Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Isa Mwoyo Wako Papfuma Yekunamata

Isa Mwoyo Wako Papfuma Yekunamata

“Pane pfuma yenyu, ndipo pachavawo nemwoyo yenyu.”​—RUKA 12:34.

NZIYO: 76, 59

1, 2. (a) Ipfuma ipi yekunamata yatakapiwa naJehovha? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

JEHOVHA ndiye akapfuma kupfuura vanhu vese. (1 Mak. 29:11, 12) Zvaari Baba vane rupo, anopa pfuma yake yekunamata kuvanhu vese vanonzwisisa kukosha kwayo. Tinofara zvikuru kuti Jehovha akatipa pfuma yekunamata inosanganisira (1) Umambo hwaMwari, (2) ushumiri hwedu hunoponesa vanhu, uye (3) chokwadi chinokosha chiri muShoko rake. Asi kana tikasangwarira tinogona kutanga kuona pfuma iyi seisina basa, tobva tatoirasa. Kuti tirambe tiine pfuma iyi tinofanira kuishandisa zvakanaka uye kuramba tichiwedzera kuida. Jesu akati: “Pane pfuma yenyu, ndipo pachavawo nemwoyo yenyu.”—Ruka 12:34.

2 Ngatikurukurei kuti tingaramba sei tichida uye tichikoshesa Umambo, ushumiri uye chokwadi. Patinenge tichikurukura, fungisisa kuti iwe pachako ungawedzera sei kuda kwaunoita pfuma iyi yekunamata.

UMAMBO HWAMWARI HWAKAITA SEPARERA RINOKOSHA

3. Mutengesi anotaurwa mumufananidzo waJesu akaitei kuti awane parera rinokosha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Verenga Mateu 13:45, 46. Jesu akataura mufananidzo wemutengesi aitsvaga maparera. Hapana mubvunzo kuti kwemakore, mutengesi uyu akanga atenga nekutengesa maparera akawanda. Asi iye zvino akanga awana parera rimwe chete rainge rakanaka zvekuti mwoyo wake wakafara paakariona. Akatengesa zvinhu zvese zvaaiva nazvo kuti aritenge. Fungidzira kuti parera iroro raikosha zvakadini kwaari.

4. Tichaitei kana tichida Umambo hwaMwari semadirwo aiitwa parera nemutengesi?

4 Tinodzidzei pamufananidzo uyu? Umambo hwaMwari hwakafanana neparera iroro rinokosha. Kana tichihuda semadirwo aiitwa parera riya nemutengesi, tichava nechido chekusiya zvinhu zvese kuitira kuti tive pasi peUmambo uye tirambe tichitongwa nahwo. (Verenga Mako 10:28-30.) Ona mienzaniso yevanhu vaviri vakaita izvozvo.

5. Zakeyo akaratidza sei kuti ainge akatsunga kuwana Umambo hwaMwari?

5 Zakeyo aiva mukuru mukuru wevateresi uyo akanga apfuma nekubiridzira vanhu. (Ruka 19:1-9) Asi murume iyeye asina kururama paakanzwa Jesu achiparidza nezveUmambo, akaona kuti zvaiparidzwa zvaikosha achibva akurumidza kuchinja mararamiro ake. Akati: “Tarirai! Ishe, hafu yezvinhu zvangu, ndichapa varombo, uye zvinhu zvose zvandakabiridzira munhu ndichimupomera zvenhema ndichazvidzorera zvava zvina.” Akadzorera pfuma yaainge awana nekubiridzira vanhu uye akarega kuva nemakaro.

6. Rose akachinja zvinhu zvipi muupenyu hwake kuti ave pasi peUmambo hwaMwari, uye akazviitirei?

6 Makore akapfuura, mumwe mukadzi watichati Rose paakanzwa nezveUmambo, aidanana nemumwe mukadzi. Aiva purezidhendi werimwe sangano rairwira kodzero dzengochani. Paaidzidza Bhaibheri, Rose akaona kukosha kwechokwadi cheUmambo hwaMwari. Asi akaona kuti aiva nezvinhu zvikuru zvaaifanira kuchinja muupenyu hwake. (1 VaK. 6:9, 10) Kuda kwaaiita Jehovha kwakamuita kuti asiye sangano racho uye asiyane nemukadzi waaidanana naye. Rose akabhabhatidzwa muna 2009, uye gore rakatevera racho akava piyona wenguva dzose. Kuda kwaaiita Jehovha neUmambo hwake kwainge kwakasimba kupfuura chero zvido zvakaipa zvaaiva nazvo.—Mako 12:29, 30.

