NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA September 2017

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaOctober 23 kusvika kuNovember 26, 2017.

Iva Munhu Anozvidzora

Mienzaniso yemuBhaibheri inotibatsira kuti tive vanhu vanozvidzora? Nei vaKristu vachifanira kuva vanhu vanozvidzora?

Tevedzera Tsitsi dzaJehovha

Pane imwe nguva, Jehovha akazviratidza kuna Mosesi achizivisa zita rake neunhu hwake. Unhu hwaakatanga kutaura itsitsi dzake. Tsitsi chii, uye nei uchifanira kudzidza nezvadzo?

NYAYA YEUPENYU

Ndine Chikomborero Chekushanda Nevarume Vakasimba Pakunamata

David Sinclair anoyeuka mufaro nechikomborero zvaakava nazvo paakashanda nehama nehanzvadzi dzakavimbika kwemakore 61 aakaita ari paBheteri reBrooklyn.

“Shoko raMwari Wedu Richagara Nokusingagumi”

Bhaibheri richiri kutengwa nevanhu vakawanda chaizvo pashure pemakore akawanda kubva parakapera kunyorwa, pasinei nekuchinja kwemitauro nezvematongerwo enyika, uye kuti vanhu vairambidzwa kurishandura.

“Shoko raMwari . . . Rine Simba”

Vanhu vakawanda vakachinja nemhaka yekudzidza Shoko raMwari. Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe neBhaibheri?

“Shinga . . . Uzviite”

Nei tichifanira kuva neushingi, uye tingava sei nahwo?