Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Munhu Anozvidzora

Iva Munhu Anozvidzora

“Chibereko [chemweya] . . . kuzvidzora.”—VAG. 5:22, 23.

NZIYO: 121, 36

1, 2. (a) Chii chinogona kuitika kana vanhu vakasazvidzora? (b) Nei zvakakodzera kuti tikurukure nyaya yekuzvidzora mazuva ano?

KUZVIDZORA unhu hunobva kuna Mwari. (VaG. 5:22, 23) Jehovha anozvidzora zvakakwana. Zvisinei, vanhu vane chivi vanoomerwa nekuramba vachizvidzora. Kutaura zvazviri, matambudziko akawanda ane vanhu mazuva ano anokonzerwa nekutadza kuzvidzora. Kutadza kuzvidzora ikoko kunogona kuita kuti munhu averengere kuita zvinhu uye atadze kubudirira kuchikoro kana kubasa. Kusazvidzora kungaitawo kuti vanhu vapopotedzane, vadhakwe, vaite mhirizhonga, varambane, vapinde muzvikwereti zvisina musoro, vapindwe muropa nezvinhu zvakasiyana-siyana, vaiswe mujeri, vashungurudzike, vaite zvirwere zvepabonde, uye pamuviri pasingadiwi nezvimwewo.—Pis. 34:11-14.

2 Zviri pachena kuti vanhu vasingazvidzori vanozviunzira matambudziko uye vanoitawo kuti vamwe vatambure. Uye dambudziko rekusazvidzora riri kuramba richiwedzera. Mumakore ekuma1940 pane ongororo dzakamboitwa panyaya yekuzvidzora, asi ongororo dzichangobva kuitwa dzinoratidza kuti vanhu vari kutonyanya kuwedzera kusazvidzora. Izvi hazvishamisi vadzidzi veShoko raMwari nekuti Bhaibheri rakagara rataura kuti chimwe chinhu chaizoratidza kuti tava kurarama “mumazuva okupedzisira” ndechekuti kwaizova nevanhu “vasingazvidzori.”—2 Tim. 3:1-3.

3. Nei vaKristu vachifanira kuva nechido chekuzvidzora?

3 Nei uchifanira kuva nechido chekuzvidzora? Ona zvikonzero zviviri zvinokosha. Chekutanga, zvakaonekwa kuti vanhu vanokwanisa kudzora zvishuwo zvavo havana zvinetso zvakakura zvakawanda. Vakadzikama, vanokwanisa kuva neushamwari hwakanaka nevamwe uye havanyanyi kutsamwa kana kukurumidza kuzvidya mwoyo uye kushungurudzika sezvinoita vanhu vanoita zvinhu vasina kunyatsofunga. Chechipiri, hazviiti kuti tirambe tichifarirwa naJehovha kana tisingakwanisi kukunda miedzo uye tisingakwanisi kudzora zvishuwo zvakaipa. Kutadza kwakaita Adhamu naEvha kunonyatsobudisa pachena chokwadi ichocho. (Gen. 3:6) Uye funga zvinhu zvakaipa zvakaitika kune vamwe vakatadza kuzvidzora kubva panguva iyoyo.

4. Chii chingakurudzira vaya vari kuomerwa nekuzvidzora?

4 Hapana munhu ane chivi anokwanisa kuzvidzora zvakakwana. Jehovha anoziva kuti vashumiri vake vanonetseka nekuzvidzora uye anoda kuvabatsira kuti vakurire zvido zvakaipa. (1 Madz. 8:46-50) Sezvo ari Shamwari ine rudo, anobatsira vaya vanomboomerwa nekuzvidzora pane zvimwe zvinhu muupenyu. Ngationei muenzaniso wakakwana waJehovha panyaya iyi. Zvadaro, tichadzidza kubva pamienzaniso yakanaka neyakaipa inotaurwa muBhaibheri. Uye tichaona zvingatibatsira kuti tiwedzere kuzvidzora.

JEHOVHA ANOTIRATIDZA MUENZANISO

5, 6. Jehovha akaratidza muenzaniso upi panyaya yekuzvidzora?

5 Jehovha anozvidzora zvakakwana nekuti zvese zvaanoita anozviita zvakakwana. (Dheut. 32:4 ) Asi isu tine chivi. Kunyange zvakadaro, kuti tinzwisise nyaya yekuzvidzora, tinofanira kuongorora muenzaniso waJehovha kuitira kuti tikwanise kumutevedzera zviri nani. Ndepapi pamwe Jehovha paakazvidzora?

