Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki, Simbisai Kutenda Kwenyu

Vechidiki, Simbisai Kutenda Kwenyu

“Kutenda . . . kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.”​—VAH. 11:1.

NZIYO: 41, 69

1, 2. Vechidiki vangasangana nemuedzo upi, uye vangaitei kuti vaukurire?

“HANDINA kumbofunga kuti wakapusa kudaro zvekuti ungatenda kuti kuna Mwari,” akadaro mumwe mwana wechikoro achiudza imwe hanzvadzi yechidiki kuBritain. Imwe hama yekuGermany yakanyora kuti: “Vadzidzisi vangu vanoona nhoroondo iri muBhaibheri yekusikwa kwezvinhu sengano. Uye vanongofunga kuti vadzidzi vanotenda kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka.” Imwe hanzvadzi yechidiki yekuFrance yakati: “Vadzidzisi vekuchikoro kwedu vanoshamisika kuti kune vadzidzi vachiri kutenda zvinotaurwa neBhaibheri.”

2 Semushumiri waJehovha wechidiki kana kuti semunhu ari kudzidza nezvake, unombofungawo kutevedzera zvinotendwa nevamwe here, zvakadai sekuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, pane kutenda kuti kune Musiki? Kana zvakadaro, pane zvaunogona kuita kuti usimbise kutenda kwako. Chimwe chacho ndechekushandisa simba rekufunga rawakapiwa naMwari, iro ‘richaramba rakakurinda.’ Kurishandisa kuchakudzivirira pane zvinodzidziswa nevanhu zvinogona kuparadza kutenda kwako.​—Verenga Zvirevo 2:10-12.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Kutenda kwechokwadi kunobva pazivo yakarurama pamusoro paMwari. (1 Tim. 2:4) Saka paunodzidza Shoko raMwari nemabhuku echiKristu, zvinokosha kuti umbomira uchifunga zviri kutaurwa. Shandisa simba rako rekufunga kuti ‘unzwisise’ zvaunenge uchiverenga. (Mat. 13:23) Ngationei kuti kuita kudaro kunogona kukubatsira sei kuwana uchapupu hwakawanda hunogona kusimbisa kutenda kwako muna Mwari uye muBhaibheri.​—VaH. 11:1.

UNGASIMBISA SEI KUTENDA KWAKO?

4. Nei kuti Mwari ariko kana kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, kwese kuri kutenda, uye tinofanira kuitei kuti tizive chokwadi?

4 Wakambonzwa here vanhu vachiti vanobvuma kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka nekuti ndizvo zvinotaurwa nesayenzi uyewo vachiti zvekuti Mwari ariko inongova nyaya yekutenda? Vakawanda ndizvo zvavanofunga. Asi chatinofanira kuziva ndechekuti: Pasinei nekuti munhu anoti kuna Mwari kana kuti anoti zvinhu zvakashanduka-shanduka, pane kutenda kwaanenge atori nako. Nei tichidaro? Hapana munhu akamboona Mwari kana kuona chimwe chinhu chichisikwa. (Joh. 1:18) Uyewo hapana musayendisiti kana mumwe munhu akaona zvinhu zvichishanduka-shanduka. Semuenzaniso, hapana munhu akamboona mhuka yakaita segudo ichishanduka-shanduka kusvika yava munhu. (Job. 38:1, 4) Saka tese zvedu tinofanira kuongorora uchapupu huripo toshandisa simba rekufunga kuti tizive chokwadi. Muapostora Pauro akataura nezvezvinhu zvakasikwa achiti: “Nokuti izvo zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa, zvokuti havana chokuzvipembedza nacho.”​—VaR. 1:20.

Shandisa zvinhu zvinowanika mumutauro wako paunenge uchikurukura nevamwe (Ona ndima 5)

5. Takabatsirwa sei kuti tikwanise kushandisa simba redu rekufunga?

5 ‘Kunzwisisa’ kunotaurwa parugwaro urwu kunoreva kuona zvinhu zvingasakurumidza kuoneka. (VaH. 11:3) Nokudaro, vanhu vanonzwisisa havangoshandisi maziso nenzeve chete, asiwo pfungwa dzavo. Takapiwa zvinhu zvakawanda zvinotibatsira zvine mashoko akanyatsotsvakurudzwa. Zvinhu izvi zvinoita kuti ‘tione’ Musiki wedu nemaziso ekutenda. (VaH. 11:27) Zvinosanganisira vhidhiyo inonzi The Wonders of Creation Reveal God’s Glory, bhurocha rinonzi Was Life Created? nerinonzi The Origin of Life​—Five Questions Worth Asking, uye bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? Magazini edu anobudisawo nyaya dzinotibatsira kuti tifunge. Mukai! inowanzobudisa nyaya dzemasayendisiti nevamwe vachitsanangura kuti nei vava kutenda kuti Mwari ariko. Nyaya dzakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?” dzinoratidza mienzaniso inoshamisa yekurongeka uye kushanda kunoita zvinhu zvakasikwa. Kazhinji masayendisiti anoedza chaizvo kutevedzera zvinhu izvozvo pakugadzira zvinhu.

