Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shinga . . . Uzviite”

“Shinga . . . Uzviite”

“Shinga, usimbe uye uzviite. Usatya kana kuvhunduka, nokuti Jehovha . . . anewe.”—1 MAK. 28:20.

NZIYO: 38, 34

1, 2. (a) Soromoni akapiwa basa ripi raikosha? (b) Nei Dhavhidhi ainetseka nezvaSoromoni?

SOROMONI akarayirwa kuti atungamirire basa raikosha chaizvo rekuvaka temberi muJerusarema. Temberi yacho yaizova “huru kwazvo zvokuti [yaizova] yakakurumbira munyika dzose nokuda kwokunaka kwayo.” Chainyanya kukosha ndechekuti temberi yacho yaizova “imba yaJehovha Mwari wechokwadi.” Jehovha akarayira Soromoni kuti atungamirire basa iroro.—1 Mak. 22:1, 5, 9-11.

2 Mambo Dhavhidhi aiva nechivimbo chekuti Mwari aizotsigira basa iri, asi Soromoni akanga achiri ‘mudiki uye asina simba.’ Aizova neushingi hwekuvaka temberi yacho here? Aizotadza here kuita basa iri nekuti aiva mudiki uye aisava neruzivo rwakawanda? Kuti abudirire, Soromoni aifanira kuva neushingi oita basa racho.

3. Soromoni aigona kudzidzei nezveushingi kubva kuna baba vake?

3 Soromoni anofanira kunge akadzidza zvakawanda nezveushingi kubva kuna baba vake. Paaiva mudiki, Dhavhidhi akarwisana nemhuka dzaitora makwai ababa vake. (1 Sam. 17:34, 35) Akaratidza ushingi hwakakura paakarwisa zirume raiva nyanzvi yehondo. Achibatsirwa naMwari uye achishandisa dombo rinotsvedzerera, Dhavhidhi akakunda Goriyati.—1 Sam. 17:45, 49, 50.

4. Nei Soromoni aifanira kushinga?

4 Saka zvainge zvakakodzera kuti Dhavhidhi akurudzire Soromoni kuva neushingi ovaka temberi yacho. (Verenga 1 Makoronike 28:20.) Kudai Soromoni asina kuva neushingi, kutya kwaizomutadzisa kutanga kuita basa racho. Zvaizova nani kuti atadze hake kuita basa racho nemazvo pane kuti atorega zvachose kuriita.

5. Nei tichifanira kuva neushingi?

5 Kungofanana naSoromoni, tinoda kubatsirwa naJehovha kuti tive neushingi, topedza basa. Saka ngationei mimwe mienzaniso yevanhu vakararama kare vakaratidza ushingi. Uye tinogona kufunga nezvekuti tingaratidza sei ushingi, topedza basa redu.

MIENZANISO YEVANHU VAIVA NEUSHINGI

6. Chii chaunoyemura paushingi hwakaratidzwa naJosefa?

6 Funga nezveushingi hwakaratidzwa naJosefa, mudzimai waPotifari paakamuisa pamuedzo wekuita unzenza hwepabonde. Anofanira kunge akaziva kuti aigona kusangana nematambudziko kana akaramba kurara naye. Kunyange zvakadaro, pane kuti angobvuma, akaratidza ushingi ndokutiza.—Gen. 39:10, 12.

7. Rondedzera ushingi hwakaratidzwa naRakabhi. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 Mumwe munhu akaratidza ushingi ndiRakabhi. Vasori vaviri vechiIsraeri pavakauya kumba kwake muJeriko, aigona kutya oramba kuvagamuchira. Asi nemhaka yekuti aivimba naJehovha, akaratidza ushingi paakavanza varume vacho ndokuvabatsira kuti vabude muguta vakachengeteka. (Josh. 2:4, 5, 9, 12-16) Rakabhi akabvuma kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi uye aiva nechivimbo chekuti ane zvaaizoita kuti ape vaIsraeri nyika yacho. Haana kurega kutya vanhu, kusanganisira mambo weJeriko nevanhu vake, kuchimupedza simba. Pane kudaro, akaita zvinhu zvakazoponesa iye nehama dzake.—Josh. 6:22, 23.

8. Ushingi hwaiva naJesu hwakabatsira sei vaapostora?

8 Vaapostora vaJesu vakatendeka vakaratidza muenzaniso wakanaka wekuva neushingi. Vainge vaona ushingi hwairatidzwa naJesu. (Mat. 8:28-32; Joh. 2:13-17; 18:3-5) Muenzaniso waJesu wakavabatsira kuti vave neushingi. Pavaipikiswa nevaSadhusi, vaapostora havana kurega kudzidzisa nezvaJesu.—Mab. 5:17, 18, 27-29.

