Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Rambai Muchikurudzirana Zuva Rimwe Nerimwe’

‘Rambai Muchikurudzirana Zuva Rimwe Nerimwe’

“Kana paine shoko chero ripi zvaro rokukurudzira vanhu ramuinaro, ritaurei.”​—MAB. 13:15.

NZIYO: 121, 45

1, 2. Tsanangura kuti nei kukurudzira vamwe kuchikosha.

“VABEREKI vangu havambondikurudziri, asi vanogara vachingonditsoropodza. Uye mashoko avo anombondirwadza chaizvo,” anodaro Cristina, uyo ane makore 18. [1]  “Vanoti ndinoita semwana mudiki, handiteereri, uye ndakafuta. Saka ndinogara ndichichema uye ndinoona zviri nani kusataura navo. Ndinonzwa sekuti handibatsiri.” Izvi zvinoratidza kuti kana munhu asingakurudzirwi anogona kuora mwoyo zvikuru!

2 Kukurudzira munhu kunomupa simba rekuita zvakanaka. Rubén anoti, “Ndava nemakore akawanda ndichizviona semunhu asingabatsiri. Asi rimwe zuva, mumwe mukuru wandaiparidza naye akaona kuti zvinhu zvaisandifambira zvakanaka. Akanyatsonditeerera pandaitaura zvaindinetsa. Akabva andiyeuchidza zvakanaka zvandaiita. Akandiyeuchidzawo nezvemashoko aJesu ekuti mumwe nemumwe wedu anokosha kupfura shiri duku dzakawanda. Ndinowanzoyeuka rugwaro irworwo, uye ruchiri kundikurudzira. Mashoko emukuru wacho akandibatsira chaizvo.”​—Mat. 10:31.

3. (a) Muapostora Pauro akatii nezvekukurudzirana? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Hazvifaniri kutishamisa kuti Bhaibheri rinotaura kakawanda kuti tinofanira kugara tichikurudzirana. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vechiHebheru kuti: “Hama, chenjerai, kuti muna ani naani wenyu murege kumuka mwoyo wakaipa usina kutenda nokubva pana Mwari mupenyu; asi rambai muchirayirana [muchikurudzirana] zuva rimwe nerimwe, . . . kuti parege kuva nomumwe wenyu angaomeswa nesimba rinonyengera rechivi.” (VaH. 3:12, 13) Kana uchiri kuyeuka musi wawakamboudzwa mashoko anokurudzira, unoziva kuti zano iroro rekuti tikurudzirane rinokosha zvakadii. Saka ngatikurukurei mibvunzo iyi: Nei kukurudzirana kuchikosha? Tingadzidzei kubva pane zvaiitwa naJehovha, Jesu, uye Pauro pakukurudzira vamwe? Uye tingakurudzira sei vamwe zvekuti vanobatsirika?

VANHU VANODA KUKURUDZIRWA

4. Ndiani anoda kukurudzirwa, asi nei kuri kushoma mazuva ano?

4 Tose zvedu tinoda kukurudzirwa, kunyanya patinenge tichikura. “Vana . . . vanoda kukurudzirwa kungofanana nemiti inoda mvura,” akadaro mudzidzisi anonzi Timothy Evans. “Kana mwana akakurudzirwa anoona kuti anokosheswa.” Asi tiri kurarama munguva dzakaoma. Vanhu vanongofunga zvakavanakira chete, havana rudo rwekuzvarwa narwo, uye kukurudzirana kushoma. (2 Tim. 3:1-5) Vamwe vabereki havarumbidzi vana vavo nekuti vabereki vavo vaisambovakurudzira. Vashandi vakawanda havasi kurumbidzwa, saka vanonyunyuta kuti hapana anombovarumbidzawo pamusana pezvavanoita pabasa.

5. Kukurudzira vamwe kunosanganisirei?

5 Kukurudzira munhu kunowanzosanganisira kumurumbidza pamusana pechinhu chaanenge agona. Tinogonawo kukurudzira vamwe nekuita kuti vazive nezveunhu hwakanaka hwavainahwo kana kuti ‘nekutaura zvinonyaradza vaya vakaora mwoyo.’ (1 VaT. 5:14) Shoko rechiGiriki rinowanzoshandurwa kuti “kukurudzirwa” rine pfungwa yekushevedza munhu kuti auye padivi pako kuti akusimbise uye akunyaradze. Sezvatinoshumira pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu, kazhinji kacho tinowana mikana yekutaura zvinokurudzira. (Verenga Muparidzi 4:9, 10.) Panguva dzakakodzera, tinoitawo here kuti vamwe vazive kuti nei tichivada uye tichivakoshesa? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, tingaita zvakanaka kufunga nezvechirevo ichi: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei!”​—Zvir. 15:23.

