Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakabuda Muchitendero Chenhema

Vakabuda Muchitendero Chenhema

“Budai mariri, vanhu vangu.”—ZVAK. 18:4.

NZIYO: 101, 93

1. Chii chaiita kuti vanhu vaMwari vatarisire kusunungurwa kubva muBhabhironi Guru, uye mibvunzo ipi yatichaongorora?

MUNYAYA yakapfuura, takadzidza kuti vaKristu vakatendeka vakatapwa sei neBhabhironi Guru. Asi chinofadza ndechekuti vaisazoramba vakatapwa. Murayiro waMwari wekuti “Budai mariri, vanhu vangu” waisazova nechaunoreva kana pasina aizokwanisa kubuda muchitendero chenhema. (Verenga Zvakazarurwa 18:4.) Tinoda chaizvo kudzidza kuti vanhu vaMwari vakasunungurwa zvachose riini kubva muBhabhironi! Asi tinofanira kutanga tapindura mibvunzo inotevera: Vadzidzi veBhaibheri vainge vakatsunga kuitei nezveBhabhironi Guru 1914 asati asvika? Hama dzedu dzaishingaira zvakadini pabasa rekuparidza pairwiwa Hondo Yenyika I? Vanhu vaMwari vainge vari muutapwa hweBhabhironi panguva iyoyo nemhaka yekuti vaifanira kururamiswa here?

“KUWA KWEBHABHIRONI”

2. Vadzidzi veBhaibheri vakaita sei nezvechitendero chenhema maererano nemanzwisisiro avaichiita panguva iyoyo?

2 Kwemakumi emakore Hondo Yenyika I isati yatanga, Charles Taze Russell nevamwe vake vakaona kuti masangano aizviti ndeechiKristu aisadzidzisa chokwadi cheBhaibheri. Saka vakatsidza kuti vasatombobatana nechitendero chenhema. Muna November 1879, Zion’s Watch Tower yakataura isingapotereri maonero avaiita nyaya yacho maererano neMagwaro kuti: “Chechi yese inozviti imhandara yakapiwa kuna Kristu asi iyo yakabatana nechikara uye ichitsigirwa nacho tinofanira kuiona sehure,” kureva Bhabhironi Guru.​—Verenga Zvakazarurwa 17:1, 2.

3. Vadzidzi veBhaibheri vakaita chisarudzo chipi chakakura chairatidza kuti vainzwisisa kuti vaifanira kubuda muchitendero chenhema? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Varume nevakadzi vaitya Mwari vaiziva zvavaifanira kuita. Vaisakwanisa kutarisira chikomborero chaMwari kana vaizoramba vachitsigira masangano ezvitendero zvenhema. Saka Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vakanyora tsamba dzekubuda mumachechi avaipinda. Pane imwe nguva, vaiverenga tsamba dzacho pamberi pevanhu vese pamusangano wechechi. Pavairambidzwa kudziverenga pamberi pevanhu, vamwe vaitumira tsamba dzacho kunhengo imwe neimwe yechechi. Vaisada kuramba vari muchitendero chenhema! Mumakore ainge apfuura, vamwe vaitourayiwa pavaiita izvozvo. Asi makore ekuma1800 ava kunopera, munyika dzakawanda chechi yakanga isisanyanyi kutsigirwa nehurumende. Sezvo painge pasisina chekutya, vagari vemunyika dzakadaro vainge vasununguka kutaura nezvechitendero uye kupikisa machechi aivapo.

4. Pairwiwa Hondo Yenyika I, zvinhu zvainge zvakamira sei pakati pevanhu vaMwari neBhabhironi Guru?

4 Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa kuti zvakanga zvisina kukwana kuti vaudze hama dzavo, shamwari dzepedyo, nevanhu vekuchechi kuti vakanga vasisatsigiri chitendero chenhema. Pasi rose, vanhu vaifanira kuona kuti Bhabhironi Guru ihure panyaya dzekunamata. Saka kubva muna December 1917 kusvika pakutanga kwa1918, zviuru zvishoma zveVadzidzi veBhaibheri zvaivapo panguva iyoyo zvakashingaira pakupa vanhu maturakiti 10 000 000 aiva nenyaya yaiti “Kuwa kweBhabhironi.” Maturakiti iwayo akafumura chiKristu chenhema. Vafundisi vakatsamwa chaizvo, asi Vadzidzi veBhaibheri vakaramba vachiita basa iroro rinokosha vasingatyi. Vakanga vakatsunga kuteerera “Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 5:29) Izvi zvinoratidzei? Varume nevakadzi vechiKristu havana kuva nhapwa dzeBhabhironi Guru munguva yairwiwa hondo asi vaitobuda mariri uye vaibatsira vamwe kuti vabudewo.

