Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha ‘Ane Hanya Newe’

Jehovha ‘Ane Hanya Newe’

NEI uchigona kuva nechivimbo chekuti mashoko iwayo ndeechokwadi uye kuti Jehovha ane hanya newe zvechokwadi? Chimwe chikonzero ndechekuti Bhaibheri ndizvo zvarinotaura. Pana 1 Petro 5:7 panoti: “Muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.” Une uchapupu here hunoratidza kuti Jehovha Mwari ane hanya newe pachako?

MWARI ANOPA VANHU ZVEKURARAMA NAZVO

Jehovha anoratidza muenzaniso mukuru pakuti ane mutsa uye rupo

Mwari ane unhu hwaungada kuti shamwari dzako dzepamwoyo dzive nahwo. Vanhu vanowanzova shamwari dzepamwoyo kana vachiitirana zvinhu zvinoratidza mutsa uye rupo. Sezvaunoonawo, Jehovha ane mutsa nevanhu uye anovapa zvavanoda zuva nezuva. Semuenzaniso, ‘Anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mat. 5:45) Zuva nemvura inonaya zvinobatsirei? Mwari anozvishandisa kuti ‘agutse vanhu nezvekudya uye kuti azadze mwoyo yavo nemufaro.’ (Mab. 14:17) Jehovha anoita kuti nyika ibereke zvekudya zvakawanda, uye tinofara patinodya zvekudya zvinonaka.

Saka nei vanhu vakawanda vachishayiwa zvekudya? Chikonzero ndechekuti vanhu vari kutonga vanongoisa pfungwa pazvinzvimbo zvavo muhurumende uye pakuwana mari asi vasingaiti kuti upenyu hwevanhu huve nani. Jehovha achagadzirisa dambudziko iroro remakaro paachabvisa hurumende dziripo iye zvino achidzitsiva neUmambo hwekumatenga huchitungamirirwa neMwanakomana wake. Panguva iyoyo, hapana munhu achashaya zvekudya. Parizvino, Mwari ari kuita kuti vashumiri vake vawane zvekurarama nazvo. (Pis. 37:25) Izvi hazviratidzi here kuti ane hanya?

JEHOVHA HAATISHAYIRI NGUVA

Jehovha anoratidza muenzaniso mukuru pakuti anotiwanira nguva

Shamwari yakanaka inokuwanira nguva. Inogona kuita maawa akawanda ichitaura newe nezvezvinhu zvinokunakidzai mose. Inonyatsoteerera paunoiudza nezvematambudziko ako uye zvinokunetsa. Jehovha ndizvo zvaanoitawo here? Ehe, ndizvozvo. Anoteerera minyengetero yedu. Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti, “Rambai muchinyengetera.”—1 VaT. 5:17.

Jehovha ane chido chekuteerera minyengetero yako kwenguva yakareba sei? Mhinduro tinoiwana pamuenzaniso wemuBhaibheri. Asati asarudza vaapostora vake, Jesu ‘akanyengetera kuna Mwari usiku hwose.’ (Ruka 6:12) Mumunyengetero iwoyo, Jesu anofanira kunge akataura mazita evamwe vadzidzi vake, unhu hwavo uye zvavakanga vasingakwanisi, achikumbira Baba vake kuti vamubatsire kusarudza vaizova vaapostora vake. Pakazobuda zuva, Jesu akanga ava kuziva kuti ainge asarudza vanhu vainyatsokodzera kuva vaapostora vake. Sezvo ari “Munzwi womunyengetero,” Jehovha anoda chaizvo kuteerera minyengetero inobva pamwoyo. (Pis. 65:2) Kunyange kana munhu akanyengetera kwemaawa akawanda nezveimwe nyaya inenge ichimunetsa, Jehovha anongoramba achiteerera.

MWARI ANE CHIDO CHEKUKANGANWIRA

Jehovha anoratidza muenzaniso mukuru pakuti ane chido chekukanganwira

Dzimwe nguva shamwari dzakanaka dzinombotadza kukanganwirana. Pane dzimwe nguva, vanhu vanotogura ushamwari hwanga hwava nenguva refu nekuti zvinenge zvavaomera kuti vakanganwirane. Izvozvo handizvo zvinoitwa naJehovha. Bhaibheri rinokurudzira vose vane mwoyo yakatendeseka kuti vamukumbire ruregerero, “nokuti achakanganwira zvikuru.” (Isa. 55:6, 7) Chii chinoita kuti Mwari ade kukanganwira zvikuru kudaro?

Rudo rwake rukuru ndirwo runoita kuti adaro. Anoda nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake, Jesu, kuti asunungure vanhu kubva muchivi uye kubva pazvinhu zvakaipa zvachinokonzera. (Joh. 3:16) Kutaura zvazviri, rudzikinuro runobatsira pane zvakawanda. Mwari anokanganwira vanhu vaanoda kuburikidza nechibayiro chaKristu. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana tikareurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama zvokuti anotikanganwira zvivi zvedu.” (1 Joh. 1:9) Vanhu vanokwanisa kuramba vaine ushamwari naJehovha nokuti anovakanganwira uye kuziva izvi kunotibaya mwoyo.

ANOKUBATSIRA PAUNENGE UCHIDA RUBATSIRO

Jehovha anoratidza muenzaniso mukuru pakuti anotibatsira patinenge tichida rubatsiro

Shamwari yechokwadi inobatsira vamwe pavanenge vachida rubatsiro. Jehovha ndizvo zvaanoitawo here? Shoko rake rinoti: “Kunyange [mumwe wevashumiri vaMwari] akawa, haangazvambarari pasi, nokuti Jehovha ari kutsigira ruoko rwake.” (Pis. 37:24) Jehovha ‘anotsigira vashumiri vake’ nenzira dzakasiyana-siyana. Ona zvakaitika kuchitsuwa chinonzi St. Croix chekuCaribbean.

Mumwe musikana wechidiki aishorwa nevemukirasi make nekuti aisasaruta mureza nemhaka yezvaanotenda. Pashure pekunge anyengetera kuti Jehovha amubatsire, akafunga kubuda pachena. Paakazopa ripoti mukirasi, akataura nezvenyaya yekusaruta mureza. Achishandisa Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, akatsanangura kuti nyaya yaShadreki, Misheki naAbhedhinego yakamubatsira sei kuti asasaruta mureza. Akati, “Jehovha akadzivirira vaHebheru vatatu ivavo nekuti vakaramba kunamata chifananidzo.” Akabvunza kana paiva nevaida bhuku racho. Vana 11 vemukirasi imomo vakati vairida. Paakaona kuti Jehovha akanga amupa ushingi uye uchenjeri hwekuti apupure nezvenyaya iyoyo yakaoma, musikana iyeye akafara chaizvo.

Kana ukanzwa usisina chokwadi chekuti Jehovha ane hanya newe, verenga wofungisisa mavhesi eBhaibheri akadai saPisarema 34:17-19; 55:22; uye 145:18, 19. Bvunza vashumiri vaJehovha vava nenguva yakareba vachimushumira kuti vakaona sei kuti ane hanya navo. Paunonzwa uchida kubatsirwa naMwari, nyengetera kwaari nezvenyaya yacho. Uchaona kuti Jehovha ‘ane hanya newe.’