Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Nei Jehovha akabvumira vaIsraeri vekare kuti varwe hondo?

Jehovha ane rudo. Asi, dzimwe nguva aibvumira kuti hondo dzirwiwe vanhu vake pavaitambudzwa kana kuti pavaidzvinyirirwa. Mwari pachake ndiye aisarudza kuti ndiani aizorwa hondo dzacho uye kuti dzaizorwiwa riini.—w15 11/1, mapeji 4-5.

Zvinhu zvipi zvinokosha zvingaitwa nevabereki kuti vadzidzise vana vavo vari kuyaruka kuti vashumire Jehovha?

Zvinokosha kuti vabereki vade vana vavo vari kuyaruka uye kuti varatidze kuzvininipisa nemuenzaniso wavo. Zvinokoshawo kuti vabereki varatidze uchenjeri uye kuti vaedze kunzwisisa vana vavo vari kuyaruka.—w15 11/15, mapeji 9-11.

Nei papa asingafaniri kuonekwa saiye akatsiva Petro?

Mateu 16:17, 18 haitauri kuti muapostora Petro ndiye aizova musoro weungano yechiKristu. Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu ndiye aizova dombo repakona reungano, kwete Petro. (1 Pet. 2:4-8)—w15 12/1, mapeji 12-14.

Tinofanira kufunga zvinhu zvipi tisati tataura?

Kuti tishandise rurimi rwedu zvakanaka, tinofanira kuziva (1) nguva yekutaura (Mup. 3:7), (2) zvekutaura zvacho (Zvir. 12:18), uye (3) matauriro atinofanira kuita (Zvir. 25:15).—w15 12/15, mapeji 19-22.

Ndeapi mamwe maitiro ekusatendeseka anodziviswa nevaKristu?

VaKristu vechokwadi vanodzivisa kunyepa uye kuchera vamwe. Havataure mashoko enhema anokuvadza vamwe, uye havabiridziri kana kubira vamwe.—wp16.1, peji 5.

“Vakuru vevapristi” vanotaurwa muBhaibheri ndivanaani?

Zviri pachena kuti mashoko ekuti “vakuru vevapristi” aireva vapristi vaiva nezvinzvimbo zvairemekedzwa, kusanganisira vapristi vakuru vainge vabviswa pachigaro.—wp16.1, peji 10.

Tinofanira kuona sei munhu anodya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo?

VaKristu havakwidziridzi vanhu vakadaro. Munhu akazodzwa zvechokwadi, haangadi kukwidziridzwa kana kuda kuita kuti vanhu vazive ukama hwake naMwari. (Mat. 23:8-12)—w16.01, mapeji 23-24.

Tingadzidzei pane zvakaitwa naAbrahamu kuti ave shamwari yaMwari?

Abrahamu akadzidza nezvaMwari, zvichida kubva kuna Shemu. Abrahamu akadzidza zvakawanda kubva pamabatirwo aakaitwa naMwari pamwe chete nemhuri yake. Tinogona kuedza kumutevedzera.—w16.02, mapeji 9-10.

Ndiani akaisa zvitsauko nemavhesi muBhaibheri?

Mufundisi akararama mumakore ekuma1200 ainzi Stephen Langton ndiye akaisa zvitsauko muBhaibheri. Vakopi vechiJudha ndivo vakaisa mavhesi muBhaibheri rechiHebheru, uye mumakore ekuma1500, muongorori weBhaibheri ainzi Robert Estienne akazoisa mavhesi muMagwaro echiKristu echiGiriki.—wp16.2, mapeji 14-15.

Satani paaiedza Jesu akatoenda naye patemberi chaiyo here?

Hatingagoni kuti hongu kana kuti kwete. Mateu 4:5 uye Ruka 4:9 inogona kureva kuti Jesu aioneswa chiratidzo kana kuti akamiswa panzvimbo yakakwirira yetemberi.—w16.03, mapeji 31-32.

Ushumiri hwedu hwakafanana papi nedova?

Dova rinovapo zvishoma nezvishoma, rinozorodza uye rinoita kuti zvirimwa zvive neupenyu. Dova chikomborero chinobva kuna Mwari. (Dheut. 33:13) Ndizvo zvazvinoitawo kana tikashanda pamwe chete muushumiri.—w16.04, peji 4.