pachavo, vorarama zvinoenderana nechokwadi chacho. Vabereki pavanoita izvi, zvinova nyore kuti vana vavo vade chokwadi. Vana vanobva vaona kuti vabereki pavanovaranga, vanenge vachiratidza rudo uye kuti Jehovha anovada.

15, 16. Vabereki vanofanira kuratidza sei kuti vanovimba naMwari panodzingwa mwana wavo?

15 Pasinei nekuti vamwe vana vakakurira muchokwadi, vanogona kuchisiya kana kuti kudzingwa muungano zvoita kuti vemumhuri varwadziwe. Imwe hanzvadzi yechiKristu yekuSouth Africa inoti: “Hanzvadzi yangu payakadzingwa, zvaiita sekuti yakanga yafa. Zvairwadza chaizvo!” Iye nevabereki vake vakaita sei nezvakanga zvaitika? Vakatevedzera zvinotaurwa neShoko raMwari. (Verenga 1 VaKorinde 5:11, 13.) Vabereki vacho vakati: “Takatsidza kuti taizoita zvinotaurwa neBhaibheri, tichiziva kuti kuita zvinhu nenzira yaMwari kwaizoita kuti zvifambe zvakanaka. Takaona urongwa hwekudzinga sechirango chinobva kuna Mwari uye takagutsikana kuti Jehovha anopa chirango chakakodzera nekuti ane rudo. Saka taingotaura nemwanakomana wedu kana paita zvinhu zvinokosha zvemumhuri.”

16 Mwanakomana wacho akanzwa sei? Akazoti, “Ndaiziva kuti vanhu vemhuri yedu vakanga vasina kundivenga, asi kuti vaiteerera Jehovha nesangano rake.” Akatiwo: “Kana mamiriro ezvinhu akakumanikidza kuteterera Jehovha kuti akubatsire uye akukanganwire, unobva waona kuti anokosha zvakadini muupenyu hwako.” Fungidzira kuti mhuri iyi yakafara zvakadini mukomana uyu paakadzorerwa! Kana tikateerera Mwari nguva dzose, zvinhu zvinotifambira zvakanaka.—Zvir. 3:5, 6; 28:26.

17. Nei tichifanira kubvuma kutungamirirwa naJehovha muupenyu hwedu hwese, uye izvozvo zvichatibatsira sei?

17 Muprofita Isaya akafanotaura kuti vaJudha vaiva muBhabhironi pavaizopfidza, vaizotaura kuti: “Haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri Muumbi wedu; tose zvedu tiri basa roruoko rwenyu.” Vaizoteterera Jehovha vachiti: “Musayeuka kukanganisa kwedu nokusingaperi. Tapota, zvino tarirai: isu tose tiri vanhu venyu.” (Isa. 64:8, 9) Kana tikabvuma kutungamirirwa naJehovha saizvozvo tichizvininipisa uye toramba tichidaro muupenyu hwedu hwese, achationa sevanhu vaanoda kwazvo sezvaakaita muprofita Dhanieri. Acharamba achitiumba achishandisa Shoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake. Izvi zvichaita kuti rimwe zuva munguva iri kuuya, tizokwanisa kumira pamberi pake ‘sevana vaMwari’ chaivo.—VaR. 8:21.