Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”

Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”

“Iwe, haiwa Israeri, uri mushumiri wangu, iwe, haiwa Jakobho, wandakasarudza, vana vaAbrahamu shamwari yangu.”—ISA. 41:8.

NZIYO: 91, 22

1, 2. (a) Tinoziva sei kuti vanhu vanogona kuva shamwari dzaMwari? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

KUBVIRA paucheche kusvikira pakufa, tinoda kuratidzwa rudo. Tagara tichida kudiwa neshamwari dzedu, newatakaroorana naye, uye tinodawo kuwirirana nevamwe vanhu. Asi pane rumwe rudo rwunokosha chaizvo kupfuura rwevamwe vose. Rudo irworwo runobva kuna Jehovha. Zvisinei, vakawanda vanofunga kuti hazviiti kuti munhu ave neushamwari hwepedyo naMwari Wemasimbaose uyo asingaoneki ari kudenga. Ndizvo zvatinofungawo here? Aiwa, takasiyana chaizvo nevanhu ivavo!

2 Bhaibheri rinoratidza kuti panotova nevanhu vane chivi sesu vakava shamwari dzaMwari. Zvinokosha kuti tifunge nezvevanhu vakadaro, nokuti kuva shamwari yaJehovha ndicho chinhu chinokosha chaizvo muupenyu hwedu. Mumwe munhu akava shamwari yaMwari ndiAbrahamu. (Verenga Jakobho 2:23.) Chii chakaita kuti Abrahamu ave pedyo chaizvo naJehovha? Kutenda ndicho chinhu chikuru chakaita kuti adaro. Bhaibheri rinotomuti “baba vevaya vose vanotenda.” (VaR. 4:11) Ngationei kuti kutenda kwaAbrahamu kwakamubatsira sei kuti ave neushamwari hwepedyo naMwari. Uye mumwe nomumwe wedu anogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndingava sei nekutenda sekwaiva naAbrahamu, uye ndingasimbisa sei ushamwari hwangu naJehovha?’

CHII CHAKAITA KUTI ABRAHAMU AVE SHAMWARI YAMWARI?

3, 4. (a) Tsanangura kuti ndoupi muedzo ungangodaro waiva mukuru pane yose yakasangana naAbrahamu. (b) Nei Abrahamu akanga akazvipira kubayira Isaka?

3 Chimboita seuri kuona murume akwegura ari kukwidza gomo. Urwu ndirwo runofanira kunge ruri rwendo rwakaoma chaizvo muupenyu hwake. Zera rake handiro riri kuita kuti rwendo rwacho ruome. Abrahamu anofanira kunge ava nemakore 125 asi achine simba. [1] Ari kufamba nemumwe murume wechidiki zvimwe ane makore 25. Murume uyu mwanakomana wake Isaka, uye akatakura huni. Abrahamu ane banga uye ane chokubatidzisa moto. Jehovha amukumbira kuti ape mwanakomana wake sechibayiro.—Gen. 22:1-8.

4 Zvinoita sokuti pamiedzo yose yakasangana naAbrahamu, wokupa mwanakomana wake sechibayiro ndiwo waiva mukuru. Vamwe vanoti Mwari akaita utsinye paakakumbira Abrahamu kuti adaro. Vamwewo vanoti Abrahamu aingoita zvinhu asingashandisi pfungwa uye akanga asina mwoyo wokubereka. Vanodaro nokuti havana kutenda uye havatombonzwisisi kuti kutenda kwacho chii. (1 VaK. 2:14-16) Asi Abrahamu aiziva zvaaiita. Aiteerera Mwari nekuti aiva nekutenda. Kutenda ikoko ndiko kwaiita kuti azive kuti Baba vake vokudenga Jehovha, havatombokumbiri mushumiri wavo akatendeka kuti aite chimwe chinhu chinozoita kuti agare achingorwadziwa. Abrahamu aiziva kuti kana akateerera Mwari wake Jehovha, iye nemwanakomana wake waaida chaizvo Isaka vaizokomborerwa. Kutenda kwake kwaibva pachii? Kwaibva pane zvaakadzidza uye pane zvakaitika muupenyu hwake.

