Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane Chinokosha Kupfuura Madhaimondi Here?

Pane Chinokosha Kupfuura Madhaimondi Here?

Madhaimondi ava nenguva refu achionekwa sematombo anokosha. Mamwe anotoita mamiriyoni emadhora. Mukuona kwaMwari, pane zvinhu zvinokosha kupfuura madhaimondi kana mamwe matombo anokosha here?

Haykanush, muparidzi asina kubhabhatidzwa anogara muArmenia, akanhonga pasipoti pedyo nepamba pake. Mupasipoti macho maiva nemakadhi ekubhengi nemari yakawanda. Akaudza murume wake, uyo aivawo muparidzi asina kubhabhatidzwa.

Vaviri ava vainetseka kuti vawane mari uye vaiva nechikwereti; asi vakasarudza kuenda nemari yacho kukero yaiva mupasipoti. Izvi zvakashamisa chaizvo murume ainge airasa pamwe chete nemhuri yake. Haykanush nemurume wake vakatsanangura kuti kutendeseka kwavo kwaibva pane zvavaidzidza muBhaibheri. Vakaona kuti vaifanira kutendeseka, uye vakashandisa mukana uyu kuti vataure nezveZvapupu zvaJehovha uye kuti vasiyire mhuri yacho mabhuku.

Mhuri yacho yaida kupa Haykanush mari yekutenda asi akairamba. Zuva rakatevera, mai vacho vakashanyira Haykanush nemurume wake, uye vakamuteterera kuti atambire rin’i yedhaimondi nekuti mhuri yacho yaida kumupa chimwe chinhu chekumutenda nacho.

Sezvakangoita mhuri iyi, vanhu vakawanda vanogona kushamiswa nekutendeseka kwakaratidzwa naHaykanush nemurume wake. Asi Jehovha anoshamiswa nazvo here? Anoona sei kutendeseka kwavo? Zvavakaita pamusana pekutendeseka kwavo zvine zvazvakabatsira here?

PANE UNHU HUNOKOSHA KUPFUURA PFUMA YENYIKA

Mhinduro dzemibvunzo iyoyo hadzina kuoma. Chikonzero chacho ndechekuti vashumiri vaMwari vanotenda kuti kuratidza unhu hwaJehovha kunokosha mukuona kwake kupfuura madhaimondi, goridhe kana imwewo pfuma yenyika. Maonero anoita Jehovha zvinhu zvinokosha uye zvisingakoshi akasiyana neanoita vanhu vakawanda. (Isa. 55:8, 9) Kana vashumiri vaJehovha vakaratidza unhu hwake, vanenge vakwanisa kuita chinhu chinokosha zvikuru.

Izvi tinogona kuzviona kubva pane zvinotaurwa neBhaibheri nezveuchenjeri uye kunzwisisa. Zvirevo 3:13-15 inoti: “Munhu anowana uchenjeri ndiye anofara, nomunhu anowana ungwaru, nokuti kuva nahwo sepfuma kuri nani kupfuura kuva nesirivha sepfuma, uye kuva nahwo sezvibereko kuri nani kupfuura ndarama. Hunokosha kupfuura matombo ekorari, uye zvimwe zvose zvinokufadza hazvigoni kuenzaniswa nahwo.” Zviri pachena kuti Jehovha anokoshesa unhu hwakadaro kupfuura pfuma yenyika.

Ko, zvakadini nekutendeseka?

Jehovha pachake akatendeseka, ‘haamborevi nhema.’ (Tito 1:2) Akafemera muapostora Pauro kuti anyorere vaKristu vechiHebheru kuti: “Rambai muchitinyengeterera, nokuti tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, zvatinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaH. 13:18.

Jesu Kristu akaratidza muenzaniso wakanaka wekutendeseka. Semuenzaniso, yeuka zvakataurwa neMupristi Mukuru Kayafasi, achiti: “Ndinoita kuti upike naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari!” Jesu akabuda pachena kuti ndiye akanga ari Mesiya, kunyange zvazvo izvozvo zvaizoita kuti dare reSanihedrini ritaure kuti aimhura uye zvaigona kuita kuti aurayiwe.—Mat. 26:63-67.

Ko isu? Tichava vanhu vakatendeseka here mumamiriro ezvinhu ekuti kana tikasiyirira mamwe mashoko kana kuti kuamonyorora zvishoma tinowana mari kana zvinhu?

KUTENDESEKA HAKUSI NYORE

Zvakaoma kuva munhu akatendeseka mumazuva ano ekupedzisira vanhu vakawanda pavari ‘kuzvida uye kuda mari.’ (2 Tim. 3:2) Kunetsa kwemari kana kuti kwemabasa kunokanganisa kutendeseka kwevanhu. Vakawanda vanofunga kuti vane zvikonzero zvakanaka zvekuti vabe, vabiridzire kana kuita zvimwe zvinhu zvinoratidza kusatendeseka. Kana pachiwanikwa pfuma, vakawanda vanofunga kuti kutendeseka kunofanira kumbosendekwa parutivi. Vamwe vaKristu vakatoita zvisarudzo zvisina kunaka panyaya iyi kuti ‘vawane pfuma nenzira dzokusatendeseka,’ vakapedzisira vava vanhu vasina mukurumbira wakanaka muungano.—1 Tim. 3:8; Tito 1:7.

