Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ziva Kuti Jehovha Ndiye Muumbi Wedu

Ziva Kuti Jehovha Ndiye Muumbi Wedu

“Haiwa Jehovha, . . . imi muri Muumbi wedu; tose zvedu tiri basa roruoko rwenyu.”—ISA. 64:8.

NZIYO: 89, 26

1. Nei Jehovha ari iye Muumbi mukuru?

MUNA November 2010, mumwe murume muguta reLondon, kuEngland akati aizobhadhara madhora anoda kusvika mamiriyoni 70 kuti atenge vhasi revhu rakaumbwa kuChina mumakore ekuma1700. Izvi zvinoratidza kuti muumbi anokwanisa kuita kuti ivhu rekuumbisa, iro risinganetsi kuwana uye risingadhuri, rive chinhu chakanaka uye chinodhura chaizvo. Asi hakuna muumbi watingamboedza kuenzanisa naJehovha. Zuva rechitanhatu rekusika rava kunopera, Mwari akaumba munhu akakwana “neguruva revhu” uye akamuita kuti akwanise kuratidza unhu hwakafanana nehweMuumbi wake. (Gen. 2:7) Zvainge zvakakodzera kuti munhu iyeye akakwana, Adhamu, uyo akaumbwa nevhu repanyika anzi “mwanakomana waMwari.”—Ruka 3:38.

2, 3. Tingatevedzera sei zvakaitwa nevaIsraeri vainge vapfidza?

2 Adhamu haana kuzoramba achinzi mwanakomana waMwari paakapandukira Muumbi wake. Zvisinei, “gore guru” revanhu vakabva kuna Adhamu rakasarudza kutsigira uchangamire hwaMwari. (VaH. 12:1) Kubvuma kwavakaita kutungamirirwa neMusiki wavo kunoratidza kuti vaida kuti Jehovha, kwete Satani, ave Baba vavo uye Muumbi wavo. (Joh. 8:44) Kuvimbika kwavo kuna Mwari kunotiyeuchidza zvakataurwa naIsaya nezvevaIsraeri vainge vapfidza paakati: “Haiwa Jehovha, imi muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri Muumbi wedu; tose zvedu tiri basa roruoko rwenyu.”—Isa. 64:8.

3 Mazuva ano, vose vanonamata Jehovha nemudzimu nechokwadi vanoedza kuzvininipisawo saizvozvo. Vanoona kudana Jehovha saBaba vavo uye kubvuma kutungamirirwa naye seropafadzo yakakura. Unozviona seivhu rekuumbisa rakapfava riri mumaoko aMwari here, uchida kuumbwa kuti uve mudziyo waanoda? Unoona mumwe nemumwe wehama nehanzvadzi dzako seachiri kuumbwa naMwari here? Kuti tipindure mibvunzo iyi, ngationei zvinhu zvitatu zvinoitwa naJehovha seMuumbi wedu zvinoti: Kusarudza kwaanoita vanhu vaanoumba, zvikonzero zvinoita kuti avaumbe uye kuti anovaumba sei.

JEHOVHA ANOSARUDZA VANHU VAANOUMBA

4. Jehovha anosarudza sei vanhu vaanounza kwaari? Taura mienzaniso.

4 Jehovha paanotarisa vanhu, haaisi pfungwa pane zvavari nechekunze. Asi anoongorora mwoyo, kureva zvakaita munhu nechemukati. (Verenga 1 Samueri 16:7b.) Izvi zvakanyatsoratidzwa pachena Mwari paakatanga ungano yechiKristu. Akaita kuti vakawanda, vangangodaro vaionekwa nevanhu sevasingakodzeri, vauye kwaari uye kuMwanakomana wake. (Joh. 6:44) Mumwe wevanhu vakadaro aiva muFarisi ainzi Sauro, uyo aiva “munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Zvisinei, “muongorori wemwoyo” haana kuona Sauro seivhu risingabatsiri chinhu. (Zvir. 17:3) Mwari akaona kuti Sauro aigona kuumbika kuva mudziyo waanoda, “mudziyo wakasarudzwa” kuti apupurire “kune mamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.” (Mab. 9:15) Vamwe vakaonekwa naMwari sevanhu vaigona kuva midziyo ‘inoshandiswa zvinokudzwa’ vaisanganisira vanhu vaimbova zvidhakwa, zvifeve, uye mbavha. (VaR. 9:21; 1 VaK. 6:9-11) Pavakadzidza chokwadi chiri muShoko raMwari, vakasimbisa kutenda kwavo muna Jehovha uye vakamubvumira kuti avaumbe.

5, 6. Kuvimba kwatinoita naJehovha seMuumbi wedu kunofanira kuchinja sei maonero atinoita (a) vanhu vari mundima medu? (b) hama nehanzvadzi dzedu?

