Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shoko raMwari . . . Rine Simba”

“Shoko raMwari . . . Rine Simba”

“Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VAH. 4:12.

NZIYO: 96, 94

1. Nei tiine chokwadi chekuti Shoko raMwari rine simba? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

SEVANHU vaJehovha, tine chokwadi chekuti shoko raMwari “ibenyu uye rine simba.” (VaH. 4:12) Vakawanda vedu takaona simba reBhaibheri richishanda muupenyu hwedu uye hwevamwe. Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzaimbova mbavha, dzainge dzakapindwa muropa nemadhiragi, kana kuti dzaiita unzenza hwepabonde. Vamwe vainge vakapfuma asi vaiona kuti paiva nechimwe chinhu chavainge vasina muupenyu. (Mup. 2:3-11) Zvinofadza kuti vamwe vanhu vainge vakarasika uye vasina tariro vava neupenyu hune chinangwa netariro. Zvichida wakaverenga uye wakanakidzwa chaizvo nezvakaitika zvinobudiswa muNharireyomurindi muchikamu chinoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu.” Uye wakaona kuti kunyange pashure pekunge vawana chokwadi, vaKristu vanoramba vachifambira mberi pakunamata vachibatsirwa neMagwaro.

2. Shoko raMwari rakava sei nesimba panguva yevaapostora?

2 Tinofanira kushamisika here kuti vakawanda mazuva ano vakachinja zvinoshamisa nemhaka yekudzidza Shoko raMwari? Aiwa! Izvozvo zvinotiyeuchidza nezvehama nehanzvadzi dzedu dzemunguva yevaapostora dzaiva netariro yekuenda kudenga. (Verenga 1 VaKorinde 6:9-11.) Pashure pekunge muapostora Pauro ataura nezvevanhu vasingazogari nhaka yeUmambo hwaMwari, akawedzera kuti: “Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita.” Asi vakanga vachinja vachibatsirwa neMagwaro uye nemweya mutsvene waMwari. Kunyange pashure pekunge vawana chokwadi, vamwe vakaita zvivi zvakakura zvakakanganisa ushamwari hwavo naJehovha. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvemumwe muKristu akazodzwa aifanira kudzingwa muungano. Paakachinja mararamiro ake, akazodzorerwa muungano yechiKristu. (1 VaK. 5:1-5; 2 VaK. 2:5-8) Zvinokurudzira chaizvo kufunga nezvematambudziko akasangana nehama nehanzvadzi dzedu dzikakwanisa kuakunda nemhaka yekushanda kwesimba reShoko raMwari.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Sezvo Shoko raMwari riine simba uye tiinaro, tinoda kurishandisa zvakanaka. (2 Tim. 2:15) Saka munyaya ino tichakurukura kuti tingaita sei kuti simba reShoko raMwari rishande (1) muupenyu hwedu, (2) patinenge tiri muushumiri uye (3) patinenge tichidzidzisa tiri pachikuva. Zviyeuchidzo izvi zvichatibatsira kuti tide uye tionge Baba vedu vekudenga vane rudo, vanotidzidzisa kuti tibatsirwe.—Isa. 48:17.

MUUPENYU HWEDU

4. (a) Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe neShoko raMwari? (b) Unoita sei kuti uwane nguva yekuverenga Bhaibheri?

4 Kuti Shoko raMwari ritibatsire, tinofanira kugara tichiriverenga. Tinofanira kuedza kuriverenga zuva rega rega. (Josh. 1:8) Vakawanda vedu tinogara takabatikana. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kurega chero chii zvacho, kusanganisira zvimwe zvinhu zvatinofanira kuita, zvichititadzisa kugara tichiverenga Bhaibheri. (Verenga VaEfeso 5:15, 16.) Vanhu vaJehovha vanotsvaga nguva yekuverenga Bhaibheri zuva rega rega. Vamwe vanozviita pavanomuka, manheru kana kuti pane imwewo nguva. Vanonzwa sezvaiita munyori wepisarema uyo akanyora kuti: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.”—Pis. 119:97.

5, 6. (a) Nei kufungisisa kuchikosha? (b) Tingaitei kuti tifungisise nenzira inobatsira? (c) Wakabatsirwa sei nekuverenga uye kufungisisa Shoko raMwari?

5 Patinoverenga Bhaibheri, zvinokosha kuti tifungisise zvatinoverenga. (Pis. 1:1-3) Izvi ndizvo zvichaita kuti tikwanise kunyatsoshandisa uchenjeri huri mariri muupenyu hwedu. Pasinei nekuti tiri kuverenga Shoko raMwari rakaprindwa kana kuti riri pazvigadzirwa zvakadai semafoni, chinangwa chedu chinofanira kuva chekuita kuti zvatinoverenga zvipinde mumwoyo yedu.