5. Abrahamu angangodaro akadzidza sei nezvaJehovha, uye zvaakadzidza izvozvo zvakamubatsira sei?

5 Zvaakadzidza. Abrahamu akakurira muUri, guta revaKadheya rainge rakazara nevanhu vainamata zvidhori, asi akadzidza nezvaJehovha. Tichifunga nezvekuti baba vake Tera vainamata zvidhori, zvakafamba sei kuti Abrahamu azodzidza nezvaJehovha? (Josh. 24:2) Bhaibheri harinyatsotauri, asi rinoratidza kuti Abrahamu akanga ari chizvarwa chechi9 kubva kumwanakomana waNoa ainzi Shemu, uyo aiva murume ane kutenda kwakasimba. Abrahamu paakanga ava nemakore anenge 150, Shemu akanga achiri mupenyu. Hapana hapo chinonyatsoratidza kuti Abrahamu akadzidza nezvaJehovha kubva kuna Shemu. Asi zvinoita sokuti Shemu aidzidzisa mhuri yake nezvaJehovha. Kunenge kuti zvaakavadzidzisa izvozvo zvakazosvikawo kuna Abrahamu uye zvakamubaya mwoyo. Abrahamu akatanga kuda Mwari waaidzidza nezvake uye zvaakadzidza izvozvo zvakamubatsira kuti ave nekutenda.

6, 7. Zvakaitika muupenyu hwaAbrahamu zvakasimbisa sei kutenda kwake?

6 Zvakaitika muupenyu hwake. Zvakaitika muupenyu hwaAbrahamu zvakasimbisa sei kutenda kwake muna Jehovha? Kune mashoko anowanzotaurwa nevakawanda ekuti, zvinofungwa nemunhu ndizvo zvinoita kuti ade kuita chimwe chinhu, uye anobva apedzisira aita zvaanenge achifunga. Saka zvakadzidzwa naAbrahamu nezvaJehovha “Mwari Wokumusorosoro, Mugadziri wedenga nenyika,” zvakaita kuti atange kumuremekedza zvichinyatsobva pasi pemwoyo wake. (Gen. 14:22) Bhaibheri rinoti ikoko ndiko kunonzi ‘kutya Mwari’ uye kutya ikoko kunokosha chaizvo kana munhu achida kuva neushamwari hwepedyo naMwari. (VaH. 5:7; Pis. 25:14) Kutya Mwari uku ndiko kwakaita kuti Abrahamu aite zvaaiudzwa naMwari.

7 Mwari akaudza Abrahamu naSara kuti vatame kubva muUri vachienda kune imwe nyika. Vakanga vati kurei uye vaizonogara mumatende kweupenyu hwavo hwese. Kuteerera kwaAbrahamu kwakaita kuti akomborerwe uye adzivirirwe naJehovha. Somuenzaniso, Abrahamu aityira kuti aizotorerwa mudzimai wake Sara uyo ainge akanaka chaizvo, uye kuti iye aizourayiwa. Zvaaityira zvaiva nemusoro, asi Abrahamu haana kuita kuti izvozvo zvimutadzise kuteerera. Kanopfuura kamwe chete, Jehovha akapindira ndokuita zvishamiso zvokudzivirira Abrahamu naSara. (Gen. 12:10-20; 20:2-7, 10-12, 17, 18) Izvi zvakasimbisa kutenda kwaAbrahamu.

8. Zvii zvinotibatsira kuti tisimbise ushamwari hwedu naJehovha?

8 Zvinoita here kuti tive shamwari dzaJehovha? Hongu zvinoita. Iye zvino zvava nyore kuti tidzidze zvakawanda nezvaJehovha uye tinoona kuti kumuteerera kunotibatsira sei muupenyu hwedu. Panguva yakararama Abrahamu, aingoziva zvishomanana papfuma yakawanda neuchenjeri zvatava kuwana muBhaibheri. (Dhan. 12:4; VaR. 11:33) Shoko raMwari rakazara nepfuma inogona kuwedzera ruzivo rwedu pamusoro ‘peMugadziri wedenga nenyika,’ uye rinotibatsira kuti timuremekedze uye tiwedzere kumuda. Izvi zvichaita kuti titeerere Mwari, uye patinodaro, tinobva tazvionera muupenyu hwedu kuti zvakanakirei kumuteerera. Tinodzidza kuti mazano aanotipa anotidzivirira uye kuti Jehovha anotikomborera achitisimbisa. Tinodzidzawo kuti kushumira Mwari nemwoyo wose kunoita kuti tigutsikane, tive nerugare, uye tifare. (Pis. 34:8; Zvir. 10:22) Patinowedzera kuziva nezvaMwari uye patinoona kuti kumuteerera kunotibatsira sei muupenyu hwedu, kutenda kwedu muna Jehovha kunowedzera uye ushamwari hwedu naye hunosimba.

CHII CHAKAITA KUTI ABRAHAMU ARAMBE ARI SHAMWARI YAMWARI?

9, 10. (a) Chii chinodiwa kuti ushamwari husimbe? (b) Chii chinoratidza kuti Abrahamu aikoshesa ushamwari hwake naJehovha uye aiita kuti hurambe hwakasimba?

