Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirwa Nekutungamirira kwaJehovha Mazuva Ano

Batsirwa Nekutungamirira kwaJehovha Mazuva Ano

CHISARUDZO CHAKANAKA MUPOLAND

“NDAIVA nemakore 15 pandakabhabhatidzwa, uye pashure pemwedzi mitanhatu ndakatanga upiyona hwebetsero. Papera gore, ndakanyorera kuti ndive piyona wenguva dzose. Pandakapedza sekondari ndakakumbira kunoshanda kwaidiwa vaparidzi veUmambo. Ndaida kubva mutaundi randakaberekerwa uye kuenda kure naambuya vangu vandaigara navo vaisava Chapupu. Handina kufara nazvo mutariri wedunhu paakati ndima yandakanga ndapiwa yaiva mutaundi iroro randakaberekerwa. Ndakaedza kuita kuti asaziva manzwiro andaiita. Ndakabva ipapo ndakatsikitsira kuti ndinofunga zvaakanga ataura. Ndakaudza wandaipayona naye kuti: ‘Ndofunga ndiri kuita saJona. Asi pakupedzisira Jona akazoenda kuNinivhi. Saka iniwo ndichashumira kwandakanzi ndishumire.’

“Ndava nemakore mana ndichipayona mutaundi randakakurira, uye ndinoona kuti kwaiva kuchenjera kutevedzera zvandainge ndarayirwa. Kusava nemaonero akanaka ndiro raiva dambudziko rangu guru. Iye zvino ndava kufara chaizvo. Mumwedzi mumwe chete, ndakakwanisa kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 24. Ndichibatsirwa naJehovha, ndakatotanga kudzidza Bhaibheri naambuya vangu vaimbondipikisa.”

ZVAKAZOGUMA ZVAITIKA KUFIJI ZVINOFADZA

Mumwe mudzidzi weBhaibheri kuFiji aifanira kusarudza kuti oenda kugungano here kana kuti oenda kupati yekupemberera zuva rekuberekwa kweimwe hama yemurume wake. Murume wake akabvuma kuti aende hake kugungano. Mudzidzi wacho akaudza murume wake kuti aizouyawo kupati abva kugungano. Asi paakadzoka kugungano, akaona kuti zvaiva nani kuti asaende kwaiitwa zvinhu zvaigona kukanganisa kunamata kwake, saka haana kuenda kupati yacho.

Murume wacho paakaudza hama dzake kuti ainge ataurirana nemudzimai wake kuti azobatana navo kana abva kumusangano weZvapupu, dzakati, “Haasi kuzouya, veZvapupu zvaJehovha havapembereri mazuva ekuberekwa!” *

Zvakazoitika ndezvekuti murume wacho akafara chaizvo kuti mudzimai wake akanga aita zvinoenderana nezvaanotenda uye nehana yake. Kutendeka kwake kwakazoita kuti awane mukana wekuparidzira murume wake nevamwewo. Zvakaguma nei? Murume wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akatanga kupinda misangano nemudzimai wake.

^ ndima 7 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaDecember 15, 2001.