Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Maoko Ako Ngaarege Kushayiwa Simba”

“Maoko Ako Ngaarege Kushayiwa Simba”

“Maoko ako ngaarege kushayiwa simba.”​—ZEF. 3:16.

NZIYO: 81, 32

1, 2. (a) Vakawanda vari kusangana nematambudziko api mazuva ano, uye zviri kuguma nei? (b) Itariro ipi yechokwadi iri pana Isaya 41:10, 13?

IMWE hanzvadzi iri piyona wenguva dzose uye yakaroorwa nemukuru inoti: “Pasinei nekuti ndinogara ndichiita zvinhu zvekunamata, ndava nemakore akawanda ndichizvidya mwoyo. Kuzvidya mwoyo kunondishayisa hope, kunondirwarisa, kunoita kuti ndisabata vamwe zvakanaka uye dzimwe nguva kunoita kuti ndide kukanda mapfumo pasi.”

2 Unokwanisa kunzwisisa manzwiro ehanzvadzi iyoyo here? Zvinosuwisa kuti kurarama munyika yaSatani kwakaoma zvekuti munhu anosvika pakuzvidya mwoyo, zvoita kuti apere simba. Izvozvo zvinogona kufananidzwa netambo yakasunga chikepe kuti chisafamba. (Zvir. 12:25) Chii chingaita kuti unzwe saizvozvo? Pamwe uri kuedza kuti usanyanya kunetseka nezvekufa kwakaita munhu wawaida, une chirwere chakaipa, uri kuedza kuriritira mhuri yako munguva dzino dzinonetsa kuwana mari, kana kuti pangangodaro paine ari kukupikisa. Kunetseka mupfungwa kwaunozoita kunogona kukusiya usisina simba. Kunogona kutokushayisa mufaro. Asi unogona kuva nechivimbo chekuti Mwari akagadzirira kukubatsira.​—Verenga Isaya 41:10, 13.

3, 4. (a) Bhaibheri rinoshandisa sei shoko rekuti “maoko”? (b) Chii chingaita kuti maoko edu ashaye simba?

3 Bhaibheri rinowanzoshandisa nhengo dzemuviri wemunhu kuenzanisira zvinhu zvakasiyana-siyana. Semuenzaniso, pane mazana emavhesi anotaura nezveruoko. Kusimbisa ruoko rwemunhu kunogona kureva kumukurudzira uye kumupa simba rekuita chimwe chinhu. (1 Sam. 23:16; Ezra 1:6) Kunogonawo kureva kuva netariro yeramangwana.

4 Kurega maoko achishayiwa simba dzimwe nguva kwaishandiswa pakutsanangura nezvemunhu akaora mwoyo kana kuti asina tariro. (2 Mak. 15:7; VaH. 12:12) Kazhinji munhu akadaro anokanda mapfumo pasi. Kana uchishungurudzika kana kupera simba, kana kuti uchinzwa sekuti ukama hwako naJehovha hausisina kunyatsosimba, ungawana kupi ushingi? Ungawana sei simba rekutsungirira wova nemufaro?

“RUOKO RWAJEHOVHA HARUNA KUPFUPIKA ZVOKUSAGONA KUPONESA”

5. (a) Panomuka matambudziko, chii chinogona kuitika kwatiri, asi tinofanira kuzviyeuchidza nezvei? (b) Tichakurukura nezvei?

5 Verenga Zefaniya 3:16, 17. Pane kuti titye kana kuora mwoyo, izvo zvakafanana nekurega maoko edu achishaya simba, tinoudzwa naBaba vedu vane rudo, Jehovha, kuti ‘tikande kuzvidya mwoyo kwedu kwose pavari.’ (1 Pet. 5:7) Jehovha anotida sezvaaiita vaIsraeri. Akavaudza kuti ruoko rwake rune simba “haruna kupfupika zvokusagona kuponesa” vashumiri vake vakavimbika. (Isa. 59:1) Tichakurukura mienzaniso mitatu yemuBhaibheri inoratidza kuti Jehovha anoda uye anokwanisa kusimbisa vanhu vake kuti vaite kuda kwake pasinei nematambudziko anoita seasingakundike. Ona kuti mienzaniso iyi ingakusimbisa sei.

6, 7. Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatinowana pakukunda kwakaita vaIsraeri pavairwa nevaAmareki?