5 Zvatichangobva kukurukura zvingatibatsira sei? Kutenda kwedu kuti Jehovha anokwanisa kuongorora mwoyo uye kuita kuti vanhu vaanosarudza vauye kwaari kunofanira kuita kuti tisatonga vamwe vari mundima medu uye muungano medu. Funga nezvemuenzaniso wemumwe murume anonzi Michael. Anoti, “Pandaishanyirwa neZvapupu zvaJehovha, ndaivapira gotsi sekunge kuti vakanga vasipo. Ndaisarota kuti kunze kunei. Rimwe zuva, ndakasangana neimwe mhuri yandakayemura pamusana pezvakanaka zvayakaita. Ndakazoshamisika mumwe musi pandakaziva kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha! Maitiro avo akaita kuti ndiongorore kuti nei ndaivaona neziso risina kunaka. Ndakazoona kuti maitiro angu aikonzerwa nekusaziva uye zvandainzwa nezvavo.” Kuti azive chokwadi, Michael akabvuma kudzidza Bhaibheri. Nekufamba kwenguva, akazova muchokwadi uye akatanga kuita basa renguva yakazara.

6 Kubvuma kuti Jehovha ave Muumbi wedu kunogona kuchinja maonero atinoita vatinonamata navo. Unoona hama nehanzvadzi dzako semaonerwo adzinoitwa naMwari here uyo anodziona sedzichiri kuumbwa kwete sedzakatopera kuumbwa? Anoona zvakaita munhu nechemukati uye kuti anozova munhu akaita sei kana akamuumba. Jehovha anoona vanhu neziso rakanaka uye haaisi pfungwa pane zvavanokanganisa. (Pis. 130:3) Tinogona kumutevedzera nekuona vashumiri vake neziso rakanaka. Kutaura zvazviri, tinogona kushanda pamwe chete neMuumbi wedu tichitsigira hama nehanzvadzi dzedu sezvadzinoedza kufambira mberi pakunamata. (1 VaT. 5:14, 15) ‘Sezvipo zviri varume,’ vakuru ndivo vanofanira kuva pamberi panyaya iyi.—VaEf. 4:8, 11-13.

NEI JEHOVHA ACHITIUMBA?

7. Nei uchikoshesa chirango chaJehovha?

7 Ungangodaro wakanzwa mumwe munhu achiti: ‘Handina kumbonzwisisa kuti kurangwa kwandaiitwa nevabereki vangu kwaikosha sei kusvika ndazovawo nevana.’ Patinosangana nezvakawanda muupenyu, tinogona kuona chirango neziso rakanaka totanga kuchiona sezvinoita Jehovha, uyo anochiona sekuratidzwa kwerudo. (Verenga VaHebheru 12:5, 6, 11.) Jehovha anotida sevana vake, ndosaka aine mwoyo murefu pakutiumba. Anoda kuti tive vakachenjera uye vanofara uye anoda kuti timudewo. (Zvir. 23:15) Haafarire kuti titambure nemhaka yekuita zvisarudzo zvisina uchenjeri uye haadi kuti tife “tiri vana vokuitirwa hasha,” sezvatakaberekwa tiri kubva kuna Adhamu.—VaEf. 2:2, 3.

8, 9. Jehovha ari kutidzidzisa sei mazuva ano, uye dzidzo yacho ichaenderera mberi sei mune ramangwana?

8 ‘Sevana vokuitirwa hasha,’ taimbova neunhu husingafadzi Mwari, uye dzimwe nguva tichitomboita semhuka dzinotyisa. Asi nemhaka yekuumbwa kwatiri kuitwa naJehovha, takachinja tikava semakwayana. (Isa. 11:6-8; VaK. 3:9, 10) Saka Jehovha ari kutiumba tiri muparadhiso yezvekunamata itoripo iye zvino. Tinonzwa takachengeteka pasinei nekuti takapoteredzwa nenyika yakaipa. Uyezve, vamwe vedu vakakurira mumhuri dzisina rudo uye munobatwa vamwe zvisina kunaka, asi pavakapinda muparadhiso iyi, vakanyatsonzwa kuti vanodiwa zvechokwadi. (Joh. 13:35) Uye takadzidza kuda vamwe. Kupfuura zvese, takasvika pakuziva Jehovha uye tava kuona kuda kwaanotiita sababa vedu.—Jak. 4:8.