9 Ushamwari hunokosha chaizvo. (Verenga Zvirevo 17:17.) Hunopfuura chimwe chinhu chinokosha chatingatenga tongochisiyawo hedu chakadaro. Hunotoda kugara huchisimbiswa sezvatingaita ruva ratinofanira kugara tichidiridza kuti rirambe richikura uye rakanaka. Abrahamu aikoshesa ushamwari hwake naJehovha uye aiita kuti hurambe hwakasimba. Aizviita sei?

10 Abrahamu haana paakazombotanga kufunga kuti kutya Mwari uye kumuteerera kwaaiita kwakwana. Paakatamira kuKenani nevanhu vose vaaiva navo, akaramba achibvuma kutungamirirwa naJehovha pane zvose zvaaisarudza, zvingava zvinhu zvidiki kana zvikuru. Abrahamu paakanga ava nemakore 99 uye pasara gore rimwe chete kuti Isaka aberekwe, Jehovha akamuudza kuti varume vose veimba yake vaifanira kudzingiswa kana kuti kuchecheudzwa. Abrahamu akaramba here? Akatsvaka nzira dzokuti arege kuita zvaainge audzwa here? Aiwa, akavimba naMwari uye akaita zvaakaudzwa “pazuva iroro” chairo.—Gen. 17:10-14, 23.

11. Chii chakaita kuti Abrahamu anetseke nezveSodhoma neGomora, uye Jehovha akamubatsira sei?

11 Abrahamu aigara achiteerera Jehovha kunyange pazvinhu zvaiita sezvidiki, saka ushamwari hwake naMwari hwakaramba huchisimba. Aiudza Jehovha zvaiva mumwoyo make uye aikumbira kubatsirwa naye paaiva nemibvunzo yaimunetsa. Somuenzaniso, paakaziva kuti Mwari aizoparadza maguta eSodhoma neGomora, Abrahamu akanetseka kuti vanhu vakarurama vaigona kuparadzwa pamwe chete nevakaipa. Zvimwe Abrahamu aityira mwana womukoma wake Roti nemhuri yake, avo vaigara muSodhoma panguva iyoyo. Abrahamu akabvunza Jehovha nezvemaguta iwayo achizvininipisa chaizvo uye achiratidza kuti aivimba naMwari, “Mutongi wenyika yose.” Jehovha akaratidza mwoyo murefu paaidzidzisa Abrahamu kuti ndiMwari ane ngoni chaizvo, anotarisa zviri pamwoyo uye anoda kuponesa vanhu vakarurama.—Gen. 18:22-33.

12, 13. (a) Zvinhu zvakadzidzwa naAbrahamu uye zvakaitika muupenyu hwake zvakazomubatsira sei? (b) Chii chinoratidza kuti Abrahamu aivimba naJehovha?

12 Zvose zvakadzidzwa naAbrahamu uye zvakaitika muupenyu hwake zvakamubatsira kuti arambe aine ushamwari hwepedyo naJehovha. Paakazosangana nemuedzo wakaoma chaizvo wokukumbirwa naJehovha kuti abayire mwanakomana wake Isaka, Abrahamu akabatsirwa nokuziva kwaaiita Shamwari yake yokudenga. Saka ngatichifungai zvakare nezvake panguva iya yaaikwidza gomo munyika yeMoriya. Aifunga here kuti Jehovha aizongoerekana achinja ova Mwari ane utsinye uye asina tsitsi? Abrahamu haana kana kumbofunga zvakadaro! Tinozviziva sei?

13 Asati aparadzana nevashandi vake vaainge ainavo, Abrahamu akati: “Garai pano nembongoro, asi ini nomukomana tinoda kupfuurira nechekoko tinonamata, tozodzoka kwamuri.” (Gen. 22:5) Abrahamu airevei? Ainyepera vashandi vake here paakataura kuti Isaka aizodzoka asi iye achiziva hake kuti akanga achinomupa sechibayiro? Aiwa. Bhaibheri rinotiudza zvaifungwa naAbrahamu. (Verenga VaHebheru 11:19.) Abrahamu “akafunga kuti Mwari akanga achikwanisa [kumutsa Isaka] kunyange kubva kuvakafa.” Aitenda kuti vakafa vachamutswa. Aiziva kuti Jehovha akanga aita kuti iye naSara vave nemwana kunyange zvazvo vakanga vakwegura. (VaH. 11:11, 12, 18) Abrahamu aiziva kuti hapana chisingakwanisi kuitwa naJehovha. Saka pasinei nechaizoitika musi iwoyo, aiva nechokwadi chokuti aizovazve pamwe nemwanakomana wake waaida, kuitira kuti zvose zvainge zvavimbiswa naJehovha zvizadzike. Ndosaka Abrahamu achinzi “baba vevaya vose vanotenda.”

