Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchirwira Kukomborerwa naJehovha

Ramba Uchirwira Kukomborerwa naJehovha

“Warwisana naMwari uye nevanhu zvokuti wazokunda.”​—GEN. 32:28.

NZIYO: 60, 38

1, 2. Vashumiri vaJehovha vanofanira kurwisana nematambudziko api?

KUBVA kumunhu wekutanga ainge akavimbika, Abheri, kusvika nhasi, vanamati vaJehovha vakavimbika vari kurwira kutenda kwavo. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vechiHebheru achivayeuchidza kuti ‘vakatsungirira kurwisa kukuru vachitambura,’ pavaitsvaga kufarirwa naJehovha uye kukomborerwa naye. (VaH. 10:32-34) Pauro akafananidza kurwa kunoita vaKristu nezvaiitwa nevanhu vaikwikwidzana mumitambo yaiitwa muGirisi, yakadai sekumhanya, mutsimba uye tsiva. (VaH. 12:1, 4) Mazuva ano, tiri munhangemutange yeupenyu, uye tinosangana nevavengi vanoda kutivhiringidza, kutipiringisha, uye kutitadzisa kuwana mufaro nemakomborero ari mberi.

2 Hondo yedu huru ndeyekurwisana naSatani nenyika yake yakaipa. (VaEf. 6:12) Zvinokosha kuti tisambobvuma kukurirwa ‘nezvinhu zvakadzika midzi’ munyika. Izvi zvinosanganisira zvainodzidzisa, mafungiro ayo, nezvimwe zvinokuvadza zvainoita zvakadai sekuita unzenza, kuputa fodya, uye kudhakwa nedoro nemadhiragi. Uye tinofanira kuramba tichirwisa zvido zvemuviri wedu une chivi uye kuora mwoyo.​—2 VaK. 10:3-6; VaK. 3:5-9.

3. Mwari anotidzidzisa sei kuti tirwise vavengi vedu?

3 Zvinoita here kuti tikurire zvinhu izvozvo zvine simba? Hongu, zvinoita, asi tinotofanira kurwisa. Achishandisa muenzaniso wemutambi wetsiva, Pauro akati: “Makandiro andiri kuita zvibhakera ndeokuti ndisarova mhepo.” (1 VaK. 9:26) Sezvinoita mutambi wetsiva anorwisa munhu waanenge achirwa naye, isuwo tinofanira kurwisa vavengi vedu. Jehovha anotidzidzisa uye anotibatsira pakurwa kwatinoita. Anotipa mirayiridzo inoponesa achishandisa Shoko rake. Anotibatsirawo achishandisa misangano yechiKristu, magungano, uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Uri kushandisa zvauri kudzidza here? Kana ukasazvishandisa, unenge uchiita seuri ‘kurova mhepo,’ uchitadza kunyatsorwisa muvengi wako.

4. Tingaita sei kuti tisakurirwa nezvakaipa?

4 Vavengi vedu vanogona kutirwisa panguva yatinenge tisingambofungiri uye patinenge tisina simba, saka tinofanira kuramba takangwarira. Bhaibheri rinotinyevera richiti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaR. 12:21) Mashoko anokurudzira ekuti tisazvirega ‘tichikundwa nezvakaipa’ anoratidza kuti tinokwanisa kukunda zvakaipa. Tinokwanisa kukunda kana tikaramba tichirwisa. Asi kana tikavarairwa torega kurwa, tinokurirwa naSatani nenyika yake yakaipa uye nenyama yedu ine chivi. Usambobvumira Satani kuti akutyisidzire zvekusvika pakukanda mapfumo pasi!​—1 Pet. 5:9.

5. (a) Chii chingatibatsira kuti tirambe tichirwisa kuti tikomborerwe naMwari? (b) Vanhu vapi vemuBhaibheri vatichakurukura nezvavo?

5 Kuti vakunde, vaya vanenge vachirwisa havafaniri kukanganwa kuti vari kurwirei. Kuti Mwari avafarire uye avakomborere, vanofanira kuramba vachiyeuka zvinotaurwa pana VaHebheru 11:6 kuti: “Anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kutsvaka nomwoyo wose’ rinopa pfungwa yekushanda nesimba. (Mab. 15:17) Magwaro anotipa mienzaniso yakanaka yevarume nevakadzi vakashanda nesimba chaizvo kuti vakomborerwe naJehovha. Jakobho, Rakeri, Josefa, naPauro vakasangana nezvinhu zvaishungurudza uye zvaipedza simba, asi vakaratidza kuti kushingirira kunounza makomborero. Tingatevedzera sei vanhu vana ivavo vaiva neushingi pakurwa?

