Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unosarudza Sei Zvinhu Zvine Chekuita Neupenyu Hwako?

Unosarudza Sei Zvinhu Zvine Chekuita Neupenyu Hwako?

Rambai muchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.”VAEF. 5:17.

NZIYO: 69, 57

1. Ndeipi mimwe mirayiro iri muBhaibheri, uye kuiteerera kunotibatsira sei?

JEHOVHA akatipa mirayiro yakawanda yakajeka achishandisa Shoko rake. Somuenzaniso, anorambidza ufeve, kunamata zvidhori, kuba uye kudhakwa. (1 VaK. 6:9, 10) Uyewo, Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akarayira vateveri vake paakavapa basa risiri nyore asi rinofadza, achiti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:19, 20) Mitemo nemirayiro inobva kuna Mwari inotidzivirira chaizvo. Kuiteerera kwatinoita kunoita kuti tive neutano huri nani, tifare mumhuri dzedu uye tirege kuzviona sevanhu vasingabatsiri. Chinonyanya kukosha ndechekuti, tikaramba tichiteerera mirayiro yaJehovha, kusanganisira murayiro wekuita basa rekuparidza, achatifarira uye achatikomborera.

2, 3. (a) Nei Bhaibheri risingatipi mitemo panyaya dzose dzinomuka muupenyu? (b) Munyaya ino tichakurukura mibvunzo ipi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

2 Asi pazvinhu zvatinofanira kusarudza hazvisi zvese zvinodonongodzwa muBhaibheri. Somuenzaniso, muMagwaro hamuna mitemo inodonongodza zvinhu zvinonzi ndizvo zvakakodzera kupfekwa nevaKristu. Izvi zvinoratidza sei uchenjeri hwaJehovha? Zvipfeko uye tsika dzevanhu zvinosiyana-siyana zvichienderana nenyika uyewo zvinochinja nekufamba kwemakore. Dai muBhaibheri makanyorwa mhando dzehembe dzinofanira kupfekwa nevanhu, kutaura kuno zvitayera zvacho zvingadai zvisisiri mufashoni. Ndosaka muShoko raMwari rakafemerwa musina mitemo yakawanda wanda inotaura kuti muKristu anofanira kushanda basa rakaita sei, kurapwa sei uye kuvaraidzwa nezvinhu zvakaita sei. Saka panyaya iyi musoro wemhuri wega wega uye munhu mumwe nomumwe ndiye anofanira kusarudza zvokuita.

3 Izvi zvinoreva here kuti Jehovha haana basa nezvatinosarudza kunyange kana zvisarudzo zvacho zvichikosha zvokuti zvinogona kuchinja upenyu hwedu? Kana chisarudzo chatinoita chisingatyori mutemo uri muBhaibheri, zvinoreva here kuti Baba vedu vekudenga vanobvumirana nacho? Kana pasina mitemo inonyatsotaura zvinofanira kuitwa, tingaziva sei kana zvatinosarudza zvichizofadza Jehovha?

ZVATINOSARUDZA ZVINE BASA HERE?

4, 5. Zvisarudzo zvatinoita zvinogona kutibatsira kana kutikanganisa sei uye zvinogonawo kukanganisa sei vamwe?

4 Vamwe vanoona sekuti hazvina basa kuti vasarudza kuitei. Asi kuti tiite zvisarudzo zvinofadza Jehovha, tinofanira kufunga nezvemitemo yake uye zvimwe zvatinodzidza muShoko rake, torarama maererano nazvo. Somuenzaniso, kuti tifarirwe naMwari, tinofanira kuita zvinoenderana nemutemo wake panyaya ine chokuita neropa. (Gen. 9:4; Mab. 15:28, 29) Munyengetero uchatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvinoenderana nezvinotaurwa muMagwaro.

5 Zvisarudzo zvikuru zvatinoita zvinogona kusimbisa kana kukanganisa ukama hwedu naMwari. Chisarudzo chose chatinoita, chinogona kuita kuti tifarirwe naJehovha kana kuti asatifarire. Chisarudzo chakanaka chichasimbisa ushamwari hwedu naMwari asi chisarudzo chakaipa chichahukanganisa. Uyewo chisarudzo chisina kunaka chinogona kukanganisa kunamata kwevamwe, kana kuvagumbura, kana kuti chinogona kuita kuti ungano isabatana. Izvi zvinonyatsoratidza kuti nyaya yekusarudza zvekuita inokosha chaizvo.—Verenga VaRoma 14:19; VaGaratiya 6:7.