6 VaIsraeri vachangobva kusunungurwa zvinoshamisa kubva muuranda muIjipiti, vakarwiswa nevaAmareki. Achitevedzera zvaainge arayirwa naMosesi, Joshua akaratidza ushingi pakutungamirira vaIsraeri muhondo. Joshua paakaenda kuhondo, Mosesi akatora Aroni naHeri akaenda navo muchikomo chaiva pedyo pavaigona kuona nzvimbo yairwirwa hondo yacho. Varume vatatu ava vaitiza hondo nemhaka yekutya here? Kwete!

7 Mosesi akashandisa urongwa hwakaita kuti vakunde muhondo yacho. Akaramba akasimudza maoko ake netsvimbo yaMwari wechokwadi. Paairamba akadaro, Jehovha aiita kuti maoko evaIsraeri ave nesimba rekurwa vachikunda vaAmareki. Asi maoko aMosesi paakanga ava kurema ndokutanga kudzika, vaAmareki vakatanga kukunda. Aroni naHeri vakabva vakurumidza ‘kutora dombo, vakariisa pasi paMosesi, akagara pamusoro paro. Aroni naHeri vakatsigira maoko ake, mumwe ari kurutivi urwu uye mumwe wacho kurutivi urwo, zvokuti maoko ake akaramba akatsiga kusvikira zuva ravira.’ Ruoko rwaMwari rune simba rwakaita kuti vaIsraeri vakunde muhondo yacho.​—Eks. 17:8-13.

8. (a) Asa akaita sei vaItiopiya pavaida kurwisa vaJudha? (b) Tingatevedzera sei Asa pakuvimba kwaakaita naMwari?

8 Jehovha akaratidzawo kuti ruoko rwake haruna kupfupika panguva yaMambo Asa. MuBhaibheri munotaurwa nezvehondo dzakawanda. Asi uto rakakura kupfuura ose anotaurwa nezvawo raiva raZera muItiopiya. Aiva nemasoja 1 000 000 ainge agara nebasa. Nhamba yemasoja aAsa yaipinda kanenge kaviri munhamba yemasoja aZera. Unogona kuona kuti zvaiva nyore sei kuti Asa azvidye mwoyo uye atye, orega maoko ake achishaya simba. Pane kuti adaro, Asa akakurumidza kukumbira Jehovha kuti amubatsire. Zvaiita sekuti vaItiopiya vacho vaisakundika, “asi zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mat. 19:26) Mwari akaratidza simba rake guru ndokubva “akunda vaItiopiya pamberi paAsa,” uyo aiva ‘nemwoyo wakakwana kuna Jehovha mazuva ake ose.’​—2 Mak. 14:8-13; 1 Madz. 15:14.

9. (a) Chii chisina kutadzisa Nehemiya kuvakazve masvingo eJerusarema? (b) Mwari akapindura sei munyengetero waNehemiya?

9 Funga kuti Nehemiya anofanira kunge akanzwa sei paakaenda kuJerusarema. Zvakanga zviri nyore kuti vavengi varwise guta racho, uye vaJudha vaitya chaizvo. Kutyisidzirwa kwavaiitwa nevavengi vekune dzimwe nyika kwakaita kuti maoko evaJudha apere simba, zvekuti vaigona kumira kuvaka masvingo eJerusarema. Nehemiya akaregawo izvozvo zvichiita kuti atye zvekuti maoko ake akashaya simba here? Kwete! Sezvaiitwa naMosesi naAsa, nevamwe vashumiri vaJehovha vakavimbika, Nehemiya akanga atova netsika yekugara achinyengetera kuna Jehovha achiratidza kuvimba naye. Ndizvo zvaakaita panguva iyoyo. Pazvaiita sekuti vaJudha vaiva nechipingamupinyi chavaisagona kukurira, Jehovha akapindura munyengetero wemwoyo wose waNehemiya wekukumbira kubatsirwa. Mwari akashandisa ‘simba rake guru’ uye ‘ruoko rwake rune simba’ kuti asimbise maoko evaJudha akanga apera simba. (Verenga Nehemiya 1:10; 2:17-20; 6:9.) Unotenda here kuti Jehovha anoshandisa ‘simba rake guru’ uye ‘ruoko rwake rune simba’ kuti asimbise vashumiri vake mazuva ano?

JEHOVHA ACHASIMBISA MAOKO AKO

10, 11. (a) Satani anoedza sei kuita kuti maoko edu ashaye simba? (b) Jehovha anoshandisei kuti atisimbise? (c) Wakabatsirwa sei nekudzidziswa kwatinoitwa naMwari?

