Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takarongwa Maererano Nezviri muBhuku raMwari

Takarongwa Maererano Nezviri muBhuku raMwari

“Jehovha akavaka nheyo dzenyika achishandisa uchenjeri. Akasimbisa matenga achishandisa ungwaru.”​—ZVIR. 3:19.

NZIYO: 105, 107

1, 2. (a) Vamwe vanotii nezvepfungwa yekuti Mwari ane sangano? (b) Munyaya ino tichakurukura nezvei?

MWARI ane sangano here? Vamwe vangati: “Hazvina basa kuti une chitendero chaunopinda here kana kuti hauna. Chinongodiwa chete kunamata Mwari.” Maonero iwayo akarurama here? Uchapupu huripo hunoratidzei?

2 Munyaya ino, tichakurukura uchapupu hwekuti Jehovha, Mwari akarongeka, ndiye Murongi asina waakaenzana naye. Tichakurukurawo kuti tinofanira kuita sei patinopiwa mirayiridzo nesangano raJehovha. (1 VaK. 14:33, 40) Kubva panguva yevaKristu vekutanga kusvika iye zvino, Magwaro abatsira chikamu chepanyika chesangano raJehovha pakuita basa guru rekuparidza mashoko akanaka. Nemhaka yekuti tinonyatsoita zviri muBhaibheri uye tinotevedzera mirayiridzo yesangano, tinoita kuti ungano igare yakachena, ive nerugare uye ibatane.

JEHOVHA, MURONGI ASINA WAAKAENZANA NAYE

3. Chii chinoita kuti ugutsikane kuti Jehovha ndiye Murongi asina waakaenzana naye?

3 Zvinhu zvakasikwa zvinoratidza kuti Mwari ndiye murongi asina waakaenzana naye. Bhaibheri rinoti, “Jehovha akavaka nheyo dzenyika achishandisa uchenjeri. Akasimbisa matenga achishandisa ungwaru.” (Zvir. 3:19) Tinongoziva “kachikamu kadukuduku kenzira [dzaMwari],” uye “tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake.” (Job. 26:14) Asi zvishoma zvatinoziva nezvemapuraneti, nyeredzi uye mapoka enyeredzi anonzi magalaxy zvinoita kuti tibvume kuti zvinhu izvi zviri muchadenga zvakanyatsorongeka. (Pis. 8:3, 4) Magalaxy ane mamiriyoni enyeredzi, uye dzose dzinofamba zvakarongeka muchadenga. Mapuraneti ari pedyo nezuva anofamba munzira dzawo achitenderera zuva sekunge kuti anotevedzera mitemo yemumugwagwa. Uchapupu hunoshamisa hwekurongeka kwezvinhu zvemuchadenga hunotibatsira kuona kuti Jehovha, uyo ‘akaita matenga nenyika nokunzwisisa,’ akakodzera kuti timurumbidze, tivimbike kwaari uye timunamate.​—Pis. 136:1, 5-9.

4. Nei sainzi yatadza kupindura mibvunzo yakawanda?

4 Sainzi yakaita kuti tizive zvakawanda zviri muchadenga nepanyika pano, uye ine zvakasiyana-siyana zvayakatibatsira nazvo. Asi pane mibvunzo yakawanda isina kukwanisa kupindurwa nesainzi. Semuenzaniso, vanoongorora zviri muchadenga havagoni kutiudza kuti zvakanyatsofamba sei kuti zvinhu zvose zviri muchadenga zvivepo kana kuti nei panyika paine vanhu nezvimwe zvisikwa zvakawanda zvine upenyu. Uyewo, vanhu havagoni kutsanangura kuti nei tiine chido chakasimba chekurarama nekusingaperi. (Mup. 3:11) Nei paine mibvunzo inokosha yakawanda zvikuru isina kupindurwa? Chimwe chikonzero ndechekuti nyanzvi dzesainzi dzakawanda nevamwe vanhu, vanotsigira mafungiro ekuti hakuna Mwari uye vanobvumirana nedzidziso yekuti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka. Asi Jehovha anopindura mibvunzo iri kunetsa vanhu pasi rose achishandisa Bhuku rake.

5. Tinobatsirwa sei nemitemo inodzora zvinhu zvakasikwa?

5 Tinobatsirwa zvikuru nemitemo isingachinji uye inogona kuvimbwa nayo yakaiswa naJehovha kuti idzore zvinhu zvakasikwa. Vanoita zvemagetsi, vanogadzira pombi dzemvura, mainjiniya, vatyairi vendege uye vanachiremba vanoopareta vanhu, vanobatsirwa nemitemo iyi pavanoita mabasa avo. Semuenzaniso, vanachiremba vanoopareta vanhu vanovimba nekuziva kuti zvakaita muviri wemunhu hazvichinji. Saka chiremba haaiti zvekutsvaga kuti mwoyo wemurwere uri papi. Uye tose zvedu tinoremekedza mitemo inodzora zvinhu zvakasikwa. Tikaedza kuita zvinopesana nemutemo wegravity, simba rinokwevera zvinhu pasi, tinogona kufa!

