Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Jehovha Mwari Wedu ndiJehovha Mumwe Chete”

“Jehovha Mwari Wedu ndiJehovha Mumwe Chete”

“Teerera, haiwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.”—DHEUT. 6:4.

NZIYO: 138, 112

1, 2. (a) Nei mashoko aDheuteronomio 6:4 achizivikanwa chaizvo? (b) Nei Mosesi akataura mashoko iwayo?

KWEMAZANA emakore, mashoko matanhatu erugwaro rwechiHebheru rwaDheuteronomio 6:4 agara achishandiswa nevanhu vechitendero chechiJudha sechikamu chemunyengetero wavo wekuzvipira. Vanouita zuva rega rega, mangwanani nemanheru. Munyengetero uyu unonzi Shema, uye shoko rokuti Shema ndiro rekutanga murugwaro rwacho. Vamwe vechitendero ichi vanoita munyengetero uyu vachiti vari kuratidza kuzvipira zvakazara kuna Mwari.

2 Mashoko iwayo akataurwa naMosesi paakaparadzana nerudzi rwevaIsraeri pavakanga vakaungana mumapani eMoabhi mugore ra1473 B.C.E. VaIsraeri vakanga vava kuda kuyambuka rwizi rwaJodhani kuti vatore Nyika Yakapikirwa. (Dheut. 6:1) Mosesi, uyo akanga avatungamirira kwemakore 40, aida kuti vave neushingi pavaizosangana nemamiriro ezvinhu akaoma munguva yaizotevera. Vaifanira kuvimba naJehovha uye kuramba vakatendeka kwaari saMwari wavo. Mashoko ekupedzisira aMosesi aizovakurudzira chaizvo. Pashure pekutaura Mirayiro Gumi uye mimwewo yakapiwa vaIsraeri naJehovha, Mosesi akazotaura mashoko ane simba chaizvo anowanikwa pana Dheuteronomio 6:4, 5. (Verenga.)

3. Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?

3 VaIsraeri vakanga vakaungana naMosesi vaisaziva here kuti Jehovha Mwari wavo “ndiJehovha mumwe chete”? Vaizviziva. VaIsraeri vakatendeka vaiziva uye vainamata Mwari mumwe chete bedzi, Mwari wemadzitateguru avo Abrahamu, Isaka, naJakobho. Saka kana vaizviziva, nei Mosesi akavayeuchidza kuti Jehovha Mwari wavo “ndiJehovha mumwe chete”? Kuva mumwe chete kwaJehovha kune chekuita here nekumuda nemwoyo wose, nemweya wose, uye nesimba rose, sezvinotaurwa muvhesi 5? Uye mashoko aDheuteronomio 6:4, 5 anorevei kwatiri mazuva ano?

JEHOVHA NDIMWARI MUMWE CHETE PAKUDINI?

4, 5. (a) Mashoko ekuti “Jehovha mumwe chete” anorevei? (b) Jehovha akasiyana sei navanamwari vemamwe marudzi?

4 Hakuna akafanana naye. Mashoko ekuti “mumwe chete” haangorevi nhamba chete muchiHebheru uye mune mimwe mitauro. Anogona kureva kusafanana nechimwe chinhu, kureva kuti chinhu ichocho ndicho chega chakadaro. Mashoko iwayo akataurwa naMosesi haaratidzi kuti panguva iyoyo akanga achishora dzidziso yenhema yokuti Mwari anoumbwa navanamwari vatatu. Jehovha ndiye Musiki wedenga nenyika, Changamire wezvinhu zvose. Hakuna mumwe Mwari wechokwadi kunze kwake; hakuna mwari akafanana naye. (2 Sam. 7:22) Saka Mosesi akanga achiyeuchidza vaIsraeri kuti vaifanira kunamata uye kuzvipira kuna Jehovha chete. Vaisafanira kutevedzera zvaiitwa nevanhu vakanga vakavapoteredza, vainamata vanamwari navanamwarikadzi vakasiyana-siyana. Vamwe vanamwari ivavo vaionekwa sevane simba pamusoro pezvimwe zvinhu. Vamwewo vaitonzi vaiva zvikamu zvevamwe vanamwari.

