Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usarega Zvikanganiso Zvevamwe Zvichikuvhiringidza Pakunamata

Usarega Zvikanganiso Zvevamwe Zvichikuvhiringidza Pakunamata

‘Rambai muchikanganwirana nomwoyo wose.’—VAK. 3:13.

NZIYO: 121, 75

1, 2. Bhaibheri rakafanotaura sei nezvekuwedzera kwevanhu vaJehovha?

ZVAPUPU zvaJehovha zvakatendeka zviri panyika zvinoumba sangano rinoshamisa. Ichokwadi kuti sangano iri rine vanhu vane chivi uye vane zvavanokanganisawo. Asi mudzimu mutsvene waMwari uri kuita kuti ungano yake pasi rose irambe ichikura uye ichibudirira. Chimbofunga nezvezvimwe zvezvinhu zvakanaka zviri kuitwa naJehovha achishandisa vanhu vake, kunyange zvazvo vaine chivi.

2 Pakatanga mazuva ekupedzisira muna 1914, vashumiri vaMwari pasi pano vaiva vashoma. Asi Jehovha akakomborera basa ravo rekuparidza. Mumakumi emakore akatevera, mamiriyoni evanhu akadzidza chokwadi cheBhaibheri ndokuva Zvapupu zvaJehovha. Jehovha akanga afanotaura nezvekukura kwakadaro achiti: “Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba. Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.” (Isa. 60:22) Uprofita ihwohwo huri kuzadzika mazuva ano ekupedzisira zvekuti kune nyika dzakawanda dzine vanhu vashoma pane nhamba yevanhu vaMwari.

3. Vashumiri vaMwari vakaratidza sei rudo?

3 Mumazuva ano ekupedzisira, Jehovha ari kubatsira vanhu vake kuti vawedzere kudanana. “Mwari rudo” uye vanhu vake vanomutevedzera. (1 Joh. 4:8) Jesu, uyo aitevedzera Mwari pakuva nerudo, akati kuvateveri vake: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane . . . Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) Mumakore apfuura zvakaoneka kuti kudanana kunokosha nyika padzairwa hondo. Semuenzaniso, vanhu vanenge mamiriyoni 55 vakaurayiwa muHondo Yenyika II. Asi vanhu vaJehovha havana kubatanidzwa pakuuraya vanhu muhondo iyoyo. (Verenga Mika 4:1, 3.) Izvi zvakavabatsira kuti varambe vakachena “paropa revanhu vose.”—Mab. 20:26.

4. Nei kuwedzera kwevanhu vaJehovha kuchishamisa?

4 Vanhu vaMwari vari kuwedzera munyika ine vanhu vanovavenga, iyo inonzi neBhaibheri iri kutongwa naSatani, “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaK. 4:4) Satani anoshandisa zvematongerwo enyika sezvaanoita vanobudisa nhau. Asi haakwanisi kumisa basa rekuparidza mashoko akanaka. Zvisinei, Satani anoshandisa nzira dzakawanda achiedza kutsausa vanhu pakunamata kwechokwadi nekuti anoziva kuti asarirwa nenguva pfupi.—Zvak. 12:12.

UCHARAMBA WAKAVIMBIKA HERE VAMWE PAVANOKANGANISA?

5. Nei dzimwe nguva vamwe vangatirwadzisa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Ungano yechiKristu inodzidzisa kuti zvinokosha kuti tide Mwari uye vamwe. Jesu akaratidza kuti izvi ndizvo zvaizoitika. Paakabvunzwa kuti ndeupi murayiro mukuru, akapindura achiti: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’” (Mat. 22:35-39) Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti tese takaberekwa tiine chivi nemhaka yekutadza kwakaita Adhamu. (Verenga VaRoma 5:12, 19.) Saka dzimwe nguva, vamwe vari muungano vanogona kutirwadzisa nezvavanotaura kana kuti zvavanoita. Izvi zvinogona kuedza kuda kwatinoita Jehovha uye vanhu vake. Tichaita sei pakadaro? Kunyange vashumiri vaMwari chaivo vakatendeka vakararama kare, vakambotaura kana kuita zvinhu zvakarwadzisa vamwe, uye tinogona kudzidza chimwe chinhu pane zvinotaurwa neBhaibheri nezvavo.

