Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unonyatsokoshesa Bhuku raJehovha Here?

Unonyatsokoshesa Bhuku raJehovha Here?

‘Pamakagamuchira shoko raMwari, makarigamuchira sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.’​—1 VAT. 2:13.

NZIYO: 114, 113

1-3. Chii chingangodaro chakaitika pakati paYudhiya naSindike, uye tingaita sei kuti izvozvo zvisaitika? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

VASHUMIRI vaJehovha vanonyatsokoshesa bhuku dzvene raMwari, Bhaibheri. Sevanhu vanotadza, dzimwe nguva tose tinombopiwa zano rinobva muMagwaro. Tichaita sei kana tikapiwa zano? Funga nezvenyaya yevamwe vaKristu vekutanga vainzi Yudhiya naSindike. Pane zvakaita kuti vakadzi ava vakazodzwa vasawirirana, asi Bhaibheri haritauri kuti chii chakanga chaitika. Asi ngatimbotii zvinotevera ndizvo zvingangodaro zvakaitika.

2 Ngatitii Yudhiya akakoka hama nehanzvadzi kumba kwake kuti vadye uye vatandare vese. Sindike haana kukokwa, asi akanzwa kuti vanhu vakanakidzwa chaizvo. Sindike anogona kunge akati: ‘Chokwadi Yudhiya angabva arega kundikokawo? Ndaifunga kuti ndiri shamwari yake yepamwoyo.’ Achifunga kuti Yudhiya akanga amurasisa, Sindike akatanga kumunyumwira uye kumuona neziso risina kunaka. Saka Sindike akakoka hama nehanzvadzi dzimwe chete idzodzo kumba kwake, asi akasiya Yudhiya. Kusawirirana kwaYudhiya naSindike kunogona kunge kwakakanganisa rugare rweungano yese. Bhaibheri haritauri kuti zvakazofamba sei, asi hanzvadzi idzi dzinofanira kunge dzakashandisa zano remuapostora Pauro.​—VaF. 4:2, 3.

3 Kusawirirana kwakadaro kunogona kukanganisa ungano dzevanhu vaJehovha mazuva ano. Zvisinei, nyaya dzakadaro dzinogona kugadziriswa kana kusamuka zvachose kana tikashandisa zano ratinowana muShoko raMwari, Bhaibheri. Uye kana tichikoshesa chaizvo Bhuku raJehovha, tichararama maererano nezvarinorayira.​—Pis. 27:11.

BHUKU RAMWARI RINOTIBATSIRA KUZVIDZORA

4, 5. Shoko raMwari rinotipa zano ripi panyaya yekuzvidzora?

4 Hazvisi nyore kuzvidzora kana tikaona sekuti hatina kubatwa zvakanaka. Zvinogona kutirwadza chaizvo kana tikabatwa zvisina kunaka nemhaka yerudzi rwedu, ruvara rweganda, kana kuti kusiyana kwatakaita nevamwe. Izvi zvinonyanya kurwadza kana zvikaitwa nemumwe muKristu. Shoko raMwari rine mazano anogona kutibatsira here kana izvozvo zvikaitika?

5 Jehovha agara achicherechedza zvinoitwa nevanhu kubvira paakavasika. Anocherechedza manzwiro edu uye zvatinoita. Zvatinofunga, kunyanya paya patinenge tarwadziswa, zvinogona kuita kuti tizotaura kana kuita zvinhu zvatinozodemba. Tinenge tichiratidza uchenjeri kana tikashandisa mazano ari muBhaibheri ekuti tizvidzore torega kukurumidza kugumbuka. (Verenga Zvirevo 16:32; Muparidzi 7:9.) Hapana mubvunzo kuti tese tinofanira kuedza kusakurumidza kugumbuka uye towedzera kuregerera vamwe. Kuna Jehovha naJesu, nyaya yekuregererana haisi yekutamba nayo. (Mat. 6:14, 15) Unofanira kuwedzera kuregerera vamwe uye kuwedzera kuva nemwoyo murefu here?

6. Nei tichifanira kungwarira kuti tisaramba takagumbuka?

6 Vanhu vasingagoni kuzvidzora vanowanzoramba vakagumbuka. Izvi zvingaita kuti vamwe vasada kushamwaridzana navo. Munhu anochengeta chigumbu anogona kukanganisa vamwe muungano. Angaedza kuvharidzira kugumbuka kwake kana ruvengo rwake, asi mafungiro asina kunaka anenge ari mumwoyo make ‘achafumuka muungano.’ (Zvir. 26:24-26) Vakuru vanokwanisa kubatsira munhu akadaro kuti aone kuti kufufutirwa nehasha, kuvengana uye kuchengeta chigumbu hazvidiwi musangano raMwari. Bhuku raJehovha rinotaura zvakajeka nezvazvo. (Revh. 19:17, 18; VaR. 3:11-18) Unobvumirana nezvarinotaura here?