MWARI NDIYE AKAZVIRONGA

6. Nei tichifanira kutarisira kuti vanhu vaJehovha vamunamate zvakarongeka?

6 Zvinhu zviri muchadenga zvinoratidza kurongeka kunoshamisa. Saka tinofanira kutarisira kuti Jehovha anoda kuti vanhu vake vamunamate zvakarongeka. Kuti tirongeke, Jehovha akatipa Bhaibheri kuti rititungamirire. Kana tikararama tisingabatsirwi nesangano raMwari uye nemitemo yake, tinopedzisira tisingachafari.

7. Chii chinoratidza kuti Bhaibheri ibhuku rakarongeka?

7 Bhaibheri harisi muunganidzwa wezvinyorwa zvisingapindirani zvechiJudha nezvechiKristu. Ibhuku rakafemerwa naMwari uye rakanyatsorongwa. Mabhuku eBhaibheri anopindirana. Kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa tinowana mashoko anotaura nezvedingindira reBhaibheri. Dingindira racho kurevererwa kweuchangamire hwaJehovha uye kuzadzika kwechinangwa chake kuburikidza neUmambo hwake hunotungamirirwa naKristu, “mwana” akavimbiswa.​—Verenga Genesisi 3:15; Mateu 6:10; Zvakazarurwa 11:15.

8. Nei tingati vaIsraeri vainge vakanyatsorongeka?

8 VaIsraeri vekare vaiva muenzaniso wekurongeka. Semuenzaniso, maererano neMutemo waMosesi, paiva ‘nevakadzi vaiita basa rakarongwa pasuo retende rokusanganira.’ (Eks. 38:8) Kufamba kwaiita vaIsraeri uye kutakurwa kwetebhenekeri kwainge kwakarongeka. Pave paya, Mambo Dhavhidhi akaronga vaRevhi nevapristi kuti vave mumapoka aiita mabasa akasiyana-siyana. (1 Mak. 23:1-6; 24:1-3) Uye vaIsraeri pavaiteerera Jehovha, vaibva vava vanhu vakarongeka, vane rugare uye vakabatana.​—Dheut. 11:26, 27; 28:1-14.

9. Chii chinoratidza kuti ungano yevaKristu vekutanga yainge yakarongeka?

9 Ungano yevaKristu vekutanga yainge yakarongeka, uye yaibatsirwa nemirayiridzo yaibva kudare raitungamirira, iro pakutanga raiumbwa nevaapostora. (Mab. 6:1-6) Dzimwe hama dzakazowedzerwa mudare iroro. (Mab. 15:6) Ungano dzaipiwa mazano nemirayiridzo pachishandiswa tsamba dzakafemerwa. Tsamba dzacho dzainyorwa nevarume vaiva nhengo dzedare raitungamirira munguva dzevaapostora kana kuti nevamwe vaishanda nedare racho. (1 Tim. 3:1-13; Tito 1:5-9) Ungano dzaibatsirwa sei nekutevedzera mirayiridzo yedare raitungamirira?

10. Ungano dzekutanga padzaiteerera mirayiro yaisarudzwa nedare raitungamirira zvaiguma nei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Verenga Mabasa 16:4, 5. Hama dzaishanyira ungano dzichimiririra dare raitungamirira dzaipa “mirayiro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema.” Ungano zvadzaiteerera mirayiro iyi, “dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.” Nyaya iyi yemuBhaibheri ine chidzidzo chatingashandisa musangano raJehovha mazuva ano here?

UNOTEERERA MIRAYIRIDZO HERE?

11. Varume vakagadzwa vanofanira kuitei pavanowana mirayiridzo inobva kusangano raMwari?

11 Vari muMatare Emapazi, vatariri vematunhu, uye vakuru vemuungano vanofanira kuitei kana vakapiwa mirayiridzo nesangano raMwari mazuva ano? Bhuku raJehovha rinotirayira tose kuti titeerere uye tizviise pasi pevari kutungamirira. (Dheut. 30:16; VaH. 13:7, 17) Kutsoropodza vari kutungamirira kana kuvapandukira hakudiwi zvachose musangano raMwari, nekuti kunokanganisa ungano dzedu dzine rudo, dzine rugare uye dzakabatana. Hapana muKristu akavimbika angada kuratidza mafungiro seaDhiyotrefesi, uyo aisaremekedza hama dzaitungamirira uye ainge asina kuvimbika. (Verenga 3 Johani 9, 10.) Tingazvibvunza kuti, ‘Ndinokurudzira vandinonamata navo kuti vavimbike kuna Jehovha here? Ndinokurumidza kubvuma uye kutsigira mirayiridzo inopiwa nehama dziri kutungamirira here?’