6 Funga kuti Jehovha akaratidza sei kuzvidzora Satani paakapanduka asingatombonyari. Nyaya iyoyo yaifanira kugadziriswa. Hapana mubvunzo kuti kupanduka kwaDhiyabhorosi kwakaita kuti ngirozi dzakavimbika dzigumbuke, dzirwadziwe uye dzisamuremekedza. Zvichida ndiwo manzwiro aunoita paunofunga nezvekutambura kwese kwakakonzerwa naSatani. Zvisinei, Jehovha haana kubva akurumidza kungoita zvinhu asina kunyatsofunga. Zvaakaita zvainge zvanyatsofungwa, uye zvakanga zvakakodzera. Kubvira ipapo, Jehovha ari kuratidza kuti anononoka kutsamwa pakugadzirisa nyaya yekupanduka kwaSatani uye ari kuigadzirisa nenzira yakarurama. (Eks. 34:6; Job. 2:2-6) Nemhaka yei? Chimwe chakaita kuti Jehovha asiye zvichimbotora nguva ndechekuti haadi kuti chero munhu upi zvake aparadzwe asi “anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—2 Pet. 3:9.

7. Muenzaniso waJehovha unotidzidzisei?

7 Kuzvidzora kwaJehovha kunotidzidzisa kuti isuwo tinofanira kutanga tafunga tisati tataura kana kuita chimwe chinhu. Paunenge uchida kuita chisarudzo chinokosha, zvipe nguva yekunyatsofunga kuitira kuti uite zvinhu nekuchenjera. Nyengetera kuti uve neuchenjeri hwekutaura kana hwekuita zvakarurama. (Pis. 141:3) Zviri nyore kuita zvinhu usina kufunga paunenge wakagumbuka. Vakawanda vedu takademba zvinhu zvatakambotaura kana kuti zvatakamboita tisina kufunga.—Zvir. 14:29; 15:28; 19:2.

MIENZANISO YEVASHUMIRI VAMWARI—YAKANAKA NEYAKAIPA

8. (a) Ndekupi kwatingawana mienzaniso yevanhu vakaratidza unhu hunobva kuna Mwari? (b) Chii chakabatsira Josefa kuti akunde muedzo waiunzwa nemudzimai waPotifari? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

8 Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inoratidza kukosha kwekuzvidzora? Hapana mubvunzo kuti unoyeuka vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakazvidzora pavakaedzwa. Mumwe wavo ndiJosefa, mwanakomana waJakobho. Akaratidza kuti aizvidzora paaishanda mumba maPotifari, mukuru wevarindi vaFarao. Mudzimai waPotifari aichiva Josefa, uyo aiva “nechimiro chakanaka nechitarisiko chakanaka,” uye aiedza kumukwezva. Chii chakabatsira Josefa kuti asakundwa nemuedzo wairamba uchiunzwa nemudzimai uyu? Hapana mubvunzo kuti akazvipa nguva yekunyatsofunga zvaizoitika kwaari kudai aizorega kuramba akangwarira. Uye zvinhu pazvakasvika pakaipa, akamutiza. Akati: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?”—Gen. 39:6, 9; verenga Zvirevo 1:10.

9. Ungagadzirira sei kuti ukurire miedzo?

9 Tinodzidzei pamuenzaniso waJosefa? Chimwe chatinodzidza ndechekuti tingafanira kutotiza kuti tikurire muedzo wekutyora mutemo waMwari. Vasati vava Zvapupu, vamwe vainetseka nekudyisa, kunwa doro zvakanyanya, kusvuta, kushandisa madhiragi, kuita unzenza hwepabonde nezvimwewo. Kunyange vabhabhatidzwa, dzimwe nguva vanganzwa vachida kuita zvavaimboita kare. Zvisinei, kana ukasangana nemuedzo wekutyora mutemo waJehovha, zvisimbise kuburikidza nekufungisisa kuti kutadza kudzora zvishuwo zvakaipa kuchakukanganisa sei pakunamata. Unogona kuedza kugara waona mamiriro ezvinhu angakuisa pamuedzo, wosarudza kuti ungaadzivisa sei. (Pis. 26:4, 5; Zvir. 22:3) Kana ukasangana nemuedzo wakadaro, kumbira Jehovha kuti akupe uchenjeri uye akubatsire kuzvidzora kuti ukurire muedzo wacho.

10, 11. (a) Vechidiki vakawanda vanosangana nedambudziko ripi kuchikoro? (b) Chii chingabatsira vaKristu vechidiki kuti vakurire miedzo yekuita zvakaipa?