KUSHINGIRIRA KUNOITA KUTI MUNHU AKOMBORERWE

6. Chii chakabatsira Jakobho kuti ashingirire, uye Mwari akamukomborera sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

6 Jakobho akarwisa uye akashingirira nekuti aida Jehovha, aikoshesa zvinhu zvekunamata, uye aitenda zvizere vimbiso yaJehovha yekuti achakomborera vana vake. (Gen. 28:3, 4) Ndosaka Jakobho akaita zvose zvaaigona kuti akomborerwe naMwari paakanga ava kusvitsa makore 100; akatoita mutsimba nengirozi. (Verenga Genesisi 32:24-28.) Jakobho pachake aiva nesimba rekurwisana nengirozi here? Akanga asina! Asi aiva murwi akatsunga chaizvo, uye akaratidza kuti aisatomboda kukundwa! Pakupedzisira akawana mubayiro wekushingirira kwake. Akazopiwa zita rainyatsokodzera rekuti Israeri, iro rinoreva kuti “Anotsungirira kurwa naMwari” kana kuti “Mwari Anorwa.” Jakobho akawana mubayiro wakakura chaizvo watiri kudawo kuwana, wekufarirwa uye kukomborerwa naJehovha.

7. (a) Rakeri aitambudzika nei? (b) Rakeri akaitei, uye akakomborerwa sei?

7 Rakeri, mudzimai waJakobho, aidawo kuona kuti Jehovha aizozadzisa sei zvaakanga avimbisa murume wake. Asi pane dambudziko raivapo. Rakeri akanga asina vana. Kare ikako, kushaya mbereko kwaionekwa sedambudziko rakakura. Saka akawana sei ushingi nesimba zvekuti arwise mamiriro ezvinhu aiodza mwoyo uye aaisagona kuchinja? Haana kurasa tariro. Asi akaramba achirwisa kuburikidza nekunyengetera zvakadzama. Jehovha akanzwa kuteterera kwaRakeri kwaibva pamwoyo, uye pakupedzisira akamukomborera nevana. Ndokusaka pane imwe nguva Rakeri akataura kuti: “Ndaita mutsimba kwazvo . . . Ndakundawo!”​—Gen. 30:8, 20-24.

8. Josefa akava mudambudziko ripi kwenguva yakareba, uye zvaakaita zvinotibatsira sei?

8 Hapana mubvunzo kuti muenzaniso wekushinga wakaratidzwa naJakobho naRakeri wakazobatsira mwanakomana wavo Josefa pakurwisa miedzo yaakasangana nayo. Josefa paaiva nemakore 17, upenyu hwake hwakachinja zvachose. Vakoma vake vakamutengesa muuranda nekuti vaimunzwira godo. Pave paya, aifanira kutsungirira makore akawanda ekugara mujeri muIjipiti asina mhosva. (Gen. 37:23-28; 39:7-9, 20-21) Josefa haana kuora mwoyo uyewo haana kuva nechigumbu zvekusvika pakuda kutsiva. Pane kudaro, akaramba akaisa pfungwa nemwoyo paukama hwakanaka hwaaiva nahwo naJehovha. (Revh. 19:18; VaR. 12:17-21) Zvakaitwa naJosefa zvinofanira kutibatsira. Semuenzaniso, kunyange zvazvo tingangodaro takakura tichirarama upenyu hwakaoma kana kuti parizvino zvichiita sekuti zvinhu hazvizombotifambiri zvakanaka, tinofanira kuramba tichirwisa uye tichishingirira. Kana tikadaro, tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatikomborera.​—Verenga Genesisi 39:21-23.