9 Munyika itsva, tichanyatsowana zvikomborero zveparadhiso yezvekunamata. Saka panguva iyoyo paradhiso yezvekunamata ichange iripo pamwe chete neparadhiso chaiyo pasi pekutonga kweUmambo hwaMwari. Munguva iyoyo yekugadziriswa kwezvinhu pasi rese, Jehovha acharamba achiumba vanhu vepanyika, achivadzidzisa kusvika patisingakwanisi kufungidzira iye zvino. (Isa. 11:9) Kuwedzera ipapo, Mwari achaita kuti pfungwa dzedu nemiviri yedu zvive zvakakwana zvekuti tichakwanisa kunyatsonzwisisa zvaanotidzidzisa uye kuita kuda kwake tisingakanganisi. Saka ngatitsungei kuramba tichibvuma kutungamirirwa naJehovha, tichimuratidza kuti tinoona kuumba kwaanotiita sechiratidzo chekuti anotida.—Zvir. 3:11, 12.

MAUMBIRWO ATINOITWA NAJEHOVHA

10. Jesu akaratidza sei unyanzvi uye mwoyo murefu achitevedzera Muumbi Mukuru?

10 Semuumbi ane unyanzvi, Jehovha anoziva “ivhu” raanenge ainaro kuti rakaita sei uye anoriumba maererano nezvariri. (Verenga Pisarema 103:10-14.) Zvechokwadi, anoumba mumwe nemumwe wedu achifunga zvatinokanganisa, zvatisingakwanisi kuita, uye kuti takakura zvakadini pakunamata. Maonero aanoita vanhu vanotadza akaratidzwa neMwanakomana wake. Funga kuti Jesu akabata sei vaapostora vake pavaikanganisa, kunyanya pavaiitisana nharo kuti ndiani aiva mukuru. Dai wakaona vaapostora vachiitisana nharo, waizovaona sevanhu vanyoro uye vanoumbika here? Asi Jesu haana kuvaona neziso risina kunaka. Aiziva kuti vaapostora vake vakatendeka vaigona kuumbika kana akavabatsira nemutsa nemwoyo murefu uye kana vakaona kuzvininipisa kwaaiita. (Mako 9:33-37; 10:37, 41-45; Ruka 22:24-27) Pashure pekunge Jesu amutswa uye mudzimu mutsvene wadururwa, vaapostora vakaisa pfungwa dzavo pabasa ravakanga vapiwa, kwete panyaya yekuda chinzvimbo kana kuti mukurumbira.—Mab. 5:42.

11. Dhavhidhi akaratidza sei kuti aiva ivhu rekuumbisa rakapfava, uye tingamutevedzera sei?

11 Mazuva ano, Jehovha anoumba vashumiri vake achishandisa Shoko rake, mudzimu wake mutsvene uye ungano yechiKristu. Shoko raMwari rinogona kutiumba kana tikariverenga tiine chinangwa, tikafungisisa zvatinenge taverenga, uye tikakumbira Jehovha kuti atibatsire kurishandisa. ‘Ndinokuyeukai ndiri pamubhedha wangu,’ akadaro Dhavhidhi. “Ndinofungisisa nezvenyu munguva yokurinda kwousiku.” (Pis. 63:6) Akanyorawo kuti: ‘Ndicharumbidza Jehovha, uyo akandipa zano. Chokwadi, itsvo dzangu dzinondiruramisa usiku.’ (Pis. 16:7) Dhavhidhi akabvumira kuti zano raMwari rigare mukatikati make, kuti riumbe mafungiro nemanzwiro ake, kunyange pazvakanga zvisiri nyore kurigamuchira. (2 Sam. 12:1-13) Dhavhidhi akatisiira muenzaniso wakanaka chaizvo panyaya yekuzvininipisa uye kubvuma kutungamirirwa. Unofungisisawo here zviri muShoko raMwari, uchiribvumira kuti rigare mukatikati mako? Unogona kuita zvinopfuura ipapo here?—Pis. 1:2, 3.

12, 13. Jehovha anotiumba sei achishandisa mudzimu mutsvene uye ungano yechiKristu?

12 Mudzimu mutsvene unogona kutiumba nenzira dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, unogona kutibatsira kuti tive neunhu sehwaKristu, uhwo hunoratidzwa nechibereko chemudzimu waMwari. (VaG. 5:22, 23) Rudo ndicho chimwe chezvinhu zvinoumba chibereko ichocho. Tinoda Mwari uye tinoda kumuteerera uye kuumbwa naye, tichiziva kuti mirayiro yake hairemi. Mudzimu mutsvene unogona kutipa simba rekuti tirambe kuumbwa nenyika nemudzimu wayo wakaipa. (VaEf. 2:2) Muapostora Pauro, uyo aimbova nemafungiro evatungamiriri vechiJudha vaidada paaiva mudiki, akazonyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” (VaF. 4:13) Saka ngatirambei tichikumbira mudzimu mutsvene sezvaiitwa naPauro. Jehovha haamboregi kuteerera vanyoro vanokumbira mudzimu mutsvene nemwoyo wese.—Pis. 10:17.