10 Vechidiki vakawanda vanosanganawo nemuedzo sewaJosefa. Ona zvakaitika kuna Kim. Vakawanda vemukirasi make vaiita zvepabonde, uye vaiti kana vaita izvozvo pakupera kwevhiki, vaiuya vachizvitaura kuchikoro, vachitodada nazvo. Kim aisava nenyaya dzakadaro dzekutaura. Anoti kusaita zvaiitwa nevamwe kwaimuita kuti dzimwe nguva anzwe “sekuti haana kana shamwari” uye vaaidzidza navo vaimuona seakapusa nekuti aisaita zvevakomana. Asi kusaita zvevakomana kwaitova kuchenjera. Kim aiziva kuti vechidiki vakawanda vanoomerwa chaizvo nekukurira muedzo wekuda kuita zvepabonde. (2 Tim. 2:22) Vamwe vaaidzidza navo vaigara vachimubvunza kuti akanga achiri mhandara here. Izvi zvaimupa mukana wekutsanangura kuti nei aisaita zvepabonde. Tinodada nevechidiki vechiKristu vakatsunga kukurira muedzo wekuita zvepabonde, uye Jehovha anodadawo navo!

11 Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakatadza kuzvidzora panyaya dzepabonde. Rinoratidzawo zvinhu zvinosuwisa zvinogona kuitika kana munhu akasazvidzora panyaya dzepabonde. Chero ani zvake ari kusangana nemuedzo wakaita sewakasangana naKim anofanira kufungisisa zvakaitika kujaya rakapusa rinotaurwa muchitsauko 7 chaZvirevo. Fungawo zvakaitwa naAmnoni uye zvakaipa zvakazoguma zvaitika. (2 Sam. 13:1, 2, 10-15, 28-32) Vabereki vanogona kubatsira vana vavo kuti vazvidzore uye kuti vave neuchenjeri panyaya dzekudanana kuburikidza nekukurukura nezvadzo pakunamata kwemhuri vachishandisa nyaya dzemuBhaibheri dzabva kutaurwa.

12. (a) Josefa akazvidzora sei paaiva nevakoma vake? (b) Ndepapi patinofanira kudzora manzwiro edu?

12 Pane imwe nguva, Josefa akaratidzazve muenzaniso wakanaka wekuzvidzora. Kuti anzwisise zvaiva mumwoyo yevakoma vake, Josefa akaita kuti vasamuziva pavakauya kuIjipiti kuzotenga zvekudya. Uye paakanga akurirwa neshungu, akaenda kwake ega kuti vasaona achisvimha misodzi. (Gen. 43:30, 31; 45:1) Mumwe muKristu kana mumwe munhu waunoda akaita zvinhu zvisina kunaka, kuzvidzora sezvakaita Josefa kungakubatsira kuti usaita zvinhu usina kunyatsofunga. (Zvir. 16:32; 17:27) Kana uine hama dzakadzingwa, ungada kudzora manzwiro ako kuitira kuti usataura nadzo pasina chikonzero chakanaka. Panguva dzakadaro kuzvidzora hakungoitiki kwega, asi kunova nyore kana tikaziva kuti zvatiri kuita zvinoenderana nemuenzaniso wakaratidzwa naMwari uye mazano aanotipa.

13. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pane zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi?

13 Bhaibheri rinewo muenzaniso wakanaka waMambo Dhavhidhi. Sauro naShimei pavakaitira Dhavhidhi zvakaipa, haana kugumbuka kana kushandisa simba rake kuvaranga. (1 Sam. 26:9-11; 2 Sam. 16:5-10) Izvi hazvirevi kuti Dhavhidhi aigara achizvidzora. Tinoziva nezvechivi chaakaita naBhati-shebha uye zvaakanga ava kuda kuita Nabhari paakaratidza makaro. (1 Sam. 25:10-13; 2 Sam. 11:2-4) Zvisinei, tinowana zvidzidzo zvinokosha kubva kuna Dhavhidhi. Chekutanga, vatariri vari pakati pevanhu vaMwari vanofanira kuzvidzora kuitira kuti vasashandise simba ravo zvisiri izvo. Chechipiri, hapana anofanira kunyanya kuzvivimba achifunga kuti haakundwi nemiedzo.—1 VaK. 10:12.