5 Semuenzaniso, vaIjipiti vainamata mwari wezuva Ra, mwarikadzi wedenga Nut, mwari wenyika Geb, mwari werwizi rwaNire Hapi, nedzimwewo mhuka dzakawanda dzaionekwa sevanamwari. Jehovha akaratidza kuti vakawanda vevanamwari ivavo venhema vakanga vasina kana simba paakaunza Matambudziko Gumi. Bhaari, mwari wekubereka, ndiye mwari akanga akakurumbira ainamatwa nevaKenani, uyo aionekwawo samwari wemuchadenga, wekunaya kwemvura, uye wedutu. Munzvimbo dzakawanda, Bhaari ndiye ainzi anodzivirira vanhu. (Num. 25:3) VaIsraeri vaifanira kuyeuka kuti Mwari wavo, “Mwari wechokwadi,” ndiJehovha “mumwe chete.”—Dheut. 4:35, 39.

6, 7. Ndezvipi zvimwe zvinorehwa nemashoko ekuti “Jehovha mumwe chete,” uye Jehovha akaratidza sei kuti “mumwe chete”?

6 Haachinji uye Akavimbika. Mashoko ekuti “Jehovha mumwe chete” anorevawo kuti nguva dzose tinogona kuvimba nezvinangwa zvake uye zvaanoita. Anoramba akavimbika, asingachinji uye ari wechokwadi. Akavimbisa Abrahamu kuti vana vake vaizogara muNyika Yakapikirwa, uye Jehovha akaita zvishamiso zvakakura kuti azadzise vimbiso iyoyo. Kunyange zvazvo pakapfuura makore 430 kubva paakapa vimbiso yacho, chinangwa chake hachina kuchinja.—Gen. 12:1, 2, 7; Eks. 12:40, 41.

7 Papera mazana emakore, Jehovha paakazotaura kuti vaIsraeri vaiva zvapupu zvake, akavaudza kuti: “Ndini Iye mumwe chete. Ndisati ndavapo hapana Mwari akaumbwa, uye pashure pangu pakaramba pasina mumwe.” Jehovha akajekesawo kuti chinangwa chake hachichinji paakawedzera kuti: “Nguva yose ndini Iye mumwe chete.” (Isa. 43:10, 13; 44:6; 48:12) VaIsraeri vaiva nechikomborero chakakura chaizvo chekunamata Mwari asingachinji uye akavimbika. Nesuwo tine chikomborero ichocho.—Mar. 3:6; Jak. 1:17.

8, 9. (a) Jehovha anotarisira kuti vanamati vake vaite sei? (b) Jesu akasimbisa sei kukosha kwemashoko akataurwa naMosesi?

8 Mosesi akayeuchidza vaIsraeri kuti Jehovha aisazombochinja pakuvada uye kuvachengetedza kwaaiita. Saka vaIsraeri vaifanira kuzvipira kwaari zvakazara, vachimuda nemwoyo wose, nemweya wose, uye nesimba rose. Vabereki vaifanira kudzidzisa vana vavo nezvaJehovha pose pavaiwana mukana kuitira kuti vanamatewo Jehovha chete.—Dheut. 6:6-9.

9 Sezvo Jehovha asingachinji chinangwa chake, zvinhu zvinokosha zvaanoda kuti vanamati vake vechokwadi vaite hazvizombochinji. Kuti agamuchire kunamata kwedu, tinofanira kuzvipira zvakazara kwaari uye kumuda nemwoyo wose, nepfungwa dzedu dzose uye nesimba redu rose. Izvozvo ndizvo chaizvo zvakataurwa naJesu paakabvunzwa nemumwe munyori. (Verenga Mako 12:28-31.) Ngationei kuti tingaratidza sei nezvatinoita kuti tinonyatsonzwisisa kuti “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.”

ZVIPIRE ZVAKAZARA KUNA JEHOVHA

10, 11. (a) Tingazvipira sei zvakazara kuna Jehovha? (b) VaHebheru vechidiki vaiva muBhabhironi vakaratidza sei kuti vakanga vakazvipira zvakazara kuna Jehovha?

10 Kuti tiite kuti Jehovha ave ega Mwari wedu, tinofanira kuzvipira kwaari zvakazara. Kunamata kwatinomuita hakumbofaniri kusanganiswa nekunamata vamwe vanamwari kana kuti kusvibiswa nedzidziso kana tsika dzinoitwa nezvimwe zvitendero. Tinofanira kuyeuka kuti haasingori mwari ari pamusoro pevamwe vanamwari kana kuti ane simba kuvapfuura. Jehovha ndiye ega Mwari wechokwadi, ndiye chete anofanira kunamatwa.—Verenga Zvakazarurwa 4:11.

