Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shoko raMwari ibenyu”

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nderipi “shoko raMwari” rinonzi “ibenyu uye rine simba” rinotaurwa pana VaHebheru 4:12?

Mamwe mavhesi ari pedyo anoratidza kuti muapostora Pauro aitaura nezvemashoko anozivisa chinangwa chaMwari, akadai seatinowana muBhaibheri.

Tinowanzoshandisa VaHebheru 4:12 mumabhuku edu tichiratidza kuti Bhaibheri rine simba rekuchinja upenyu, uye zvakakodzera kuishandisa saizvozvo. Asi zvinobatsira kuti tiongorore VaHebheru 4:12 tichitarisa kuti inyaya ipi yaitaurwa nezvayo pakanyorwa ndima iyi. Pauro aikurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vaite zvinoenderana nezvinangwa zvaMwari. Zvakawanda zvacho zvaiva muzvinyorwa zvitsvene. Pauro akashandisa vaIsraeri vainge vaponeswa muIjipiti semuenzaniso wezvaaitaura. Vakanga vaine tariro yekupinda munyika “inoyerera mukaka nouchi,” mavaizowana zororo rechokwadi.​—Eks. 3:8; Dheut. 12:9, 10.

Ichocho ndicho chaiva chinangwa chaMwari chaakanga azivisa. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakaomesa mwoyo yavo uye havana kuratidza kutenda, saka vakawanda vavo vakatadza kupinda muzororo iroro. (Num. 14:30; Josh. 14:6-10) Zvisinei, Pauro akawedzera kuti “chipikirwa chokupinda muzororo [raMwari]” chakanga chichiripo. (VaH. 3:16-19; 4:1) Zviri pachena kuti “chipikirwa” ichocho chikamu chechinangwa chaMwari chaakazivisa. Sezvaiitwa nevaKristu vechiHebheru, tinogona kudzidza nezvechinangwa ichocho toita zvinoenderana nacho. Kuti aratidze pachena kuti chipikirwa ichi chiri muMagwaro, Pauro akashandisa mamwe mashoko ari pana Genesisi 2:2 uye pana Pisarema 95:11.

Chokwadi, zvinofanira kutikurudzira kuziva kuti ‘chipikirwa chokupinda muzororo raMwari chichiripo.’ Tinovimba kuti tariro iri muBhaibheri yekupinda muzororo raMwari ndeyechokwadi, uye takatora matanho ekuti tipinde mariri. Matanho acho haasi ekuedza kuchengeta Mutemo waMosesi kana kuita mamwe mabasa tichiedza kufarirwa naJehovha. Asi tichiratidza kutenda, takaita zvinoenderana nechinangwa chaMwari chaakazivisa uye tichiri kuita izvozvo. Uye sezvambotaurwa, zviuru zvevanhu pasi rose zvakatanga kudzidza Bhaibheri uye kudzidza nezvechinangwa chaMwari chaakazivisa. Vakawanda vavo vakakurudzirwa kuti vachinje mararamiro avo, vave nekutenda, uye vave vaKristu vakabhabhatidzwa. Izvozvo zvinoratidza zvakajeka kuti “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” Chinangwa chaMwari chaakazivisa muBhaibheri chakatotibatsira muupenyu hwedu, uye chicharamba chichitipa simba.