NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA February 2016

Magazini iyi ine nyaya dzichadzidzwa kubva musi wa4 April kusvika May 1, 2016.

NYAYA YEUPENYU

Jehovha Akandibatsira Kuti Ndirambe Ndichimushumira

Corwin Robison akashumira Mwari akatendeka kwemakore 73, uye pamakore iwayo, anopfuura 60 acho aishumira kuBheteri rokuUnited States.

Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”

Unoda kuva shamwari yaJehovha here? Dzidza pana Abrahamu.

Tevedzera Shamwari Dzepedyo dzaJehovha

Rute, Hezekiya, naMariya vakaitei kuti vave shamwari dzepedyo dzaMwari?

Ramba Uchishumira Jehovha Uchifara

Kufungisisa zvikonzero zvitatu zvinokosha kunoita kuti urambe uchifara.

Ratidza Kuti Wakavimbika Kuna Jehovha

Kuvimbika kwaJonatani kunotibatsira kuti tivimbike kuna Jehovha munzira ina muupenyu hwedu.

Dzidza Kuvashumiri vaJehovha Vainge Vakavimbika

Dhavhidhi, Jonatani, Natani, naHushai vakaratidza sei kuti Jehovha ndiye wavaitanga kuvimbika kwaari?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Motokari Ine Gudzanzwi Yaizivikanwa Nemamiriyoni Evanhu

Kubva muna 1936 kusvika 1941, “motokari ine gudzanzwi yeWatch Tower” yakabatsira Zvapupu zvishoma zvaiva muBrazil kuti zviite kuti mamiriyoni evanhu anzwe mashoko oUmambo.