ZVAUNGAITA KUTI UZVIDZORE

14. Chii chakaitika kune imwe hama, uye nei zvatinoita patinosangana nezvinhu zvakaita saizvozvo zvichikosha?

14 Ungaitei kuti uwedzere kuzvidzora? Ona muenzaniso unotevera wezvakatoitika. Mota yemumwe murume yakarovera kumashure kwemota yaLuigi. Kunyange zvazvo murume wacho aiva nemhosva, akapopotera Luigi uye akaedza kuita kuti varwe. Luigi akanyengetera achikumbira Jehovha kuti amubatsire kuramba akadzikama, uye akaedza kuita kuti murume wacho adzikame asi akaramba achingopopota. Luigi akatora mashoko ane chekuita nekambani yeinishuwarenzi yemurume wacho ndokuenda achisiya murume wacho achingopopota. Papera vhiki, Luigi akadzokera kunoona mumwe mukadzi waakanga aparidzira uye akaona kuti aiva mudzimai wemurume uya akarovera mota yake. Murume wacho akashaya pekupinda uye akakumbira ruregerero nemhaka yezvaakaita. Akati aizotaura nekambani yeinishuwarenzi yaLuigi kuitira kuti Luigi akurumidze kubatsirwa. Murume wacho akabatanidzwawo pakukurukura kwavakaita nezveBhaibheri uye akafarira zvaitaurwa. Luigi akaona kuti kuramba akadzikama pakaitika tsaona yacho kwakabatsira chaizvo uye kuti dai akatadza kuzvidzora zvaizokanganisa zvakawanda.—Verenga 2 VaKorinde 6:3, 4.

Zvatinoita zvinogona kubatsira kana kukanganisa ushumiri hwedu (Ona ndima 14)

15, 16. Kudzidza Bhaibheri kunobatsira sei iwe nemhuri yako kuti muwedzere kuzvidzora?

15 Kunyatsodzidza Bhaibheri kunogona kubatsira vaKristu kuti vazvidzore. Yeuka kuti Mwari akaudza Joshua kuti: “Bhuku iri romutemo harifaniri kubva pamuromo pako, unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi masikati nousiku, kuti uchenjerere kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri; nokuti kana ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera.” (Josh. 1:8) Kudzidza Bhaibheri kunokubatsira sei kuti uwedzere kuzvidzora?

16 Sezvataona, muMagwaro mune nyaya dzinonyatsoratidza kubatsira kunoita kuzvidzora uye matambudziko anogona kuvapo kana tikasazvidzora. Jehovha akaita kuti nyaya idzi dzinyorwe kuti tibatsirwe. (VaR. 15:4) Saka kunenge kuri kuchenjera kuti tidziverenge, tifungisise uye tidzidze nezvadzo. Edza kuona kuti nyaya idzi dzinoshanda sei kwauri nemhuri yako. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kushandisa Shoko rake. Kana ukaona kuti pane pausiri kunyatsozvidzora, usangosiya zvakadaro. Nyengetera nezvazvo uye shanda nesimba kuti uone kuti ungavandudza sei. (Jak. 1:5) Hapana mubvunzo kuti ukatsvakurudza mumabhuku esangano unogona kuwana mazano achakubatsira.

17. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vazvidzore?

17 Mungabatsira sei vana venyu kuti vazvidzore? Vabereki vanoziva kuti vana havazvarwi vachigona kuzvidzora. Vanofanira kuratidza muenzaniso wakanaka pakuzvidzora sezvavanongoita pane zvimwe zvese zvinofanira kudzidzwa nevana vavo. (VaEf. 6:4) Saka kana ukaona vana vako vachitadza kudzora zvishuwo zvavo, zvibvunze kuti iwe wacho uri kuratidza muenzaniso wakanaka here. Usatarisira pasi kubatsira kwazvinoita kuti ugare uchiita basa remumunda, uchipinda misangano uye uchiitisa kunamata kwemhuri. Vana vako pavanokukumbira zvimwe zvinhu, usatya kuvarambira pazvinenge zvakakodzera. Jehovha akaisira Adhamu naEvha miganhu yaizovabatsira kuti vamuremekedze. Saizvozvowo, chinangwa chekupa vana mitemo uye kuvaratidza muenzaniso wakanaka, ndechekuvadzidzisa kuzvidzora. Kuda kutungamirirwa naJehovha uye kuremekedza mitemo yake ndezvimwe zvezvinhu zvinokosha zvaunogona kubatsira vana vako kuti vaite.—Verenga Zvirevo 1:5, 7, 8.

18. Nei ungava nechokwadi chekuti shamwari dzakanaka dzichakubatsira?

18 Pasinei nekuti uri mubereki here kana kuti kwete, haufaniri kurerutsa nyaya yekusarudza shamwari nekuchenjera. Shamwaridzana nevanhu vachakukurudzira kuva nezvinangwa zvakanaka uye kuti usapinda munjodzi. (Zvir. 13:20) Shamwari dzinokoshesa zvinhu zvekunamata dzichakubatsira. Muenzaniso wadzo uchaita kuti utevedzere kuzvidzora kwadzinoita. Uye hapana mubvunzo kuti zvakanaka zvaunoita zvichakurudzira shamwari dzako. Kuzvidzora kwauchange wava kuita kuchaita kuti unakidzwe neupenyu uchifarirwa naMwari uye unakidzwe nekuwadzana nevaunoda.