Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubva Mudura Renhoroondo Yedu

“Vanhu Vakapiwa Basa Racho”

“Vanhu Vakapiwa Basa Racho”

PASHURE pekunge kwaita mazuva kuine mhepo uye kuchinaya, musi weMuvhuro 1 September 1919, zuva rakabuda uye kwakatanga kudziya. Masikati emusi iwoyo, vanhu vasingasviki 1 000 vakaungana munzvimbo inokwana vanhu 2 500 kuti vanzwe chikamu chemangwanani chegungano rakaitirwa muCedar Point, Ohio, kuU.S.A. Panguva dzemanheru, vamwe 2 000 vakanga vasvika nezvikepe, motokari uye zvitima. Musi weChipiri, vanhu vakawedzera zvekuti purogiramu yese yakatevera yakaitirwa panze pasi pemiti yakanaka.

Zuva raipinda nemumashizha emiti richiita kuti majasi evarume aite sekuti ane mapatani. Mhepo yaibva muLake Erie yaipeperetsa minhenga yaiva pamaheti evakadzi. “Yaiva paradhiso chaiyo, tiri munzvimbo yakaita sepaki, kure neruzha rwenyika ino,” inoyeuka kudaro imwe hama.

Kunaka kwenzvimbo iyi kwaisara pasi tichienzanisa nemufaro waiva pazviso zvevanhu vakanga varipo. “Vese vanoita sevakazvipira chaizvo pakunamata, uye vari kufara zvikuru,” rakadaro rimwe bepanhau. Vadzidzi veBhaibheri, vakafara zvikuru nekuwadzana kwavaiita nevamwe vavo pashure pemiedzo yakakura yavakanga vasangana nayo mumakore mashomanana akanga apfuura yakadai seiyi: kupikiswa munguva dzehondo; kusawirirana muungano; kuvharwa kweBheteri reBrooklyn; kusungwa kwaiitwa vakawanda pamusana pekutenda kwavo, kusanganisira hama 8 dzaitungamirira basa idzo dzakanga dzakatongerwa kugara mujeri kwemakore anosvika 20. *

Mumakore iwayo vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakaodzwa mwoyo uye vakavhiringidzika zvekuti vakarega kuita basa rekuparidza. Asi vakawanda vaiita zvese zvavaigona kuti varambe vachiita basa rekuparidza pasinei nekuti hurumende yaiedza kurimisa. Mumwe muongorori akataura kuti pasinei nekuti vakanga vapiwa nyevero, Vadzidzi veBhaibheri vaaibvunza vaiti “vaizoramba vachiparidza shoko raMwari kusvika kumugumo.”

Munguva yese iyi yekuedzwa, Vadzidzi veBhaibheri vakatendeka vainge “vachitarisa kutungamirira kwaShe, . . . vachigara vachinyengetera kuti Baba vavatungamirire.” Iye zvino vainge vabatanidzwa zvakare pagungano raifadza rakaitirwa muCedar Point. Imwe hanzvadzi yakataura manzwiro aiita vakawanda avo vainetseka kuti “vaizokwanisa sei kuwedzera basa ravo votangazve kuparidza zvakarongeka.” Hapana chimwe chavaida kupfuura kuita basa iri.

“GA”—CHINHU CHITSVA CHEKUSHANDISA

Kwevhiki rese, vanhu vainetseka nezvairehwa nemabhii ekuti “GA” ayo ainge akanyorwa papurogiramu yegungano, pamakadhi ekugamuchira vanhu, uye pazvikwangwani zvaiva munzvimbo yacho. Musi weChishanu, uyo wainzi “Zuva Revashandi Pamwe Nesu,” Hama Joseph F. Rutherford vakazobudisa pachena zvaisazivikanwa nevanhu 6 000 vaiva pagungano iri. Mabhii ekuti “GA” aimiririra The Golden Age. Iyi yaiva magazini itsva yekushandisa muushumiri. *

Vachitaura nezvevamwe vavo vakazodzwa, Hama Rutherford vakati: “Nemhaka yekuti vane kutenda, vanotarisira nguva yeGolden Age (nguva yekunaka kwezvinhu) pakutonga kwaMesiya. . . . Vanoti basa ravo guru nderekuzivisa nyika nezvekuuya kweGolden Age uye vanoona basa iri seropafadzo yakakura. Iri rimwe remabasa avakanzi naMwari vaite.”