6. Nei Dhiyabhorosi achida kutiodza mwoyo? Taura muenzaniso.

6 Satani Dhiyabhorosi anoda kutiodza mwoyo nokuti anoziva kuti kuora mwoyo kunoita kuti tipere simba pakunamata. Zvirevo 24:10 inoti “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” Satani akashandisa matambudziko uye mashoko ekupomera Jobho achiedza kumuodza mwoyo, asi utsinye ihwohwo hahuna zvahwakashanda. (Jobho 2:3; 22:3; 27:5) Tinogona kurwisa mabasa aSatani nekukurudzira vanhu vemumhuri medu uye vemuungano. Izvi zvichaita kuti tinzwe takachengeteka uye tichifara patinenge tiri pamba pedu uye paImba yeUmambo.

MIENZANISO YEKUTEVEDZERA

7, 8. (a) Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inoratidza kuti Jehovha anokoshesa kukurudzira vamwe? (b) Vabereki vangaitei kuti vatevedzere muenzaniso waJehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 Jehovha. Munyori wePisarema akaimba kuti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” (Pis. 34:18.) Jeremiya paakanga akaora mwoyo uye achitya, Jehovha akaita kuti muprofita iyeye awedzere kuva nechivimbo. (Jer. 1:6-10) Uye fungidzira kuti muprofita Dhanieri ainge akwegura akakurudzirwa zvakadini Mwari paakatumira ngirozi kuti imusimbise. Ngirozi iyoyo yakadana Dhanieri kuti “murume anodiwa kwazvo.” (Dhan. 10:8, 11, 18, 19) Unokwanisa here kukurudzirawo vaparidzi, mapiyona, uye hama nehanzvadzi dzakwegura dziri kupera simba?

8 Mwari haana kufunga kuti sezvo iye naJesu vakanga vashanda vese kwemakore akawanda, pakanga pasina chikonzero chekuti amurumbidze uye amukurudzire paakanga ava panyika. Kaviri, Jesu akanzwa Baba vake vachitaura vari kudenga vachiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mat. 3:17; 17:5) Nemashoko iwayo, Mwari akarumbidza Jesu uye akamupa chivimbo chekuti akanga achiita zvakanaka. Jesu anofanira kunge akakurudzirwa paakanzwa mashoko iwayo kaviri, paakatanga ushumiri hwake uye mugore rake rekupedzisira ari panyika. Jehovha akatumirawo ngirozi kuti isimbise Jesu paairwadziwa usiku hwekupedzisira asati afa. (Ruka 22:43) Kana tiri vabereki, ngatitevedzerei muenzaniso waJehovha nekugara tichikurudzira vana vedu uye kuvarumbidza pavanoita zvakanaka. Tinofanirawo kuwedzera kuvabatsira kana vachisangana nemiedzo zuva nezuva kuchikoro.

9. Tingadzidzei pamabatiro akaita Jesu vadzidzi vake?

9 Jesu. Pausiku hwaakatanga Chirangaridzo, Jesu akaona kuti vadzidzi vake vaizvikudza. Akazvininipisa ndokugeza tsoka dzavo, asi vakaramba vachiitisana nharo kuti ndiani aiva mukuru pakati pavo, uye Petro ainyanya kuzvivimba. (Ruka 22:24, 33, 34) Kunyange zvakadaro, Jesu akarumbidza vaapostora vake nekuti vakaramba vainaye mumiedzo yake yose. Akataura kuti vaizoita mabasa makuru kupfuura ake uye akavaudza kuti Mwari aivada zvikuru. (Ruka 22:28; Joh. 14:12; 16:27) Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Handifaniri here kutevedzera Jesu nekurumbidza vana vangu uye vamwe pamusana pezvakanaka zvavanoita pane kungoisa pfungwa pane zvavanokanganisa?’

10, 11. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti akaona kuti zvinokosha kukurudzira vamwe?

10 Muapostora Pauro. Mutsamba dzake, Pauro akataura zvakanaka nezvevamwe vaKristu. Akanga afamba nevamwe vavo kwemakore uye zviri pachena kuti aiziva zvavaikanganisa, asi akataura zvakanaka nezvavo. Semuenzaniso, Pauro akataura nezvaTimoti ‘semwana wake anodiwa uye akatendeka munaShe,’ uyo aiva nehanya nevamwe vaKristu. (1 VaK. 4:17; VaF. 2:19, 20) Muapostora wacho akaudza ungano yeKorinde nezvaTito achiti “ndomumwe wangu uye wandinoshanda pamwe chete naye nokuda kwezvinhu zvine chokuita nemi.” (2 VaK. 8:23) Timoti naTito vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo pavakaziva kuti Pauro aifungei nezvavo.

