Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Tsitsi dzaJehovha

Tevedzera Tsitsi dzaJehovha

“Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni nenyasha [kana kuti tsitsi].”—EKS. 34:6.

NZIYO: 57, 147

1. Jehovha akazviratidza sei kuna Mosesi, uye izvi zvinoratidzei?

PANE imwe nguva, Mwari akazviratidza kuna Mosesi kuburikidza nekumuzivisa zita Rake uye unhu Hwake. Akatanga kutaura nezvengoni uye nyasha kana kuti tsitsi dzake. (Verenga Eksodho 34:5-7.) Jehovha aigona kutanga kutaura nezvesimba rake kana uchenjeri hwake. Asi kuna Mosesi, uyo aida kuva nechivimbo chekuti Mwari aizomubatsira, Jehovha akatanga kudoma unhu hunoratidza kuti anoda kubatsira vashumiri vake. (Eks. 33:13) Hazvikufadzi here kuti Jehovha akatanga kutaura nezveunhu ihwohwo hwakanaka? Nyaya ino ichataura nezvetsitsi, idzo dzinoreva kurwadzirwa vamwe vanenge vachitambura panguva imwe chete uine chido chekuvarerutsira.

2, 3. (a) Chii chinoratidza kuti kuva netsitsi kuri muvanhu? (b) Nei uchifanira kuva nechido chekudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvetsitsi?

2 Vanhu vakasikwa nemufananidzo waMwari. Saka nemhaka yekuti Jehovha ane tsitsi, zviri muvanhu kuti vade kuti vamwe vafambirwe zvakanaka neupenyu. Kunyange vaya vasingazivi Mwari wechokwadi, vanowanzoratidza tsitsi. (Gen. 1:27) MuBhaibheri tinowana nyaya dzakawanda dzevamwe vakaratidza tsitsi. Yeuka nyaya yevakadzi vaviri vaiva pfambi avo vakaitisana nharo pamberi paSoromoni kuti ndiani aiva muridzi wemwana. Soromoni paakavaedza kuburikidza nekurayira kuti mwana wacho achekwe nepakati, amai chaivo vemwana vakanzwa tsitsi. Tsitsi idzodzo dzakaita kuti vaone zviri nani kuti mwana wacho apiwe hake mumwe mukadzi. (1 Madz. 3:23-27) Kana kuti yeuka mwanasikana waFarao uyo akaponesa Mosesi. Kunyange zvazvo akaona kuti mucheche wacho aiva muHebheru uye kuti aisafanira kusiyiwa ari mupenyu, “akamunzwira tsitsi” ndokusarudza kumurera semwana wake.—Eks. 2:5, 6.

3 Nei uchifanira kuva nechido chekudzidza nezvetsitsi? Nekuti Bhaibheri rinokukurudzira kutevedzera Jehovha. (VaEf. 5:1) Asi pasinei nekuti vanhu vakasikwa vachifanira kunzwira vamwe tsitsi, chivi chatiinacho chakabva kuna Adhamu chinoita kuti tide kuita zvakangonakira isu chete. Dzimwe nguva tingaona zvisiri nyore kusarudza kuti tobatsira vamwe here kana kuti tongoita zvakanakira isu chete. Kune vamwe, iyi ihondo inoramba iripo. Chii chingakubatsira kuti ufarire vamwe, woramba uchidaro? Chekutanga, wana nguva yekuongorora kuti Jehovha akaratidza sei tsitsi uye kuti vamwe vakazviitawo sei. Chechipiri, ona kuti ungatevedzera sei muenzaniso waMwari uye kuti kuita izvozvo kuchakubatsira sei.

JEHOVHA—MUENZANISO WAKAKWANA WEKUNZWIRA VAMWE TSITSI

4. (a) Nei Jehovha akatumira ngirozi kuSodhoma? (b) Nyaya yaRoti nevanasikana vake inotidzidzisei?

4 Pane pakawanda patinoona kuti Jehovha akaratidza tsitsi. Funga zvaakaitira Roti. Murume uyu ainge akarurama “akanga achitambudzika kwazvo” nemaitiro ekushaya nyadzi evanhu vemuSodhoma neGomora. Mwari akatsidza kuti vanhu ivavo vaiita zvakaipa vaifanira kufa. (2 Pet. 2:7, 8) Mwari akatumira ngirozi kuti dzinunure Roti. Dzakakurudzira Roti nemhuri yake kuti vatizire kure nemaguta iwayo aida kuparadzwa. “Paakaramba achingoverengera, varume vacho (kureva ngirozi) vakabva vabata ruoko rwake noruoko rwomudzimai wake nemaoko evanasikana vake vaviri vakamubudisa, vakamumisa kunze kweguta nokuti akanga anzwirwa tsitsi naJehovha.” (Gen. 19:16) Muenzaniso iwoyo hauratidzi here kuti Jehovha anonyatsoziva matambudziko anombosangana nevanhu vake vakatendeka?—Isa. 63:7-9; Jak. 5:11; 2 Pet. 2:9.