7. Tingaitei kuti tirambe tichida Umambo hwaMwari nemwoyo wese?

7 Vakawanda vedu takachinja zvachose mararamiro ataiita kuti tive pasi peUmambo hwaMwari. (VaR. 12:2) Kunyange zvazvo takachinja, pane zvimwe zvatinofanira kuramba tichiita. Tinofanira kuramba takangwarira zvinhu zvinogona kukanganisa kuda kwatinoita Umambo izvo zvinosanganisira kuda pfuma yenyika uye unzenza hwepabonde. (Zvir. 4:23; Mat. 5:27-29) Kuti atibatsire kuramba tichida Umambo hwake nemwoyo wese, Jehovha akatipa imwe pfuma inokosha.

USHUMIRI HWEDU HUNOPONESA VANHU

8. (a) Nei muapostora Pauro akati ushumiri hwedu hwakaita ‘sepfuma iri mumidziyo yevhu’? (b) Pauro akaratidza sei kuti aikoshesa ushumiri hwake?

8 Yeuka kuti Jesu akatipa basa rekuparidza uye kudzidzisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mat. 28:19, 20) Muapostora Pauro akanzwisisa kuti ushumiri hunokosha chaizvo. Akatsanangura ushumiri hwesungano itsva ‘sepfuma iri mumidziyo yevhu.’ (2 VaK. 4:7; 1 Tim. 1:12) Kunyange zvazvo tingori midziyo yevhu ine chivi, mashoko atinoparidza anogona kuita kuti tiwane upenyu husingaperi pamwe chete nevanotiteerera. Achiziva izvi, Pauro akati: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndiagoverane [nevamwe].” (1 VaK. 9:23) Kuda kwaiita Pauro ushumiri kwakaita kuti ashande nesimba pakuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Verenga VaRoma 1:14, 15; 2 Timoti 4:2.) Izvi zvakamubatsira kuti atsungirire kutambudzwa kwakanyanya. (1 VaT. 2:2) Tingaratidza sei kuti tinoda ushumiri saizvozvo?

9. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinokoshesa ushumiri hwedu?

9 Pauro airatidzawo kuti aikoshesa ushumiri hwake kuburikidza nekushandisa mikana yese yaaiwana kuti aparidzire vamwe. Kufanana nevaapostora uye vaKristu vepakutanga, tinoparidza paimba neimba, munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda uye tinoparidzawo nenzira dzisina kurongwa. (Mab. 5:42; 20:20) Tinoita zvese zvatinogona kuti tiwedzere ushumiri hwedu zvichida kuburikidza nekuita upiyona hwebetsero kana hwenguva dzose. Tinogonawo kudzidza mumwe mutauro, kutamira kune dzimwe nzvimbo munyika medu, kana kutamira kune imwe nyika.—Mab. 16:9, 10.

10. Irene akakomborerwa sei nemhaka yekushingaira kwake pakuparidza mashoko akanaka?

10 Funga nezvaIrene, imwe hanzvadzi isina kuroorwa yekuUnited States. Irene aiva nechido chakasimba chekuparidzira vanhu vanotaura chiRussian vakatamira kuUnited States. Paakatanga kuparidzira vanhu ava muna 1993, muNew York City maiva neboka rechiRussian raingova nevaparidzi 20 chete. Kwemakore anopfuura 20, Irene ashanda nesimba mundima yemutauro uyu. Irene anoti: “Handisati ndava kunyatsotsetsenura mutauro wechiRussian.” Pasinei naizvozvo, Jehovha akakomborera kushingaira kwake uyewo kushingaira kwevamwe vakaita saiye. Iye zvino, muNew York City mava neungano 6 dzemutauro wechiRussian. Pavanhu vakadzidza Bhaibheri naIrene, 15 vacho vakabhabhatidzwa. Vamwe vacho vanoshumira paBheteri, vamwe mapiyona uye vamwe vakuru muungano. Irene anoti, “Pandinofunga nezvezvimwe zvinangwa zvandaigona kuva nazvo, handioni paine chimwe chaigona kundipa mufaro unopfuura wandiinawo.” Irene anokoshesa chaizvo ushumiri hwake.