6 Tingaitei kuti tifungisise nenzira inobatsira? Vakawanda vanoona zvichibatsira kumbomira kana vaverenga chikamu cheMagwaro vozvibvunza mibvunzo yakadai seiyi: ‘Izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha? Ndepapi pandiri kutoshandisa zvinotaurwa nechikamu ichi cheShoko raMwari muupenyu hwangu? Ndepapi pandingavandudza?’ Kufungisisa zviri muShoko raMwari kuchatibatsira kuti tishandise mazano aro zvizere. Izvi zvichaita kuti simba reShoko raMwari riwedzere kushanda muupenyu hwedu.—2 VaK. 10:4, 5.

MUUSHUMIRI

7. Tingashandisa sei Shoko raMwari zvakanaka muushumiri?

7 Chii chingatibatsira kuti tishandise Shoko raMwari zvakanaka muushumiri? Nzira yekutanga ndeyekurishandisa pese patinoparidza uye patinodzidzisa. Imwe hama yakataura nezvazvo ichiti: “Kudai waizoparidza naJehovha paimba neimba, ndiwe waizoramba uchingotaura here kana kuti waizorega iye achitaura?” Zvaaireva ndezvekuti: Patinoverenga Shoko raMwari muushumiri, tinenge tichiita kuti Jehovha ataure nasaimba. Rugwaro runenge rwanyatsosarudzwa rune simba kudarika chero chii chatingataura. (1 VaT. 2:13) Zvibvunze kuti, ‘Ndinotsvaga mikana yekuverengera vanhu Shoko raMwari here pandinenge ndichivaudza mashoko akanaka?’

8. Nei tisingafaniri kungogumira pakuverenga mavhesi patinenge tichiparidza?

8 Patinenge tichikurukura nevanhu hatifaniri kungogumira pakuvaverengera mavhesi eBhaibheri. Nemhaka yei? Nekuti vanhu vakawanda havanzwisisi Bhaibheri. Izvi ndizvo zvazvakanga zvakaitawo munguva yevaapostora. (VaR. 10:2) Saka hatifaniri kufunga kuti munhu achanzwisisa zvinorehwa nevhesi yeBhaibheri nekungomuverengera chete. Tinogona kudzokorora chikamu chatinenge tichida pavhesi yacho, totsanangura zvinorehwa nemashoko acho. Izvi zvichabatsira kuti vateereri vedu vanzwisise Shoko raMwari uye ripinde mumwoyo yavo.—Verenga Ruka 24:32.

9. Tingasuma sei magwaro nenzira inoita kuti vanhu varemekedze Bhaibheri? Taura muenzaniso.

9 Tinofanirawo kusuma magwaro nenzira inoita kuti vanhu varemekedze Bhaibheri. Semuenzaniso, tinogona kuti, “Ngationei kuti Musiki wedu anotii panyaya iyi.” Patinenge tichitaura nemunhu asingaiti zvechiKristu, tinogona kuti, “Onai zvinotaurwa neZvinyorwa Zvitsvene.” Kana kuti patinenge tichiparidzira munhu asina basa nezvechitendero, tinogona kuti, “Makambonzwawo here chirevo ichi?” Tinoziva kuti vanhu vakasiyana, saka tinotaura navo zvichienderana nezvavari.—1 VaK. 9:22, 23.

10. (a) Taura zvakaitwa neimwe hama. (b) Wakaona sei kushanda kwesimba reShoko raMwari muushumiri hwako?

10 Vakawanda vakaona kuti kushandisa Shoko raMwari muushumiri kunogona kubatsira chaizvo vanhu vavanoparidzira. Ona muenzaniso unotevera. Imwe hama yakadzokera kunoona mumwe murume wechikuru ainge ava nemakore akawanda achiverenga magazini edu. Pane kungogumira pakumupa Nharireyomurindi yainge ichangobva kubuda, hama yacho yakasarudza kuverenga rumwe rugwaro rwaiva mumagazini yacho. Yakaverenga 2 VaKorinde 1:3, 4 iyo inoti: “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” Saimba akabayiwa mwoyo nemashoko iwayo zvekuti akakumbira kuti rugwaro rwacho rwuverengwe kechipiri. Murume wacho akataura kuti iye nemudzimai wake vaida chaizvo kunyaradzwa uye akatanga kufarira zvinotaurwa neBhaibheri. Haubvumi here kuti Shoko raMwari rine simba muushumiri hwedu?—Mab. 19:20.