9. Tichitevedzera Jakobho, Rakeri, naJosefa, tinofanira kuitei kuti tizowana chikomborero chaJehovha?

9 Funga nezvemamiriro ezvinhu auri kutarisana nawo uye anogona kunge achiita kuti upenyu hwako huome. Pamwe uri kubatwa zvisina kunaka, kusarurwa, kana kuti kutsvinyirwa nevanhu. Kana kuti mumwe munhu anogona kunge ari kukupomera mhosva yausina kupara, zvimwe nekuti ane godo newe. Pane kukanda mapfumo pasi, yeuka zvakaita kuti Jakobho, Rakeri, naJosefa varambe vachishumira Jehovha vachifara. Mwari akavasimbisa uye akavakomborera nekuti vakaramba vachiratidza kuti vaikoshesa chaizvo zvinhu zvine chekuita nekunamata. Vakaramba vachirwisa uye vachiita zvaienderana neminyengetero yavo yaibva pamwoyo. Mugumo wenyika ino wava pedyo; saka tine chikonzero chakasimba chekubatisisa tariro yatiinayo! Une chido chekushanda nesimba kuti uwane chikomborero chaJehovha here, uchitoita seuri kuchirwira?

IVA NECHIDO CHEKURWISA KUTI UKOMBORERWE

10, 11. (a) Tingafanira kurwisa sei kuti tikomborerwe naMwari? (b) Chii chichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka uye kuti tikunde pakurwisana nekuora mwoyo uye nezvinhu zvinotivhiringidza?

10 Ndepapi pangada kuti tirwire chikomborero chaMwari? Vakawanda vanorwisa kuti vakurire chido chekuita zvakaipa zvinodiwa nemuviri une chivi. Vamwewo vaitofanira kushanda nesimba kuti varambe vachifarira ushumiri. Kana kuti iwe pachako unogonawo kunge uchifanira kuramba uchitsungirira, kunyange zvazvo usina utano hwakanaka kana kuti uchisurukirwa. Pane vamwewo vari kurwisa kuti varegerere vaya vakavatadzira. Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tichishumira Jehovha, tose tinofanira kurwisa zvinhu zvinogona kutitadzisa kushumira Mwari, uyo anopa mubayiro kune vakavimbika.

Uri kurwisa kuti uwane chikomborero chaMwari here? (Ona ndima 10, 11)

11 Kutaura chokwadi, inogona kuva hondo chaiyo kuti tiite zvisarudzo zvakanaka uye tirarame sezvinofanira kuitwa nevaKristu. Zvinotonyanya kuoma kana mwoyo wedu unonyengera uchitidhonza kuti tiite zvinopesana naizvozvo. (Jer. 17:9) Kana ukaona kuti mwoyo wako uri kukudhonzera kuzvinhu zvakaipa, nyengeterera mudzimu mutsvene. Munyengetero uye mudzimu mutsvene zvinogona kukupa simba rekuti urambe uchitevedzera nzira yaunoziva kuti yakarurama uye inogona kukomborerwa naJehovha. Ita zvinoenderana neminyengetero yako. Edza kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, uye wana nguva yekudzidza uri wega uyewo yekunamata nevamwe semhuri nguva dzose.​—Verenga Pisarema 119:32.

12, 13. Vamwe vaKristu vaviri vakabatsirwa sei kuti vadzore zvido zvakaipa?

12 Pane mienzaniso yakawanda inoratidza kuti vaKristu vakabatsirwa sei neShoko raMwari, mudzimu wake, uye nezvinyorwa zvechiKristu kuti vakurire zvido zvakaipa. Mumwe mukomana ane makore 17 akaverenga nyaya ine musoro unoti “Ungakurira Sei Kuda Zvakaipa?” yakabudiswa muMukai yaDecember 8, 2003. Akanzwa sei paakaiverenga? Akataura kuti, “Ndiri kurwisa kuti ndidzore mafungiro asina kunaka. Pandakaverenga munyaya yacho kuti ‘kuvakawanda, kurwisa nokukunda zvakaipa kwakatokura zvikuru,’ zvakaita kuti ndinzwe kuti ndiri mumwe wevanhu vaJehovha. Ndakaona kuti handisi ndega ndine dambudziko rakadaro.” Mukomana uyu akabatsirwawo nenyaya ine musoro unoti “Mararamiro Asiri Omuzvarirwo​—Mwari Anoabvumira Here?” yakabudiswa muMukai yaOctober 8, 2003. Akaona kuti nyaya yacho yaitaura kuti hondo yacho itori “munzwa munyama” kune vamwe. (2 VaK. 12:7) Pavanoramba vachirwisa kuti varambe vachiita zvakanaka, vanogona kuva netariro yeramangwana. Akati, “Nechikonzero ichocho, ndinofunga kuti ndinogona kuramba ndakavimbika zuva rimwe nerimwe. Ndinotenda Jehovha nekushandisa kwaari kuita sangano rake pakutibatsira kuti tirarame zuva rimwe nerimwe munyika ino yakaipa.”

