Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha

Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha

“Kutenda . . . kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.”—VAH. 11:1.

NZIYO: 54, 125

1. Tinofanira kuona sei kutenda kwechiKristu?

KUTENDA kwechiKristu kunokosha zvikuru. Havasi vanhu vese vane kutenda ikoko. (2 VaT. 3:2) Zvisinei, Jehovha akapa mumwe nemumwe wevanamati vake “chiyero chokutenda.” (VaR. 12:3; VaG. 5:22) Vese vane kutenda vanofanira kuonga Jehovha zvikuru.

2, 3. (a) Ndeapi makomborero anogona kuwanikwa nemunhu ane kutenda? (b) Mibvunzo ipi yatava kuda kuongorora?

2 Jesu Kristu akati Baba vake vekudenga vanoita kuti vanhu vauye kwavari vachishandisa Mwanakomana wavo. (Joh. 6:44, 65) Saka kutenda muna Jesu kunoita kuti munhu akwanise kuregererwa zvivi. Izvozvo zvinobva zvaita kuti ave netariro yekuva shamwari yaJehovha nekusingaperi. (VaR. 6:23) Takaitei kuti tikodzere kuwana chikomborero chakanaka kudaro? Sevatadzi takangokodzera kufa. (Pis. 103:10) Asi Jehovha akaona kuti tine zvakanaka zvatinogona kuita. Pamusana pemutsa wake usina kukodzera kuwanwa, akaita kuti mwoyo yedu igamuchire mashoko akanaka. Saka takatanga kutenda muna Jesu tichifunga nezveupenyu husingaperi.—Verenga 1 Johani 4:9, 10.

3 Asi chii chaizvo chinombonzi kutenda? Kunongogumira pakuziva makomborero atakachengeterwa naMwari here? Uye chinokosha ndechekuti tingaratidza sei kuti tine kutenda?

RATIDZA KUTI UNOTENDA “MUMWOYO MAKO”

4. Tsanangura kuti nei kutenda kusiri kungoziva chinangwa chaMwari chete.

4 Kutenda hakusi kungoziva chinangwa chaMwari chete. Kunoita kuti munhu aite zvinhu zvinoenderana nekuda kwaMwari. Kutenda munzira inoshandiswa naMwari pakuponesa vanhu kunoita kuti mutendi azivise vamwe mashoko akanaka. Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Kana uchizivisa pachena ‘shoko iroro riri mumuromo mako,’ kuti Jesu ndiIshe, uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti munhu anotenda nomwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.”—VaR. 10:9, 10; 2 VaK. 4:13.

5. Nei kutenda kuchikosha chaizvo, uye tingaita sei kuti kurambe kwakasimba? Taura muenzaniso.

5 Saka kuti tive netariro yekurarama nekusingaperi munyika itsva yaMwari, tinofanira kuva nekutenda uye toita kuti kurambe kwakasimba. Kukosha kwekuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba kunogona kufananidzwa nekukosha kwekuti muti urambe uchiwana mvura. Kana muti ukashaya mvura unosvava asi kana ukagara uchiwana mvura, unoramba wakasvibirira. Kana ukashaya mvura yakakwana, unopedzisira wafa. Ndizvo zvinoitawo kutenda kwedu. Kana kukasachengetedzwa kunosvava uye kunofa. (Ruka 22:32; VaH. 3:12) Asi kana tikakuchengetedza, kunoramba kuri kupenyu uye ‘kuchikura,’ uye kucharamba kwakasimba.—2 VaT. 1:3; Tito 2:2.

BHAIBHERI RINOTSANANGURA SEI CHINONZI KUTENDA?