11 Pauro naBhanabhasi vakaisa upenyu hwavo pangozi nekudzokera kune dzimwe nzvimbo dzaiva nevanhu vaida kuvauraya. Semuenzaniso, pasinei nekuti vainge vamborwiswa zvakasimba muRistra, vakadzokera ikoko kuti vanokurudzira vadzidzi vatsva kuti varambe vari mukutenda. (Mab. 14:19-22) Paaiva muEfeso, Pauro akaunganirwa nemhomho yevanhu vainge vakagumbuka. Mabasa 20:1, 2 inoti: “Pashure pokunge mheremhere yapera, Pauro akashevedza vadzidzi, uye paakanga avakurudzira uye avaoneka, akabva aenda kuMakedhoniya. Pashure pokupfuura nomumativi iwayo uye achikurudzira vaivamo nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi.” Pauro aikoshesa chaizvo nyaya yekukurudzira vamwe.

KUKURUDZIRA VAMWE MAZUVA ANO

12. Misangano yedu inobatsira sei panyaya yekukurudzirana?

12 Baba vedu vekudenga vakaronga kuti pave nemisangano inoitwa vhiki nevhiki kuti tikwanise kukurudzirana tiri pamisangano yacho. (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) Sezvaiitwa nevateveri vaJesu vekare, isuwo tinoungana kuti tidzidze uye tikurudzirwe. (1 VaK. 14:31) Cristina, uyo ambotaurwa patangira nyaya ino, anoti: “Chandinonyanya kufarira ndechekuti kumisangano vamwe vanondikurudzira uye vanoratidza kuti vanondida. Dzimwe nguva pandinosvika paImba yeUmambo ndinenge ndakaora mwoyo. Asi hanzvadzi dzinobva dzauya pandiri, dzondimbundira uye dzondiudza kuti ndakachena. Dzinondiudza kuti dzinondida uye kuti dzinofara nekufambira mberi kwandiri kuita pakunamata. Kukurudzira kwadzinondiita kunoita kuti ndinzwe zviri nani chaizvo!” Zvinozorodza chaizvo kana tose tikaitawo pedu “kuti tikurudzirane”!​—VaR. 1:11, 12.

13. Nei vanhu vava nenguva yakareba vachishumira Jehovha vachidawo kukurudzirwa?

13 Kunyange vanhu vava nenguva yakareba vachishumira Jehovha vanodawo kukurudzirwa. Funga nezvaJoshua. Ainge ashumira Mwari akavimbika kwemakore akawanda. Kunyange zvakadaro, Jehovha akaudza Mosesi kuti amukurudzire. Akati: “Rayira Joshua, umukurudzire uye umusimbise, nokuti ndiye achayambuka ari pamberi pevanhu ava uye ndiye achaita kuti vagare nhaka nyika yauchaona.” (Dheut. 3:27, 28) Joshua akanga ava pedyo nekuita basa rakakura chaizvo rekutungamirira vaIsraeri pakutora Nyika Yakapikirwa. Aizosangana nezvipingamupinyi uye pamwe pacho vaizokurirwa muhondo. (Josh. 7:1-9) Ndosaka Joshua aifanira kukurudzirwa uye kusimbiswa! Saka mumwe nemumwe wedu ngaakurudzirewo vakuru, kusanganisa vatariri vematunhu, avo vanoshanda nesimba kuti vachengetedze makwai aMwari. (Verenga 1 VaTesaronika 5:12, 13.) “Dzimwe nguva hama dzinotipa tsamba dzichitenda kuti dzakanakidzwa nekushanya kwedu,” akadaro mumwe mutariri wedunhu. “Tinochengeta tsamba idzi uye tinodziverenga patinenge takaora mwoyo. Dzinotikurudzira chaizvo.”

Vana vedu vanofara patinovakurudzira (Ona ndima 14)

14. Chii chinoratidza kuti kurumbidza munhu uye kumukurudzira kunobatsira patinenge tichimupa zano?

14 Vakuru vechiKristu uye vabereki vanoona kuti kurumbidza uye kukurudzira vamwe kunobatsira pakupa zano rinobva muBhaibheri. Pauro paakarumbidza VaKorinde nemhaka yekushandisa zano raakavapa, zvinofanira kunge zvakavakurudzira kuramba vachiita zvakanaka. (2 VaK. 7:8-11) Andreas, uyo ane vana vaviri, anoti: “Kukurudzira kunobatsira vana kuti vakure pakunamata uye mupfungwa. Kunoita kuti vashandise mazano avanenge vapiwa. Kunyange zvazvo vana vedu vachiziva kuti zvakanaka ndezvipi, kuti varambe vachizviita muupenyu hwavo tinofanira kuramba tichivakurudzira.”