12. Chii chakagadziriswa pakugadzwa kwevakuru nevashumiri vanoshumira?

12 Funga nezvechisarudzo chakaitwa neDare Rinotungamirira munguva pfupi yapfuura. Nyaya yakanzi “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaNovember 15, 2014, yakataura zvava kuitwa pakugadzwa kwevakuru nevashumiri vanoshumira. Nyaya yacho yakataura kuti dare raitungamirira panguva dzevaapostora rakaita kuti vatariri vanofambira vagadze hama. Sezvaiitwa panguva iyoyo, kubva musi wa1 September 2014, vatariri vematunhu ndivo vava kugadza vakuru nevashumiri vanoshumira. Mutariri wedunhu anoedza kunyatsoziva varume vari kurumbidzwa uye kushanda navo mubasa remumunda kana zvichiita. Anocherechedzawo mhuri yehama iri kufungwa nezvayo. (1 Tim. 3:4, 5) Dare revakuru nemutariri wedunhu vanonyatsoongorora zvinodiwa neMagwaro kuti hama ikodzere kugadzwa semushumiri anoshumira kana kuti mukuru.​—1 Tim. 3:1-10, 12, 13; 1 Pet. 5:1-3.

13. Tingaratidza sei kuti tinotsigira mirayiridzo yatinopiwa nevakuru?

13 Tinofanira kuteerera mirayiridzo iri muBhaibheri yatinopiwa nevakuru. Vafudzi ava vakavimbika vari musangano raMwari vanotungamirirwa nemirayiridzo ‘inopa utano’ inowanika muBhuku raMwari. (1 Tim. 6:3) Yeuka zano rakapiwa naPauro nezvevamwe vaiita zvisina kukodzera muungano. Vamwe vakanga ‘vasingamboshandi asi vaipindira mune zvisinei navo.’ Zviri pachena kuti vakatsiurwa nevakuru asi vakaramba vachiita zvaipesana nezano racho. Ungano yaizofanira kuita sei nemunhu aiita zvakadaro? Pauro akarayira kuti: “Rambai muchimucherechedza, regai kushamwaridzana naye.” Vaifanira kurega kushamwaridzana naye, asi kwete kumubata semuvengi. (2 VaT. 3:11-15) Mazuva ano, vakuru vanogona kupa hurukuro yenyevero nezvemunhu anoramba achiita zvinhu zvinozvidzisa ungano, zvakadai sekudanana nemunhu asingatendi. (1 VaK. 7:39) Unoita sei kana vakuru vakaona zvakakodzera kupa hurukuro yakadaro? Kana uchiziva munhu ari kuita zviri kutaurwa muhurukuro yacho, ucharega kuwadzana naye here? Kana ukarega kuwadzana naye, zvichamubatsira kuti azive kuti maitiro ake anomukuvadza uye haafadzi Jehovha, uye zvinogona kuita kuti achinje. [1]

UNGANO NGAIRAMBE YAKACHENA, IINE RUGARE, UYE YAKABATANA

14. Tingabatsira sei kuti ungano irambe yakachena?

14 Tinogona kuita kuti ungano irambe yakachena pakunamata nekuteerera mirayiridzo inowanika muShoko raMwari. Funga zvaiitika muKorinde. Pauro akanga ashanda nesimba pakuparidza muguta iroro, uye aida hama dzake dzaiva imomo. (1 VaK. 1:1, 2) Asi zvinofanira kunge zvakamuomera kuti ataure nezvedambudziko reunzenza hwepabonde raingosiyiwa rakadaro muungano iyoyo. Pauro akarayira vakuru kuti vaise munhu aiita unzenza kuna Satani, kureva kumudzinga. Kuti vachengetedze ungano yakachena, vakuru vaifanira kubvisa “mbiriso.” (1 VaK. 5:1, 5-7, 12) Kana tikatsigira chisarudzo chinenge chaitwa nevakuru chekudzinga mutadzi asingapfidzi, tinenge tichibatsira kuti ungano irambe yakachena uye zvinogona kuita kuti munhu wacho apfidze, otsvaga kuregererwa naJehovha.