6. Tinofanira kutungamirirwa nei pane zvatinosarudza?

6 Tingaitei kana pasina murayiro weBhaibheri unonyatsotaura zvinofanira kuitwa? Pakadaro hatifaniri kungoita zvatinonzwa tichida, asi tinofanira kumbotanga tanyatsoongorora nyaya yacho tosarudza kuita zvinhu zvichaita kuti Jehovha afare uye atikomborere.—Verenga Pisarema 37:5.

NZWISISA KUTI ZVINODIWA NAJEHOVHA NDEZVIPI

7. Kana pasina mutemo wakanyorwa muBhaibheri, tingaziva sei zvatinotarisirwa naJehovha kuti tiite panyaya inenge yamuka?

7 Zvimwe ungabvunza kuti, ‘Tingaziva sei zvinofarirwa naJehovha kana Shoko rake risina mutemo unonyatsotaura zvinofanira kuitwa pane imwe nyaya?’ VaEfeso 5:17 inoti: “Rambai muchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.” Kana muBhaibheri musina mutemo unonyatsotaura nezveimwe nyaya, tingaziva sei zvinodiwa naMwari? Tinofanira kunyengetera kwaari tobvuma kutungamirirwa naye achishandisa mudzimu wake mutsvene.

8. Chii chakabatsira Jesu kuti anzwisise kuti Jehovha aida kuti aitei? Taura muenzaniso.

8 Ngatimboongororai kuti chii chakabatsira Jesu kunzwisisa kuti Baba vake vaida kuti aitei. Pazviitiko zviviri zvinotaurwa muBhaibheri, Jesu akatanga anyengetera ndokubva azoita chishamiso chokupa mapoka makuru evanhu zvokudya. (Mat. 14:17-20; 15:34-37) Asi paakaedzwa naDhiyabhorosi ari murenje, akaramba kuchinja matombo kuti ave chingwa kunyange zvazvo ainzwa nzara. (Verenga Mateu 4:2-4.) Kunzwisisa kwaaiita mafungiro aBaba vake kwakamubatsira kuziva kuti akanga asingafaniri kuchinja matombo acho kuva chingwa. Jesu aiziva kuti kwakanga kusiri kuda kwaMwari kuti ashandise simba iroro kuti aite zvakamunakira iye pachake. Paakaramba kuita zvakataurwa naSatani, Jesu akaratidza kuti aiva nechivimbo chekuti Jehovha ndiye aifanira kumutungamirira uye kumupa zvokudya.

9, 10 Chii chichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka? Taura muenzaniso.

9 Kuti tiite zvisarudzo zvakanaka sezvaiitwa naJesu, tinofanira kubvuma kutungamirirwa naJehovha. Tinofanira kuita zvinoenderana nemashoko euchenjeri ekuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako. Usazviti wakachenjera. Itya Jehovha ubve pane zvakaipa.” (Zvir. 3:5-7) Kana tikaziva mafungiro anoita Jehovha kuburikidza nekudzidza Bhabheri, tichakwanisa kunzwisisa kuti Mwari anoda kuti tiite sei pane imwe nyaya inenge yamuka. Kuwedzera kwatichaita kuziva mafungiro aJehovha kuchaita kuti tide kuramba tichitungamirirwa naye.—Ezek. 11:19.

10 Somuenzaniso, funga nezvemudzimai aenda kumbonotenga-tenga. Anobva aona bhutsu dzakanaka asi dzichidhura chaizvo. Saka anozvibvunza kuti, ‘Murume wangu anonzwa sei kana ndikashandisa mari yakawanda kudaro kutenga bhutsu?’ Mudzimai uyu anogona kunge achitoziva manzwiro emurume wake, kunyange murume wacho asipo. Anozviziva sei? Panguva yaagara naye, ava kuziva kuti murume wake anonzwa sei panyaya yekushandisa mari zvichienderana nehomwe yavo. Saka izvi zvinoita kuti anzwisise kuti murume wake anofungei kana akatenga bhutsu dzacho. Nesuwo patinowedzera kuziva mafungiro aJehovha uye nzira dzake, zvichatibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa kuti Baba vedu vekudenga vanoda kuti tiite sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

UNGAZIVA SEI ZVINOFUNGWA NAJEHOVHA?

11. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza patinenge tichiverenga kana kuti kudzidza Bhaibheri? (Ona bhokisi rakanzi “ Paunenge Uchidzidza Shoko raMwari Zvibvunze Kuti.”)

