Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shoko raMwari Wedu Richagara Nokusingagumi”

“Shoko raMwari Wedu Richagara Nokusingagumi”

“Uswa hwakasvibirira hwaoma, ruva raoma; asi shoko raMwari wedu, richagara nokusingagumi.”—ISA. 40:8.

NZIYO: 95, 97

1, 2. (a) Upenyu hungadai hwakaita sei kudai pasina Bhaibheri? (b) Ndezvipi zvinonyanya kuita kuti tibatsirwe neShoko raMwari?

UNGAFUNGIDZIRA here kuti upenyu hwako hungadai hwakaita sei kudai pasina Bhaibheri? Ungadai usina mazano aungavimba nawo muupenyu. Ungadai usina mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo ine chekuita naMwari, upenyu uye ramangwana. Uye ungadai usingazivi kuti Mwari aibata sei nevanhu kare.

2 Tinoonga kuti hatisi mumamiriro ezvinhu anosuruvarisa kudaro. Jehovha akatipa Shoko rake, Bhaibheri. Uye akavimbisa kuti zvarinotaura zvichagara nekusingaperi. Muapostora Petro akanyora mashoko aakatora pana Isaya 40:8. Kunyange zvazvo vhesi iyoyo isingatauri nezveBhaibheri pacharo, inoshandawo pane zvinotaurwa muBhaibheri. (Verenga 1 Petro 1:24, 25.) Tinonyanya kubatsirwa neBhaibheri kana richiwanika mumutauro watinonyatsonzwisisa. Kubvira kare, vaya vanoda Shoko raMwari vanoziva izvozvo. Kunyange zvazvo zvaisava nyore, kwemazana emakore vanhu vanoda Mwari vakashanda nesimba pakushandura uye pakuparadzira Bhaibheri. Chido chavo chaienderana nezvinodiwa naMwari, zvekuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Tim. 2:3, 4.

3. Tichakurukurei munyaya ino? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Munyaya ino tichaona mienzaniso yekuti Shoko raMwari rakaramba sei riripo pasinei (1) nekuchinja kwemitauro, (2) nekuchinja kwezvematongerwo enyika uko kwakaita kuti mitauro yaishandiswa nevakawanda ichinje uye (3) kurambidzwa kwaiitwa vanhu kushandura Bhaibheri. Kukurukura izvi kuchatibatsira sei? Kuchaita kuti tiwedzere kukoshesa Shoko raMwari. Kuchaitawo kuti tiwedzere kuda Munyori weBhaibheri, uyo akaita kuti rivepo kuti tibatsirwe.—Mika 4:2; VaR. 15:4.

KUCHINJA KWEMITAURO

4. (a) Mitauro inochinja sei nekufamba kwenguva? (b) Chii chinoratidza kuti Mwari wedu haasaruri vanhu vemutauro chero upi zvawo, uye izvozvo zvinoita kuti unzwe sei?

4 Mitauro inochinja nekufamba kwenguva. Zvinorehwa nemashoko zvinogona kupedzisira zvachinja zvachose. Zvimwe unogona kufunga nezvekumwe kuchinja kwakaita mutauro wako. Izvi ndizvo zvakaitikawo kuchiHebheru nechiGiriki, mitauro yakashandiswa pakunyora zvikamu zvakakura zveBhaibheri. ChiHebheru nechiGiriki zvemazuva ano zvakasiyana zvikuru nezvaitaurwa panguva yakanyorwa Bhaibheri. Saka vanhu vakawanda vanoda kunzwisisa Shoko raMwari, kunyange vaya vanoziva chiHebheru nechiGiriki chemazuva ano, vanotofanira kuverenga Shoko raMwari rinenge rakashandurwa. Vamwe vanofunga kuti vanofanira kudzidza chiHebheru nechiGiriki chekare kuitira kuti vakwanise kunzwisisa Bhaibheri zviri nani. Asi izvozvo zvingasabatsira sezvavanofungidzira. * Zvinofadza kuti Bhaibheri kana kuti zvikamu zvaro zvakashandurirwa mumitauro inenge 3 000. Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti vanhu ‘vemarudzi ose nemadzinza nemitauro’ vawane mukana wekubatsirwa neShoko rake. (Verenga Zvakazarurwa 14:6.) Izvozvo hazviiti here kuti uwedzere kuva pedyo naMwari wedu ane rudo uye asingasaruri?—Mab. 10:34.