TIRI KUTUNGAMIRIRWA NAJEHOVHA

7, 8. (a) Jehovha anotungamirira sei sangano rake repanyika? (b) Ndeipi mimwe mirayiro inowanika muShoko raMwari, uye nei tichifanira kuiteerera?

7 Jehovha anotungamirira uye anopa vanhu vari musangano rake repanyika zvekudya zvekunamata achishandisa “muranda akatendeka, akangwara” uyo anotungamirirwa naKristu, “musoro weungano.” (Mat. 24:45-47; VaEf. 5:23) Kungofanana nedare raitungamirira munguva yevaKristu vekutanga, muranda uyu anogamuchira shoko raMwari rakafemerwa uye anorikoshesa zvikuru. (Verenga 1 VaTesaronika 2:13.) Ndeipi mimwe mirayiro yatinowana muBhaibheri inotibatsira?

8 Bhaibheri rinotirayira kuti tigare tichipinda misangano. (VaH. 10:24, 25) Rinotikurudzira kuti tive nedzidziso imwe chete. (1 VaK. 1:10) Shoko raMwari rinotiudza kuti tiise Umambo pekutanga muupenyu hwedu. (Mat. 6:33) Magwaro anoti tine ropafadzo uye basa rekuparidza paimba neimba, munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda, uye chero patinowana mukana. (Mat. 28:19, 20; Mab. 5:42; 17:17; 20:20) Bhuku raMwari rinorayira vakuru vechiKristu kuti vaite kuti sangano rake rigare rakachena. (1 VaK. 5:1-5, 13; 1 Tim. 5:19-21) Uye Jehovha anoti munhu wese ari musangano rake anofanira kuramba akachena pakunamata uye achenese muviri wake.​—2 VaK. 7:1.

9. Ndeipi nzira imwe chete iri kushandiswa kutibatsira kunzwisisa Shoko raMwari?

9 Vamwe vanofunga kuti vanogona kunzwisisa Bhaibheri vari vega. Asi “muranda akatendeka” ndiye chete akagadzwa naJesu kuti ape vanhu zvekudya zvekunamata. Kubvira muna 1919, Jesu Kristu ari kushandisa muranda iyeye kubatsira vateveri vake kuti vanzwisise Bhuku raMwari, uye vaite zvarinorayira. Kana tikateerera mirayiridzo iri muBhaibheri, tinoita kuti ungano ive nerugare, irambe yakachena, uye yakabatana. Mumwe nemumwe wedu angazvibvunza kuti: ‘Ndichavimbika kuna Jesu here ndotevedzera mirayiridzo ‘yemuranda akatendeka?’

NGORO YAJEHOVHA IRI KUFAMBA!

10. Chikamu chekudenga chesangano raJehovha chinotsanangurwa sei mubhuku raEzekieri?

10 Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotibatsira kuziva zvakaita sangano rake rekudenga. Semuenzaniso, muprofita Ezekieri akaratidzwa chikamu chesangano raMwari chichimiririrwa nengoro yekudenga. (Ezek. 1:4-28) Jehovha ndiye ari kutyaira ngoro iyi, uye anoshandisa mudzimu wake kuti iende chero kwaanenge achida. Saka chikamu chekudenga chesangano rake chinobatsira chikamu chepanyika. Ngoro yaJehovha iri kufamba zvechokwadi! Funga zvinhu zvakawanda zvachinja musangano mumakore 10 apfuura, uchiyeuka kuti Jehovha ndiye anoita kuti zvidaro. Jesu Kristu nengirozi vagadzirira kuparadza nyika ino yakaipa, uye ngoro yaJehovha iri kufamba yakananga pakuita kuti uchangamire hwake hurevererwe uye zita rake ritsveneswe. Pasina nguva, Jesu nengirozi vachaparadza nyika ino yakaipa. Kuchange kusisina kana munhu anozvidza Jehovha uye zita rake kana kupikisa matongero ake.

Tinotenda chaizvo vanhu vakawanda vakazvipira kushanda nesimba pakuita basa rekuvaka! (Ona ndima 11)

11, 12. Zvii zviri kuitwa nesangano raJehovha?