KUSHINGAIRA PAIRWIWA HONDO YENYIKA I

5. Nei tichiti hama dzaishingaira zvikuru pairwiwa Hondo Yenyika I?

5 Mumakore apfuura, taifunga kuti Jehovha haana kufara kuti vanhu vake vaisashingaira pakuparidza pairwiwa Hondo Yenyika I. Taiti nemhaka yechikonzero ichi, Jehovha akabvumira kuti Bhabhironi Guru rivatape kwenguva pfupi. Asi hama nehanzvadzi dzakatendeka dzaishumira Mwari kubva muna 1914 kusvika muna 1918 dzakazotsanangura kuti seboka dzaiita zvose zvadzaigona kuti basa rekuparidza rirambe richiitwa. Pane uchapupu hwakasimba hunoratidza kuti izvi ndizvo zvakaitika. Kunyatsonzwisisa zvakaitika kuVadzidzi veBhaibheri panguva iyoyo kunotibatsira kunzwisisa zvimwe zviitiko zviri muBhaibheri.

6, 7. (a) Vadzidzi veBhaibheri vaifanira kukurira matambudziko api pairwiwa Hondo Yenyika I? (b) Taura mienzaniso inoratidza kushingaira kwaiita Vadzidzi veBhaibheri.

6 Vadzidzi veBhaibheri vaivapo pairwiwa Hondo Yenyika I kubva muna 1914 kusvika muna 1918 vakaparidza chaizvo panguva iyoyo. Zvaisava nyore kuti vadaro nemhaka yezvikonzero zvakati kuti. Tichakurukura zviviri zvacho. Chekutanga, basa rainyanya kuitwa mazuva iwayo raiva rekuparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Bhuku rinonzi The Finished Mystery parakabhanwa nehurumende muna 1918, hama dzakawanda dzakaomerwa nekuparidza. Vakanga vasati vadzidza kuparidza vachishandisa Bhaibheri chete, uye bhuku raThe Finished Mystery ndiro ravaishandisa pakutaura nevanhu. Chechipiri kwaiva kupararira kwechirwere cheFuruwenza yeSpain kwakaitika muna 1918. Kupararira kwaiita chirwere ichi kwakaita kuti vaparidzi vatadze kufamba vakasununguka. Asi pasinei nematambudziko aya nemamwewo, Vadzidzi veBhaibheri vakaita zvese zvavaigona kuti basa rirambe richiitwa.

Vadzidzi veBhaibheri ivavo vaishingaira! (Ona ndima 6, 7)

7 Muna 1914 chete, Vadzidzi veBhaibheri vashomanana ivavo vakaratidza “Photo-Drama of Creation” kuvanhu vanopfuura 9 000 000. Firimu racho raiva nemifananidzo nemasiraidhi aienderana nemashoko nemimhanzi uye rairatidza nhoroondo yevanhu kubva pakasikwa zvinhu kusvika panoperera makore 1 000 ekutonga kwaJesu. Kugadzira firimu rakadaro chaiva chinhu chikuru chaizvo panguva iyoyo. Chimbozvifunga. Nhamba yevanhu vakaona firimu racho muna 1914 chete yaipfuura nhamba yevaparidzi vose veUmambo vari kuita basa mazuva ano! Mishumo inoratidza kuti muna 1916 vanhu 809 393 vaipinda misangano muUnited States, uye muna 1918 nhamba yacho yakawedzera kuenda pa949 444. Vadzidzi veBhaibheri ivavo vaishingaira zvikuru.