11 Kuti tizive mafungiro aJehovha, tinofanira kugara tichidzidza tiri toga. Patinenge tichiverenga kana kudzidza Shoko raMwari, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Mashoko aya anondiudzei nezvaJehovha, nezvenzira dzake dzakarurama, uye mafungiro ake?’ Tinofanira kuva nemafungiro aiva nemunyori wepisarema Dhavhidhi paakaimba kuti: “Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu. Ndifambisei muchokwadi chenyu mundidzidzise, nokuti muri Mwari wangu woruponeso. Ndakatarisira kwamuri zuva rose.” (Pis. 25:4, 5) Paunenge uchifungisisa ndima yeBhaibheri, unogona kufunga nezvemibvunzo yakaita seiyi: ‘Ndingashandisa sei mashoko aya muupenyu hwangu? Ndingaashandisa kupi? Kumba here? Kubasa? Kuchikoro? Muushumiri?’ Kana tikaona kuti tingashandisa mashoko acho kupi, zvinobva zvava nyore kunzwisisa kuti tingaashandisa sei muupenyu hwedu.

12. Tinobatsirwa sei nemabhuku edu uye misangano kuti tiwedzere kuziva mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana?

12 Chimwe chinotibatsira kuti tiwedzere kuziva mafungiro aJehovha, kunyatsoteerera zvatinodzidziswa nesangano rake pachishandiswa Bhaibheri. Somuenzaniso, zvinhu zvakadai seWatch Tower Publications Index uye Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza zvakagadzirirwa kutibatsira kuti tidzidze nezvemafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana patinenge tichifanira kuita zvisarudzo. Tinobatsirwawo chaizvo kana tikanyatsoteerera pamisangano yechiKristu uye tikavawo nezvatinoita pamisangano iyoyo. Kufungisisa zvatinenge tichidzidza kuchatibatsira kuti tiwedzere kuziva mafungiro aJehovha, toita kuti mafungiro edu afanane neake. Kana tikashingaira kushandisa zvinhu zvinotibatsira pakunamata zvatinopiwa naJehovha, tichawedzera kuziva nzira dzake. Izvi zvichaita kuti tiite zvisarudzo zvakanaka uye Mwari wedu ane rudo achatikomborera.

MAFUNGIRO AJEHOVHA NGAAKUBATSIRE PAKUITA ZVISARUDZO

13. Taura muenzaniso unoratidza kuti kuziva mafungiro aJehovha kunotibatsira sei kuti tiite zvisarudzo zvakanaka.

13 Chimbofunga muenzaniso unoratidza kuti kuziva mafungiro aJehovha kunotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. Sevaparidzi veUmambo, tinogona kunge tiine chido chekupinda mubasa renguva yakazara semapiyona enguva dzose. Kuti tiite basa iri, tinotanga kutora matanho ekuti upenyu hwedu husave netwakawanda wanda. Asi tinogonawo kutanga kuzvidya mwoyo tichifunga kuti zvinoita here kuti tizonyatsofara kana tava nezvinhu zvishoma muupenyu. Ichokwadi kuti muBhaibheri hapana hapo panotinorayirwa kuti tinofanira kupayona. Tinogona kungoramba tichishumira Jehovha takatendeka tiri vaparidzi. Asi Jesu anotivimbisa kuti kana tikazvipira kuti titsigire Umambo tichawana makomborero akawanda. (Verenga Ruka 18:29, 30.) Uyewo, Magwaro anoratidza kuti Jehovha anofara patinomupa “zvinopiwa zvokuzvidira zvomuromo,” uye patinoshanda nomufaro tichiita zvose zvatinogona kuti kunamata kwechokwadi kufambire mberi. (Pis. 119:108; 2 VaK. 9:7) Kana tikashandisa pfungwa idzi dzemuMagwaro uye kana tikanyengetera kuti titungamirirwe naMwari, tingatadza here kuziva mafungiro aJehovha? Kufungisisa pfungwa dzemuMagwaro kuchaita kuti tiite chisarudzo chinonyatsotibatsira uye chinoita kuti tikomborerwe naBaba vedu vekudenga.