Dai waigara muIsraeri panguva yaEri nevanakomana vake, ungadai wakaita sei? (Ona ndima 6)

6. Nei tingati Eri akatadza kutsiura vanakomana vake?

6 Semuenzaniso, Mupristi Mukuru Eri aiva nevanakomana vaviri vakanga vasingateereri mitemo yaJehovha. Tinoverenga kuti: “Vanakomana vaEri vakanga vari varume pasina; havana kuva nehanya naJehovha.” (1 Sam. 2:12) Pasinei nekuti Eri aiva nebasa rakakura pakusimudzira kunamata kwechokwadi, vanakomana vake vaviri vaiita zvivi zvakakura. Eri aiziva nezvazvo uye aifanira kunge akavatsiura, asi akazviita akaneta neta. Izvi zvakaita kuti Mwari arange imba yaEri. (1 Sam. 3:10-14) Nekufamba kwenguva, vazukuru vake havana kuzobvumirwa kuti vashumire sevapristi. Kudai wakararama munguva yaEri, ungadai wakaita sei nekurega kwaakaita vanakomana vake vachiita zvivi? Waizosiya zvichikuvhiringidza here zvekusvika pakurega kushumira Mwari?

7. Dhavhidhi akaita zvivi zvipi zvakakura, uye Mwari akaita sei nazvo?

7 Dhavhidhi aiva neunhu hwakazonaka, ndosaka aidiwa zvikuru naJehovha. (1 Sam. 13:13, 14; Mab. 13:22) Asi akazoita upombwe naBhati-shebha, uye Bhati-shebha akava nepamuviri. Izvi zvakaitika murume waBhati-shebha, Uriya, paakanga ari kuhondo. Paakambodzoka kumba, Dhavhidhi akaedza kuita kuti Uriya arare naBhati-shebha kuti zviite sekuti Uriya ndiye aiva baba vemwana wacho. Uriya haana kuita zvakanga zvarongwa namambo, saka Dhavhidhi akaronga kuti aurayiwe muhondo. Dhavhidhi akawana mubayiro wemhosva yake. Iye neimba yake vakawirwa nematambudziko. (2 Sam. 12:9-12) Asi Mwari akamunzwira nyasha, nokuti aiziva kuti Dhavhidhi aiva “nomwoyo wakakwana” pamberi pake. (1 Madz. 9:4) Kudai wakararama pakati pevanhu vaMwari panguva iyoyo, ungadai wakaita sei? Kutadza kwakaita Dhavhidhi kungadai kwakakutadzisa kunamata here?

8. (a) Muapostora Petro akatadza sei kuita zvaakanga ataura? (b) Nei Jehovha akaramba achishandisa Petro kunyange zvazvo akambokanganisa?

8 Mumwe muenzaniso wemuBhaibheri ndiPetro. Jesu akanga amusarudza kuti ave mumwe wevaapostora vake, asi dzimwe nguva Petro aitaura kana kuita zvinhu zvaaizodemba. Semuenzaniso, pane imwe nguva yainge yakaoma, vaapostora vakasiya Jesu. Petro ainge ambotaura kuti kunyange vamwe vakasiya Jesu iye asazombomusiya. (Mako 14:27-31, 50) Asi Jesu paakasungwa, vaapostora vose kusanganisira Petro, vakamusiya. Petro akaramba katatu kuti aiziva Jesu. (Mako 14:53, 54, 66-72) Zvisinei, Petro akazoratidza kupfidza uye Jehovha akaramba achimushandisa. Dai waiva mudzidzi panguva iyoyo, zvakaitwa naPetro zvingadai zvakakanganisa kuvimbika kwako kuna Jehovha here?

