Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Motokari Ine Gudzanzwi Yaizivikanwa Nemamiriyoni Evanhu

Motokari Ine Gudzanzwi Yaizivikanwa Nemamiriyoni Evanhu

“Pane motokari imwe chete ine gudzanzwi iri kushandiswa mubasa raShe muBrazil uye mamiriyoni evanhu anoziva motokari iyoyo, ‘imotokari ine gudzanzwi yeWatch Tower.’”​—Nathaniel A. Yuille, 1938.

BASA rekuparidza Umambo munyika yeBrazil rakanga risinganyanyi kufambira mberi pakatanga makore ekuma1930. Asi muna 1935 mapiyona maviri Nathaniel naMaud Yuille vakanyorera Joseph F. Rutherford, uyo aitungamirira pabasa rekuparidza. Mapiyona maviri aya akazvipira kuita basa iri uye vakanyora kuti vaida kuenda “chero kwavaizonzi vaende.”

Nathaniel, uyo akanga asiya basa rake rehuinjiniya, akanga ava nemakore 62. Aiva mutungamiriri webasa muungano yeZvapupu zvaJehovha yaiva muSan Francisco, California, kuU.S.A. Akanga ava neunyanzvi hwekushandisa magudzanzwi pakuparidza mashoko akanaka. Kuda kwaaiita kushumira uye unyanzvi hwaakanga ava nahwo zvakamubatsira paakanzi anoshanda semuranda webazi kuBrazil uko kune ndima yakakura uye mitauro yakawanda.

Muna 1936, Nathaniel naMaud vakasvika muBrazil vaine mumwe piyona ainzi Antonio P. Andrade uyo akazovawo muturikiri wavo. Vakauya nemagiramufomu 35 uye motokari ine gudzanzwi. Pasi rose, Brazil inyika yechi5 pakukura asi yakanga iine vaparidzi voUmambo 60 chete! Zvinhu zvavakanga vauya nazvo zvaizobatsira kuti vakwanise kuparidza mashoko akanaka kumamiriyoni evanhu mumakore mashomanana.

Pashure pemwedzi mumwe chete mhuri yekwaYuille yasvika muBrazil, bazi rakaronga kuti paitwe gungano muguta reSão Paulo. Vakashandisa motokari ine gudzanzwi kuti vazivise vanhu nezvehurukuro yaizopiwa. Maud anofanira kunge ari iye aityaira motokari yacho uye vanhu 110 vakauya. Gungano iri rakakurudzira vaparidzi kuti vawedzere kushingaira mubasa reushumiri. Vakadzidzira kuparidza vachishandisa mabhuku, makadhi ekupupurira, uyewo magiramufomu kuridza zvinhu zvakarekodhwa mumitauro yeChirungu, chiGerman, chiHungarian, chiPolish, chiSpanish uye nokufamba kwenguva muchiPortuguese.

Motokari ine gudzanzwi yakabatsira kuti mamiriyoni evanhu muBrazil anzwe mashoko akanaka

Magungano matatu akaitwa muna 1937 muSão Paulo, muRio de Janeiro, uye muCuritiba, akabatsira kuti basa rekuparidza rifambire mberi. Vanhu vaiuya kugungano vaiendawo kunoparidza paimba neimba kunenge kuine motokari ine gudzanzwi. José Maglovsky uyo akanga achiri mukomana panguva iyoyo akazonyora kuti: “Taiva nepataigadzika mabhuku edu eBhaibheri totanga kuridza mharidzo dzakarekodhwa tichishandisa motokari ine gudzanzwi, ukuwo tichitaura nevanhu vanenge vabuda mudzimba dzavo kuti vaone zviri kuitika.”