9. Rugwaro rwa2 Timoti 1:7 runotibatsira sei kuziva kwatinowana ushingi?

9 Josefa, Rakabhi, Jesu uye vaapostora vainge vakatsunga kuita zvakarurama. Kushinga kwavo kwaisava kuzvivimba. Kwaibva pakuvimba kwavaiita naJehovha. Isuwo tinosangana nemamiriro ezvinhu anoita kuti tide kuva neushingi. Pane kuti tizvivimbe, tinofanira kuvimba naJehovha. (Verenga 2 Timoti 1:7.) Ngationei kuti tingava sei neushingi mumhuri uye muungano.

PATINOFANIRA KUVA NEUSHINGI

10. Nei vaKristu vechidiki vachifanira kuva neushingi?

10 VaKristu vechidiki vane pakawanda pavanofanira kuratidza ushingi kuti vashumire Jehovha. Vanogona kudzidza uye kutevedzera muenzaniso waSoromoni uyo akaratidza ushingi paakaita zvisarudzo zveuchenjeri kuti apedze basa rekuvaka temberi. Kunyange zvazvo vaKristu vechidiki vachifanira kutungamirirwa nevabereki vavo, ivo pachavo vane zvisarudzo zvakakura zvavanofanira kuita. (Zvir. 27:11) Zvisarudzo zvese zvavanoita zvinoda ushingi, zvingava zvekutsvaga shamwari dzakanaka, varaidzo yakanaka, kuzvibata uye kubhabhatidzwa. Izvi zvakadaro nekuti vechidiki ivavo vari kuita zvinopesana nezvinodiwa naSatani, uyo anoshora zvinodiwa naMwari.

11, 12. (a) Mosesi akaratidza sei muenzaniso wakanaka wekuva neushingi? (b) Vechidiki vangatevedzera sei muenzaniso waMosesi?

11 Chimwe chisarudzo chinokosha chinofanira kuitwa nevechidiki chine chekuita nezvinangwa zvavo. Mune dzimwe nyika, vechidiki vanokurudzirwa zvakanyanya kuti vave nezvinangwa zvekuwana dzidzo yepamusoro uye kuva nemabasa ane mari yakawanda. Mune dzimwe nyika, mamiriro ezveupfumi anogona kuita kuti vechidiki vakawanda vaone sekuti vanofanira kuisa pfungwa pakuriritira mhuri dzavo. Kana ukava mumamiriro ezvinhu akadaro, funga muenzaniso waMosesi. Sezvo akachengetwa nemwanasikana waFarao aigona kuisa pfungwa pakuva nemukurumbira kana kuti upfumi. Mhuri yaaigara nayo muIjipiti, vadzidzisi vake uye vaya vaimupa mazano vanofanira kunge vaimukurudzira kuita izvozvo. Pane kungoita zvavaida, Mosesi akaratidza ushingi kuburikidza nekutsigira kunamata kwakachena. Paakangosiya upfumi hweIjipiti, Mosesi akava neushingi hwekuvimba naJehovha. (VaH. 11:24-26) Izvozvo zvakaita kuti akomborerwe naJehovha panguva iyoyo uye hapana mubvunzo kuti achawana mamwe makomborero mune ramangwana.

12 Saizvozvowo, Jehovha achakomborera vechidiki vanoshinga kuva nezvinangwa zvekunamata uye vanoisa zvinhu zvine chekuita neUmambo pekutanga muupenyu hwavo. Achavabatsira kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo. Munguva yevaKristu vepakutanga, Timoti akaisa pfungwa dzake pazvinangwa zvekunamata, uye iwe unogona kuzviitawo. *Verenga VaFiripi 2:19-22.

Wakatsunga here kuva neushingi pazvese zvaunoita muupenyu hwako? (Ona ndima 13-17)

13. Nei zvaida ushingi kuti imwe hanzvadzi yechidiki izadzise zvinangwa zvayo?

13 Imwe hanzvadzi yechiKristu yekuAlabama, U.S.A., yaifanira kuva neushingi kuti ive nezvinangwa zvekunamata. Yakanyora kuti: “Ndakakura ndiri munhu anonyara. Zvaindiomera kutaura nevanhu paImba yeUmambo, uye zvainge zvakatonyanya kuoma kuti ndigogodze padhoo revanhu vandisingazivi.” Ichibatsirwa nevabereki vayo nevamwe vaiva muungano, hanzvadzi iyi yechidiki yakazokwanisa kuva piyona wenguva dzose. Inoti: “Nyika yaSatani inokurudzira kuva nezvinangwa zvakadai sekuwana dzidzo yepamusoro, mukurumbira, mari uye zvinhu zvakawanda. Kazhinji haumbokwanisi kuzadzisa zvinangwa izvi uye zvinongoita kuti ushushikane uye urwadziwe mumwoyo. Zvisinei, kushumira Jehovha kuri kuita kuti ndive nemufaro wakakura uye ndinzwe kuti ndiri kuita zvine musoro.”