6. Kushandisa zvinhu zvatakapiwa kunobatsira sei, uye iwe kwakakubatsira sei?

6 Imwe hama yekuUnited States ine makore 19, yakataura nezvemabhurocha maviri ambotaurwa ichiti: “Ari kundibatsira chaizvo. Mabhurocha iwayo ndakaadzidza kakawanda.” Imwe hanzvadzi yekuFrance yakanyora kuti: “Nyaya dzakanzi ‘Zvakangoitika Zvega Here?’ dzinondinakidza chaizvo. Dzinoratidza kuti mainjiniya angatevedzera zvinhu zvakasikwa asi zvinhu zvaanogadzira hazvizombofi zvakaenzana nezvakasikwa.” Vabereki vemumwe musikana ane makore 15 vari kuSouth Africa vakati: “Mwanasikana wedu paanowana Mukai! anotanga kuverenga nyaya yakanzi ‘Nhaurirano.’ Ko iwe? Unonyatsoshandisa zvinhu izvi here? Zvinogona kuita kuti kutenda kwako kuite semuti une midzi yakadzika. Kutenda kwako kuchakubatsira kuti umire wakasimba kuti usakanganiswa nedzidziso dzenhema dzakaita semhepo ine simba.​—Jer. 17:5-8.

KUTENDA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

7. Nei Mwari achida kuti ushandise simba rako rekufunga?

7 Zvakaipa here kubvunza pamusoro pezvinotaurwa neBhaibheri? Hazvina kuipa! Jehovha anoda kuti ushandise ‘simba rako rekufunga’ kuti unyatsoona kuti chokwadi ndechipi. Haadi kuti uite gundamusaira panyaya yekutenda. Saka shandisa simba rako rekufunga kuti uwane zivo yakarurama. Zivo iyoyo inogona kuva faundesheni yakasimba yekutenda kwechokwadi. (Verenga VaRoma 12:1, 2; 1 Timoti 2:4.) Imwe nzira yekuwana nayo zivo yakadaro ndeyekudzidza nyaya dzaunoda kunyatsoziva nezvadzo.

8, 9. (a) Vamwe vangafarira kudzidza nezvei? (b) Vamwe vakabatsirwa sei nekufungisisa zvavanodzidza?

8 Vamwe vakasarudza kudzidza nezveuprofita hweBhaibheri kana kuti kuwirirana kwarinoita nesayenzi, nezvakaitika kare uye neuchapupu hwakaonekwa pakuongorora zvinhu zvekare. Humwe uprofita hunonakidza huri pana Genesisi 3:15. Vhesi iyoyo ndiyo inotanga kutaura nezvedingindira reBhaibheri. Dingindira racho kurevererwa kweuchangamire hwaMwari uye kutsveneswa kwezita rake kuburikidza neUmambo. Ichishandisa mashoko ekufananidzira, vhesi iyoyo inoratidza kuti Jehovha achabvisa sei kutambura kwevanhu. Ungadzidza sei nezvaGenesisi 3:15? Imwe nzira ndeyekugadzira chati inoratidza nguva yezviitiko zvemuBhaibheri. Pachati yacho unogona kuisa magwaro anoratidza kuti Mwari akabudisa sei pachena zvishoma nezvishoma kuti zvinotaurwa muvhesi iyoyo zvinomiririrei, uyewo magwaro anoratidza kuti uprofita ihwohwo huchazadzika. Paunoona kuwirirana kunoita magwaro acho, uchava nemhedziso yekuti vaprofita vemuBhaibheri uye vanyori varo vanofanira kunge vaitungamirirwa “nomudzimu mutsvene.”​—2 Pet. 1:21.

9 Imwe hama yekuGermany yakataura kuti bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri rine mashoko ane chekuita neUmambo. Yakati: “Ndizvo zvazvakaita kunyange zvazvo Bhaibheri rakanyorwa nevarume 40. Uye vazhinji vavo vakararama panguva dzakasiyana uye vakanga vasingazivani.” Hanzvadzi yekuAustralia yakakurudzirwa nenyaya yekudzidza iri muNharireyomurindi yaDecember 15, 2013, yakatsanangura zvinorehwa nepaseka. Paseka yakabatana nezviri pana Genesisi 3:15 uye kuuya kwaMesiya. Hanzvadzi yacho yakanyora kuti: “Nyaya yacho yakandivhura maziso ndikaona kuti Jehovha anoshamisa zvikuru. Zvakandikanga mate mukanwa kuti mumwe munhu akafunga nezveurongwa uhwu achiitira vaIsraeri uye kuti hwakazozadziswa pachishandiswa Jesu. Ndakatombomira ndichifungisisa nezvekushamisa kwepaseka iyoyo.” Chii chakaita kuti hanzvadzi iyi inzwe saizvozvo? Yakafungisisa zvayakaverenga uye ‘yakazvinzwisisa.’ Izvi zvakabatsira pakusimbisa kutenda kwayo uye kuti iswedere pedyo naJehovha.​—Mat. 13:23.

