Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchishumira Jehovha Uchifara

Ramba Uchishumira Jehovha Uchifara

FUNGA nezvezuva rawakafara chaizvo muupenyu hwako. Izuva rawakachata here kana kuti rakaberekwa mwana wako wokutanga? Kana kuti izuva rawakabhabhatidzwa? Zvimwe zuva rawakabhabhatidzwa ndiro raunokoshesa chaizvo uye ndiro rakakufadza. Hama nehanzvadzi dzako dzakafara chaizvo kukuona uchiratidza pachena kuti unoda Mwari nemwoyo wako wose, nemweya wako wose, nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.—Mako 12:30.

Zvimwe uri kufara chaizvo mubasa raJehovha kubvira pawakabhabhatidzwa. Asi vamwe vaparidzi havachafari sezvavaiita. Sei vasisafari? Zvii zvingatibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha tichifara?

SEI VAMWE VASINGACHAFARI?

Patinoparidza mashoko oUmambo tinotaurawo nezvekuti munguva pfupi iri kuuya Jehovha achaparadza nyika ino yakaipa ounza nyika itsva. Kuparidza mashoko iwayo kunoita kuti tifare. Uyewo Zefaniya 1:14 inoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.” Asi kuramba takamirira kupfuura zvataifunga kunogona kuita kuti tipedzisire tisisafari uye tisisashandi nesimba mubasa raMwari.—Zvir. 13:12.

Kuwadzana nevanhu vaMwari kunotibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha tichifara. Zvimwe mufambiro wakanaka wevashumiri vaMwari ndiwo wakaita kuti tiuye kusangano raJehovha uye titange kushumira Mwari tichifara. (1 Pet. 2:12) Asi chii chinogona kuitika kana mumwe muKristu akapiwa chirango nekuti anenge asina kuteerera Mwari? Izvi zvinogona kuita kuti vamwe vanhu vanenge vakafarira chokwadi nemhaka yekuona tsika dzedu dzakanaka vaore mwoyo uye vapedzisire vasingachafari.

Kunyanya kuda zvinhu zviri munyika yakaipa yaSatani kunogonawo kutitadzisa kufara. Dhiyabhorosi anoshandisa nyika yake kuita kuti tifunge kuti tinofanira kungotenga-tenga zvinhu zvese nezvimwewo zvatinogona kurarama tisina. Asi tinofanira kuyeuka mashoko aJesu okuti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mat. 6:24) Hatingagoni kushumira Jehovha tichifara ukuwo tichimhanyisana nezvinhu zvese zviri munyika.

KUFARA MUBASA RAJEHOVHA

Vaya vanoda Jehovha, havaomerwi nekuchengeta mirayiro yake. (1 Joh. 5:3) Jesu akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Kutakura joko raKristu kunozorodza uye kunoita kuti tifare. Tine zvinhu zvinoita kuti tifare chaizvo mubasa raJehovha. Ngatikurukurei zvitatu zvacho.—Hab. 3:18.

Tinoshumira Mwari wedu akatipa upenyu uye anofara. (Mab. 17:28; 1 Tim. 1:11) Tinoziva kuti Musiki wedu ndiye akaita kuti tivepo. Saka tinoramba tichimushumira tichifara pasinei nekuti tava nemakore mangani tabhabhatidzwa.

Héctor anogara achifara nekuti anoramba achifunga nezvetariro yaainayo yoUmambo uye anoshingaira kuita basa raJehovha

Funga nezvaHéctor uyo akashumira Jehovha ari mutariri anofambira kwemakore 40. Kunyange zvazvo ‘achena musoro,’ achiri kufara mubasa raMwari. (Pis. 92:12-14) Kurwara kwemudzimai wake kwava kuita kuti asakwanisa kuita zvakawanda mubasa raMwari, asi izvozvo hazvisi kumutadzisa kufara. Anoti: “Kunyange zvazvo ndichirwadziwa nekudzikira kuri kuita utano hwemudzimai wangu, uye zvichiramba zvichioma kumuchengeta, handisi kubvumira kuti izvozvo zvinditadzise kushumira Mwari wechokwadi ndichifara. Kuziva kuti upenyu hwangu hwakabva kuna Jehovha, uyo akasika vanhu aine chinangwa, kunoita kuti ndimude zvakadzama uye ndimushumire nemwoyo wose. Kuti ndirambe ndichifara, ndinoedza kuramba ndichishingaira mubasa rekuparidza uye ndinoramba ndichifunga zvatichaitirwa neUmambo hwaMwari.”

