Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzivirira Mashoko Akanaka Pamberi Pevanhu Vane Masimba

Kudzivirira Mashoko Akanaka Pamberi Pevanhu Vane Masimba

“KWANDIRI murume uyu mudziyo wakasarudzwa kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi nokumadzimambo.” (Mab. 9:15) Mashoko aya akataurwa naIshe Jesu paaitaura nezvemumwe muJudha akanga atendeuka kuva muKristu, uyo akazozivikanwa semuapostora Pauro.

Mumwe ‘wemadzimambo’ iwayo ndiMambo weRoma ainzi Nero. Waizonzwa sei kudai waifanira kudzivirira kutenda kwako pamberi pemutongi akadaro? Kunyange zvazvo zvakaoma, vaKristu vanokurudzirwa kutevedzera Pauro. (1 VaK. 11:1) Imwe nzira yekuita izvozvo ndeyekutevedzera zvaakaita paaitongwa maererano nemitemo yaivapo panguva iyoyo.

Mutemo waMosesi ndiwo waishanda munyika yeIsraeri, uye kwese kwese ndiwo waitevedzerwa nevanamati vechiJudha. Pashure pePendekosti ya33 C.E., vanamati vechokwadi vaisatarisirwa kuchengeta Mutemo waMosesi. (Mab. 15:28, 29; VaG. 4:9-11) Kunyange zvakadaro, Pauro nevamwe vaKristu vaisashora Mutemo uye izvi zvaiita kuti vakwanise kuparidzira vanhu vechiJudha pasina chinovavhiringidza. (1 VaK. 9:20) Pauro akatoenda kumasinagogi kakawanda, kwaainoparidzira vanhu vaiziva Mwari waAbrahamu uye vaaigona kukurukura navo achishandisa Magwaro echiHebheru.​—Mab. 9:19, 20; 13:5, 14-16; 14:1; 17:1, 2.

Vaapostora vakasarudza kutungamirira basa rekuparidza vari muJerusarema. Vaigara vachidzidzisa patemberi. (Mab. 1:4; 2:46; 5:20) Pane imwe nguva, Pauro akaenda kuJerusarema, uye ari ikoko akasungwa. Izvi zvakaita kuti atange kumiswa pamberi pematare kusvikira azoendeswa kuRoma.

PAURO AKASHANDISA SEI MUTEMO WEROMA?

Vatongi veRoma vangadai vakaona sei zvaiparidzwa naPauro? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, zvinokosha kuti tione kuti vaRoma vaiona sei zvitendero. Vaisamanikidza vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vaigara munyika dzaitongwa neRoma kuti vasiye zvitendero zvavo, kunze kwepazvaiita sekuti zvitendero zvacho zvaigona kukanganisa nyika kana kuti tsika.

Roma yakapa vaJudha kodzero dzaivabvumira kuita zvakawanda munyika dzaitongwa neRoma. Bhuku rinonzi Backgrounds of Early Christianity rinoti: “Chitendero chechiJudha chairemekedzwa munyika dzaitongwa neRoma. . . . VaJudha vainamata vakasununguka uye vaisamanikidzwa kunamata vanamwari venyika yeRoma. Vaigona kurarama maererano nemutemo wavo pachavo munzvimbo dzavaigara.” Vaisamanikidzwawo kupinda muchiuto. * Pauro aizoshandisa kuchengetedzwa kwaiitwa chitendero chechiJudha neMutemo weRoma achidzivirira chiKristu pamberi pevatongi veRoma.

Vavengi vaPauro vakaedza zvakasiyana-siyana kuti atambudzwe nevanhuwo zvavo uye vanhu vaiva nemasimba. (Mab. 13:50; 14:2, 19; 18:12, 13) Funga zvakaitika pane imwe nguva. Vakuru vemuungano yeJerusarema vakanzwa runyerekupe rwaitaurwa pakati pevaJudha kuti Pauro aiparidza “kuti varambe Mosesi.” Nyaya dzakadaro dzaigona kuita kuti vaJudha vainge vachangobva kutendeuka kuva vaKristu vafunge kuti Pauro aisaremekedza urongwa hwaMwari. Uyezve, dare reSanihedrini raigona kuti vaKristu vakanga vari vanhu vakatsauka pakutenda kwechiJudha. Kana izvozvo zvaizoitika, vaJudha vaiwadzana nevaKristu vaigona kurangwa. Vaigona kunzi vaiva vapanduki, vobva varambidzwa kuparidza mutemberi kana kuti mumasinagogi. Ndosaka vakuru veungano vakaudza Pauro kuti aratidze kuti runyerekupe irworwo rwaisava rwechokwadi kuburikidza nekuenda kutemberi kunoita zvaaisasungirwa naMwari kuti aite asi zvakanga zvisina hazvo kuipa.​—Mab. 21:18-27.

Pauro akaita izvozvo, zvikaita kuti ave nemikana ‘yekudzivirira nekusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.’ (VaF. 1:7) Paaiva patemberi, vaJudha vakaita mhirizhonga uye vaida kumuuraya. Mukuru mukuru wemasoja eRoma akaita kuti Pauro asungwe. Masoja paakanga ava kuda kumurova, akataura kuti aiva chizvarwa cheRoma. Izvozvo zvakaita kuti aendeswe kuKesariya kwaigara vaRoma vaitonga Judhiya. Ikoko aizowana mikana yekupupura neushingi pamberi pevanhu vane masimba. Izvi zvinogona kunge zvakazoita kuti vanhu vaisaziva zvakawanda nezvechiKristu vanyatsoziva nezvacho.