11 Chimbofunga zviri kuitwa nechikamu chepanyika chesangano raMwari mumazuva ano ekupedzisira. Basa rekuvaka. Mazana evashandi akashanda nesimba chaizvo pakuvaka mahofisi makuru matsva eZvapupu zvaJehovha kuWarwick, New York, U.S.A. Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nokuvaka Pasi Rose riri kutungamirira zviuru zvevanhu vari kuzvipira kuvaka Dzimba dzeUmambo uye kuwedzera zvivako zvemapazi. Tinotenda chaizvo hama nehanzvadzi idzodzo dziri kuzvipira kuita mabasa ekuvaka. Vanhu vaJehovha pasi rose vari kupa zvavanokwanisa kuti vatsigire kuvakwa kwenzvimbo idzi. Jehovha ari kuvakomborera nemhaka yekuvimbika uye kuzvininipisa kwavanoratidza.​—Ruka 21:1-4.

12 Zvikoro. Funga nezvezvikoro zvakasiyana-siyana zvedzidzo inobva kuna Mwari. (Isa. 2:2, 3) Tine Chikoro Chebasa Roupiyona, Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo, Chikoro cheGiriyedhi, Chikoro Chevachangotanga Basa repaBheteri, Chikoro Chevatariri Vanofambira Nemadzimai Avo, Chikoro Chevakuru veUngano, Chikoro Choushumiri hwoUmambo, uye Chikoro Chenhengo dzeDare reBazi Nemadzimai Avo. Jehovha anoda chaizvo kudzidzisa vanhu vake. Panzvimbo yedu yepaIndaneti panowanikawo mabhuku anodzidzisa Bhaibheri mumitauro yakawanda chaizvo. Nzvimbo yacho ine chikamu chevana, chemhuri, uyewo chikamu chinobudisa nhau. Uri kushandisawo here jw.org muushumiri uye pakunamata kwemhuri?

VIMBIKA KUNA JEHOVHA UYE TSIGIRA SANGANO RAKE

13. Chii chatinofanira kuita sevanamati vaJehovha vakavimbika?

13 Iropafadzo yakakura chaizvo kuva musangano raJehovha! Sezvo tava kuziva zvinodiwa naMwari uye mitemo yake, tinofanira kuita zvakarurama uye kutsigira uchangamire hwake. Nyika ino zvairi kuramba ichinyura mumatope eunzenza uye zvimwe zvinhu zvakaipa, tinofanira kutevedzera Jehovha ‘pakuvenga zvakaipa.’ (Pis. 97:10) Tinoramba kubatana nevanhu vasingadi Mwari, avo vanoti: “Zvakanaka zvakaipa uye zvakaipa zvakanaka.” (Isa. 5:20) Nemhaka yekuti tinoda kufadza Mwari, tinoedza nepatinogona napo kuramba takachena pazvose. (1 VaK. 6:9-11) Tinoda Jehovha uye tinovimba naye; tinosarudza kuvimbika kwaari kuburikidza nekurarama maererano nemitemo yake yakanyorwa zvakajeka muBhuku rake. Uye tinoita zvese zvatinogona kuti tiite zvinoenderana nemitemo yake tiri pamba pedu, muungano, kubasa, kuchikoro, uye chero kwatinenge tiri. (Zvir. 15:3) Ona dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti takavimbika kuna Mwari.

14. Vabereki vechiKristu vangaratidza sei kuti vakavimbika kuna Mwari?

14 Kurera vana. Vabereki vechiKristu vanoratidza kuti vakavimbika kuna Jehovha kuburikidza nekudzidzisa vana vavo vachitevedzera zviri muShoko rake. Vabereki vakavimbika kuna Mwari havangotevedzeri tsika dzekwavanogara panyaya yekurera vana. Mafungiro enyika haatombodiwi pamba pevaKristu. (VaEf. 2:2) Baba vechiKristu vakabhabhatidzwa havati, ‘Haa, patsika dzedu madzimai ndiwo anodzidzisa vana.’ Bhaibheri rinotaura zvakajeka panyaya iyi parinoti: “Vanababa, . . . rambai [muchirera vana venyu] mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Vanababa navanaamai vanotya Mwari vanoda kuti vana vavo vaite saSamueri, uyo akava neushamwari hwakasimba naJehovha kubvira achiri mudiki.​—1 Sam. 3:19.