5. Chii chakaita kuti King James Version ikoshe?

5 Mitauro yakashandurirwa Bhaibheri inochinjawo nekufamba kwenguva. Shanduro yeBhaibheri yainzwisisika zviri nyore payakatanga kubudiswa ingapedzisira isisanyanyi kubatsira nekufamba kwenguva. Funga nezveimwe shanduro yeBhaibheri yeChirungu inonzi King James Version yakatanga kubudiswa muna 1611. Yakava imwe yemaBhaibheri eChirungu anofarirwa nevakawanda, uye ine zvayakachinja pamutauro weChirungu. * Asi King James Version yakashandisa zita raMwari kashoma. Yakashandisa zita rekuti “Jehovha” mumavhesi mashomanana uye yakashandisa shoko rekuti “ISHE” rakanyorwa nemabhii makuru mune mamwe mavhesi muMagwaro echiHebheru aiva nezita raMwari pakutanga. Parakazoprindwa makore akatevera rakanga rava kushandisawo shoko rekuti “ISHE” rakanyorwa nemabhii makuru mune mamwe mavhesi muMagwaro echiKristu echiGiriki. Saka King James Version yakaratidza kuti zita raMwari raivamo mune inonzi nevanhu Testamende Itsva.

6. Nei tichionga kuti tine Shanduro yeNyika Itsva?

6 Kunyange zvakadaro, nekufamba kwemakore mashoko akawanda emuKing James Version akapedzisira ava echinyakare. Ndizvo zvakaitikawo kushanduro dzekutanga dzeBhaibheri mune mimwe mitauro. Tinoonga zvikuru kuti tine Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene isina mashoko echinyakare. Shanduro iyi kana kuti zvikamu zvayo inowanika mumitauro inopfuura 150, saka inowanika nevanhu vakawanda zvikuru mazuva ano. Mashoko ayo akajeka anoita kuti zviri muShoko raMwari zvitibaye mwoyo. (Pis. 119:97) Asi chinoita kuti Shanduro yeNyika Itsva ive inokosha ndechekuti yakadzorera zita raMwari panzvimbo yarinofanira kunge riri muMagwaro.

MUTAURO UNOSHANDISWA NEVAZHINJI

7, 8. (a) Nei vaJudha vakawanda vakararama makore ekuma200 B.C.E. vaisanzwisisa Magwaro echiHebheru? (b) Chii chinonzi Greek Septuagint?

7 Dzimwe nguva zvaiitika mune zvematongerwo enyika zvaiita kuti mutauro unoshandiswa nevazhinji uchinje. Mwari akaita sei kuti izvozvo zvisaita kuti vanhu vatadze kunzwisisa Shoko rake? Muenzaniso wezvakaitika kare unotibatsira kuwana mhinduro yacho. Mabhuku 39 ekutanga eBhaibheri akanyorwa nevaIsraeri, kana kuti vaJudha. Ndivo vakatanga ‘kuchengeteswa mashoko matsvene aMwari.’ (VaR. 3:1, 2) Zvisinei, pakasvika makore ekuma200 B.C.E., vaJudha vakawanda vakanga vasisanzwisisi chiHebheru. Nemhaka yei? Mambo weGirisi ainge akakurumbira ainzi Alexander akanga aita kuti pave neUmambo hweGirisi hwakakura kuburikidza nekukunda kwaaiita dzimwe nyika. (Dhan. 8:5-7, 20, 21) Umambo hwacho zvahwaiwedzera, chiGiriki chakava mutauro waishandiswa nevakawanda vaiva pasi peumambo uhwu, kusanganisira vaJudha vainge vakapararira kwese kwese. VaJudha vakawanda pavakanga vava kutaura chiGiriki, vakawanda vakanga vava kuomerwa nekunzwisisa Magwaro echiHebheru. Dambudziko racho rakagadziriswa sei?

