Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Basa Iguru”

“Basa Iguru”

INGUVA yemusangano unokosha chaizvo muJerusarema. Mambo Dhavhidhi ashevedza machinda ake ose, vakuru vakuru, nevarume vane simba. Vari kufara chaizvo nechiziviso chinokosha chavanzwa. Jehovha asarudza Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi, kuti avake chivako chikuru chekunamatira Mwari wechokwadi. Mambo Dhavhidhi agamuchira purani yechivako chacho achiita zvekufemerwa uye aipa Soromoni. Dhavhidhi anoti: “Basa iguru; nokuti chivako ichi chikuru hachisi chomunhu, asi ndechaJehovha Mwari.”​—1 Mak. 28:1, 2, 6, 11, 12; 29:1.

Dhavhidhi anobva abvunza kuti: “Ndiani anozvipira kuzadza ruoko rwake nechipo [chekupa] Jehovha nhasi?” (1 Mak. 29:5) Kudai waivapo, ungadai wakaita sei? Ungadai wakatsigira here basa iri rakakura? VaIsraeri vakaita chipatapata vachitsigira basa racho. “Vakafara nokupa zvinhu nokuzvidira . . . nokuti vakapa Jehovha zvinhu nokuzvidira, nomwoyo wakakwana.”​—1 Mak. 29:9.

Papera mazana emakore, Jehovha akaita kuti pave nechimwe chinhu chakakura kupfuura temberi yakavakwa naSoromoni. Akaita kuti pave netemberi huru yezvekunamata, kureva urongwa hwekuti vanhu vakwanise kumunamata kuburikidza nechibayiro chaJesu. (VaH. 9:11, 12) Jehovha ari kubatsira sei vanhu kuti vayanane naye mazuva ano? Ari kushandisa basa redu rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Nemhaka yebasa iri, gore negore tiri kuitisa mamiriyoni ezvidzidzo zveBhaibheri, zviuru zvevadzidzi zviri kubhabhatidzwa, uye ungano dzakawanda dziri kutangwa.

Kuwedzera kuri kuitika kunoreva kuti tinofanira kuprinda mabhuku akawanda, kuvaka nekugadziridza Dzimba dzeUmambo, uye kutenga nzvimbo dzekuvakira dzimba dzemagungano. Handizvo here kuti basa redu rekuparadza mashoko akanaka iguru uye rine mubayiro?​—Mat. 24:14.

Kuda Mwari nemuvakidzani uye kuziva kuti basa rekuparidza Umambo rinofanira kuitwa nekukurumidza kunoita kuti vanhu vaMwari vauye “nechipo [chekupa] Jehovha” kuburikidza nekupa mipiro. Zvinofadza zvikuru ‘kukudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha’ uye kuona zvinhu zvakadaro zvichishandiswa nekuchenjera pakuita basa guru risati ramboitwa.​—Zvir. 3:9.