Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki, Batsirai Vana Venyu Kuti Vave Nekutenda

Vabereki, Batsirai Vana Venyu Kuti Vave Nekutenda

‘Majaya nemhandara . . . Ngavarumbidze zita raJehovha.’​—PIS. 148:12, 13.

NZIYO: 88, 115

1, 2. (a) Vabereki vanoomerwa nei, uye vangaitei nezvazvo? (b) Ipfungwa dzipi ina dzatichaongorora?

“TINOTENDA muna Jehovha, asi hazvirevi kuti vana vedu vachabva vangotendawo,” vakadaro vamwe vabereki vekuFrance. Vakataura kuti: “Kutenda hachisi chinhu chekuti munhu anongova nacho nekuti vabereki vake vanacho. Vana vedu vanova nekutenda zvishoma nezvishoma.” Imwe hama yekuAustralia yakati: “Kubatsira mwana wenyu kuti ave nekutenda kunogona kuoma zvikuru kupfuura zvimwe zvinhu zvose. Munofanira kumubatsira muchishandisa zvose zvamunogona kuwana. Munogona kufunga kuti mapindura mubvunzo wemwana wenyu zvinomugutsa, asi mozonzwa ava kubvunza mubvunzo iwoyo zvakare rimwe zuva! Mhinduro dzinogutsa mwana nhasi dzinogona kusazomugutsa mangwana. Mungatofanira kugara muchidzokorora dzimwe nyaya.”

2 Kana uri mubereki, unombonzwa here sekuti haunyatsokwanisi kudzidzisa vana vako kuti vazoramba vaine kutenda kana vakura? Neuchenjeri hwedu pachedu, hatikwanisi kuita basa iri. (Jer. 10:23) Asi tinogona kubudirira kana tikatsvaga kutungamirirwa naMwari. Onai zvinhu zvina zvamungashandisa pakubatsira vana venyu kuti vave nekutenda: (1) Nyatsovazivai. (2) Vadzidzisei nemwoyo wose. (3) Shandisai mienzaniso yakanaka. (4) Ivai nemwoyo murefu uye nyengeterai.

NYATSOZIVAI VANA VENYU

3. Vabereki vangatevedzera sei muenzaniso waJesu pakudzidzisa?

3 Jesu aisatya kubvunza vateveri vake zvavaitenda. (Mat. 16:13-15) Tevedzerai muenzaniso wake. Zvakanyanya kunaka kuti mukumbire vana venyu kuti vataure zvavanofunga mese pamunenge makadekara henyu. Izvi zvinosanganisira kutaura nezvezvinhu chero zvipi zvavasina chokwadi nazvo. Imwe hama yekuAustralia ine makore 15 yakati: “Baba vanowanzotaura neni nezvekutenda kwangu uye vanondibatsira kufunga nezvazvo. Vanondibvunza kuti: ‘Bhaibheri rinotii?’ ‘Unotenda zvarinotaura here?’ ‘Nei uchitenda zvarinotaura?’ Vanoda kuti ndipindure nemashoko angu kwete kungodzokorora mashoko avo kana kuti aAmai. Makore zvaaifamba, ndaifanira kupa mhinduro dzakadzama.”

4. Nei vabereki vachifanira kukoshesa mibvunzo yemwana? Taura muenzaniso.

4 Kana mwana asina chokwadi neimwe dzidziso, musaita hasha uye musapindura sekuti mune zvamuri kuvharidzira. Mubatsirei nemwoyo murefu kuti afunge nezvenyaya yacho. Vamwe baba vakati, “Koshesai mibvunzo yemwana wenyu. Musaitore seisina basa, uye musanzvenga imwe nyaya nekungoti inoita kuti munzwe musina kusununguka.” Zvinotobatsira kuona mibvunzo yemwana wenyu inobva pamwoyo sechiratidzo chekuti ane hanya nezvaari kudzidza uye kuti anoda kunzwisisa. Kunyange paaiva nemakore 12, Jesu akabvunza mibvunzo ine musoro. (Verenga Ruka 2:46.) Mumwe mukomana wekuDenmark ane makore 15 anoti: “Pandakati ndaisagutsikana kuti chitendero chedu ndicho chechokwadi, vabereki vangu vakaramba vakadzikama, kunyange zvazvo vangangodaro vainetseka nezvangu. Vakapindura mibvunzo yangu yose vachishandisa Bhaibheri.”