UNGAKURUDZIRA SEI VAMWE ZVINOBUDIRIRA?

15. Idanho ripi ratingatora kuti tikurudzire vamwe?

15 Ratidza kuti unoonga zvakanaka zviri kuitwa nevamwe vaKristu uye unhu hwavo hwakanaka. (2 Mak. 16:9; Job. 1:8) Jehovha naJesu vanokoshesa chaizvo zvese zvatinoita kuti titsigire zvinhu zvine chekuita neUmambo, kunyange kana zvatinoita uye zvatinopa zviri zvishoma nemhaka yemamiriro edu ezvinhu. (Verenga Ruka 21:1-4; 2 VaKorinde 8:12.) Semuenzaniso, hama nehanzvadzi dzedu dzakwegura dzinoshanda nesimba zvikuru kuti dzigare dzichipinda misangano uye dzichiita ushumiri. Tinofanira kudzirumbidza uye kudzikurudzira.

16. Nei tisingambofaniri kurega kukurudzira vamwe?

16 Kurudzira vamwe pose paunowana mukana. Kana tikaona chimwe chinhu chakanaka chinenge chaitwa nemumwe munhu, ngatimurumbidzei. Funga zvakaitika Pauro naBhanabhasi pavaiva muAndiyoki muPisidhiya. Vakuru vaitungamirira pasinagogi ikoko vakavaudza kuti: “Varume, hama, kana paine shoko chero ripi zvaro rokukurudzira vanhu ramuinaro, ritaurei.” Pauro akabva apa hurukuro yakanaka chaizvo. (Mab. 13:13-16, 42-44) Kana tichikwanisa kutaura mashoko anokurudzira, ngatiataurei. Tichaona kuti kana tikagara tichikurudzira vamwe, vachatikurudzirawo.​—Ruka 6:38.

17. Tinofanira kuitei kuti mashoko edu ekurumbidza vamwe anyatsovabatsira?

17 Taura nemwoyo wose uye taura zvacho zvaanenge agona. Kuudza munhu mashoko akadai sekuti wagona kana kuti waita zvakanaka kunobatsira, asi mashoko aJesu kuvaKristu vemuTiyatira anoratidza kuti zvinonyanya kubatsira kutaura zvacho zvaanenge agona. (Verenga Zvakazarurwa 2:18, 19.) Semuenzaniso, kana tiri vabereki, tinogona kuudza vana vedu zvacho zvatiri kufara nazvo pakufambira mberi kwavari kuita pakunamata. Tinogona kuudza amai vari kurera vana vari vega zvacho zvatinoyemura pamarerero avari kuita vana vavo pasinei nekuti zvakavaomera sei. Kurumbidza uye kukurudzira vamwe kwakadaro kunogona kubatsira zvikuru.

18, 19. Tingabatsirana sei kuti tirambe tiri pedyo naJehovha?

18 Hapana patichanzwa Jehovha achitiudza kuti titaure mashoko anokukurudzira mumwe munhu sezvaakaita kuna Mosesi achimuudza kuti akurudzire Joshua. Kunyange zvakadaro, Mwari anofara patinotaura zvinokurudzira vatinonamata navo nevamwewo. (Zvir. 19:17; VaH. 12:12) Semuenzaniso, tinogona kuudza hama inenge yapa hurukuro yavose kuti yatipa mazano atinoda kana kuti yatibatsira sei kunzwisisa rumwe rugwaro. Imwe hanzvadzi yakanyorera mumwe mukurukuri anoshanya kuti: “Kunyange zvazvo takataura tese kwemaminitsi mashoma, makaona kuti pane zvaindinetsa, uye makandinyaradza mukandikurudzira. Pamakataura nemutsa kudaro, muri pachikuva uye patakazotaura tose, ndakanyatsonzwa kuti chaiva chipo chakabva kuna Jehovha.”

19 Tinogona kuwana nzira dzakawanda dzekuvaka nadzo vamwe pakunamata kana tikatevedzera zano raPauro rekuti: “Rambai muchinyaradzana nokuvakana, sezvamuri kutoita chaizvo.” (1 VaT. 5:11) Tese zvedu tichafadza Jehovha kana ‘tikaramba tichikurudzirana zuva rimwe nerimwe.’

^ [1] (ndima 1) Mamwe mazita akachinjwa.