11 Mubhuku raDhanieri, tinoverenga nezvevaHebheru vechidiki vainzi Dhanieri, Hananiya, Mishaeri naAzariya. Vakaratidza kuti vakanga vakazvipira zvakazara kuna Jehovha pavakaramba kudya zvinhu zvakanga zvisina kuchena uye pavakaramba kunamata chifananidzo chegoridhe chakagadzirwa naNebhukadhinezari. Zvavaikoshesa zvaiva pachena; hapana chinhu kana kuti munhu wavaizobvumira kuti akanganise kunamata kwavaiita Jehovha.—Dhan. 1:1–3:30.

12. Chii chatinofanira kungwarira pakuzvipira kuna Jehovha zvakazara?

12 Kuti tizvipire zvakazara kuna Jehovha, tinofanira kungwarira kuti tisabvumira chero chinhu chipi zvacho kuti chitore nzvimbo yaJehovha muupenyu hwedu. Zvinhu izvozvo zvingava zvipi? MuMirayiro Gumi, Jehovha akataura zvakajeka kuti vanhu vake vaisafanira kuva nevamwe vanamwari kunze kwake uye kuti vaisafanira kunamata zvidhori. (Dheut. 5:6-10) Mazuva ano, kunamata zvidhori kunogona kuitwa nenzira dzakawanda, uye dzimwe dzacho dzingasava nyore kudziona. Asi zvinodiwa naJehovha hazvina kuchinja, achingori “Jehovha mumwe chete.” Ngationei kuti tingaita sei kuti tisanamata zvidhori.

13. Zvii zvatingatanga kuda kupfuura Jehovha?

13 Pana VaKorose 3:5 (verenga), tinowana zano rakasimba rakapiwa vaKristu vachiudzwa zvinhu zvinogona kuparadza ukama hunokosha huri pakati pavo naJehovha. Waona here kuti kukara kuri kubatanidzwa nekunamata zvidhori? Zvakadaro nekuti munhu anogona kusvika pakuda pfuma kana kuti zvinhu zvemutambarakede zvekuti zvinenge zvava kutoita samwari ane simba muupenyu hwake. Patinotarisa vhesi yacho yose, tinoona kuti zvimwe zvinhu zvakaipa zvinotaurwa ipapo zvine pazvinobatana nekuchochora, saka zvinobatanawo nekunamata zvidhori. Kana tikada zvinhu izvozvo, zvinova nyore chaizvo kuti tisada Mwari. Kana izvozvo zvikaitika, Jehovha anenge asisiri “Jehovha mumwe chete” kwatiri. Hatingadi kuti izvozvo zviitike.

14. Muapostora Johani akapa nyevero yekutii?

14 Muapostora Johani akataura pfungwa yakangofanana naiyoyo paakapa nyevero yekuti kana munhu achida zvinhu zviri munyika, kureva “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu,” zvinoreva kuti “kuda Baba hakusi maari.” (1 Joh. 2:15, 16) Saka tinofanira kugara tichiongorora mwoyo wedu kuti tione kuti hatisi kutorwa mwoyo here nezvinhu zviri munyika zvakadai sevaraidzo, shamwari, zvitayera zvebvudzi, kupoda-poda, uye mapfekero. Kuda nyika kunogona kusanganisirawo kushanda nesimba pakutsvaka “zvinhu zvikuru” kuburikidza nekumhanyisana nedzidzo yepamusoro. (Jer. 45:4, 5) Tatomira pamusuwo wekupinda munyika itsva yakapikirwa. Saka zvinokosha kuti tigare tichiyeuka mashoko ane simba akataurwa naMosesi. Kana tichinyatsonzwisisa uye tiine kutenda kwakasimba kuti “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete,” tichaita zvose zvatinogona kuti tizvipire zvakazara kwaari, tichimushumira sezvaanoda.—VaH. 12:28, 29.

ITA KUTI UNGANO IRAMBE YAKABATANA

15. Chii chakaita kuti Pauro ayeuchidze vaKristu kuti Mwari “ndiJehovha mumwe chete”?

15 Kuva mumwe chete kwaJehovha kunorevawo kubatana uye kuva nechinangwa chimwe chete. Izvi ndizvo zvatinofanira kuita pakumushumira sevanamati vake. Muungano yevaKristu vepakutanga maiva nevaJudha, vaGiriki, vaRoma, nevamwe vanhu vekune dzimwe nyika. Vaimbopinda zvitendero zvakasiyana uye vainge vakasiyana patsika nemaonero avaiita zvimwe zvinhu. Izvi zvaiita kuti vamwe vavo vaomerwe chaizvo nekugamuchira manamatiro matsva kana kuti kusiya zvachose zvavaimboita kare. Muapostora Pauro akaona zvakakodzera kuti avayeuchidze kuti Mwari wevaKristu ndiMwari mumwe chete, Jehovha.—Verenga 1 VaKorinde 8:5, 6.