10. Kuvimbika kwevanyori veBhaibheri kunosimbisa sei kutenda kwatinoita zvavakanyora?

10 Chimwe chinhu chinosimbisa kutenda chekufunga nezvacho kushinga uye kuvimbika kwevarume vakanyora Bhaibheri. Vanyori vakawanda vekare vaikwidziridza vatungamiriri vavo uye vaikudza umambo hwavo. Asi vaprofita vaJehovha vaigara vachitaura chokwadi. Vaitotaura zvaikanganiswa nevanhu verudzi rwavo, kunyange madzimambo avo. (2 Mak. 16:9, 10; 24:18-22) Uye vaibudisa pachena kutadza kwavo uye kwevamwe vashumiri vaMwari. (2 Sam. 12:1-14; Mako 14:50) Imwe hama yechidiki yekuBritain yakati, “Panongova nevanhu vashoma vakavimbika zvakadaro. Izvi zvinotiwedzera chivimbo chekuti zvechokwadi Bhaibheri rinobva kuna Jehovha.”

11. Vechidiki vangawedzera sei kukoshesa mazano ari muBhaibheri?

11 Vanhu vakawanda vanobvuma kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari nekuti rine mazano anobatsira. (Verenga Pisarema 19:7-11.) Imwe hanzvadzi yechidiki yekuJapan yakanyora kuti: “Mhuri yedu payakashandisa zvinodzidziswa neBhaibheri, takatanga kuva nemufaro. Takava vanhu vane rugare, vakabatana, uye vane rudo.” Mazano eBhaibheri anotidzivirira kuti tisabatanidzwa pakunamata kwenhema uye pakutenda mashura sezvinoita vakawanda. (Pis. 115:3-8) Zvinotaurwa nevamwe kuti hakuna Mwari zvinokanganisa vanhu here? Dzidziso dzakadai sekuti zvinhu zvakashanduka-shanduka dzinoita kuti zvinhu zvakasikwa zviite samwari. Vaya vanotaura kuti hakuna Mwari vanoti ramangwana redu riri mumaoko edu. Asi havakwanisi kupa vanhu tariro ine musoro yeramangwana riri nani.​—Pis. 146:3, 4.

KUBATSIRA VAMWE KUTI VAFUNGE

12, 13. Inzira ipi inoshanda yekukurukura nevaunodzidza navo, vadzidzisi, nevamwewo nezvekusikwa kwezvinhu kana kuti nezveBhaibheri?

12 Ungabudirira sei paunenge uchikurukura nevamwe nezvekusikwa kwezvinhu uye nezveBhaibheri? Kutanga, usakurumidza kufunga kuti unoziva zvinotendwa nevamwe. Vamwe vanoti vanotenda kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, asi vanofungawo kuti kuna Mwari. Vanofunga kuti Mwari akashandisa kushanduka-shanduka kuti asike zvinhu zvakasiyana-siyana zvine upenyu. Vamwewo vanoti vanotenda kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka nekuti vanofunga kuti kudai chaisava chokwadi, zvaisazodzidziswa muzvikoro. Uye vamwe vanorega kutenda muna Mwari nekuti vakaodzwa mwoyo nezvitendero. Saka paunokurukura nemumwe munhu nezvekutanga kwakaita upenyu, zvakanaka kutanga wabvunza mibvunzo kuti uzive zvaanotenda. Kana ukasaita zvenharo, uchinyatsoteerera, munhu wacho angada kukuteererawo.​—Tito 3:2.

13 Kana mumwe munhu achiti wakapusa nekuti unotenda kuti kune Musiki, ungapindura sei? Mukumbire neruremekedzo kuti atsanangure kuti upenyu hwakatanga sei pasina Musiki. Unogona kutaura kuti kana upenyu hwakashanduka-shanduka chinhu chipenyu chekutanga chaifanira kukwanisa kuita kuti pave nezvimwe zvakaita saicho. Mumwe purofesa wechemistry akati zvimwe zvezvinhu zvaizodiwa kuti zvidaro zvaiva (1) kakanda kanodzivirira (membrane), (2) kukwanisa kuwana simba uye kurishandisa, (3) mashoko anenge ari mumajini (DNA), uye (4) kukwanisa kugadzira mamwe mashoko akafanana naiwayo. Akawedzera kuti: “Zvinoshamisa chaizvo kuti kunyange miviri yetupukanana tusingaoneki nemaziso ine tunhu twakawanda twakaoma kunzwisisa.”