5. Vabereki vangaratidza sei kuti vane hanya nekutenda kwemwana wavo?

5 Nyatsozivai vana venyu. Zivai mafungiro avo, manzwiro avo uye zvinovanetsa. Musambofunga kuti vachangoerekana vava nekutenda nekuti munoenda navo kumisangano nekuushumiri. Pamunenge muchiita zvimwe zvinhu zvamunoita mazuva ose, tauraiwo zvinhu zvekunamata. Nyengeterai nevana venyu uye vanyengetererei. Edzai kuziva chero miedzo yekutenda yavanosangana nayo uye vabatsirei kuikurira.

DZIDZISAI NEMWOYO WOSE

6. Vabereki pavanoita kuti chokwadi chive mumwoyo mavo pachavo, zvinovabatsira sei pakudzidzisa?

6 Jesu aidzidzisa zvinosvika pamwoyo nekuti aida Jehovha, Shoko raMwari uye vanhu. (Ruka 24:32; Joh. 7:46) Rudo rwakadaro ruchaita kuti vabereki vadzidzise zvinosvika pamwoyo yevana vavo. (Verenga Dheuteronomio 6:5-8; Ruka 6:45.) Saka vabereki, nyatsodzidzai Bhaibheri nemabhuku edu. Farirai zvinhu zvakasikwa uye nyaya dziri mumabhuku edu dzinotaura nezvazvo. (Mat. 6:26, 28) Izvozvo zvichawedzera ruzivo rwenyu uye kuonga kwamunoita Jehovha, uye muchakwanisa kunyatsodzidzisa vana venyu.​—Ruka 6:40.

7, 8. Kana mwoyo wemubereki wakazara nechokwadi cheBhaibheri, zvichabatsira sei? Taura muenzaniso.

7 Kana mwoyo yenyu yakazara nechokwadi cheBhaibheri, muchanzwa muchida kuchikurukura nemhuri yenyu. Musangotaura nezvechokwadi cheBhaibheri pamunogadzirira misangano kana pakunamata kwemhuri chete, asi taurai nezvacho chero nguva. Uyezve, hamufaniri kuita zvekumanikidzira nyaya dzeBhaibheri asi dzinofanira kungopinda dzega pamunokurukura zuva nezuva. Vamwe vabereki vekuUnited States vanotaura nezvaJehovha nevana vavo pavanoona chimwe chinhu chakanaka chakasikwa kana kuti pavanenge vachidya. Vakati: “Tinogara tichiyeuchidza vana vedu nezverudo rwaJehovha uye kufunga kwaakaita nezvezvinhu zvose zvaakatipa.” Pavanenge vari mugadheni nevanasikana vavo vaviri, vamwe vabereki vekuSouth Africa vanotaura nezvekushamisa kunoita kumera kwembeu uye kukura kwezvirimwa. Vanoti: “Tinoedza kuita kuti vana vedu varemekedze upenyu nekushamisa kwahunoita.”

8 Mwanakomana wavo paakanga ava nemakore 10, vamwe baba vekuAustralia vakashandisa mukana wekushanyira kwavakaita miziyamu kuti vamubatsire kusimbisa kutenda kwake kuti Mwari ariko uye kuti zvinhu zvakasikwa. Baba vacho vanoti, “Takaona zvipuka zvemugungwa zvaivako kare zvinonzi maammonoids nematrilobites. Zvakatishamisa chaizvo kuziva kuti zvipuka izvi zvisisawaniki zvainge zvakanaka, uye zvakakwana sezvakangoita zvipuka zvatinoona mazuva ano. Saka kana upenyu hwakatangira patunhu tudikidiki, nei zvipuka izvi zvekare kare zvakanga zvakaoma kuzvinzwisisa? Zvandakadzidza zvakandinakidza chaizvo uye ndakazviudzawo mwana wangu.”