Unoona ushumiri hwako sehunokosha uye izvozvo zvinoratidzwa here nemarongero aunoita zvinhu vhiki yega yega? (Ona ndima 11, 12)

11. Chii chinogona kuitika kana tikaramba tichiparidza pasinei nekutambudzwa?

11 Kana tichikoshesa ushumiri hwedu, tichaita semuapostora Pauro, toramba tichiparidza pasinei nekutambudzwa. (Mab. 14:19-22) Kubva muna 1930 kusvika muna 1944, hama dzedu dzekuUnited States dzaitambudzwa zvikuru. Asi kufanana naPauro, vakaramba vakashinga uye vakaramba vachiparidza. Kuti vadzivirire kodzero yedu yekuparidza, vakaendesa nyaya dzakawanda kumatare uye vakahwina. Pavaitaura nezvekuhwinwa kwakanga kwaitwa imwe nyaya muDare repamusorosoro reUnited States muna 1943, Hama Nathan H. Knorr vakati: “Takahwina nekuti makaramba muchirwa. Kudai muparidzi asina kuramba achiparidza pangadai pasina nyaya dzekuendesa kuDare repamusorosoro; asi nemhaka yekuti imi vaparidzi, hama dziri pasi rese, muri kuramba muchiparidza, takwanisa kukunda kutambudzwa. Takahwina nyaya iyi nekuti vanhu vaShe vakaramba vakashinga.” Izvi ndizvo zvakaitwa nedzimwe hama mune dzimwe nyika dzikakundawo. Kuda kwatinoita ushumiri kunokunda kutambudzwa kwatingaitwa.

12. Watsunga kuitei panyaya yekuita basa reushumiri?

12 Kana tichiona ushumiri hwedu sepfuma inokosha inobva kuna Jehovha, hatizofungi nezvemaawa atinoshuma chete. Pane kudaro, tichaita zvese zvatinogona kuti ‘tipupurire kwazvo mashoko akanaka.’ (Mab. 20:24; 2 Tim. 4:5) Asi chii chatinodzidzisa vamwe? Ona imwezve pfuma yatinopiwa naMwari.

DURA REDU REPFUMA YECHOKWADI CHATINODZIDZA

13, 14. ‘Dura repfuma’ rakataurwa naJesu pana Mateu 13:52 chii, uye tinorizadza sei?

13 Imwe pfuma inokosha yatiinayo ichokwadi chese chatakadzidza. Chokwadi chinobva kuna Jehovha. (Joh. 17:17) Zvaari Baba vane rupo, anopa chokwadi ichi kune vaya vanomutya. Kubva patakatanga kudzidza chokwadi, takawana mikana yekuchiunganidza kubva muShoko rake Bhaibheri, mumabhuku edu uye kubva pamagungano nemisangano yedu yevhiki nevhiki. Zvishoma nezvishoma tinova ‘nedura repfuma’ rakataurwa naJesu, rine chokwadi chitsva nechokwadi chitsaru kana kuti chekare. (Verenga Mateu 13:52.) Jehovha achatibatsira kuzadza ‘dura redu repfuma’ nechokwadi chitsva chinokosha kana tikachitsvaga sepfuma yakavanzwa. (Verenga Zvirevo 2:4-7.) Tinozviita sei izvozvo?

14 Tinofanira kugara tichidzidza nekutsvakurudza zviri muShoko raMwari nemumabhuku edu. Izvi zvichatibatsira kuwana chokwadi chakaita ‘sechitsva’ kwatiri pakuti tanga tisingachizivi. (Josh. 1:8, 9; Pis. 1:2, 3) Watch Tower yekutanga yakabuda muna July 1879, yakafananidza chokwadi neruva riri pakati pemasora. Kuti munhu awane ruva rakadaro, anofanira kunyatsoritsvaga. Uye kana akariwana, haafaniri kungogutsikana nerimwe chete iroro. Anofanira kuramba achitsvaga mamwe maruva. Saizvozvowo, hatifaniri kungogutsikana patinowana chokwadi cheBhaibheri chishomanana. Tinofanira kuva nechido chekuramba tichitsvaga chimwe chokwadi chakawanda.

15. Nei tingati chimwe chokwadi ‘chitsaru’ uye ndechipi chimwe chokwadi chakadaro chaunokoshesa?

15 Takawana chokwadi chinokosha patakatanga kudzidza Bhaibheri. Chokwadi ichi chinogona kunzi ‘chitsaru’ nekuti ndicho chatakatanga kudzidza. Chokwadi ichocho chinosanganisirei? Takadzidza kuti Jehovha ndiye Musiki wedu uye kuti ane chinangwa chaakasikira vanhu. Takadzidzawo kuti Mwari akatipa chibayiro cheMwanakomana wake kuitira kuti tikwanise kusunungurwa pachivi nerufu. Takazodzidzawo kuti Umambo hwake huchabvisa kutambura kwese uye kuti tinogona kurarama nekusingaperi tiine rugare nemufaro pasi peUmambo ihwohwo.—Joh. 3:16; Zvak. 4:11; 21:3, 4.