6. VaHebheru 11:1 inotsanangura kutenda nenzira mbiri dzipi?

6 Bhaibheri rinotsanangura chinonzi kutenda pana VaHebheru 11:1. (Verenga.) Kutenda kune chekuita nezvinhu zviviri zvatisingagoni kuona, zvinoti: (1) “Zvinhu zvinenge zvichitarisirwa.” Izvi zvinogona kusanganisira zvinhu zvakavimbiswa kuti zvichaitika, zvakadai sekuguma kweuipi uye kuuya kwenyika itsva. (2) ‘Zvinhu zvisati zvaonekwa.’ Pandima iyi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kuratidzwa kuri pachena,” rinoreva uchapupu hunogutsa hwechinhu chisingaoneki, sekuvapo kwaJehovha Mwari, Jesu Kristu, ngirozi, uye kuti Umambo hwekudenga huriko. (VaH. 11:3) Tinoratidza sei kuti tariro yedu ndeyechokwadi uye kuti tinotenda muzvinhu zvisati zvaoneka zvinotaurwa muShoko raMwari? Tinodaro kuburikidza nezvatinotaura uye zvatinoita. Pasina izvozvo kutenda kwedu kunenge kusina kukwana.

7. Muenzaniso waNoa unotibatsira sei kunzwisisa chinonzi kuva nekutenda? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 VaHebheru 11:7 inotaura nezvekutenda kwaNoa kuti, “pashure pokunge anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari, akavaka areka kuti aponese imba yake.” Noa akaratidza kutenda nekuvaka areka yakakura chaizvo. Zviri pachena kuti vavakidzani vake vanofanira kunge vakamubvunza kuti nei aivaka chinhu chakakura kudaro. Noa akaramba akanyarara kana kuvaudza kuti vasiyane naye here? Haana kudaro. Kutenda kwake kwakaita kuti apupure neushingi uye ayambire vanhu vepanguva yake nezvemutongo waMwari waiuya. Noa anofanira kunge akadzokorora mashoko aakaudzwa naJehovha ekuti: “Kuguma kwevanhu vose kwasvika pamberi pangu, nokuti vazadza nyika nechisimba . . . Ndiri kuunza mafashamo emvura panyika kuti ndiparadze nyama yose ine simba roupenyu rinoshanda mairi iri pasi pedenga. Zvose zviri panyika zvichafa.” Uyewo, hapana mubvunzo kuti Noa akatsanangurira vanhu kuti vaizopona sei, achidzokorora murayiro waMwari wekuti: ‘Pindai muareka.’ Nekuita izvi, Noa akaratidzazve kutenda kuburikidza nekuva “muparidzi wokururama.”—Gen. 6:13, 17, 18; 2 Pet. 2:5.

8. Mudzidzi Jakobho akafemerwa kuti atsanangure chii pamusoro pezvinorehwa nekutenda chaiko kwechiKristu?

8 Tsamba yaJakobho inofanira kunge yakazonyorwa nguva pfupi pashure pekunge Pauro anyora achitsanangura chinonzi kutenda. Sezvakaita Pauro, Jakobho akatsanangura kuti kutenda chaiko kwechiKristu hakusi kungobvuma chete kuti zvinhu ndezvechokwadi; kunosanganisira mabasa. Jakobho akanyora kuti, “Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, ini ndichakuratidza kutenda kwangu nemabasa angu.” (Jak. 2:18) Jakobho anobva aratidza musiyano uri pakati pekungobvuma kuti zvinhu ndezvechokwadi nekuratidza kutenda. Madhimoni anobvuma kuti Mwari ariko, asi haana kutenda kwechokwadi. Anotoshanda nesimba kuti avhiringidze kuzadzika kwezvinangwa zvaMwari. (Jak. 2:19, 20) Jakobho anobva ataura nezvemumwe murume aiva nekutenda achiti: “Abrahamu baba vedu havana kunzi vakarurama here nemabasa pashure pokunge vabayira Isaka mwanakomana wavo paatari? Unoona kuti kutenda kwavo kwakashanda pamwe chete nemabasa avo uye kutenda kwavo kwakaitwa kwakakwana nemabasa avo.” Kuti anyatsobudisa pfungwa yekuti kutenda kunofanira kuratidzwa nemabasa, Jakobho anobva awedzera kuti: “Muviri usina simba roupenyu zvawakafa, saizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jak. 2:21-23, 26.