SHANDISAI MIENZANISO YAKANAKA

9. Nei mienzaniso ichishanda, uye vamwe amai vakaratidza sei kuti inoshanda?

9 Jesu aiwanzoshandisa mienzaniso yaiita kuti vanhu vafunge, yaisvika pamwoyo, uye yaiita kuti vayeuke zvavainge vanzwa. (Mat. 13:34, 35) Kazhinji vana vanonyatsofungidzira zvinenge zvichitaurwa. Saka vabereki, edzai kushandisa mienzaniso kakawanda pamunenge muchivadzidzisa. Vamwe amai vekuJapan ndizvo zvavakaita pakudzidzisa vanakomana vavo vaviri. Mumwe aiva nemakore 8 mumwe aine 10. Vakavadzidzisa nezvemhepo yatinofema uye kuti Jehovha akaratidza kuti ane hanya nesu paakaigadzira. Kuti vadaro, amai vacho vakapa vanakomana vavo mukaka, shuga, nekofi. Vakabva vati mumwe nemumwe avabikire kofi. “Vakanyatsoibika nemwoyo wese,” vakadaro mai vacho. “Pandakavabvunza kuti nei vakaibika nemwoyo wese, vakati vaida kuti kofi yacho inyatsoita sezvandaifarira chaizvo. Ndakatsanangura kuti Mwari akasanganisawo magasi ari mumhepo nemwoyo wese achiitira kuti zvitinakire.” Muenzaniso iwoyo waienderana nezera ravo, uye wakavabatsira kupfuura zvavaizoita kudai vakanzi vangoteerera chete vasina zvavari kuita. Hapana mubvunzo kuti vakaramba vachiyeuka zvavakadzidza.

Munogona kushandisa zvinhu zvakajairika kuti vana venyu vatende muna Mwari uye mune zvaakasika (Ona ndima 10)

10, 11. (a) Mungashandisa muenzaniso upi kuti mubatsire mwana wenyu kuti ave nekutenda muna Mwari? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Ndeipi mienzaniso yamakaona kuti inoshanda?

10 Munogonawo kushandisa resipi kuti mubatsire mwana wenyu kuti ave nekutenda muna Mwari. Mungazviita sei? Pamunenge mapedza kubika keke kana kuti chingwa, tsanangurai kushanda kunoita resipi yacho. Munobva mapa mwana wenyu muchero, zvimwe apuro, mobvunza kuti: “Unoziva here kuti pakatanga kuva ‘neresipi’ kuti apuro iri rizovapo?” Ibvai macheka apuro racho nepakati, momupa mhodzi imwe chete. Munogona kukurukura kuti resipi yacho “yakanyorwa” mumhodzi asi pachishandiswa mutauro wakaoma kunzwisisa kupfuura mashoko ari mubhuku remaresipi. Mungabvunza kuti: “Kana resipi yekeke iine akainyora, ndiani akanyora resipi yakaoma kunzwisisa yeapuro?” Kana ari mwana ati kurei, munogona kumutsanangurira kuti resipi yeapuro uye yemuapuro wacho wose yaiva chikamu chemirayiridzo iri muDNA. Munogona kutarisa mese mimwe mienzaniso iri pamapeji 10 kusvika ku20 ebhurocha rinonzi The Origin of Life​—Five Questions Worth Asking.