Kunyange zvakadaro, vaKristu vakawanda vanotevedzera Jesu. Vanoziva kuti kuva neunhu hwechiKristu kunokosha kupfuura chero pfuma kana chinhu chipi zvacho chavangawana. Ndosaka vaKristu vechidiki vasingabiridziri kuchikoro kuti vapase. (Zvir. 20:23) Ichokwadi kuti hapasi pese pekuti tikatendeseka tinopedzisira tapiwa chimwe chinhu, sezvakaitika kuna Haykanush. Zvisinei, Mwari anoda vanhu vakatendeseka, uye kutendeseka kunoita kuti tirambe tiine hana yakachena, iyo inokosha chaizvo.

Zvakaitwa naGagik zvinonyatsoratidza kudaro. Anoti: “Ndisati ndava muKristu, ndaishandira kambani hombe uye muridzi wayo ainzvenga kubhadhara mitero kuburikidza nekunyora kuti kambani yaiita purofiti shoma. Samaneja mukuru, ndaitarisirwa kuwirirana nemunhu aiona nezvemitero kuburikidza nekumupa chiokomuhomwe kuti asaongorore kubiridzira kwaiita kambani yacho. Izvi zvakaita kuti ndizivikanwe semunhu asina kutendeseka. Pandakadzidza chokwadi, ndakaramba kuenderera mberi nekuita izvozvo, kunyange zvazvo basa racho raiva nemari yakawanda. Ndakabva ndavhura kambani yangu ndega. Kubva pazuva rekutanga, ndakanyoresa kambani yangu zviri pamutemo uye ndaibhadhara mitero yangu yose.”—2 VaK. 8:21.

Gagik anoti: “Ndakanga ndava kuwana mari inenge hafu yeyandaimbowana, saka zvainge zvakaoma kuriritira mhuri yangu. Asi iye zvino ndava kufara. Ndava nehana yakanaka pamberi paJehovha. Ndiri muenzaniso wakanaka kuvanakomana vangu vaviri, uye ndakakwanisa kupiwa zvekuita muungano. Vanoita zvemitero nevamwe vandinoita navo zvebhizinesi vava kundiziva semunhu akatendeseka.”

JEHOVHA ANOPA RUBATSIRO

Jehovha anoda vaya vanoshongedza dzidziso yake nekuratidza kwavanoita unhu hwake hwakazonaka, kusanganisira kutendeseka. (Tito 2:10) Akafemera Mambo Dhavhidhi kuti anyore nezvevimbiso iyi: “Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.”—Pis. 37:25.

Zvakaitika kuna Rute ainge akatendeka zvinoratidza kudaro. Akaramba aina vamwene vake Naomi, vainge vakwegura, pane kuti avasiye. Rute akatamira kunyika yeIsraeri kwaaigona kunamata Mwari wechokwadi. (Rute 1:16, 17) Paaiva muIsraeri, Rute akaratidza kuti aiva munhu akatendeseka uye anoshanda nesimba, achiunganidza zvaisaririra sezvaitaurwa muMutemo waMosesi. Kufanana nezvakazoitika kuna Dhavhidhi, Jehovha haana kusiya Rute naNaomi vachishaiwa zvekurarama nazvo. (Rute 2:2-18) Jehovha haana kugumira pakupa Rute zvinhu zvekurarama nazvo chete. Akamusarudza kuti ave mbuya vaMambo Dhavhidhi uye kunyange vaMesiya ainge akavimbiswa.—Rute 4:13-17; Mat. 1:5, 16.

Vamwe vashumiri vaJehovha vangaomerwa nekuwana zvekurarama nazvo. Pane kutsvaka nzira iri nyore yekuwana nayo cheuviri asi isina kutendeseka, vanoedza kushanda nesimba. Saka vanoratidza kuti vanokoshesa unhu hwaMwari hwakazonaka, hunosanganisira kutendeseka, kupfuura chero pfuma ipi zvayo yenyika.—Zvir. 12:24; VaEf. 4:28.

Kufanana naRute, pasi rose vaKristu vari kuratidza kuti vane kutenda kuti Jehovha ane simba rekuvabatsira. Vanovimba naIye akaita kuti vimbiso iyi inyorwe muShoko rake yekuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaH. 13:5) Jehovha aratidza aratidzazve kuti anogona uye achabatsira vaya vakaomerwa vanoratidza kutendeseka nguva dzose. Anozadzisa vimbiso yake yekuvapa zvekurarama nazvo.—Mat. 6:33.

Vanhu vangakoshesa madhaimondi nezvimwewo zvinhu zvinokosha. Asi tinogona kuva nechokwadi chekuti tikaratidza kutendeseka nehumwe unhu hwaBaba vedu vekudenga, izvozvo zvinokosha kwavari kupfuura chero dombo ripi zvaro rinokosha!

Kuva vanhu vakatendeseka kunoita kuti tirambe tiine hana yakachena uye kuti tive nerusununguko rwekutaura muushumiri