14. Ndepapi panoda kuti vabereki vechiKristu vave neushingi?

14 Vabereki vechiKristu vanofanirawo kuva neushingi. Semuenzaniso, waunoshandira angagara achikukumbira kuti ushande ovhataimu manheru uye pakupera kwevhiki, nepo iri iyo nguva yawakaronga kuita kunamata kwemhuri, basa remumunda uye kupinda misangano yechiKristu. Zvinoda ushingi kuti urambe izvozvo uye uratidze vana vako muenzaniso wakanaka. Kana kuti vamwe vabereki vari muungano vanobvumira vana vavo kuita zvinhu zvausingadi kuti mwana wako aite. Vabereki ivavo vanogona kubvunza kuti nei mwana wako asingaiti zvinhu zvakadaro. Uchava neushingi here wotsanangura nekungwarira chikonzero nei usingadi kuti aite izvozvo?

15. Vabereki vangabatsirwa sei naPisarema 37:25 uye VaHebheru 13:5?

15 Tinoratidza ushingi patinobatsira vana vedu kuti vave nezvinangwa zvekunamata vozvizadzisa. Vamwe vabereki vangazeza kukurudzira vana vavo kuti vaite basa rekupayona, kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda, kushanda paBheteri, kana kuita mabasa ekuvaka zvivako zvesangano. Vabereki vacho vangatya kuti mwana wavo haazokwanisi kuvachengeta kana vakwegura. Asi vabereki vakachenjera vanoratidza ushingi uye vane kutenda mune zvakavimbiswa naJehovha. (Verenga Pisarema 37:25; VaHebheru 13:5.) Uyewo imwe nzira yamungaratidza nayo ushingi uye kuti munovimba naJehovha ndeyekubatsira mwana wenyu kuti avewo neushingi uye avimbe naJehovha.—1 Sam. 1:27, 28; 2 Tim. 3:14, 15.

16. Vamwe vabereki vakabatsira sei vana vavo kuti vave nezvinangwa zvekunamata, uye izvi zvakabatsira sei vana vacho?

16 Mumwe murume nemudzimai vekuUnited States vakabatsira vana vavo kuti vave nezvinangwa zvekunamata. Murume wacho anoti: “Vana vedu vasati vava kugona kufamba uye kutaura, taitaura navo nezvemufaro unobva pakupayona uye kushumira ungano. Iye zvino ndicho chava chinangwa chavo. Kuva nezvinangwa zvekunamata uye kuzvizadzisa kunobatsira vana vedu kuti vakurire miedzo yemunyika yaSatani uye kuti vaise pfungwa pakushumira Jehovha.” Imwe hama ine vana vaviri yakanyora kuti: “Vabereki vakawanda vanoshanda nesimba uye vanoshandisa zvinhu zvavo zvakawanda pakubatsira vana vavo kuti vabudirire pakuita zvinhu zvakadai semitambo, kudhirowa kana kuridza zviridzwa, uye kudzidza. Zviri nani chaizvo kushanda nesimba uye kushandisa zvatiinazvo pakubatsira vana vedu kuti vazadzise zvinangwa zvichavabatsira kuti varambe vaine ushamwari hwakanaka naJehovha. Tiri kugutsikana kuti vana vedu vakazadzisa zvinangwa zvekunamata uye kuti takavabatsira kuzvizadzisa.” Unogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achakomborera vabereki vanobatsira vana vavo kuti vave nezvinangwa zvekunamata uye kuti vazvizadzise.