16. Chii chatinofanira kuita kana manzwisisiro atinoita chimwe chokwadi akagadziridzwa?

16 Nguva nenguva, manzwisisiro atinoita humwe uprofita kana kuti imwe ndima yeBhaibheri anogona kugadziridzwa. Kana pakava nemanzwisisiro matsva, tinofanira kutora nguva tichinyatsoongorora nekufungisisa nezvawo. (Mab. 17:11; 1 Tim. 4:15) Tinofanira kunzwisisa misiyano mikuru pakati pemanzwisisiro ekare nematsva uye tinofanirawo kunzwisisa zvimwe zvinhu zvisingakurumidzi kuoneka zvinobatanidzwa pamanzwisisiro matsva. Patinodaro, tinenge tanyatsoisa chokwadi chacho chitsva mudura redu repfuma. Nei kuita izvozvo kuri kushandira zviripo?

17, 18. Mweya mutsvene ungatibatsira sei?

17 Jesu akadzidzisa kuti mweya mutsvene waMwari unogona kutiyeuchidza zvinhu zvatakadzidza. (Joh. 14:25, 26) Izvi zvingatibatsira sei pakuparidza mashoko akanaka? Funga nezvemuenzaniso weimwe hama inonzi Peter. Mugore ra1970 aiva nemakore 19 uye akanga achangotanga kushanda paBheteri muBritain. Paaiparidza paimba neimba, akasangana nemumwe murume wemakore anenge 50 aiva nemazindebvu. Peter akabvunza murume wacho kuti aida here kunzwisisa Bhaibheri. Murume wacho aiva rabhi wechiJudha, uye zvakamunetsa kuti munhu mudiki akadaro aifunga kuti aigona kumudzidzisa Bhaibheri. Achida kuedza Peter, rabhi wacho akamubvunza kuti, “Saka nhai chikomana, bhuku raDhanieri rakanyorwa nemutauro upi?” Peter akamupindura kuti: “Chimwe chikamu charo chakanyorwa nechiAramaiki.” Peter anoti, “Rabhi wacho akashamisika kuti ndaiziva mhinduro yacho, asi ini ndini ndakatonyanya kushamisika!” Peter akaziva sei mhinduro yacho? Paakaenda kumba akatsvaga magazini eNharireyomurindi neMukai! emwedzi yainge yapfuura uye akawana nyaya yaitsanangura kuti bhuku raDhanieri rakanyorwa nechiAramaiki. * Chokwadi, mweya mutsvene unogona kutiyeuchidza zvinhu zvatakaverenga tikachengeta mudura redu repfuma.—Ruka 12:11, 12; 21:13-15.

18 Kana tichikoshesa uchenjeri hunobva kuna Jehovha, mwoyo wedu uchatituma kuti tizadze dura redu repfuma nechokwadi chitsva nechitsaru. Kana tikawedzera kuda uye kukoshesa uchenjeri hwaJehovha, tinenge tagadzirira kuparidzira vamwe.

CHENGETEDZA PFUMA YAKO

19. Nei tichifanira kuchengetedza pfuma yedu yekunamata?

19 Satani nenyika yake vari kuramba vachiedza kuita kuti tisakoshese pfuma yekunamata yatakurukura nezvayo munyaya ino. Kana tikasangwarira, tinogona kukanganiswa nezvinhu zvaari kushandisa. Tinogona kunyengedzwa nevimbiso dzekuwana basa rinotipa mari yakawanda, fungidziro dzekurarama upenyu hweumbozha kana chido chekushamisira nezvinhu zvedu. Muapostora Johani anotiyeuchidza kuti nyika ino iri kupfuura nekuchiva kwayo. (1 Joh. 2:15-17) Saka tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe tichida uye tichikoshesa pfuma yekunamata.

20. Watsunga kuitei kuti uchengetedze pfuma yako yekunamata?

20 Iva nechido chekusiya chero chii zvacho chingakutadzisa kuda Umambo hwaMwari nemwoyo wese. Ramba uchishingaira pakuparidza uye uchikoshesa ushumiri hwedu hunoponesa vanhu. Ramba uchitsvaga chokwadi cheBhaibheri nemwoyo wese. Paunoramba uchidaro, uchava ‘nepfuma kumatenga, uko mbavha isingaswederi pedyo uyewo chitemamachira chisingadyi. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachavawo nemwoyo wako.’—Ruka 12:33, 34.

^ ndima 17 Dhanieri 2:4b kusvika ku7:28 yakatanga kunyorwa nechiAramaiki