10 Tinoziva kuti Dhiyabhorosi haazombofi akarembedza maoko pakuedza kumisa mabasa edu echiKristu. Anoshandisa nhema uye kutyisidzira kunoitwa nehurumende, vatungamiriri vemachechi uye vanhu vakapandukira sangano. Chinangwa chake ndechei? Ndechekuita kuti maoko edu ashaye simba pabasa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo. Zvisinei, Jehovha anokwanisa uye anoda kutipa simba achishandisa mudzimu wake mutsvene. (1 Mak. 29:12) Zvinokosha kuti tibatsirwe nemudzimu iwoyo kuitira kuti tigone kurwisa Satani nenyika yake yakaipa. (Pis. 18:39; 1 VaK. 10:13) Uyewo tinoonga kuti tine Shoko raMwari, iro rakanyorwa nevanhu vaitungamirirwa nemudzimu mutsvene. Fungawo zvekudya zvekunamata zvatinowana mwedzi wega wega. Mashoko ari pana Zekariya 8:9, 13 (verenga) akataurwa paivakwazve temberi yemuJerusarema, uye anonyatsoshanda kwatiri.

11 Tinosimbiswawo nekudzidziswa kwatinoitwa naMwari pamisangano yedu yechiKristu nemagungano uye muzvikoro zvesangano. Zvatinodzidza zvinogona kutibatsira kuti tiite zvinhu nevavariro dzakanaka, tive nezvinangwa pakunamata, uye tiite mabasa edu echiKristu. (Pis. 119:32) Une chido chekuwana simba kubva pakudzidziswa ikoko here?

12. Tinofanira kuitei kuti tirambe takasimba pakunamata?

12 Jehovha akabatsira vaIsraeri kuti vakunde vaAmareki nevaItiopiya, uye akapa Nehemiya nevamwe vake simba rekuti vapedzise basa rekuvaka. Mwari achatipawo simba rekuti titsungirire kupikiswa, kushorwa uye kuzvidya mwoyo kuitira kuti tirambe tichiita basa redu rekuparidza. (1 Pet. 5:10) Hatitarisiri kuti Jehovha atiitire zvishamiso. Pane kudaro, tine zvatinofanira kuita. Izvozvo zvinosanganisira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kugadzirira nekupinda misangano vhiki nevhiki, kupinza zvinhu zvakanaka mupfungwa dzedu nemwoyo kuburikidza nekudzidza tiri tega uye kunamata semhuri, uye kuramba tichinyengetera kuna Jehovha tichiratidza kuvimba naye. Ngatisambobvumira kuti zvimwe zvinhu zvatinoita muupenyu zvivhiringidze nzira dzinoshandiswa naJehovha kuti atisimbise uye atikurudzire. Kana ukaona kuti maoko ako haasisina simba rekuita chimwe chezvinhu izvozvo zvekunamata, kumbira rubatsiro kuna Mwari. Zvadaro, ona kuti mudzimu wake uri ‘kushanda sei mauri kuti ude uye uite zvinomufadza.’ (VaF. 2:13) Zvii zvaungaitawo kuti usimbise maoko evamwe?

SIMBISA MAOKO ANGANGOREMBERA

13, 14. (a) Imwe hama yakasimbiswa sei pakafa mudzimai wayo? (b) Tingasimbisa sei vamwe?

13 Pasi rose, tine hama dzine rudo dzinogona kutikurudzira dzatinopiwa naJehovha. Yeuka kuti muapostora Pauro akanyora kuti: “[Simbisai] maoko anorembera nemabvi asina simba, uye rambai muchigadzirira tsoka dzenyu nzira dzakarurama.” (VaH. 12:12, 13) Vakawanda vakararama panguva yacho vakasimbiswa saizvozvo pakunamata. Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. Imwe hama payakafirwa nemudzimai wayo ndokusangana nezvimwe zvinhu zvairwadza, yakati: “Hatigoni kusarudza miedzo yatinosangana nayo kana kusarudza kuti miedzo yacho youya nguva ipi uye kakawanda sei. Kunyengetera uye kudzidza ndiri ndega kunondibatsira kuti ndisafa pakunamata. Uye kutsigirwa nehama nehanzvadzi dzechiKristu kunondinyaradza zvikuru. Ndava kuona kukosha kwazvakaita kuti munhu ave neukama hwakanaka naJehovha asati awirwa nematambudziko.”