Jehovha anotiumba achishandisa vakuru vechiKristu asi isu tine zvatinofanira kuitawo (Ona ndima 12, 13)

13 Jehovha anoshandisa ungano yechiKristu nevatariri varimo kuti atiumbe semunhu mumwe nemumwe. Semuenzaniso, kana vakuru vakaona kuti tine patinofanira kugadzirisa pakunamata vanoedza kutibatsira, asi vasingashandisi uchenjeri hwevanhu. (VaG. 6:1) Vanokumbira Mwari vachizvininipisa kuti avape uchenjeri nekunzwisisa. Vachifunga nezvedu, vanoita zvinoenderana neminyengetero yavo pavanotsvakurudza zviri muShoko raMwari uye mumabhuku edu. Izvi zvinovabatsira kuti vakwanise kutipa rubatsiro runoenderana nedambudziko redu. Kana vakauya kwauri kuzokubatsira nemutsa nerudo, panyaya dzakadai sedzezvitayera zvehembe dzako, uchabvuma here rubatsiro rwavo sechiratidzo chekuti Mwari anokuda? Ukadaro unenge uchiratidza kuti uri ivhu rakapfava riri mumaoko aJehovha uye kuti wakagadzirira kuumbwa kuti ubatsirike.

14. Kunyange zvazvo Jehovha aine simba paivhu, anoratidza sei kuti anoremekedza rusununguko rwedu rwekusarudza zvatinoda?

14 Kunzwisisa kuti Mwari anotiumba sei kunogona kutibatsira kuti tive neukama hwakanaka nevamwe vatinonamata navo uye kuti tione vanhu vari mundima medu neziso rakanaka, kusanganisira vatinodzidza navo Bhaibheri. Muumbi haangocheri ivhu ototanga kuriumba. Anotanga agadzira ivhu racho nekubvisa matombo nezvimwewo zvisingadiwi. Panyaya dzekunamata, Mwari anobatsira vanhu vane chido kuti vagadzirire kuzoumbwa naye. Haavamanikidzi kuti vachinje, asi anovaratidza zvaanoda zvakarurama kuitira kuti vachenese mararamiro avo kana kuti vagadzirise zvimwe zvinhu vasingamanikidzwi.

15, 16. Vadzidzi veBhaibheri vanoratidza sei kuti vanoda kuumbwa naJehovha? Taura muenzaniso.

15 Funga nezvaTessie, hanzvadzi iri kuAustralia. “Tessie ainzwisisa chokwadi cheBhaibheri zviri nyore,” yakadaro hanzvadzi yakadzidza naye Bhaibheri. “Zvisinei, akanga asingafambire mberi pakunamata, asingatombopindi misangano yechiKristu. Saka pashure pekunyengetera uye kufungisisa nezvazvo, ndakasarudza kumira kudzidza naye. Pakabva paitika chimwe chinhu chinoshamisa. Musi wandaifunga kuti ndiwo wekupedzisira kudzidza naye, Tessie akadurura zvaiva mumwoyo make kwandiri. Akati aizviona semunyengeri nekuti aifarira zvekubheja. Asi panguva iyi akanga asarudza kuzvirega.”

16 Pasina nguva, Tessie akatanga kupinda misangano yechiKristu uye kuratidza unhu hwechiKristu, pasinei nekuti aishorwa neshamwari dzake. Hanzvadzi yakadzidza naye yakawedzera kuti: “Tessie akazobhabhatidzwa uye akazova piyona wenguva dzose, kunyange zvazvo akanga achiri nevana vadiki.” Sezvataona, vadzidzi veBhaibheri pavanotanga kuchenesa mararamiro avo kuti vafadze Mwari, anovaunza pedyo naye uye anovaumba kuti vave midziyo yaanoda.

17. (a) Chii chinokufadza pakuti Jehovha ndiye Muumbi wako? (b) Ndezvipi zvatichakurukura panyaya yekuumba?

17 Nanhasi zvimwe zvinhu zvichiri kuumbwa nemaoko, muumbi achishanda ari pedyo zvikuru neivhu raanenge achiumba. Saizvozvowo, Muumbi wedu anoshanda nemwoyo murefu ari pedyo nesu, achitiumba nemazano ake uye achitarisa kuti tiri kuumbika here. (Verenga Pisarema 32:8.) Unozviona here kuti Jehovha anokuda? Unozviona uri mumaoko ake achikuumba here? Kana zvakadaro, unhu hupi hunogona kukubatsira kuti urambe wakaita seivhu rakapfava rinoumbika mumaoko aJehovha? Unhu hupi hwaunofanira kudzivisa kuti usava ivhu rakaoma kana kuti risingaumbiki? Uye vabereki vangashanda sei pamwe chete naJehovha pakuumba vana vavo? Nyaya inotevera ichakurukura zvinhu izvozvo.