Jehovha akatipa chibayiro cherudzikinuro kuti tikwanise kufara muupenyu. Bhaibheri rinoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Saka tinogona kuregererwa zvivi zvedu uye tinogona kuwana upenyu husingaperi kana tikatenda muchibayiro cherudzikinuro chaJesu chatakapiwa naMwari. Izvi zvinofanira kuita kuti titende Jehovha chaizvo. Uye kutenda kwatinoita rudzikinuro rwatakapiwa kunoita kuti tide kushumira Jehovha tichifara.

Jesús akasiya basa raaiita uye akashumira Jehovha kwemakore achifara

Hama inonzi Jesús iyo inogara kuMexico yakati: “Ndaiva muranda webasa rangu, uye dzimwe nguva ndaitozvipira kuramba ndichishanda kwenguva yakareba yaifanira kuchinjana vanhu 5 kunyange zvazvo ndakanga ndisingamanikidzwi. Ndaingoda kuva nemari yakawanda. Ndakazodzidza nezvaJehovha uye zvaakaita kuti ape Mwanakomana wake waanoda kuti adzikinure vanhu. Ndakatanga kuva nechido chakasimba chokumushumira. Saka ndakazvitsaurira kuna Jehovha, ndikasarudza kusiya basa pakambani yandakanga ndava nemakore 28 ndichishanda uye ndakapinda mubasa renguva yakazara.” Kushumira Jehovha ndiko kwakaita kuti atange kufara muupenyu hwake.

Kutevedzera zvinodiwa naMwari kunoita kuti tifare. Uchiri kuyeuka here kuti upenyu hwako hwakanga hwakaita sei usati wava kuziva nezvaJehovha? Muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu vaiva muRoma kuti vaimbova “varanda vechivi” asi vakazova “varanda vokururama.” Vakanga vava kubereka chibereko ‘chebasa ravo munzira youtsvene uye mugumo wacho waizova upenyu husingaperi.’ (VaR. 6:17-22) Isuwo tinofamba munzira youtsvene saka hatitamburi nemarwadzo anokonzerwa nekuita zvinhu zvisina kuchena kana kuti nekuva vanhu vane chisimba. Izvi zvinoita kuti tifare chaizvo!

“Ndakazotanga kunyatsofara muupenyu hwangu pandakatanga kushumira Jehovha.”​—Jaime

Funga nezvaJaime uyo akanga asingabvumi kuti Mwari ariko uye aiti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka. Jaime aitambawo tsiva. Akatanga kupinda misangano yechiKristu uye akashamiswa nerudo rwaiva nehama nehanzvadzi. Kuti arege mararamiro aaiita, Jaime akakumbira Jehovha kuti amubatsire kubvuma kuti ariko. Jaime anoti, “Zvishoma nezvishoma, ndakatanga kuona kuti kuna Baba vane rudo uye Mwari ane ngoni. Kutevedzera zvinodiwa naJehovha kuri kundidzivirira. Dai ndisina kuchinja, zvimwe kutaura kuno ndingadai ndakaurayiwa nekuti dzimwe shamwari dzangu dzandaiita nadzo zvetsiva dzakafa. Ndakazotanga kunyatsofara muupenyu hwangu pandakatanga kushumira Jehovha.”

USANETA!

Unofunga kuti tinofanira kunzwa sei sezvo takamirira kuguma kwenyika ino yakaipa? Yeuka kuti tiri kudyara “nokuda kwomudzimu” uye tichakohwa “upenyu husingaperi.” Saka ngatisarega “kuita zvakanaka, nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.” (VaG. 6:8, 9) Ngatikumbirei Jehovha kuti atibatsire kutsungirira, uye kushanda nesimba kuti tive neunhu hunodiwa kuti tizopona “mukutambudzika kukuru,” toramba tichimushumira tichifara kunyange patinosangana nemiedzo.—Zvak. 7:9, 13, 14; Jak. 1:2-4.

Tine chokwadi chokuti tichapiwa mubayiro kana tikaramba tichitsungirira nekuti Mwari anonyatsoziva basa redu, kumuda kwatinoita uye kuda kwatinoita zita rake. Kana tikaramba tichishumira Jehovha tichifara, tichaita sezvakaitwa nemunyori wepisarema Dhavhidhi uyo akati: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara, uye kukudzwa kwangu kunongofara. Nyama yangu ichagarawo yakachengeteka.”​—Pis. 16:8, 9.