8. Hama dzakawana sei zvadzaida pakunamata pairwiwa hondo yenyika yekutanga?

8 Pairwiwa hondo yenyika yekutanga, hama dzaitungamirira dzakashanda nesimba kuti dzipe Vadzidzi veBhaibheri vose zvekudya zvekunamata uye kuti dzivakurudzire. Izvi zvakaita kuti vave nesimba rekuita basa rekuparidza. Richard H. Barber, uyo aishingaira zvikuru panguva iyoyo, akati: “Takabudirira pakuita kuti vatariri vanofambira vashomanana varambe vachiita basa ravo uye kuti Nharireyomurindi irambe ichibuda uye ichitumirwa kuCanada kwayainge yakabhanwa. Ndaiva neropafadzo yekutumira makopi anokwana muhomwe ebhuku rinonzi The Finished Mystery kuhama dzainge dzatorerwa adzo. Hama Rutherford vakakumbira kuti tironge magungano mumaguta akati kuti kumadokero kweUnited States totumira vakurukuri kuti vaedze nepavaigona napo kukurudzira hama.”

PAIVA NEZVAIDA KUGADZIRISWA

9. (a) Nei vanhu vaMwari vaifanira kururamiswa pakati pa1914 na1919? (b) Kunyange zvazvo vaida kururamiswa, kunenge kuri kukanganisa kuti titaure kutii?

9 Zvimwe zvaiitwa neVadzidzi veBhaibheri pakati pa1914 na1919 zvaisaenderana neMagwaro. Kunyange zvazvo vainamata nemwoyo wose, vaisanyatsonzwisisa nyaya yekuzviisa pasi pehurumende dzenyika. (VaR. 13:1) Saka pamwe pacho vaitsigira zvaiitwa muhondo. Semuenzaniso, purezidhendi weUnited States paakati musi wa30 May 1918 waizova musi wekunyengeterera rugare, Nharireyomurindi yakakurudzira Vadzidzi veBhaibheri kuti vanyengeterewo. Vamwe vakatotsigira hondo vachishandisa mari yavo, uye vamwe vashomanana vakatopinda muchiuto ndokuenda kuhondo. Asi kunyange zvazvo vaida kururamiswa, kunenge kuri kukanganisa kuti titaure kuti ichi ndicho chikonzero chakaita kuti vatapwe neBhabhironi Guru. Kusiyana naizvozvo, vainzwisisa kuti vaifanira kuparadzana nechitendero chenhema uye pairwiwa Hondo Yenyika I vainge vava pedyo nekuparadzana zvachose neBhabhironi Guru.​—Verenga Ruka 12:47, 48.

10. Vadzidzi veBhaibheri vakaratidza sei kuti vairemekedza upenyu?

10 Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vaisanyatsonzwisisa sezvatava kuita mazuva ano nyaya yekuti vaKristu havafaniri kuva nedivi ravanotsigira, vaiziva kuti Bhaibheri rinorambidza kuuraya munhu. Saka kunyange vaya vakatora zvombo ndokuenda kuhondo pairwiwa Hondo Yenyika I vakaramba kushandisa zvombo zvacho kuti vauraye vanhu. Vamwe vairamba kuuraya vaiendeswa kumberi muhondo vachitarisirwa kuti vaizourayiwa.

11. Hurumende dzakaita sei Vadzidzi veBhaibheri pavakaramba kuenda kuhondo?

11 Dhiyabhorosi akatsamwa nemhaka yekuvimbika kwainge kwakaita hama kuna Mwari. Saka akaronga kuti pave ‘nedambudziko achishandisa murau.’ (Pis. 94:20) Mukuru mukuru wemasoja eUnited States ainzi James Franklin Bell akaudza Hama J. F. Rutherford naW. E. Van Amburgh kuti hurumende yainge yaedza kudzika mutemo mutsva wekuti munhu wese airamba kurwa muhondo atongerwe rufu. Ainyanya kureva Vadzidzi veBhaibheri. Bell ainge akatsamwa kwazvo uye akaudza Hama Rutherford kuti: “Mutemo iwoyo hauna kupasa nekuti [Purezidhendi] Wilson akauramba; asi tinoziva patichakubatai uye hatisi kudzoka shure!”

12, 13. (a) Nei hama 8 dzaitungamirira dzakatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba? (b) Kuiswa mujeri kwakaita kuti hama dzisateerera Jehovha here? Tsanangura.