KURATIDZA USHINGI MUUNGANGO

17. Taura mienzaniso yepanodiwa ushingi muungano yechiKristu.

17 Tinodawo kuva neushingi muungano. Semuenzaniso, vakuru vanoda ushingi pavanenge vachitonga nyaya muungano kana kuti pavanenge vachibatsira vaya vanenge vaine utano huri pangozi. Vamwe vakuru vanoshanyira majeri vachibatsira vasungwa panyaya dzekunamata. Zvakadini nehanzvadzi dzisina kuroorwa? Pava nemikana yakawanda yekuti vawedzere ushumiri hwavo kuburikidza nekupayona, kuenda kunodiwa vaparidzi vakawanda, kushanda muchirongwa cheLocal Design/Construction uye kunyorera kuti vapinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo. Vamwe vava kutokwanisa kupinda Chikoro cheGiriyedhi.

18. Hanzvadzi dzechikuru dzingaratidza sei ushingi?

18 Vakadzi vechikuru chikomborero chaicho muungano. Hanzvadzi idzi tinodzida chaizvo. Vamwe vanogona kunge vasisakwanisi kuita zvakawanda pakushumira Mwari, asi kunyange zvakadaro, vanogona kuratidza ushingi voita basa raMwari. (Verenga Tito 2:3-5.) Semuenzaniso, hanzvadzi yechikuru inofanira kuva neushingi kana ikakumbirwa kuti itaure nehanzvadzi yechidiki panyaya yekupfeka zvine mwero. Haizopopoteri hanzvadzi yechidiki panyaya yezvainosarudza kupfeka, asi inogona kukurudzira hanzvadzi yechidiki kuti ifunge nezvekuti zvainosarudza kupfeka zvingakanganisa sei vamwe. (1 Tim. 2:9, 10) Hanzvadzi dzechikuru padzinoratidza rudo saizvozvo, dzinogona kusimbisa ungano.

19. (a) Hama dzakabhabhatidzwa dzingava sei neushingi? (b) Hama dzingabatsirwa sei naVaFiripi 2:13 uye 4:13 kuti dzive neushingi?

19 Hama dzakabhabhatidzwa dzinofanirawo kuva neushingi dzoita basa. Varume vane ushingi avo vanoda kuita mamwe mabasa chikomborero kuungano. (1 Tim. 3:1) Asi vamwe vangazeza kuvavarira kuita zvakawanda. Zvichida hama inogona kunge yakamboita zvikanganiso, uye iye zvino inoona sekuti haikodzeri kuva mushumiri anoshumira kana kuti mukuru. Imwe hama inganzwa sekuti haikwanisi kuita rimwe basa. Kana uchinzwa saizvozvo, Jehovha anogona kukubatsira kuti uve neushingi. (Verenga VaFiripi 2:13; 4:13.) Yeuka kuti pane imwe nguva Mosesi akambonzwa sekuti aisakwanisa kuita basa raainge apiwa. (Eks. 3:11) Asi Jehovha akamubatsira, uye nekufamba kwenguva Mosesi akava neushingi hwekuita basa racho. Murume akabhabhatidzwa anogona kuva neushingi hwakadaro kuburikidza nekunyengetera kuna Mwari kuti amubatsire uye kuburikidza nekuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Kufungisisa nezvenyaya dzevanhu vakaratidza ushingi kunogonawo kumubatsira. Anogona kukumbira vakuru kuti vamudzidzise uye ogara akagadzirira kubatsira pane chero zvinenge zvichida kuitwa. Tinokurudzira hama dzese dzakabhabhatidzwa kuti dzive neushingi uye dzishande nesimba muungano.

“JEHOVHA . . . ANEWE”

20, 21. (a) Dhavhidhi akaita kuti Soromoni ave nechivimbo chei? (b) Tinogona kuva nechivimbo chei?

20 Mambo Dhavhidhi akayeuchidza Soromoni kuti Jehovha aizova naye kusvikira apedza kuvaka temberi. (1 Mak. 28:20) Achinyatsofunga nezvemashoko akataurwa nababa vake, Soromoni haana kurega zera rake uye kusava neruzivo rwakawanda zvichimutadzisa kuita basa. Akaratidza ushingi ndokuita basa racho, uye achibatsirwa naJehovha akapedza kuvaka temberi yacho yakakura mumakore 7 nehafu.

21 Sekubatsira kwaakaita Soromoni, Jehovha anogona kutibatsirawo kuti tive neushingi toita mabasa edu mumhuri uye muungano. (Isa. 41:10, 13) Patinoratidza ushingi pakushumira Jehovha, tinogona kuva nechivimbo chekuti achatikomborera iye zvino uye mune ramangwana. Saka, “Shinga . . . uzviite.”

^ ndima 12 Uchawana matanho aunogona kutora pakuronga zvinangwa zvekunamata munyaya inoti, “Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako,” yakabudiswa muNharireyomurindi yaJuly 15, 2004.