16, 17. (a) Uprofita hupi huri kuzadzika mazuva ano, uye ungano dzakawanda dzava nevanhu vakaita sei? (b) Chii chinogona kukanganisa kubatana kwedu?

16 Mazuva ano ungano dzechiKristu dzine vanhu vakaita sei? Muprofita Isaya akafanotaura kuti “nemazuva okupedzisira,” vanhu vemarudzi ose vaizodirana vachienda kugomo raJehovha kuti vamunamate. Vaizotaura kuti: “[Jehovha] achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.” (Isa. 2:2, 3) Tinofara chaizvo patinoona nemaziso edu kuzadzika kweuprofita ihwohwo! Iye zvino ungano dzakawanda dzine vanhu vemarudzi akasiyana-siyana, vane mitauro netsika dzakasiyana-siyana, vose vachirumbidza Jehovha. Asi kusiyana-siyana ikoko kunogona kuita kuti pave nedambudziko ratinofanira kungwarira.

Uri kuitawo zvose zvaunogona kuti ungano yechiKristu irambe yakabatana here? (Ona ndima 16-19)

17 Semuenzaniso, unonzwa sei nezvevamwe vaKristu vanobva kunzvimbo dzine tsika dzakatosiyana nedzako nekure? Mutauro wavo, mapfekero avo, maitiro avanoita zvimwe zvinhu, uye zvokudya zvavo zvinogona kunge zvakasiyana nezvawakajaira. Unovanzvenga here, uchinyanya kuwadzana nevaya vane tsika dzakafanana nedzako? Ko kana vaya vakagadzwa sevatariri muungano yenyu, mudunhu kana kuti pabazi renyu vari vadiki kwauri kana kuti vaine tsika nerudzi zvakasiyana nezvako? Unobvumira kuti kusiyana ikoko kukanganise kubatana uye kuva nechinangwa chimwe chete kunofanira kuva pakati pevanhu vaJehovha here?

18, 19. (a) Izano ripi rinotaurwa pana VaEfeso 4:1-3? (b) Tingaita sei kuti ungano irambe yakabatana?

18 Chii chingatibatsira kuti tisabatwa nemusungo iwoyo? Pauro akapa zano raibatsira chaizvo kuvaKristu vaiva muguta reEfeso rainge rakabudirira uye raiva nevanhu vakasiyana-siyana. (Verenga VaEfeso 4:1-3.) Waona here kuti Pauro akatanga ataura nezveunhu hwakadai sekuzvininipisa, unyoro, mwoyo murefu, uye rudo? Unhu hwakadaro hungafananidzwa nemapira eimba anoita kuti irambe yakamira. Asi pasinei nekuti imba ine mapira akasimba, inoda kuramba ichigadziridzwa nguva nenguva kuti irege kuzoparara. Pauro akateterera vaEfeso kuti vashande nesimba ‘pakuchengeta kubatana kwomudzimu.’

19 Mumwe nomumwe wedu anofanira kuziva kuti ane basa rekuita kuti ungano irambe yakabatana. Chii chaungaita? Tanga wava neunhu hwakataurwa naPauro hunoti, kuzvininipisa, unyoro, mwoyo murefu, uye rudo. Zvadaro, ramba uchishanda nesimba kuti pave ‘nekubatana muchisungo chorugare.’ Tinofanira kuramba tichigadzirisa zvinhu zvakadai sekusanzwisisana kunogona kuva pakati pedu kuitira kuti tirambe tiine rugare uye takabatana.

20. Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa kuti “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete”?

20 “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.” Mashoko aya ane simba chaizvo! Akasimbisa vaIsraeri kuti vakwanise kutsungirira matambudziko avakasangana nawo pakupinda uye pakutora Nyika Yakapikirwa. Kana tikaita kuti mashoko iwayo ave pamwoyo pedu, tichava nesimba rokutsungirira kutambudzika kukuru kwava pedyo uye zvichatibatsira muParadhiso iri kuuya. Ngatirambei tichizvipira zvakazara kuna Jehovha kuburikidza nokumuda uye kumushumira nemweya wedu wose tichishanda nesimba kuti tirambe takabatana sevaKristu. Kana tikaramba tichidaro, tichatarisira nechivimbo kuzadzika kwemashoko akataurwa naJesu paaitaura nezvevaya vaachati ndivo makwai, achiti: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka youmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvambwa kwenyika.”—Mat. 25:34.