9, 10. Muapostora Johani anotibatsira sei kunzwisisa kukosha kwekuratidza kutenda?

9 Pashure pemakore anopfuura 30, muapostora Johani akazonyora Evhangeri yake netsamba dzake nhatu. Kungofanana nevamwe vanyori veBhaibheri, Johani ainzwisisa chinonzi kutenda. Akashandisa shoko rechiGiriki rinomboshandurwa kuti “ivai nokutenda” kupfuura vamwe vanyori vese veBhaibheri.

10 Semuenzaniso, Johani akati: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.” (Joh. 3:36) Kutenda kwechiKristu kunosanganisira kuratidza kuteerera mirayiro yaJesu. Kakawanda, Johani akanyora mashoko aJesu anoratidza kuti tinofanira kugara tichiratidza kutenda.—Joh. 3:16; 6:29, 40; 11:25, 26; 14:1, 12.

11. Tingaratidza sei kuti tinoonga kuziva kwatinoita chokwadi?

11 Tinofanira kuonga zvikuru kuti Jehovha akashandisa mudzimu wake mutsvene kuti atiratidze chokwadi uye kuti tikwanise kuva nekutenda mumashoko akanaka! (Verenga Ruka 10:21.) Hatimbofaniri kurega kuonga Jehovha nekuti akaita kuti tiuye kwaari achishandisa Mwanakomana wake, “Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu.” (VaH. 12:2) Kuti tiratidze kuti tinoonga mutsa usina kukodzera kuwanwa wakadaro, tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu kuburikidza nekunyengetera uye kudzidza Shoko raMwari.—VaEf. 6:18; 1 Pet. 2:2.

Ratidza kutenda kuburikidza nekuudzawo vamwe mashoko akanaka pese paunowana mukana (Ona ndima 12)

12. Tinofanira kuratidza kutenda kwedu munzira dzipi?

12 Tinofanira kuramba tichiratidza kutenda mune zvakavimbiswa naJehovha. Tinofanira kuita izvi nenzira dzinonyatsooneka nevamwe. Semuenzaniso, tinoramba tichiparidza nezveUmambo hwaMwari uye kuita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Tinorambawo tichiitira “vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaG. 6:10) Uye tinoshanda nesimba kuti tibvise “unhu hwekare nemabasa ahwo,” tichingwarira chero chii zvacho chinogona kutinetesa pakunamata.—VaK. 3:5, 8-10.

FAUNDESHENI YEDU INOSANGANISIRAWO KUTENDA MUNA MWARI

13. ‘Kutenda muna Mwari’ kunokosha zvakadini, kunotsanangurwa sechii, uye nei kuchitsanangurwa saizvozvo?

13 Bhaibheri rinoti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaH. 11:6) Shoko raMwari rinotsanangura ‘kutenda muna Mwari’ sechimwe chezvinhu zvinoumba “nheyo” kana kuti faundesheni inodiwa kuti chero munhu ave muKristu wechokwadi uye arambe akadaro. (VaH. 6:1) Pafaundesheni iyoyo, vaKristu vanofanira kuwedzera humwe unhu hunokosha ‘pakutenda kwavo’ kuti ‘varambe vari murudo rwaMwari.’—Verenga 2 Petro 1:5-7; Jud. 20, 21.

14, 15. Kutenda kunokosha zvakadini kana kuchienzaniswa nerudo?

14 Vanyori veBhaibheri vechiKristu vakasimbisa kukosha kwekutenda nekutaura nezvako kakawanda zvikuru. Hapana humwe unhu hwechiKristu hunotaurwa kakawanda saizvozvo. Izvi zvinoreva here kuti kutenda ndiko kunonyanya kukosha kupfuura humwe unhu hwechiKristu?