9. Nei uchivimba kuti Jehovha anogara achiita zvakarurama?

9 Vanhu vatichangobva kutaura nezvavo vanongova vashoma pavanhu vakaita zvinhu zvakarwadzisa vamwe. Tinogona kutaura nezvevamwe vashumiri vaJehovha vakararama kare uye vemazuva ano, avo vakaita zvinhu zvakaipa vakarwadzisa vamwe. Nyaya iri pakuti uchaita sei kana vakakurwadzisa? Ucharega kukanganisa kwavo kuchikuvhiringidza zvekuti unosiya Jehovha nevanhu vake, kusanganisira vemuungano yako here? Kana kuti uchayeuka kuti Jehovha anogona kupa vatadzi nguva yekuti vapfidze uye kuti panguva yakakodzera achagadzirisa kukanganisa kwacho here? Asiwo dzimwe nguva vaya vanenge vaita zvivi zvakakura vanoramba ngoni dzaJehovha uye havapfidzi. Pakadaro uchava nechivimbo chekuti Jehovha achatonga vatadzi vakadaro here, zvimwe achitovabvisa muungano?

RAMBA WAKAVIMBIKA

10. Jesu aiziva chii nezvekukanganisa kwaJudhasi Iskariyoti naPetro?

10 Bhaibheri rinotiudza nezvevashumiri vaMwari vakaramba vakavimbika kuna Jehovha nevanhu vake pasinei nekukanganisa kwakakura kwakaitwa nevamwe. Semuenzaniso, Jesu akaita usiku hwese achinyengetera kuna baba vake, ndokuzosarudza vaapostora 12. Mumwe wavo aiva Judhasi Iskariyoti. Paakazotengeswa naJudhasi, Kristu haana kurega kutsauka kwaJudhasi kuchikanganisa ukama hwake naBaba vake Jehovha, uye haana kuhurega huchikanganiswa nekurambwa kwaakaitwa naPetro. (Ruka 6:12-16; 22:2-6, 31, 32) Jesu aiziva kuti zvakaitwa nevaviri ava kwaisava kukanganisa kwaJehovha kana kuti kwevanhu vake vose. Akaenderera mberi nebasa rake pasinei nekuti vamwe vateveri vake vakamurwadzisa. Jehovha akazomupa mubayiro wekumumutsa, zvichivhura mukana wekuti ave Mambo weUmambo hwekudenga.—Mateu 28:7, 18-20.

11. Bhaibheri rakafanotaurei nezvevanhu vaJehovha varipo iye zvino?

11 Zvakaitwa naJesu zvinotidzidzisa kuvimbika kuna Jehovha nevanhu vake uye tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tidaro. Zvechokwadi, tinoshamiswa patinofunga zviri kuitwa naJehovha mumazuva ano ekupedzisira achishandisa vashumiri vake. Vanhu vaJehovha ndivo chete vari kuparidza chokwadi pasi rose, nekuti vamwe vanhu vese havasi kutungamirirwa naJehovha sezvaari kuita ungano yake yakabatana. Isaya 65:14 inotaura nezvekufara kuri kuita vanhu vaMwari ichiti: “Tarirai! Vashumiri vangu vachashevedzera vachifara nokuda kwokufara kwomwoyo.”

12. Tinofanira kuona sei kukanganisa kwevamwe?

12 Vashumiri vaJehovha vanofara nezvinhu zvakanaka zvavanokwanisa kuita nekuti vari kutungamirirwa naJehovha. Asi vanhu vari munyika yaSatani vari kuchema nemhaka yekuwedzera kuoma kuri kuita zvinhu. Saka hakusi kuchenjera kupa Jehovha kana ungano yake mhosva yekukanganisa kwevashumiri vake vashomanana. Tinofanira kuramba takavimbika kuna Jehovha nesangano rake tichibvuma kutungamirirwa naye uye tinofanira kudzidza kuti toita sei vamwe pavanokanganisa.

UNOFANIRA KUITA SEI PAUNOTADZIRWA?

13, 14. (a) Nei tichifanira kuitira vamwe mwoyo murefu? (b) Tinofanira kuyeuka vimbiso ipi?