14. Ungaziva sei kana mamwe mapfekero achifadza Jehovha?

14 Chimbofunga nezvemumwe muenzaniso: Ngatitii unofarira mamwe mapfekero anogona kukanganisa vamwe muungano. Asi panogona kunge pasina mutemo uri muBhaibheri waunoziva unorambidza mapfekero akadaro. Ko Jehovha anoona sei nyaya yacho? Muapostora Pauro akafemerwa kunyora mashoko aya ekuti: “Ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vaine mwero nepfungwa dzakanaka, vasingaruki bvudzi nendarama kana nemaparera kana kupfeka nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari, naiwo mabasa akanaka.” (1 Tim. 2:9, 10) Zano iri rinoshandawo zvakaenzana kuvarume vechiKristu. Sevashumiri vaJehovha vakazvipira, hatifungi zvakangotinakira chete asi tinofungawo kuti vamwe vanonzwa sei pavanoona mapfekero edu. Kuva nemwero uye rudo kuchatibatsira kuti tifungewo maonero anoita vamwe vatinonamata navo kuti tisavavhiringidze kana kuvagumbura. (1 VaK. 10:23, 24; VaF. 3:17) Kufunga zvinotaurwa neMagwaro kunogona kutibatsira kuti tinzwisise mafungiro aJehovha panyaya yacho tobva tasarudza zvinomufadza.

15, 16. (a) Jehovha anonzwa sei kana tikaramba tichifunga zvinhu zveunzenza? (b) Patinosarudza zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo, tingaziva sei zvinofadza Jehovha? (c) Zvisarudzo zvakakura zvinofanira kuitwa sei?

15 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anorwadziwa vanhu pavanoita zvakaipa uye ‘pfungwa dzavo padzinofunga zvakangoipa nguva dzose.’ (Verenga Genesisi 6:5, 6.) Mashoko aya anotibatsira kunzwisisa kuti kufungidzira tichiita zvepabonde kwakaipa nekuti kunogona kuita kuti tipedzisire taita chivi chakakura chinonyatsorambidzwa zvakajeka muMagwaro uyewo kunopesana nemafungiro aJehovha. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka, hahusaruri, hahunyengeri.” (Jak. 3:17) Kuziva izvi kunofanira kuita kuti tisatombozvivaraidza nezvinhu zvinoita kuti tive nemafungiro asina kuchena kana zvido zvakaipa. VaKristu vakasimba pakunamata havamiriri kuudzwa nemumwe munhu kuti havafaniri kuzvivaraidza nemabhuku, mitambo kana kuti mafirimu anoratidza zvinhu zvinovengwa naJehovha. Mafungiro aMwari panyaya dzakadaro akanyatsojekeswa muBhaibheri.

16 Panyaya dzakawanda vanhu vanogona kusarudza zvakasiyana-siyana asi zvisarudzo zvacho zvose zvichifadza Jehovha. Asi kana zviri zvisarudzo zvakakura, dzimwe nguva zvakanaka kuti titsvake mazano kuvakuru kana vamwe vaKristu vakakura pakunamata. (Tito 2:3-5; Jak. 5:13-15) Ichokwadi kuti hazvina kukodzera kuti tikumbire vamwe kuti vatiitire zvisarudzo zvedu. VaKristu vanofanira kurovedza uye kushandisa simba ravo rekunzwisisa. (VaH. 5:14) Tese tinofanira kuita zvinoenderana nemashoko akafemerwa Pauro ekuti: “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.”—VaG. 6:5.

17. Tinobatsirwa sei patinoita zvisarudzo zvinofadza Jehovha?

17 Patinoita zvisarudzo zvedu maererano nemafungiro aJehovha, tinoswedera pedyo naye. (Jak. 4:8) Anobva atifarira uye anotikomborera. Izvi zvinoita kuti kutenda kwedu muna Baba vedu vekudenga kuwedzere kusimba. Saka ngatibvumei kutungamirirwa neBhaibheri nokuti rinoita kuti tizive mafungiro aMwari panyaya dzakasiyana-siyana. Ticharamba tiine zvinhu zvitsva zvekudzidza nezvaJehovha. (Job. 26:14) Asi kunyange iye zvino, kana tikashanda nesimba tinogona kuwana uchenjeri, zivo uye ungwaru zvinogona kutibatsira kuti tisarudze nekuchenjera. (Zvir. 2:1-5) Zvinofungwa nevanhu vane chivi uye zvirongwa zvavanoita zvinongochinja-chinja, asi munyori wepisarema anotiyeuchidza kuti: “Zano raJehovha richamira nokusingagumi; pfungwa dzomwoyo wake dzicharamba dziripo kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.” (Pis. 33:11) Chokwadi, tinokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka chaizvo kana mafungiro edu uye zviito zvedu zvichienderana nemafungiro aMwari wedu akachenjera, Jehovha.