NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA October 2016

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaNovember 28 kusvika kuDecember 25, 2016.

NYAYA YEUPENYU

Ndakaedza Kuratidzawo Muenzaniso Wakanaka Wandainge Ndaratidzwa

Kukurudzirwa nevaKristu vakasimba pakunamata kunogona kubatsira vamwe kuti vave nezvinangwa zvakanaka uye kuti vazvizadzise. Thomas McLain anorondedzera kuti vamwe vakava sei mienzaniso yakanaka kwaari, uye kuti iye akavawo sei muenzaniso kune vamwe.

“Musakanganwa Kugamuchira Vaeni Zvakanaka”

Mwari anoona sei vaeni? Ungaitei kuti ubatsire vanobva kune dzimwe nyika kuti vanzwe vakasununguka muungano menyu?

Ramba Wakasimba Pakunamata Paunenge Uchishumira Mundima Yemumwe Mutauro

VaKristu vese vanofanira kukoshesa nyaya yekuramba vakasimba pakunamata pamwe chete nemhuri dzavo. Asi, kana uri mundima yemumwe mutauro, une mamwe matambudziko aunosangana nawo.

Unochengetedza “Uchenjeri Hunobatsira” Here?

Uchenjeri hunobatsira hwakasiyana papi nezivo nekunzwisisa? Kuziva musiyano wacho kunogona kubatsira zvikuru.

Simbisa Kutenda Kwako Mune Zvaunotarisira

Tinogona kukurudzirwa nemienzaniso yekutenda kwakasimba yevanhu vekare uye vemazuva ano. Ungaita sei kuti kutenda kwako kurambe kwakasimba?

Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha

Chii chaizvo chinonzi kutenda? Uye ungaratidza sei kutenda?

Waizviziva Here?

Umambo hweRoma hwaipa rusununguko rwakakura sei kuvatungamiriri vechiJudha vaiva muJudhiya panguva yevaKristu vekutanga? Uye ndezvechokwadi here kuti kare munhu aigona kutodyara masora mumunda wemumwe munhu?