12 Hurumende yakazowana nzira yekuranga nayo vadzidzi veBhaibheri. Sevamiririri veWatch Tower Society, Hama Rutherford naHama Van Amburgh, nevamwe vatanhatu vakasungwa. Paaipa mutongo wacho, mutongi akati hama dzacho dzaiva nengozi kupfuura boka remasoja eGermany. Akati vainge vatadzira hurumende, masoja uye machechi ose zvawo uye vaifanira kurangwa zvakaoma. Vadzidzi veBhaibheri vacho vari 8 vakatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba muAtlanta, Georgia. Asi hondo payakapera, vakasunungurwa uye vakanzi vakanga vasina mhosva.

13 Kunyange pavaiva mujeri, varume 8 ava vakatsunga kuita zviri muMagwaro maererano nekuanzwisisa kwavaiita. Vakanyorera purezidhendi weUnited States vachikumbira kubudiswa mujeri. Mutsamba yacho vakanyora kuti Bhaibheri rinoti hatifaniri kuuraya, saka munhu anenge akazvitsaurira kuna Mwari akarega kumuteerera achida hake, haazofarirwi naye uye anozoparadzwa. Vakatsanangura kuti ndicho chikonzero nei vaisazouraya mumwe munhu. Zvaida ushingi kuti vanyorere purezidhendi! Zviri pachena kuti hama dzaisazomboita zvinopesana nezvinodiwa naMwari.

RUSUNUNGUKO PAKUPEDZISIRA!

14. Rondedzera uchishandisa Magwaro zvakaitika kubva muna 1914 kusvika muna 1919.

14 Maraki 3:1-3 inorondedzera zvakaitika kubva muna 1914 kusvika pakutanga kwa1919 painatswa “vanakomana vaRevhi” vakazodzwa. (Verenga.) Panguva iyoyo, Jehovha Mwari, “Ishe wechokwadi,” pamwe chete naJesu Kristu, “nhume yesungano,” vakauya patemberi yaMwari kuzoongorora vaya vaishumira ipapo. Pashure pekunge varuramiswa, vanhu vaJehovha vainge vacheneswa vakanga vagadzirira kupiwa rimwe basa. Muna 1919, “muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa kuti ape zvekudya zvekunamata kuvanhu vese vaMwari. (Mat. 24:45) Iye zvino vanhu vaMwari vakanga vasunungurwa kubva muBhabhironi Guru. Kubvira ipapo, nemutsa waJehovha usina kukodzera kuwanwa, vanhu vake vari kuramba vachiwedzera zivo pamusoro pekuda kwaMwari uye vari kuwedzera kuda Baba vavo vekudenga. Vanoonga zvikuru chikomborero chaakavapa! [1]

15. Kusunungurwa kwatakaitwa kubva muBhabhironi Guru kunofanira kuita kuti tiitei?

15 Tinofara zvikuru kuti takasunungurwa kubva muutapwa hweBhabhironi Guru! Satani akundikana zvachose kuparadza chiKristu chechokwadi panyika. Asi hatifaniri kukanganwa kuti Jehovha akatisunungura nechinangwa chei. (2 VaK. 6:1) Vanhu vakawanda vanoda kuziva chokwadi vachiri muutapwa hwechitendero chenhema. Vanofanira kuratidzwa nzira yekubuda nayo. Tinogona kuvaratidza nzira yacho. Saka tichitevedzera hama dzedu dzakararama mazana emakore apfuura, ngatiitei zvose zvatinogona kuti tivabatsire kuti vasununguke!

^ [1] (ndima 14) Pane zvakawanda zvakafanana pakugara kwakaita vaJudha senhapwa muBhabhironi kwemakore 70 nezvakaitika kuvaKristu pashure pekunge vamwe vatsauka pakutenda. Asi hatigoni kutaura kuti kutapwa kwakaitwa vaJudha kunofananidzira zvakaitika kuvaKristu vakazodzwa. Nguva dzekutapwa kwacho dzainge dzakareba zvakasiyana. Saka hatifaniri kuedza kutsvaga kuti zvese zvakaitika pakatapwa vaJudha zvaifananidzirei, sekunge kuti pane pazvinobatana nezvakaitika kuvaKristu vakazodzwa gore ra1919 rava pedyo kusvika.