Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pakuzadzika kweuprofita uhwu mazuva ano, murume ane nyanga yeingi yomunyori anomiririra Jesu Kristu, uyo anoisa chiratidzo pavanhu vachapona

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Murume ane nyanga yeingi yomunyori pamwe chete nevarume vatanhatu vakabata zvombo zvokuputsa nazvo vanotaurwa mune zvakaratidzwa Ezekieri vanofananidzirei?

Vanofananidzira mauto ekudenga akabatanidzwa pakuparadza Jerusarema uye achabatanidzwawo pakuparadza nyika yakaipa yaSatani paAmagedhoni. Nei kunzwisisa uku kwakagadziridzwa kuine musoro?

Pashure pekunge Ezekieri aona zvinhu zvakaipa zvaiitwa muJerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E., akaratidzwa zvinhu zvaizoitika nguva pfupi kuparadzwa kwacho kusati kwaitika. Akaona varume vatanhatu vaiva nezvombo zvokuputsa nazvo. Akaonawo pakati pevarume ava paine mumwe murume “akanga akapfeka nguo yerineni, aine nyanga yeingi yomunyori.” (Ezek. 8:6-12; 9:2, 3) Murume uyu akaudzwa kuti: “Pfuura nomuguta, . . . uise chiratidzo pahuma dzevanhu vari kuchema nokugomera pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa zviri kuitwa mukati maro.” Varume vaiva nezvombo zvokuputsa nazvo vakabva vaudzwa kuti vauraye vanhu vose vaiva muguta racho vainge vasina kuiswa chiratidzo. (Ezek. 9:4-7) Tinodzidzei pane zvakaratidzwa Ezekieri, uye murume aiva nenyanga yeingi yomunyori ndiani?

Uprofita uhwu hwakataurwa muna 612 B.C.E. uye hwakazadzika kekutanga Jerusarema parakaparadzwa nemauto eBhabhironi pashure pemakore mashanu. VaBhabhironi vaisanamata Jehovha, asi akavashandisa kuti vaparadze Jerusarema. (Jer. 25:9, 15-18) Jehovha akavashandisa pakuranga vanhu vake vainge vapanduka. Zvisinei, haasi munhu wose aizoparadzwa. Vanhu vakarurama vaisazoparadzwa pamwe chete nevanhu vakaipa. Jehovha akaratidza rudo paakaita urongwa hwekuti aponese vaJudha vakanga vasingafariri zvinhu zvakaipa zvaiitwa muguta racho.

Ezekieri haana kubatanidzwa pakuisa chiratidzo kana kuti pakuparadza kwacho. Panzvimbo pezvo, basa rekuparadza vanhu raizotungamirirwa nengirozi. Saka uprofita uhwu hunotibatsira kuona zvinenge zvichiitika kudenga. Jehovha akapa ngirozi basa rekuti dzironge nezvekuparadzwa kwevakaipa uye kuti dzive nechokwadi chekuti vakarurama vaponeswa. *

Kare taimboti pakuzadzika kweuprofita uhwu mazuva ano, murume ane nyanga yeingi yomunyori anomiririra vakazodzwa. Taifunga kuti vaya vanogamuchira mashoko atinoparidza vanenge vatoiswa chiratidzo chekuti vapone. Asi mumakore achangopfuura, zvakaonekwa kuti tsanangudzo iyoyo inofanira kugadziriswa. Maererano nezviri pana Mateu 25:31-33, Jesu ndiye anotonga vanhu. Achapa mutongo wekupedzisira panguva yekutambudzika kukuru, achiparadzanisa makwai nembudzi, kureva vanhu vachapona nevachaparadzwa.

Tichibatsirwa nekunzwisisa uku kwakagadziridzwa, tinodzidzei pane zvakaratidzwa Ezekieri? Pane zvidzidzo zvishanu:

  1. Nguva pfupi Jerusarema risati raparadzwa, Ezekieri akashanda semurindi pamwe chete naJeremiya, sezvainge zvamboitwa naIsaya. Mazuva ano, Jehovha ari kushandisa boka duku revashumiri vake vakazodzwa pakudyisa vanhu vake uye pakunyevera vamwe kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Uyewo, vose veimba yaKristu vanobatanidzwawo pakunyevera vanhu.—Mat. 24:45-47.

  2. Ezekieri haana kuita basa rekuisa chiratidzo pavanhu vaizoponeswa; vanhu vaJehovha mazuva ano havaisi chiratidzo pavanhu. Vanongoita basa rekuzivisa mashoko aJehovha, iro rinotungamirirwa nengirozi.—Zvak. 14:6.

  3. Munguva yaEzekieri, hapana munhu akaiswa chiratidzo chaioneka pahuma. Ndizvo zvazvakangoitawo mazuva ano. Vanhu vanofanira kuita sei kuti vazoiswa chiratidzo chekufananidzira kuti vazoponeswa? Vanofanira kugamuchira mashoko akanaka ari kuparidzwa, vopfeka unhu hwaKristu, vozvitsaurira kuna Jehovha, uye voramba vachitsigira hama dzaKristu. (Mat. 25:35-40) Vaya vanoita izvi vachaiswa chiratidzo munguva yekutambudzika kukuru.

  4. Pakuzadzika kweuprofita uhwu mazuva ano, murume ane nyanga yeingi yomunyori anomiririra Jesu Kristu, uyo anoisa chiratidzo pavanhu vachapona. Veboka guru vachaiswa chiratidzo pavachanzi makwai pakutambudzika kukuru. Izvi zvichaita kuti vazowana upenyu husingaperi pasi pano.—Mat. 25:34, 46. *

  5. Pakuzadzika kweuprofita uhwu mazuva ano, varume vatanhatu vane zvombo zvokuputsa nazvo vanomiririra mauto aJesu ekudenga anotungamirirwa naJesu pachake. Nekukurumidza vachaparadza vanhu vakaipa uye vachagumisa uipi hwose.—Ezek. 9:2, 6, 7; Zvak. 19:11-21.

Kunzwisisa zvidzidzo izvi zvinokosha kunowedzera chivimbo chatiinacho chekuti Jehovha paachaparadza vakaipa, haazobatanidzi nevakarurama. (2 Pet. 2:9; 3:9) Zvinotiyeuchidzawo nezvekukosha kwebasa rekuparidza riri kuitwa mazuva ano. Munhu wose anofanira kunzwa nyevero mugumo usati wauya.—Mat. 24:14.

^ ndima 6 Vanhu vakadai saBharuki (munyori waJeremiya), Ebhedhi-mereki muItiopiya, uye vaRekabhi vakaponeswa kunyange zvazvo vakanga vasina kuiswa chiratidzo chaioneka. (Jer. 35:1-19; 39:15-18; 45:1-5) Vakaiswa chiratidzo chekufananidzira kuti vaponeswe.

^ ndima 12 Vakazodzwa vakatendeka havafaniri havo kuiswa chiratidzo ichi kuti vazoponeswa. Panzvimbo pezvo, vachaiswa chisimbiso vasati vafa kana kuti kutambudzika kukuru kusati kwatanga.—Zvak. 7:1, 3.