Chitsauko 24 chaMabasa chinotsanangura kutongwa kwakaitwa Pauro pamberi paFerikisi, gavhuna weRoma aiona nezveJudhiya, uyo akanga anzwa zvimwe zvinhu zvaitendwa nevaKristu. VaJudha vakapomera Pauro mhosva yekutyora mutemo weRoma munzira nhatu. Vakati Pauro aiita kuti pave nokumukira pakati pevaJudha muumambo hwose hweRoma; aiva mutungamiriri wekapoka kakaipa chaizvo; uye kuti aiedzawo kusvibisa temberi, iyo yaichengetedzwa nevaRoma. (Mab. 24:5, 6) Mhosva idzi dzaigona kuita kuti atongerwe rufu.

Mazuva ano, vaKristu vangada kuziva kuti Pauro akaita sei nezvaaipomerwa. Akaramba akadzikama, achiremekedza vanhu vacho. Pauro akataura nezveMutemo nevaProfita uye nezvekodzero yaaiva nayo yekunamata ‘Mwari wemadzitateguru ake.’ Kodzero iyoyo yaivawo nevamwe vaJudha vaiva pasi pemutemo weRoma. (Mab. 24:14) Nekufamba kwenguva, Pauro akakwanisa kudzivirira uye kuzivisa kutenda kwake pamberi pagavhuna akazotevera, Pokiyo Festo, uye pamberi paMambo Herodhi Agripa.

Pakupedzisira, kuti nyaya yake itongwe zvakanaka, Pauro akati: “Ndinokwidza mhosva yacho kuna Kesari!” Ndiye aiva nesimba kupfuura madzimambo ose panguva iyoyo.​—Mab. 25:11.

KUTONGWA KWAPAURO MUDARE RAKESARI

“Unofanira kumira pamberi paKesari,” yakadaro ngirozi ichiudza Pauro. (Mab. 27:24) Paakava Mambo weRoma, Nero akataura kuti iye pachake aisazotonga nyaya dzose. Mumakore masere ekutanga ari mambo, aiwanzopa vamwe basa rekutonga mhosva. Bhuku rinonzi The Life and Epistles of Saint Paul rinoti Nero paaibvuma kutonga nyaya aiitongera pamba pake, achibatsirwa navanachipangamazano vaiva neruzivo rwakawanda uye vaiteererwa chaizvo.

Bhaibheri haritauri kuti Nero ndiye here akatonga Pauro kana kuti akaita kuti mumwe munhu atonge nyaya yainge yakwidzwa naPauro ozozivisa Nero. Chero zvazvingava, Pauro anofanira kunge akataura kuti ainamata Mwari wevaJudha uye kuti aikurudzira vanhu vese kuti vape hurumende rukudzo rwakakodzera. (VaR. 13:1-7; Tito 3:1, 2) Zvinoita sekuti Pauro akabudirira pakudzivirira mashoko akanaka pamberi pevanhu vane masimba nokuti dare raKesari rakamusunungura.​—VaF. 2:24; Fir. 22.

BASA REDU REKUDZIVIRIRA MASHOKO AKANAKA

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari uye kune mamwe marudzi.” (Mat. 10:18) Iropafadzo kumiririra Jesu saizvozvo. Zvatinoita pakudzivirira mashoko akanaka zvinogona kuita kuti tikunde mumatare. Asi pasinei nekuti vanhu vane chivi vanopa mitongo yakaita sei, kodzero yedu yekuparidza mashoko akanaka inobva kuna Jehovha. Umambo hwaMwari ndiwo chete huchasunungura vanhu zvachose pakudzvinyirirwa uye pakusatongwa zvakarurama.​—Mup. 8:9; Jer. 10:23.

Kunyange mazuva ano zita raJehovha rinogona kukudzwa vaKristu pavanodzivirira kutenda kwavo. Sezvaiita Pauro, tinofanira kuedza kudzikama, kutaura chokwadi, uye kutaura zvinogutsa. Jesu akaudza vateveri vake kuti vaisafanira havo ‘kufanodzokorora kuti vachazvidzivirira sei nokuti aizovapa muromo nouchenjeri hwaisazokwanisa kudziviswa kana kupokanidzwa nevashori vavo vose.’​—Ruka 21:14, 15; 2 Tim. 3:12; 1 Pet. 3:15.

VaKristu pavanodzivirira kutenda kwavo pamberi pemadzimambo, magavhuna, kana kuti vamwe vane masimba, vanogona kupa uchapupu kuvanhu vangangodaro vaizovaomera kuparidzira mashoko akanaka. Mimwe mitongo yakapiwa ichitsigira Zvapupu zvaJehovha yakaita kuti mimwe mitemo inatsiridzwe, uye izvozvo zvakaita kuti rusununguko rwekutaura uye rwekunamata rudzivirirwe. Asi pasinei nekuti mitongo inopiwa panyaya dzakadaro yakaita sei, ushingi hunoratidzwa nevashumiri vaMwari pavanenge vachitongwa hunoita kuti afare.

Zita raJehovha rinokudzwa patinodzivirira kutenda kwedu

^ ndima 8 Munyori anonzi James Parkes akati: “VaJudha . . . vaiva nekodzero yekuita zvinhu zvechiJudha. Hapana chaishamisa nekupiwa kwavakaitwa rusununguko nekuti vaRoma vaingotevedzera tsika yavo yekupa vanhu kodzero yekusarudza zvavanoda munzvimbo dzakasiyana-siyana dzaiva pasi peumambo hweRoma.”