14. Matambudziko api aunosangana nawo pakushumira Jehovha, uye zvakaitwa naAbrahamu zvingakubatsira sei?

14 Zvakadini nesu? Mazuva ano Mwari haatikumbiri kuti tibayirewo vana vedu. Asi anoda kuti timuteerere kunyange pazvinenge zvisiri nyore kana kuti patinenge tisiri kunyatsonzwisisa kuti nei tichifanira kuita zvaanenge atiudza. Pane here chimwe chinhu chatinonzi naMwari tiite chaunoona sechakakuomera? Vamwe vangaomerwa nekuita basa rokuparidza. Pamwe vanonyara chaizvo saka vanoomerwa nekutanga kutaura nemunhu wavasingazivi vachimuudza mashoko akanaka. Vamwe vangaomerwa nekuita zvakasiyana nezvinenge zvichiitwa nevamwe kungava kuchikoro kana kuti kubasa. (Eks. 23:2; 1 VaT. 2:2) Paunenge uine zviri kukuomera, unombonzwa sezvaiita Abrahamu here, uchiita seuri kukwidza gomo muMoriya? Kana uchimbonzwa saizvozvo, shinga saAbrahamu uye iva nekutenda sekwaaiva nako. Patinofungisisa nezvemienzaniso yevarume nevakadzi vakatendeka tichava nechido chekuvatevedzera uye tichaswedera pedyo neShamwari yedu, Jehovha.—VaH. 12:1, 2.

KUVA SHAMWARI YAMWARI KUNOITA KUTI TIWANE MAKOMBORERO

15. Nei tingava nechokwadi chokuti Abrahamu haana kumboona sekuti akanga atambisa nguva yake nokuteerera Jehovha?

15 Unofunga kuti Abrahamu ane here paakaona sekuti akanga atambisa nguva yake nokuteerera Jehovha? Bhaibheri rinotaura nezvekufa kwake richiti: “Abrahamu akabva aguma kufema, akafa anyatsokura, akwegura uye agutsikana.” (Gen. 25:8) Abrahamu paakafa, akanga ava nemakore 175, asi ainzwa agutsikana nezvaakanga aita muupenyu. Akaramba achikoshesa ushamwari hwake naJehovha muupenyu hwake. Zvisinei, patinoverenga kuti Abrahamu akanga “akwegura uye agutsikana,” hatifaniri kufunga kuti akanga asisina kana shungu dzekuzoraramazve.

16. Abrahamu achafadzwa nei muParadhiso?

16 Bhaibheri rinoti nezvaAbrahamu: “Akanga achimirira guta rine nheyo chaidzo, iro Mwari ari muvaki nomuiti waro.” (VaH. 11:10) Abrahamu aitenda kuti nerimwe zuva aizoona guta iroro, kureva Umambo hwaMwari, uhwo huchatonga nyika yose, uye zvaaitenda izvozvo achazviona zvichizadziswa. Fungidzira kufara kuchaita Abrahamu paanenge ava kurarama muParadhiso pasi pano, achisimbisa ushamwari hwake naJehovha! Achafara chaizvo paachaziva kuti kutenda kwaaiva nako kwakabatsira vashumiri vaJehovha kwezviuru zvemakore iye asisipo. Achatozozivawo kuti kubayira Isaka ‘kwaifananidzira’ chimwe chinhu chikuru chaizvo. (VaH. 11:19) Uye achadzidzawo kuti kurwadziwa kwaakaita paaigadzirira kubayira Isaka, kwakabatsira mamiriyoni evanhu vakatendeka kuti vafungidzire kurwadziwa kwakaita Jehovha paakapa Mwanakomana wake Jesu Kristu, kuti atidzikinure. (Joh. 3:16) Zvakaitwa naAbrahamu zvinotibatsira kuti tiwedzere kukoshesa rudzikinuro, urwo runoratidza kuti Mwari anotida chaizvo.

17. Watsunga kuitei, uye tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Dai mumwe nomumwe wedu akatsunga kuramba achitevedzera kutenda kwaiva naAbrahamu. Kuramba tichidzidza nezvaJehovha kuchatibatsira kuti timuteerere uye tiratidze kuti takavimbika kwaari. Izvi zvichaita kuti tizvionere tega kuti kumuteerera kunoita kuti tikomborerwe. (Verenga VaHebheru 6:10-12.) Dai Jehovha akava Shamwari yedu nekusingaperi! Munyaya inotevera, tichakurukura nezvevamwe vanhu vatatu vakatendeka vakava shamwari dzaMwari.

^ [1] (ndima 3) Murume uyu nemudzimai wake vaimbonzi Abramu naSarai, asi munyaya ino tichataura nezvavo tichishandisa mazita avakazopiwa naJehovha okuti Abrahamu naSara.