The Golden Age, “Magazini Inotaura Chokwadi, Inopa Tariro Uye Inopa Chivimbo,” yaizoshandiswa pakutanga nzira itsva yekuparadzira chokwadi. Vaparidzi vaizoenda paimba neimba kuti vanhu vanyorese kuti vagopota vachitumirwa magazini iyi. Pakabvunzwa kuti vangani vaida kuita basa iri, vanhu vese vakasimuka. Uye “vaine chido chaizivikanwa nevaya vanotevera tsoka dzaJesu,” vakaimba vachiti: “Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu, Haiwa Ishe.” J. M. Norris akati: “Handimbokanganwi kuzunguzika kwakaita miti.”

Pakapera chikamu chacho, vanhu vainge varipo vakamira mumitsetse kwemaawa akawanda kuti vave vekutanga kunyoresa magazini yacho. Vakawanda vakafara sezvakaita Mabel Philbrick , uyo akati: “Zvaifadza zvikuru kuziva kuti taizovazve nerimwe basa rekuita!”

“VANHU VAKAPIWA BASA RACHO”

Vadzidzi veBhaibheri vanenge 7 000 vakagadzirira kuita basa. Pepa rainzi Organization Method uye kabhuku kainzi To Whom the Work Is Entrusted zvakatsanangura zvaifanira kuitwa: Pamahofisi makuru paizova neDhipatimendi Rebasa iro raizotungamirira basa racho. Muungano maifanira kuumbwa Dare rebasa uye maizogadzwa mutungamiriri kuti ape mirayiridzo. Ndima dzaifanira kukamurwa kuva zvikamu zvaiva nedzimba dzinobva pa150 kusvika ku200. Musangano Webasa waizoitwa musi weChina manheru kuti hama dzitaure zvaiitika mushumiri uye kuti dzipe mishumo yebasa.

“Patakadzokera kudzimba dzedu, tese takatanga kuita mushandirapamwe wekuti vanhu vanyorese kuti vazotumirwa magazini iyi,” akadaro Herman Philbrick. Vakawana vanhu vakawanda vakavateerera kwese kwavaienda. “Zvinoita sekuti pashure pehondo uye kusurukirwa kukuru, munhu wese aifarira kunzwa nezvenguva yekupera kwematambudziko evanhu,” akadaro Beulah Covey. Arthur Claus akanyora kuti: “Ungano yese yakashamisika chaizvo nekuwanda kwevanhu vakanyoresa kuti vazotumirwa magazini yacho.” Pasina mwedzi miviri kubva pakatanga kubudiswa magazini yacho vaparidzi vakapa vanhu magazini eThe Golden Age anopfuura hafu yemiriyoni, uye magazini yacho yakanga yatova nevanhu 50 000 vakanyoresa.

Nyaya yaiti “Evhangeri yoUmambo,” yaiva muNharireyomurindi yaJuly 1, 1920, ndiyo yakazonzi naA. H. Macmillan, “mashoko akatanga kutaurwa nesangano nezvebasa rekuparidza semaitiro atava kuita iye zvino.” Nyaya yacho yakakurudzira vaKristu vese vakazodzwa kuti “vape uchapupu kuvanhu vese hwekuti umambo hwekudenga hwava kutonga.” Mazuva ano, hama dzaKristu ‘idzo dzakapiwa basa racho’ dzinoshanda pamwe chete nemamiriyoni evanhu pakuparidza shoko dzichimirira nguva yekugadziriswa kwezvinhu pakutonga kwaMesiya.

^ ndima 5 Ona bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha​—Vazivisi voUmambo hwaMwari, chits. 6, “Nguva Yokuedza (1914-1918).”

^ ndima 9 The Golden Age yakapiwa zita rekuti Consolation muna 1937 uye yakanzi Awake!(Mukai!) muna 1946.