11 Vabereki vakawanda vanofarira kukurukura nevana vavo nyaya dzemuMukai! dzine musoro unoti “Zvakangoitika Zvega Here?” Kana kuti vanoshandisa chikamu ichi kuti chivabatsire kudzidzisa vana vadiki zvinhu zviri nyore kunzwisisa. Semuenzaniso, mumwe murume nemudzimai vekuDenmark vakafananidza ndege neshiri. Vakati, “Ndege dzinoita seshiri kana wakadzitarisa. Asi ndege dzinogona kukandira mazai dzotsotsonya tundege tudiki here? Shiri dzinoda kugadzirirwa nzvimbo yekumharira here? Unotii nezvekutinhira kwendege uchikuenzanisa nekuimba kweshiri? Saka ndiani akangwara kupfuura mumwe pakati pemugadziri wendege neMusiki weshiri?” Kutaura saizvozvo pamwe chete nekubvunza mibvunzo yakanaka kunogona kubatsira mwana kuti ave ‘nemano okufunga’ uye kuti ave nekutenda muna Mwari.​—Zvir. 2:10-12.

12. Mienzaniso ingabatsira sei vana kuti vatende zvakanyorwa muBhaibheri?

12 Mienzaniso inoshanda inogonawo kusimbisa kutenda kwemwana wenyu kuti Bhaibheri rakarurama. Semuenzaniso, fungai nezvaJobho 26:7. (Verenga.) Mungaratidza sei kuti rugwaro urwu rwakafemerwa? Pane kuti mungotaura zvinhu sezvazviri, munogona kubatsira mwana wenyu kuti afungidzire zviri kutaurwa. Budisai pachena pfungwa yekuti Jobho akararama kare, kusati kwava nemichina inoona zvakaita muchadenga. Mwana wenyu anofanira kuratidza kuti vamwe vangaomerwa sei nekutenda kuti chinhu chakakura senyika chingagara pasina chinhu. Mwana wacho anogona kushandisa bhora kana dombo kuti aratidze kuti zvinhu zvine uremu zvinofanira kugara pane chimwe chinhu. Izvozvo zvinogona kuita kuti mwana wenyu aone kuti Jehovha akaita kuti zvinhu zvechokwadi zvinyorwe muBhaibheri kare kare vanhu vasati vakwanisa kuratidza kuti ndezvechokwadi.​—Neh. 9:6.

RATIDZAI KUSHANDA KWEMAZANO EBHAIBHERI

13, 14. Vabereki vangaita sei kuti vana vavo vaone kushanda kwemazano eBhaibheri?

13 Zvinokosha kuti munyatsobatsira vana venyu kuti vaone kushanda kwemazano eBhaibheri. (Verenga Pisarema 1:1-3.) Pane nzira dzakawanda dzekuita izvozvo. Semuenzaniso, munogona kuti vana venyu vafungidzire kuti vachaenda kunogara pachitsuwa chiri kwacho chega uye vachafanira kusarudza vanhu vavachagara navo ikoko. Ibvai mavabvunza kuti, “Mumwe nemumwe anofanira kuva neunhu hupi kuti mese muzova nerugare uye muwirirane?” Munogonawo kutaura navo zviri pana VaGaratiya 5:19-23.

14 Kuita izvozvo kunogona kudzidzisa vana venyu zvidzidzo zviviri zvinokosha. Chekutanga, Jehovha ari kutidzidzisa kuti tingararama sei upenyu hunofadza iye zvino, tova nerugare nevamwe. Chechipiri, ari kuita kuti tigadzirire upenyu munyika itsva kuburikidza nekutidzidzisa iye zvino. (Isa. 54:13; Joh. 17:3) Munogona kuita kuti pfungwa dzacho dzinyatsojeka nekutsvaga muenzaniso wemumwe munhu mumabhuku edu. Munogona kuuwana munyaya dzinoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu,” dziri muNharireyomurindi. Kana muungano menyu muine munhu akachinja upenyu hwake kuti afadze Jehovha, munogona kumukoka kuti azokuudzai nhoroondo yeupenyu hwake. Mienzaniso yakadaro inoita kuti mazano ari muBhaibheri aoneke kushanda kwawo.​—VaH. 4:12.