5. Magwaro akadai sa1 Johani 3:17 angatibatsira sei kuti tidzidze kuratidza tsitsi?

5 Jehovha haana kungoperera pakuratidza tsitsi asi akadzidzisawo vanhu vake kuti varatidze unhu ihwohwo. Funga nezvemutemo wakapiwa vaIsraeri panyaya yekutora nguo yemumwe sechinhu chekumbofanobata kana munhu akwereta. (Verenga Eksodho 22:26, 27.) Munhu aiva nemwoyo wakaoma aigona kuva pamuedzo wekubata nguo yemunhu ainge amukwereta, achimusiya asina kana chekufuga. Asi Jehovha akadzidzisa vanhu vake kuti vasava nemwoyo wakaoma kudaro. Vanhu vake vaifanira kuva netsitsi. Pfungwa iri mumutemo iwoyo inotidzidzisei? Hatingadi kuita setiri kusiya hama dzedu dzichirohwa nechando, asi tiine zvatinogona kuita kuti tidzirerutsire.—VaK. 3:12; Jak. 2:15, 16; verenga 1 Johani 3:17.

6. Tinodzidzei pakuedza kwaiita Jehovha kubatsira vaIsraeri vaimutadzira kuti vapfidze?

6 Jehovha ainzwira tsitsi vaIsraeri kunyange pavaikanganisa. Tinoverenga kuti: “Jehovha Mwari wemadzitateguru avo akaramba achivatumira shoko achishandisa nhume dzake, achivatumira avatumirazve, nokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara.” (2 Mak. 36:15) Hatifaniriwo here kunzwira tsitsi dzakadaro vaya vanogona kupfidza, vofarirwa naMwari? Jehovha haana waanoda kuti aparadzwe pakutongwa kuri kuuya. (2 Pet. 3:9) Saka kusvika Mwari aparadza vakaipa, ngatirambei tichizivisa mashoko ake ekunyevera anoratidza tsitsi dzake.

7, 8. Nei imwe mhuri ichiti Jehovha akairatidza tsitsi?

7 Pane zvakawanda zvakaitika zvinoratidza tsitsi dzaMwari. Funga zvakaitika kumhuri yemumwe mukomana aiva nemakore 12 watichati Milan. Izvi zvakaitika panguva yekurwisana kwemarudzi kuma1990. Milan, munin’ina wake, vabereki vake nezvimwe Zvapupu, vaiva mubhazi vachibva kuBosnia vachienda kuSerbia. Vaienda kugungano uye vabereki vaMilan vaida kunobhabhatidzwa pagungano iroro. Asi pavakasvika pabhodha, masoja akavabudisa mubhazi nemhaka yerudzi rwavo, asi akasiya dzimwe hama dzichienda. Pashure pemazuva maviri, mukuru wemasoja acho akachayira mukuru wake redhiyo achibvunza kuti voitwa sei. Musoja wacho ainge akamira pamberi pemhuri iyi, saka vese vakanzwa zvakataurwa zvichinzi, “Ingoenda navo kure uvapfure!”

8 Musoja wacho paaitaura nevamwe vake, vamwe varume vaviri vakauya kumhuri iyi ndokuiratidza chinyararire kuti vaiva Zvapupu. Vakanga vanzwa zvainge zvaitika nevamwe vaiva mubhazi. Varume vacho vakaudza Milan nemunin’ina wake kuti vapinde mumota mavo kuti vayambuke bhodha sezvo mapepa evana aisatariswa. Varume ava vakaudza vabereki vacho kuti vatenderere nekuseri kwebhodha vozosangana navo kana vayambuka. Milan akashaya kuti oseka here kana kuti ochema pakataurwa izvi. Vabereki vake vakabvunza kuti: “Munofunga kuti vachangotisiya tichienda here?” Asi pavaifamba vachienda, zvaiita sekuti masoja aisatombovaona. Vabereki vacho nevana vavo vakanosangana kune rimwe divi rebhodha. Vakaenda kuguta raiitirwa gungano, vaine chokwadi chekuti Jehovha akanga apindura minyengetero yavo yekukumbira kubatsirwa. Tinoziva kubva muBhaibheri kuti dzimwe nguva Jehovha aisapindira zvakananga kuti adzivirire vashumiri vake. (Mab. 7:58-60) Asi Milan anotaura manzwiro aakaita achiti, “Kwandiri, zvinoita sekuti ngirozi dzakavhara maziso emasoja uye kuti Jehovha akatinunura.”—Pis. 97:10.