Mumwe nemumwe ari muungano anogona kukurudzira vamwe (Ona ndima 14)

14 Aroni naHeri vakatsigira maoko aMosesi pairwiwa hondo. Isuwo tinogona kutsvaga zvatingaita kuti tibatsire vamwe uye tivatsigire. Tinogona kudaro kune vakwegura, vanorwara, vari kupikiswa nevemumhuri, vari kusurukirwa kana kuti vakafirwa. Tinogonawo kusimbisa vechidiki vari kunangana nemiedzo yekuita zvakaipa kana kuti yekutsvaga kunonzi nevanhu kubudirira munyika ino. (1 VaT. 3:1-3; 5:11, 14) Tsvaga nzira dzekuratidza kuti unofarira vamwe zvichibva pamwoyo paunenge uri paImba yeUmambo, muushumiri, pamunenge muchidya, kana kuti paunenge uchitaura navo parunhare.

15. Mashoko anokurudzira anobatsira sei vamwe vaKristu?

15 Pashure pekunge Asa akunda zvine mutsindo, muprofita Azariya akamukurudzira pamwe chete nevanhu vake nemashoko ekuti: “Asi imi shingai uye musashayisa maoko enyu simba, nokuti basa renyu richapiwa mubayiro.” (2 Mak. 15:7) Izvi zvakaita kuti Asa achinje zvinhu zvakawanda kuitira kuti adzorere kunamata kwechokwadi. Saizvozvowo, mashoko anokurudzira aunotaura anogona kukurudzira vamwe uye kuvabatsira kuita zvakawanda pakushumira Jehovha. (Zvir. 15:23) Uye kana uri pamisangano, usambofa wakatarisira pasi kubatsira kwaunogona kuita vamwe nekusimudza ruoko kuti upe mhinduro inovaka.

16. Kufanana naNehemiya, vakuru vangasimbisa sei maoko evari muungano? Taura mienzaniso yekubatsirwa kwawakaitwa nevamwe vaKristu.

16 Vachibatsirwa naJehovha, Nehemiya nevaaiva navo vakasimbisa maoko avo kuti vaite basa. Izvi zvakaita kuti vapedze kuvaka masvingo eJerusarema mumazuva 52 chete! (Neh. 2:18; 6:15, 16) Nehemiya aisangotarisa vamwe vachiita basa racho. Aitovakawo masvingo eJerusarema. (Neh. 5:16) Saizvozvowo, vakuru vakawanda vane rudo vari kukwanisa kutevedzera Nehemiya nekubatsira pakuvaka zvivako zvesangano uye pakuchenesa nekugadzirisa Dzimba dzeUmambo dzavanoshandisa. Pavanoshanda nevamwe vaparidzi muushumiri uye pavanoita kushanya kwekufudza, vanosimbisawo maoko evaya vanozvidya mwoyo.​—Verenga Isaya 35:3, 4.

“MAOKO AKO NGAAREGE KUSHAYIWA SIMBA”

17, 18. Patinosangana nematambudziko kana kuti patinenge tichizvidya mwoyo, chii chatinogona kuva nechokwadi nacho?

17 Kushumira pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu kunoita kuti tibatane. Kunoitawo kuti tive neushamwari hwakasimba uye kunowedzera kutenda kwatinoita kuti tichawana makomborero achaunzwa neUmambo hwaMwari. Patinosimbisa maoko evamwe, tinovabatsira kurwisa zvinhu zvinoodza mwoyo uye kuti varambe vaine tariro yeramangwana. Uyewo, kuitira vamwe izvozvo kunotibatsira kuramba tichifunga zvinhu zvekunamata uye kuona kuti zvinhu zvatichaitirwa naMwari ndezvechokwadi. Izvozvo zvinosimbisawo maoko edu.

18 Kuona kuti Jehovha akatsigira uye akachengetedza sei vashumiri vake munguva dzekare kunofanira kusimbisa kutenda kwedu uye kuvimba kwatinoita naye mazuva ano. Saka paunosangana nemiedzo nematambudziko, “maoko ako ngaarege kushayiwa simba”! Pane kudaro, nyengetera kuna Jehovha, uye mubvumire kuti akusimbise uye akutungamirire kumakomborero eUmambo achishandisa ruoko rwake rune simba.​—Pis. 73:23, 24.