15. Chii chinofanira kuva chinangwa chenyu chikuru pamunenge muchidzidzisa vana venyu?

15 Musaramba muchingodzidzisa vana venyu nenzira imwe chete. Fungaiwo dzimwe nzira dzekudzidzisa nadzo. Vabatsirei kuti vafunge, zvichienderana nezera ravo. Itai kuti kudzidza kwacho kunakidze uye kusimbise kutenda. Vamwe baba vakati, “Musamboneta pakuedza nzira itsva dzekudzidza nadzo zvinhu zvamakambodzidza.”

NYENGETERERAI MUDZIMU WAJEHOVHA UYE IVAI NEMWOYO MUREFU

16. Nei zvichikosha kuti muve nemwoyo murefu pamunodzidzisa vana venyu? Taura muenzaniso.

16 Mudzimu waMwari unodiwa kuti vana vave nekutenda kwakasimba. (VaG. 5:22, 23) Kungofanana nemuchero chaiwo, kutenda kunotora nguva kuti kukure. Saka munofanira kuva nemwoyo murefu uye munofanira kushingirira pamunodzidzisa vana venyu. Vamwe baba vekuJapan vane vana vaviri vakati, “Ini nemudzimai wangu taiita nguva yakawanda tiine vana vedu. Kubvira pavaiva vadiki chaizvo, ndaidzidza navo kwemaminitsi 15 zuva rega rega kunze kwemisi yataiva nemisangano yechiKristu. Maminitsi 15 akanga asina kunyanya kutiomera uye akanga asina kunyanya kuvaomerawo.” Mumwe mutariri wedunhu akanyora kuti: “Pandaiva mudiki, ndaiva nemibvunzo uye zvinhu zvakawandisa zvandaisagutsikana nazvo. Nekufamba kwenguva, zvakawanda zvacho zvakajekeswa pamisangano kana kuti pakudzidza semhuri kana kuti pandaidzidza ndega. Ndokusaka zvichikosha kuti vabereki varambe vachidzidzisa.”

Kuti muzodzidzisa zvinobudirira, Shoko raMwari rinofanira kutanga rava mumwoyo menyu (Ona ndima 17)

17. Nei muenzaniso wakanaka wevabereki uchikosha, uye vamwe vabereki vakaratidza sei muenzaniso wakadaro kuvanasikana vavo?

17 Chimwe chinhu chinokosha zvikuru muenzaniso wenyu wekutenda. Vana venyu vachaona zvamunoita uye zvichavabatsira. Saka vabereki rambai muchisimbisa kutenda kwenyu. Itai kuti vana venyu vaone kuti Jehovha munhu chaiye kwamuri. Mumwe murume nemudzimai vekuBermuda pavanombozvidya mwoyo, vanonyengetera nevana vavo kuti Jehovha avatungamirire, uye vanokurudzira vana vavo kunyengetera vari vega. Vanoti: “Tinoudzawo mwanasikana wedu mukuru kuti, ‘Nyatsovimba naJehovha, gara uchiita basa reUmambo, uye usanyanya kunetseka.’ Paanoona zvinozoitika, anobva aziva kuti Jehovha ari kutibatsira. Izvi zviri kusimbisa kutenda kwake muna Mwari uye mune zvinotaurwa neBhaibheri.”

18. Ndezvipi zvinokosha zvinofanira kuzivikanwa nevabereki?

18 Vabereki, musakanganwa kuti hamukwanisi kumanikidza vana venyu kuti vave nekutenda. Munogona kudyara nekudiridza, asi Mwari chete ndiye anoita kuti zvikure. (1 VaK. 3:6) Saka nyengetererai mudzimu wake, uye shandai nesimba pakudzidzisa vana venyu. Mukadaro, Jehovha achakomborera zvamunoita.​—VaEf. 6:4.