15 Achienzanisa kutenda nerudo, Pauro akanyora kuti: “Kana ndiine kutenda kwose zvokuti ndinobvisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.” (1 VaK. 13:2) Jesu akasimbisa kuti kuda Mwari ndiko kunonyanya kukosha paakapindura mubvunzo wekuti: “Ndoupi murayiro mukuru paMitemo yose?” (Mat. 22:35-40) Rudo runosanganisira humwe unhu hwakawanda hwechiKristu, kubatanidza kutenda. Bhaibheri rinoti “rudo . . . runotenda zvinhu zvose.” Runotenda zvinhu zvakataurwa naMwari muShoko rake.—1 VaK. 13:4, 7.

16, 17. Kutenda uye rudo zvinotaurwa sei pamwe chete muMagwaro, asi ndechipi chikuru pane zvose, uye nei zvakadaro?

16 Kutenda uye rudo zvinokosha chaizvo zvekuti vanyori veBhaibheri vechiKristu vakataura nezvazvo kakawanda vachizvibatanidza, kazhinji kacho vachizvitaura mumutsara mumwe chete. Pauro akakurudzira hama dzake kuti ‘dzipfeke chinhu chinovhariridza chipfuva, chokutenda uye rudo.’ (1 VaT. 5:8) Petro akanyora kuti: “Kunyange [Jesu] musina kumbomuona, munomuda. Kunyange musiri kumuona panguva ino, munotenda maari.” (1 Pet. 1:8) Jakobho akabvunza hama dzake dzakazodzwa kuti: “Mwari haana kusarudza varombo mune zvenyika kuti vapfume mukutenda uye vave vagari venhaka youmambo, hwaakapikira vaya vanomuda here?” (Jak. 2:5) Johani akanyora kuti: “Uyu ndiwo murayiro [waMwari], kuti titende muzita roMwanakomana wake Jesu Kristu uye tidanane.”1 Joh. 3:23.

17 Kunyange zvazvo kutenda kuchikosha, zvimwe zvinobatanidzwa pakutenda zvichapfuura patichaona kuzadziswa kwevimbiso dzaMwari uye pachaitika zvinhu zvatiri kutarisira. Asi tichafanira kuramba tichida Mwari uye muvakidzani uye rudo rwacho rucharamba ruchikura nekusingaperi. Ndosaka Pauro akanyora kuti: “Zvino, zvisinei, kutenda, tariro, rudo, zvitatu izvi, zvinoramba zviripo; asi chikuru pane zvose rudo.”—1 VaK. 13:13.

JEHOVHA AKAKOMBORERA KUTENDA KWEDU

18, 19. Chii chakavapo nemhaka yekutenda kwevanhu vaMwari mazuva ano, uye ndiani anokodzera kupiwa rukudzo rwacho?

18 Vanhu vaJehovha vari kuratidza kutenda muUmambo hwaMwari huri kutonga. Izvi zvakaita kuti pave neparadhiso yekunamata pasi rose ine vanhu vanopfuura 8 000000. Paradhiso iyi yakazara nechibereko chemudzimu waMwari. (VaG. 5:22, 23) Izvi zvinonyatsoratidza kutenda chaiko kwechiKristu uye rudo.

19 Hapana munhu anogona kuti ndini ndiri kuita kuti izvi zviitike. Mwari wedu ndiye ari kuita kuti zvidaro. Basa iri rakanaka riri kuunza ‘mukurumbira kuna Jehovha, chiratidzo chisingazoparadzwi nokusingagumi.’ (Isa. 55:13) Zvechokwadi, ichi “chipo chaMwari” kuti ‘tiponeswe nokutenda.’ (VaEf. 2:8) Paradhiso yedu yekunamata icharamba ichikura uye ichiwedzera kunaka kusvikira pasi rose razara nevanhu vasina chivi, vakarurama, uye vanofara, zvichiita kuti Jehovha arumbidzwe nekusingaperi. Ngatirambei tichitenda mune zvakavimbiswa naJehovha!