13 Tingaita sei kana mumwe wevashumiri vaMwari akataura kana kuita chimwe chinhu chinotirwadza? Zano rakanaka riri muBhaibheri nderekuti: “Usakurumidza kugumbuka, nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.” (Mup. 7:9) Tinofanira kufungawo nezvekuti papfuura makore 6 000 kubva vanhu pavakava nechivi mumunda weEdheni. Vanhu vane chivi vanokanganisa. Saka, zvinenge zvisina kunaka kuti titarisire kuti vatinonamata navo vasatombokanganisa zvachose uye hatifaniri kurega kukanganisa kwavo kuchitishayisa mufaro wekuva pakati pevanhu vaMwari mumazuva ano ekupedzisira. Zvakatonyanya kuipa ndezvekurega kukanganisa kunoita vamwe kuchitivhiringidza kwoita kuti tisiye sangano raJehovha. Kana izvozvo zvikaitika, tinorasikirwa neropafadzo yekuita kuda kwaMwari uye tinorasikirwawo netariro yeupenyu munyika itsva yaMwari.

14 Kuti tirambe tiine mufaro mukuru uye tariro yakasimba, tinofanira kuramba tichiyeuka vimbiso yaJehovha yekuti: “Tarirai ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva; zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” (Isa. 65:17; 2 Pet. 3:13) Usarega zvikanganiso zvevamwe zvichikutadzisa kuwana zvikomborero izvozvo.

15. Jesu akati tinofanira kuita sei vamwe vakakanganisa?

15 Sezvo tisati tava munyika itsva, tinofanira kuyeuka mafungiro aMwari panyaya yekuti tingaita sei kana vamwe vakataura kana kuita zvinotirwadza. Semuenzaniso, rimwe zano ratinofanira kuyeuka nderiya rakataurwa naJesu paakati: “Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo; asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.” Yeukawo kuti Petro paakabvunza kana tichifanira kukanganwira “kusvikira kukanomwe,” Jesu akapindura kuti: “Ndinoti kwauri, kwete, kusvikira kukanomwe, asi, kusvikira kukane makumi manomwe nekanomwe.” Jesu aireva kuti tinofanira kugara takagadzirira kukanganwira vamwe.—Mat. 6:14, 15; 18:21, 22.

16. Josefa akasiya muenzaniso upi wakanaka?

16 Josefa, mwanakomana waJakobho naRakeri, akaratidza zvatinofanira kuita kana vamwe vakanganisa. Vakoma vake gumi vaimuitira godo nekuti ndiye ainyanya kufarirwa naBaba vavo. Vakabva vamutengesa kuti ave muranda. Papera makore akawanda, Josefa akaitwa mutevedzeri wemutongi wenyika nekuti ane zvakanaka zvaakaita muIjipiti. Nzara payakapisa munyika macho nenharaunda dzakaipoteredza, vakoma vaJosefa vakauya kuIjipiti kuzotenga zvekudya asi havana kumuziva. Josefa aigona kunge akashandisa simba rake kuti atsive zvakaipa zvaakanga aitirwa nevakoma vake. Pane kudaro, akaedza vakoma vake kuti aone kuti vakanga vachinja here mwoyo yavo. Paakaona kuti vakanga vachinja zvechokwadi, Josefa akaita kuti vamuzive. Akazoti: “Musatya. Ini ndicharamba ndichikupai zvokudya imi nevana venyu vaduku.” Nhoroondo yacho inowedzera kuti: “Nokudaro akavanyaradza akataura navo achivavimbisa.”—Gen. 50:21.

17. Ungada kuitei vamwe pavanokanganisa?

17 Zvakanakawo kuyeuka kuti sezvo tese tichikanganisa, tinogona kunge tichitotadzirawo vamwe. Kana tikaona kuti ndizvo zvataita, Bhaibheri rinoti tinofanira kuenda kumunhu watatadzira toedza kuyanana naye. (Verenga Mateu 5:23, 24.) Tinofara kana vamwe vakangosiyana nenyaya yacho kana tavatadzira, saka tinofanira kuitawo izvozvo kwavari. VaKorose 3:13 inotikurudzira kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.” Pana 1 VaKorinde 13:5 panoti rudo rwechiKristu “haruchengeti mafi.” Kana tichigara tichikanganwira vamwe, Jehovha achatikanganwirawo. Kana vamwe vakatitadzira, sevaKristu tinofanira kutevedzera zvinoitwa naBaba vedu vane ngoni patinokanganisa.—Verenga Pisarema 103:12-14.