PAUNENGE UCHIDZIDZISA URI PACHIKUVA

11. Hama dzinodzidzisa dziri pachikuva dzine basa rei?

11 Tese tinonakidzwa nekupinda misangano yedu yechiKristu pamwe chete nemagungano. Chikonzero chikuru chekupinda misangano iyi ndechekunamata Jehovha. Tinobatsirwawo chaizvo nezvatinodzidziswa. Hama dzinodzidzisa dziri pachikuva pamisangano iyi dzine ropafadzo yakakura chaizvo. Asiwo dzinofanira kuziva kuti dzine basa rakakura. (Jak. 3:1) Dzinofanira kuva nechokwadi chekuti zvadzinodzidzisa zvinobva muShoko raMwari. Kana ukapiwa basa rekudzidzisa uri pachikuva, ungashandisa sei simba reBhaibheri kuti ubaye mwoyo yevateereri vako?

12. Mukurukuri angaitei kuti ave nechokwadi chekuti Magwaro ndiwo anova musimboti wehurukuro yake?

12 Iva nechokwadi chekuita kuti Magwaro ave musimboti wehurukuro yako. (Joh. 7:16) Izvozvo zvinosanganisirei? Chimwe chaungaita kuva nechokwadi chekuti zvinhu zvakadai semienzaniso, mifananidzo, kunyange mapiro aunoita hurukuro yako hazvidzikatidzi mavhesi eBhaibheri aunoshandisa. Uyewo yeuka kuti kungoverenga magwaro akawanda handiko kudzidzisa uchishandisa Bhaibheri. Kushandisa magwaro akawandisa kunotoita kuti vateereri vako vatadze kubata kunyange rugwaro rumwe chete. Saka nyatsosarudza magwaro aunoda kushandisa uye verenga, tsanangura, enzanisira uye ratidza kuti anoshanda sei. (Neh. 8:8) Kana hurukuro ichibva papepa rehurukuro rakagadzirwa nesangano, ongorora pepa racho nemagwaro arimo. Edza kunzwisisa kuti zviri papepa rehurukuro zvinobatana sei nemagwaro arimo. Zvadaro, shandisa magwaro awasarudza kuti udzidzise pfungwa dziri papepa rehurukuro. (Unogona kuwana mamwe mazano kubva muzvidzidzo 21,22 ne23 zvebhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri.) Kupfuura zvese, kumbira Jehovha kuti akubatsire kubudisa pfungwa dzinokosha dziri muShoko rake.—Verenga Ezra 7:10; Zvirevo 3:13, 14.

13. (a) Imwe hanzvadzi yakabatsirwa sei nekushandiswa kwakaitwa magwaro pamusangano wechiKristu? (b) Wakabatsirwa sei nekudzidzisa kunoitwa pamisangano pachishandiswa Magwaro?

13 Imwe hanzvadzi yekuAustralia yakabatsirwa chaizvo nekushandiswa kwakaitwa magwaro pamusangano wechiKristu. Pasinei nekuti pane zvakaipa zvakaitika kwaari ari mudiki, akanga abvuma kubatsirwa neBhaibheri uye akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Kunyange zvakadaro, zvaimuomera kubvuma kuti Jehovha anomuda. Asi nekufamba kwenguva, akazova nechokwadi chekuti Jehovha anomuda. Chii chakamubatsira kuti aone saizvozvo? Akafungisisa rumwe rugwaro rwainge rwashandiswa pane mumwe musangano wedu uye akarwubatanidza nemamwe mavhesi eBhaibheri. * Wakabatsirwawo here nekushandiswa kwakaitwa Shoko raMwari pamisangano nepamagungano?—Neh. 8:12.

14. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa Shoko raJehovha?

14 Tinoonga chaizvo Jehovha nekutipa Shoko rake, Bhaibheri. Akatipa Shoko rake uye akazadzisa zvaakavimbisa kuti raizoramba riripo. (1 Pet. 1:24, 25) Saka ngatigarei tichiverenga Shoko raMwari, tichirishandisa muupenyu hwedu uye tichirishandisa patinenge tichibatsira vamwe. Kana tikadaro, tinenge tichiratidza kuti tinoda uye tinokoshesa pfuma iyi yatakapiwa uye muridzi wayo, Jehovha Mwari.

^ ndima 13 Ona bhokisi rakanzi “ Chakaita Kuti Achinje.”