8 Mumakore ekuma250 B.C.E., mabhuku 5 ekutanga eBhaibheri akashandurwa kubva muchiHebheru achiiswa muchiGiriki. Kushandurwa kwemamwe Magwaro echiHebheru kwakapedzwa mumakore ekuma100 B.C.E. Mabhuku eBhaibheri iwayo akabatanidzwa akatanga kuzivikanwa seGreek Septuagint. Iyi ndiyo shanduro yakatanga kuzivikanwa yeMagwaro echiHebheru ese.

9. (a) Septuagint nedzimwe shanduro dzepakutanga zvakabatsira sei vaverengi veShoko raMwari? (b) Ndechipi chikamu cheMagwaro echiHebheru chaunonyanya kufarira?

9 Septuagint yakabatsira chaizvo kuti vaJudha nevamwewo vanhu vaitaura chiGiriki vakwanise kuverenga Magwaro echiHebheru. Fungidzira kuti vakafara sei pavakanzwa kana kuti pavakaverenga Shoko raMwari mumutauro wavakanga vava kunyatsonzwisisa! Nekufamba kwenguva Bhaibheri rese kana kuti zvikamu zvaro zvakashandurirwa mune mimwe mitauro yaishandiswa nevazhinji yakadai seSyriac, Gothic neLatin. Vanhu pavaiverenga Zvinyorwa Zvitsvene mumutauro wavainzwisisa, hapana mubvunzo kuti vakawanda vakava nezvikamu zvavainyanya kufarira sezvatinoitawo mazuva ano. (Verenga Pisarema 119:162-165.) Zvechokwadi, Shoko raMwari rakaramba riripo pasinei nekuchinja kwemutauro waishandiswa nevazhinji.

KURAMBIDZWA KUSHANDURA BHAIBHERI

10. Nei vanhu vazhinji vaisakwanisa kuverenga Bhabheri panguva yakararama John Wycliffe?

10 Dzimwe nguva, vanhu vane masimba vakaedza kuita kuti vanhuwo zvavo vasava neBhaibheri. Zvisinei, vanhu vaida Mwari vakarwisa kuti izvozvo zvisaitika. Semuenzaniso, funga nezvemumwe murume aiongorora zvechitendero ainzi John Wycliffe, uyo akararama makore anenge 600 akapfuura. Aitenda zvakasimba kuti munhu wese anofanira kunge achikwanisa kubatsirwa neShoko raMwari. Asi panguva iyi vanhuwo zvavo muEngland vaisakwanisa kuverenga Bhaibheri. Nemhaka yei? Chimwe chikonzero chaiva chekuti vazhinji vaisakwanisa kuva nemaBhaibheri, nekuti ainyorwa nemaoko uye aidhura kugadzira. Uyewo vakawanda vaisagona kuverenga. Vanogona kunge vainzwa mavhesi eBhaibheri achiverengwa pavaienda kuchechi. Asi hazvina chokwadi kuti vainzwisisa here zvaiverengwa zvacho. Nemhaka yei? Nekuti Bhaibheri reChechi (Vulgate) rainge riri muchiLatin. Asi mumakore iwayo, vanhuwo zvavo vakanga vasingachashandisi chiLatin. Saka vaizowana sei pfuma inokosha iri muBhaibheri?—Zvir. 2:1-5.