15. Tinoratidza sei kuti takavimbika kuna Jehovha patinoita zvisarudzo zvakakura?

15 Kuita zvisarudzo. Patinoita zvisarudzo zvakakura mupenyu, imwe nzira yatinoratidza nayo kuti takavimbika kuna Mwari ndeyekutsvaga kubatsirwa neBhaibheri uye nesangano rake. Kuti tione kukosha kwazvo, ngatifungei nezvenyaya inobata bata vabereki vakawanda. Vamwe vanhu vanenge vatamira kune imwe nyika vane tsika yekutumira vana vavo vachangoberekwa kuhama dzavo dziri kumusha kuti vanochengetwa ikoko, ivo voramba vachishanda kuti vawane mari. Ichi chisarudzo chinoitwa nemhuri imwe neimwe, asi tinofanira kuyeuka kuti tichazvidavirira kuna Mwari pamusoro pezvatinosarudza. (Verenga VaRoma 14:12.) Kungava kuchenjera here kuita zvisarudzo zvakakura zvine chekuita nemhuri tisina kutanga tatarisa zvinotaurwa neBhaibheri? Kwete! Tinoda kuti Baba vedu vekudenga vatibatsire nekuti hatikwanisi kuzvitungamirira tega.​—Jer. 10:23.

16. Vamwe amai vaifanira kusarudza chii pavakabereka mwanakomana wavo, uye vakabatsirwa nei?

16 Mumwe mukadzi ainge atamira kune imwe nyika akabereka mwana mukomana uye aida kumuendesa kumusha kuti anochengetwa naambuya nasekuru. Paakasununguka, chimwe Chapupu chaJehovha chakatanga kudzidza naye Bhaibheri. Akafambira mberi uye akadzidza kuti ibasa rake kuti adzidzise mwana wake nezvaJehovha. (Pis. 127:3; Zvir. 22:6) Mukadzi uyu wechidiki akanyengetera kuna Jehovha sezvatinokurudzirwa neMagwaro kuti tiite. (Pis. 62:7, 8) Akataurawo neaimudzidzisa Bhaibheri uye nevamwe vemuungano. Pasinei nekuti hama neshamwari dzake dzaimumanikidza kuti aendese mwana kuvabereki vake, akaona kuti zvakanga zvisina kunaka kuti adaro. Murume wake akafara nezvakaitwa neungano pakubatsira mudzimai wake nemwana wavo zvekuti akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akatanga kupinda misangano pamwe chete nemhuri yake. Fungidzira kuti amai ava vakafara sei pavakaona kuti Jehovha akanga apindura munyengetero wavo!

17. Mirayiridzo ipi yatinofanira kutevedzera kana tichidzidza Bhaibheri nemumwe munhu?

17 Kutevedzera mirayiridzo. Nzira inokosha yatinoratidza nayo kuti takavimbika kuna Jehovha ndeyekutevedzera mirayiridzo yatinopiwa nesangano rake. Semuenzaniso, funga nezvemazano atakapiwa panyaya yekuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Takakurudzirwa kuti kana tava kugara tichidzidza nemunhu bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, ngatishandisei maminitsi mashoma tapedza kudzidza naye kuti timuudze nezvesangano redu. Tinogona kushandisa vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? uye bhurocha rinonzi Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? Takakurudzirwawo kuti kana tadzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rese nemudzidzi ari kufambira mberi, ngatidzidzei naye bhuku rinonzi Rambai Muri Murudo rwaMwari,” kunyange kana abhabhatidzwa. Sangano raMwari rakapa mirayiridzo iyi kuitira kuti vadzidzi vatsva ‘vadzikamiswe pakutenda.’ (VaK. 2:7) Uri kutevedzera mirayiridzo inobva kusangano raJehovha here?

18, 19. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tionge Jehovha?

18 Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tionge Jehovha. Chimwe ndechekuti ndiye akatipa upenyu, nekuti pasina iye tingadai tisingafambi uye tisipo. (Mab. 17:27, 28) Akatipa chipo chinokosha chaizvo cheBhaibheri. Tinoriona seshoko raMwari sezvakangoitwa nevaKristu vaiva muTesaronika, avo vakarigamuchira.​—1 VaT. 2:13.

19 Shoko raMwari riri kutibatsira kuswedera pedyo naJehovha uye iye anoswedera pedyo nesu. (Jak. 4:8) Baba vedu vekudenga vakatipa ropafadzo yakazonaka yekuti tive musangano rake. Tinokoshesa chaizvo chikomborero ichocho! Munyori wepisarema akazvitaura nenzira yakanaka achiti: “Ongai Jehovha, nokuti akanaka: Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.” (Pis. 136:1) Muna Pisarema 136 tinowana mashoko ekuti “mutsa wake worudo unogara nokusingagumi” ka26. Kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha nesangano rake, tichanyatsonzwisisa mashoko iwayo nekuti tichararama nekusingaperi.