Vanhu vaibhabhatidzirwa kurwizi. Kurwizi ikoko kwaiva nevanhu vaiuya kuzoshambira. Saka pavaibuda mumvura vachinodziya zuva vainzwawo mashoko akanaka aiparidzwa pachishandiswa motokari ine gudzanzwi. Hurukuro yerubhabhatidzo yakapiwa naHama Rutherford yainzwika zvine mutsindo pagudzanzwi remotokari. Vanhu vaiuya pamotokari votanga kunzwa hurukuro yacho ichiturikirwa mumutauro wechiPortuguese. Paipera hurukuro, vaya vaifanira kubhabhatidzwa vaibva vatanga kubhabhatidzwa uku nziyo dzoUmambo dzainge dzakarekodhwa mumutauro wechiPolish dzichiridzwa. Hama nehanzvadzi dzaibva dzaimbawo mumitauro yadzo. Bhuku Regore ra1938 rakati, “Vanhu vaibva vafunga zvakaitika paPendekosti munhu wose paakanzwa zvaidzidziswa mumutauro wake.”

Magungano paaipera, motokari ine gudzanzwi yaitenderera ichiridza hurukuro dzeBhaibheri mumapaki, mudzimba dzevanhu, kumafekitari aiva pakati peguta reSão Paulo uye nemamwe maguta aiva pedyo. Izvi zvaiitwa misi yeSvondo yega yega pasinei nekuti kuri kunaya here kana kuti hakusi. Mwedzi wega wega vanhu 3 000 vaigara mumusha unochengetwa vanhu vane maperembudzi waiva nechekuchamhembe kweSão Paulo nemakiromita 97, vainzwa hurukuro dzeBhaibheri dzichiridzwa pamotokari iyi. Nekufamba kwenguva pakazoumbwa ungano yakasimba mumusha uyu. Pasinei nechirwere chavaiva nacho chinorwadza, vaparidzi vemuungano iyoyo vakabvumidzwa kuenda kune mumwe musha wevanemaperembudzi, vachivaudza mashoko anonyaradza eBhaibheri.

Hurukuro dzeBhaibheri nezvimwewo zvakarekodhwa zvakazotanga kuwanikwa muchiPortuguese gore ra1938 rava kunopera. Pazuva raiitwa imwe mhemberero yekunyengeterera vakafa inonzi “All Souls’ Day,” motokari ine gudzanzwi yakafamba kumakuva ichiridza hurukuro dzeBhaibheri dzaiva nemisoro yaiti: “Vakafa vari kupi?,” “Jehovha,” uye “Upfumi.” Hurukuro idzi dzakateererwa nevanhu vanopfuura 40 000 vainge vari kumakuva vachichengeta zuva iri.

Vafundisi vaitsamwiswa nekuparadzirwa kwaiitwa chokwadi cheBhaibheri uye kakawanda vaiedza kuudza vakuru vakuru kuti varambidze kushandiswa kwemotokari ine gudzanzwi. Hanzvadzi Yuille vanoyeuka zvakaitika mumwe mufundisi paakaita kuti mhomho yevanhu iunganire motokari ine gudzanzwi. Meya weguta racho nemapurisa vakabva vasvikawo vakateerera purogiramu yacho yese. Meya akabva atotorawo mabhuku eBhaibheri. Hakuna kuzoitika zhowezhowe musi uyu. Kunyange zvazvo basa redu raipikiswa, Bhuku Regore ra1940 rakataura kuti gore ra1939 “ndiro raiva gore rakanaka chaizvo kupfuura mamwe ose pakushumira Mwari Mukuru uye kuzivisa zita rake.”

Kushandiswa kwakaitwa “motokari ine gudzanzwi yeWatch Tower” kwakaita kuti basa rekuparidza rifambire mberi chaizvo muBrazil. Mamiriyoni evanhu akanzwa mashoko oUmambo. Motokari iyi yakazotengeswa muna 1941, asi Zvapupu zvaJehovha zvakawanda chaizvo zviri kuramba zvichiparidza mashoko akanaka kuvanhu vanoda chokwadi vari mundima yakakura yeBrazil.​—Kubva mudura renhoroondo yedu kuBrazil.