John Wycliffe nevamwe, vaida kuti munhu wese awane Shoko raMwari. Une chido chakadaro here? (Ona ndima 11)

11. Shanduro yaizivikanwa seWycliffe Bible yakabatsira sei?

11 Muna 1382, shanduro yeChirungu yakazozivikanwa seWycliffe Bible yakabudiswa. Yakafarirwa chaizvo nevateveri vakawanda vaWycliffe. Nemhaka yekuti vaiva nechido chekuita kuti Shoko raMwari risvike mupfungwa nemumwoyo yevanhu, vateveri vaWycliffe vaifamba netsoka vachiparidza mumusha nemusha muEngland yese. Kakawanda kacho, vaparidzi ava vaiverengera vanhu vese vavaisangana navo zvikamu zveWycliffe Bible, uye vaivasiyira zvikamu zvakanyorwa nemaoko. Izvi zvakaita kuti zvinhu zvichinje chaizvo, zvikaita kuti vanhu vatangezve kufarira Shoko raMwari.

12. Vafundisi vakanzwa sei nezvaWycliffe uye zvaakaita?

12 Vafundisi vakaita sei? Vakavenga Wycliffe, Bhaibheri rake uye vateveri vake. Vafundisi vakavatambudza uye vakatsvaga maBhaibheri aWycliffe ndokuparadza ese avakawana. Kunyange pashure pekunge Wycliffe afa, vafundisi vakamuti mupanduki. Asi zvainge zvisingachaiti kuti varange munhu ainge afa kare. Kunyange zvakadaro, vafundisi vacho vakaita kuti mapfupa aWycliffe afukunurwe opiswa, uye dota racho rokandwa murwizi runonzi Swift. Asi vanhu vakanga vatova nechido chekuverenga nekunzwisisa Shoko raMwari uye Chechi yakatadza kuvamisa. Mumazana emakore akatevera, vakawanda muEurope uye mune dzimwe nyika vakatanga kuita kuti Bhaibheri rishandurwe uye riparadzirwe kuti vanhuwo zvavo vabatsirwe.

“IYE ANOKUDZIDZISA KUTI UBATSIRWE”

13. Chii chatiine chokwadi nacho, uye izvi zvinosimbisa sei kutenda kwedu?

13 Mazuva ano vaKristu havafaniri havo kufunga kuti Mwari akafemera basa rekushandura Septuagint, Bhaibheri raWycliffe, King James Version, kana kuti chero imwe shanduro ipi zvayo. Kunyange zvakadaro, patinoongorora nhoroondo yeshanduro idzi nedzimwewo dzakabudiswa, tinoona chokwadi chekuti: Shoko raJehovha rakaramba riripo sezvaakavimbisa. Izvi hazvisimbisi here kutenda kwaunoita kuti zvimwe zvese zvakavimbiswa naJehovha zvichazadzikawo?—Josh. 23:14.

14. Shoko raMwari rinotibatsira sei kuti tiwedzere kumuda?

14 Kukurukura kuti Bhaibheri rakaramba sei riripo makore ese aya kunosimbisa kutenda kwedu uye kunoitawo kuti tiwedzere kuda Jehovha. * Asi nei akatipa Shoko rake? Uye nei akavimbisa kuti raizoramba riripo? Imhaka yekuti anotida, uye anoda kutidzidzisa kuti tibatsirwe. (Verenga Isaya 48:17, 18.) Saka zvakakodzera kuti tidewo Jehovha uye titeerere mirayiro yake.—1 Joh. 4:19; 5:3.

15. Tichakurukurei munyaya inotevera?

15 Sezvo tichida Shoko raMwari tinoda kunyatsobatsirwa naro. Tingaita sei kuti tinyatsobatsirwa naro patinoriverenga? Tingabatsira sei vanhu vatinoona muushumiri kuti vakoshese Bhaibheri? Vaya vanodzidzisa pachikuva vangaita sei kuti vave nechokwadi chekuti zvese zvavanodzidzisa zvinobva muMagwaro? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.

^ ndima 4 Ona nyaya inoti “Unofanira Kudzidzira chiHebheru nechiGiriki Here?” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2009.

^ ndima 5 Madimikira akawanda eChirungu akatanga neKing James Version.

^ ndima 14 Ona bhokisi rakanzi “ Zvionere Wega!