14. Ungaitei kana uchiona sekuti haukwanisi kukurukura nyaya yekuti zvinhu zvakasikwa here kana kuti zvakashanduka-shanduka?

14 Kana uchiona sekuti haukwanisi kunyatsokurukura nemunhu kuti zvinhu zvakasikwa here kana kuti zvakashanduka-shanduka, unogona kuedza kushandisa pfungwa yakataurwa naPauro. Akanyora kuti: “Imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaH. 3:4) Kutaura seizvi kune musoro uye kunoshanda chaizvo pakukurukura nemunhu! Zvinoda pfungwa dzinofunga kuti pave nezvinhu zvakaoma kunzwisisa zvatinoona. Unogonawo kushandisa chinyorwa chakakodzera. Imwe hanzvadzi yakashandisa mabhurocha maviri ambotaurwa payaikurukura nemumwe murume aisatenda kuti kuna Mwari, uye aiti zvinhu zvakashanduka-shanduka. Papera vhiki, murume uya akazoti, “Iye zvino ndava kutenda kuti kuna Mwari.” Izvi zvakaita kuti atange kudzidza Bhaibheri, uye akazova Chapupu.

15, 16. Ndezvipi zvimwe zvaungaita pakukurukura nezveBhaibheri, uye chinangwa chako ndechei paunoita izvozvo?

15 Unogona kushandisawo mazano iwayo pakukurukura nemunhu asina chokwadi nezveBhaibheri. Tanga waona kuti ndezvipi chaizvo zvaanotenda uye kuti inyaya dzipi dzaangafarira. (Zvir. 18:13) Kana achifarira zvesayenzi, anogona kuda kukurukura newe kana ukataura zvinoratidza kuti Bhaibheri rakarurama parinotaura zvinhu zvine chekuita nesayenzi. Vamwe vangada kuziva zvakawanda pavanonzwa nezvekuzadzika kweuprofita huri muBhaibheri uye kuti zvarinotaura zvinowirirana sei nezvakaitika kare. Kana kuti unogona kutaura nezvekushanda kwemazano ari muBhaibheri, akadai seari muMharidzo yepaGomo.

16 Yeuka kuti chinangwa chako ndechekusvika pamwoyo yevanhu, kwete kuhwina nharo. Saka nyatsoteerera munhu paanenge achitaura. Bvunza mibvunzo, uye paunotaura, iva neunyoro uchiremekedza munhu wacho, kunyanya kana ari mukuru kwauri. Izvi zvichaita kuti vanhu vade kuremekedza maonero ako. Vachaonawo kuti wakanyatsotora nguva yako uchiongorora zvaunotenda. Asi zvakanakawo kuyeuka kuti hausungirwi kupindura vaya vakaoma musoro kana kuti vanenge vachingoda kukuseka nemhaka yezvaunotenda.​—Zvir. 26:4.

ITA KUTI CHOKWADI CHIVE CHAKO

17, 18. (a) Chii chingakubatsira kuti uite kuti chokwadi chive chako? (b) Mubvunzo upi watichakurukura munyaya inotevera?

17 Kutenda kwakasimba hakungobvi chete pakuziva dzidziso huru dzeBhaibheri. Saka nyatsochera muShoko raMwari, sezvawaizoita uchitsvaga pfuma yakavanzwa. (Zvir. 2:3-6) Shandisa zvimwe zvinhu zvinowanika mumutauro wako, zvakadai seRaibhurari yeWatchtower inenge iri paDVD, RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower, uyewo Watch Tower Publications Index kana kuti Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Ivawo nechinangwa chekuverenga Bhaibheri rese zvaro. Unogona kuedza kuita izvozvo mumwedzi 12. Kuverenga Shoko raMwari kunosimbisa kutenda kwedu zvikuru. Achifunga nezvenguva yaaiva mudiki, mumwe mutariri wedunhu akati: “Chimwe chinhu chakandibatsira kuti ndione kuti Bhaibheri iShoko raMwari kwakanga kuri kuriverenga rese. Ndakanyatsonzwisisa nyaya dzemuBhaibheri dzandakanga ndadzidza ndichiri mwana mudiki. Izvi zvakaita kuti ndiwedzere kukura pakunamata.”

18 Vabereki, mune basa rakakura pakuita kuti vana venyu vakure pakunamata. Mungavabatsira sei kuti vasimbise kutenda kwavo? Nyaya inotevera ichakurukura izvozvo.