9. Jesu akaita sei paakaona kuti vanhu vaimutevera vaisiririsa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Tinogona kudzidza chimwe chinhu kubva kuna Jesu. Akanzwira tsitsi mapoka evanhu vaaisangana navo nekuti “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” Akaita sei paakaona kuti vaisiririsa? “Akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.” (Mat. 9:36; verenga Mako 6:34.) Mafungiro ake akanga akasiyana chaizvo neevaFarisi, avo vaisava nechido chekubatsira vanhuwo zvavo. (Mat. 12:9-14; 23:4; Joh. 7:49) Haunzwiwo here uine chido chakafanana nechaJesu chekubatsira vanhu vari kuziya nenzara pakunamata?

10, 11. Zvakakodzera here kuratidza tsitsi nguva dzese? Tsanangura.

10 Hazvirevi hazvo kuti tsitsi dzinofanira kuratidzwa nguva dzese. Tsitsi dzaMwari dzainge dzakakodzera mumienzaniso yemuBhaibheri yataurwa mundima dzapfuura. Asi Mambo Sauro akatyora murayiro waMwari achifunga kuti ari kuratidza tsitsi. Akarega kuuraya Agagi, muvengi wevanhu vaMwari, uyewo akachengetedza zvipfuwo zvainge zvakanaka kwazvo. Izvi zvakaita kuti Jehovha amurambe pakuva mambo waIsraeri. (1 Sam. 15:3, 9, 15) Jehovha ndiye mutongi akarurama. Anokwanisa kuona zviri mumwoyo mevanhu uye anoziva pazvisina kukodzera kunzwira tsitsi. (Mari. 2:17; Ezek. 5:11) Nguva yekuti atonge vese vanoramba kumuteerera iri kuuya. (2 VaT. 1:6-10) Iyoyo ichange isiri nguva yekuti aratidze tsitsi kune vese vaachatonga sevanhu vakaipa. Asi kuvaparadza kwaachaita kuchange kuri kuratidzwa kwetsitsi kuvanhu vakarurama vaachachengetedza.

11 Saka harisi basa redu kutonga kuti ndivanaani vachaparadzwa kana kuti vachaponeswa. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuita zvese zvatinogona iye zvino kuti tibatsire vanhu. Saka tingaratidza sei kuti tinonzwira vamwe tsitsi pazvinenge zvakakodzera? Ngationei zvatingaita.

KUVA NETSITSI UYE KUDZIRATIDZA PAZVINENGE ZVAKAKODZERA

12. Ungaratidza sei tsitsi pamabatiro aunoita vamwe?

12 Batsira pazvinhu zvezuva nezuva. Vaya vanoedza kutevedzera Jesu vanofanira kuratidza tsitsi kumuvakidzani uye kuhama dzechiKristu. (Joh. 13:34, 35; 1 Pet. 3:8) Shoko rekuti tsitsi rinorevawo “kutambura pamwe chete.” Munhu anoratidza tsitsi anonzwa achida kurerutsira vamwe, zvimwe kuburikidza nekuvabatsira mumatambudziko avo. Tsvaga mikana yekuita izvozvo. Semuenzaniso, unogona kubatsira mumwe munhu here kuburikidza nekumuitira rimwe basa, zvichida uchiita zvinhu zvakadai sekumuendera kumashopu kana kunobhadhara zvimwe zvinhu?—Mat. 7:12.

13. Vanhu vaMwari vane unhu hupi hunonyatsooneka panoitika njodzi?

13 Itawo basa rekuyamura. Kutambura kwevaya vanenge vawirwa nenjodzi kunoita kuti vakawanda varatidze tsitsi. Vanhu vaJehovha vanozivikanwa nekubatsira panguva dzakadaro. (1 Pet. 2:17) Imwe hanzvadzi yekuJapan yaigara munharaunda yakaparadzwa nekudengenyeka kwenyika uye tsunami muna 2011. Inoti ‘yakakurudzirwa chaizvo uye yakanyaradzwa’ nezvakaitwa nevakawanda vaibva kune dzimwe nzvimbo muJapan uye kune dzimwe nyika avo vakazvipira kugadziridza zvivako. Yakanyora kuti: “Izvi zvakandibatsira kuona kuti Jehovha ane hanya nesu. Uye Zvapupu zvine hanya nemumwe nemumwe. Hama nehanzvadzi dzakawanda pasi rese dziri kutinyengeterera.”