13 Fungawo zvakaitika kune imwe hanzvadzi yekuUnited States. Yakanyora kuti: “Ndinoda kukutendai nekugara muchitipa zvekudya zvekunamata zvatinenge tichida uye panguva yakakodzera. Kakawanda ndinonzwa sekuti nyaya idzi dzakanyorerwa ini. Ndava nemakore akawanda ndichirwisana nechido chakasimba chekuita chimwe chinhu chinovengwa naJehovha. Dzimwe nguva ndinombofunga zvekukanda mapfumo pasi, ndorega kurwa. Ndinoziva kuti Jehovha ane ngoni uye anoregerera, asi nemhaka yekuti ndine chido ichi uye kuti nechepasi pasi pemwoyo wangu handichivengi, ndinonzwa sekuti handikodzeri kubatsirwa naye. Hondo iyi yaita kuti upenyu hwangu huome chaizvo. . . . Pandakaverenga nyaya ine musoro unoti ‘Une “Mwoyo Wokuti Uzive” Jehovha Here?’ iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 2013, ndakanyatsoona kuti zvechokwadi Jehovha anoda kundibatsira.”

14. (a) Pauro ainzwa sei nezvekurwisa kwaaiita zvido zvenyama? (b) Tingabudirira sei pakurwisa zvido zvenyama yedu ine chivi?

14 Verenga VaRoma 7:21-25. Pauro akazvionera ega kuti kurwisa zvido zvemuviri une chivi kunogona kuoma zvakadini. Kunyange zvakadaro, ainyatsovimba kuti aigona kukunda pakurwisa zvido zvenyama yake kuburikidza nekunyengetera achivimba naJehovha uye kutenda muchibayiro chaJesu cherudzikinuro. Ko isu? Tinogona kubudirira pakurwisana nezvinodiwa nenyama yedu ine chivi. Tinobudirira sei? Kuburikidza nekutevedzera Pauro, nekunyatsovimba naJehovha kwete nesimba redu, uyewo nekutenda muchibayiro cherudzikinuro.

15. Munyengetero unogona kutibatsira sei kuti tirambe takatendeka uye titsungirire matambudziko edu?

15 Dzimwe nguva Mwari anotibvumira kuti tiratidze kuti tiri kunetseka zvakadini nezveimwe nyaya. Semuenzaniso, ko kana isu kana kuti mumwe wemumhuri medu akarwara zvakanyanya kana kuti akabatwa zvisina kunaka? Tinoratidza kuti tinovimba naJehovha nekuteterera kwaari kuti atipe simba kuti tirambe takatendeka, tichifara uye tiine ukama hwakanaka naye. (VaF. 4:13) Zvakaitika kune vakawanda mumazuva emuapostora Pauro uye mazuva ano zvinoratidza kuti munyengetero unogona kutibatsira kuti tivezve nesimba, tova neushingi hunotibatsira kuramba tichitsungirira.

RAMBA UCHIRWIRA KUKOMBORERWA NAJEHOVHA

16, 17. Watsunga kuitei semurwi?

16 Dhiyabhorosi anoda kukuona uchikanda mapfumo pasi worega kurwa. Tsunga ‘kubatisisa zvinhu zvakanaka kwazvo.’ (1 VaT. 5:21) Iva nechivimbo chekuti unogona kukunda pakurwisa Satani, nyika yake, uye zvido zvekuita zvakaipa. Unogona kuita izvozvo kuburikidza nekunyatsovimba kuti Mwari anokwanisa kutisimbisa.​—2 VaK. 4:7-9; VaG. 6:9.

17 Saka ramba uchirwisa. Ramba uchishingirira. Nyatsovimba kuti Jehovha ‘achakudururira chikomborero kusvikira usisina chaunoshayiwa.’​—Mar. 3:10.