15. Tingaita sei kuti muungano murambe muine rugare?

15 Pane rimwe dambudziko raifanira kugadziriswa muKorinde. Dzimwe hama dzaiendesana kumatare. Pauro akavabvunza kuti: “Nei musingasvi henyu mabvuma kuitirwa zvakaipa?” (1 VaK. 6:1-8) Izvozvo zviri kuitikawo mazuva ano. Pane dzimwe nguva, rugare rwehama rwakakanganiswa nekuti bhizinesi rakaramba kufamba mumwe ndokurasikirwa nemari uye zvichida akapomera mumwe kuti akaita chitsotsi. Vamwe vakaendesa hama dzavo dzechiKristu kumatare, asi Bhuku raMwari rinotibatsira kuona kuti zviri nani kurasikirwa pane kuita kuti zita raMwari rizvidzwe kana kukanganisa rugare rweungano. [2] Kuti tigadzirise matambudziko akakura kana kuti kusawirirana, tinofanira kushandisa zano raJesu. (Verenga Mateu 5:23, 24; 18:15-17.) Kana tikadaro, tinoita kuti mhuri yevanamati vaJehovha ibatane.

16. Nei tichifanira kutarisira kuti vanhu vaMwari vave vakabatana?

16 Bhuku raJehovha rinoratidza kuti nei tichifanira kutarisira kuti vanhu vake vabatane. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Tarirai! Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!” (Pis. 133:1) VaIsraeri pavaiteerera Jehovha, vaiva vanhu vakarongeka uye vakabatana. Achitaura nezveramangwana revanhu vake, Mwari akati: “Ndichavaisa mudanga vakabatana, seboka rezvipfuwo.” (Mika 2:12) Uyewo, Jehovha akafanozivisa achishandisa muprofita Zefaniya kuti: “Ndichaita kuti marudzi achinjire kumutauro wakachena [wechokwadi cheMagwaro], kuti ose zvawo adane zita raJehovha, kuti amushumire akabatana.” (Zef. 3:9) Tine chikomborero chakakura chaizvo chekunamata Jehovha takabatana!

Vakuru vanoedza kubatsira munhu anenge adarika vachishandisa mazano eBhaibheri (Ona ndima 17)

17. Kuti ungano irambe yakabatana uye yakachena, vakuru vanofanira kuitei kana mumwe munhu akatadza?

17 Kuti ungano irambe yakachena uye yakabatana, vakuru vanofanira kukurumidza kururamisa munhu anenge atadza, asi vachimuratidza rudo. Vanoziva kuti Jehovha anoda kuti vachengetedze ungano pazvinhu zvose zvakaipa uye vaite kuti irambe yakachena uye yakabatana. (Zvir. 15:3) Ndosaka Pauro akanyora tsamba yekutanga kuVaKorinde, iyo yaiva nezano rakasimba asi ichiratidza rudo. Tsamba yechipiri kuVaKorinde, iyo yakazonyorwa pashure pemwedzi yakati kuti, yakaratidza kuti vakuru vakashandisa murayiridzo wavakanga vapiwa naPauro. Kana muKristu akadarika asati azviziva, vakuru vanofanira kuedza kumubatsira neunyoro.​—VaG. 6:1.

18. (a) Zano riri muShoko raMwari rakabatsira sei ungano dzevaKristu vekutanga? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Zviri pachena kuti zano rakafemerwa riri muBhuku raMwari rakabatsira vaKristu vekutanga vaiva muKorinde nedzimwe nzvimbo kuti ungano dzavo dzirambe dzakachena, dziine rugare uye dzakabatana. (1 VaK. 1:10; VaEf. 4:11-13; 1 Pet. 3:8) Izvozvo zvakaita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzepanguva iyoyo dzikwanise kuita zvakawanda muushumiri. Pauro aitokwanisa kutaura kuti mashoko akanaka “akaparidzirwa zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaK. 1:23) Mazuva ano, vanhu vaJehovha vakabatana uye vakarongeka, uye vari kuparidza mashoko akanaka pasi rose. Nyaya inotevera ichatipa humwe uchapupu hunoratidza kuti chido chavo ndechekukudza Changamire Ishe Jehovha uye kuteerera mirayiridzo iri muBhuku rake, Bhaibheri.​—Pis. 71:15, 16.

^ [1] (ndima 13) Ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 134-136.

^ [2] (ndima 15) Kuti uone panotaurwa zvinhu zvingaita kuti muKristu asarudze kuendesa imwe hama kumatare edzimhosva, ona Rambai Muri Murudo rwaMwari,” peji 223, mashoko emuzasi.