Ratidza kuti unonzwira vamwe tsitsi kuburikidza nekuvabatsira (Ona ndima 12)

14. Ungabatsira sei vanorwara uye vakwegura?

14 Batsira vanorwara uye vakwegura. Kuona vamwe vachitambura nemhaka yechivi chaAdhamu, kunoita kuti tivaratidze tsitsi. Tinoda chaizvo kuzoona kurwara uye kukwegura zvichibviswa. Saka tinonyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye. Parizvino, tinoita zvese zvatinogona kuti tibatsire vamwe. Funga zvakanyorwa nemumwe munyori nezvaamai vake avo vaiva nechirwere chinonzi Alzheimer’s disease. Rimwe zuva, amai vacho vakazvishatisa. Pavaiedza kuchenesa, bhero repadhoo rakabva rarira. Vaenzi vacho vaiva Zvapupu zviviri zvaiwanzouya zvichiona amai ava. Hanzvadzi idzi dzakabvunza kuti vaida kubatsirwa here. Amai vacho vakapindura kuti, “Zvinonyadzisa asi ndinoda.” Vaenzi vacho vakavabatsira kuchenesa. Vakabva vavabikira tii ndokumbogara vachitaura navo. Mwanakomana waamai ava akaonga chaizvo. Akataura kuti anoyemura chaizvo zvakaitwa neZvapupu izvi. Akanyora kuti: “Vanoita chaizvo zvavanoparidza.” Kunzwira tsitsi kwaunoita vanorwara uye vakwegura hakuiti here kuti uite zvese zvaunogona kuti uvarerutsire?—VaF. 2:3, 4.

15. Basa redu rekuparidza rinotipa mikana ipi inokosha?

15 Batsira vanhu pakunamata. Matambudziko evanhu uye zvinovanetsa zvinoita kuti tide kuvabatsira pakunamata. Nzira inopfuura dzese yatingavabatsira nayo ndeyekuvadzidzisa nezvaMwari uye zvichaitirwa vanhu neUmambo hwake. Imwe nzira ndeyekuvabatsira kuti vaone kuti kurarama maererano nezvinodiwa naMwari kuchenjera. (Isa. 48:17, 18) Ungawedzera here zvauri kuita pabasa rekuparidza iro rinoita kuti Jehovha akudzwe uye rinoratidza kuti unonzwira vamwe tsitsi?—1 Tim. 2:3, 4.

KUVA NETSITSI KUNOKUBATSIRAWO

16. Munhu anonzwira vamwe tsitsi anobatsirwa sei?

16 Nyanzvi dzinoona nezveutano hwepfungwa dzinoti kunzwira vamwe tsitsi kunogona kuvandudza utano hwako, upenyu hwako uye ushamwari hwako nevamwe. Paunorerutsira vamwe pakutambura kwavo uchawedzera kuva nemufaro netariro, uye hauzonyanyi kusurukirwa kana kuva nemafungiro asina kunaka. Zvechokwadi, kuratidza tsitsi kuchakubatsira. (VaEf. 4:31, 32) VaKristu vane chido chekubatsira vamwe vanova nehana yakanaka sezvo vachiziva kuti vanenge vachiita zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Izvozvo zvinoita kuti munhu ave mubereki ari nani, mudzimai kana murume ari nani uye shamwari iri nani. Vaya vanokurumidza kuratidza tsitsi kazhinji kacho vanobatsirwawo pavanenge vachida rubatsiro.—Verenga Mateu 5:7; Ruka 6:38.

17. Nei uchida kuva netsitsi uye kudziratidza?

17 Kuziva kuti kunzwira vamwe tsitsi kunokubatsira hakufaniri kuva chikonzero chikuru chinoita kuti ude kuva netsitsi. Chikonzero chikuru chinofanira kuva chido chekutevedzera uye kukudza Jehovha Mwari, Tsime rerudo netsitsi. (Zvir. 14:31) Anotiratidza muenzaniso wakakwana wekuva netsitsi. Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti timutevedzere zvoita kuti tive nerudo pakati pedu uye tinzwanane nevavakidzani vedu kuburikidza nekuratidza tsitsi.—VaG. 6:10; 1 Joh. 4:16.