Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Kuti Wakavimbika Kuna Jehovha

Ratidza Kuti Wakavimbika Kuna Jehovha

“Jehovha ngaave pakati pangu newe nepakati pevana vangu nevana vako nokusingagumi.”—1 SAM. 20:42.

NZIYO: 125, 62

1, 2. Nei ushamwari hwaDhavhidhi naJonatani huri muenzaniso wakanaka wekuratidza kuvimbika?

JONATANI anofanira kunge akashamiswa neushingi hwaiva naDhavhidhi. Dhavhidhi akanga auraya hofori yainzi Goriyati ndokuuya pamberi paMambo Sauro weIsraeri, baba vaJonatani, “aine musoro womuFiristiya wacho muruoko rwake.” (1 Sam. 17:57) Zvaiva pachena kuti Mwari aiva naDhavhidhi. ‘Mweya waJonatani wakabva wanamatirana nomweya waDhavhidhi.’ Vaviri ava vakava shamwari dzepedyo zvokuti ‘vakaita sungano, nokuti Jonatani aida Dhavhidhi sokuda kwaaiita mweya wake.’ (1 Sam. 18:1-3) Jonatani akaramba akavimbika kuna Dhavhidhi kweupenyu hwake hwose.

2 Ushamwari hwaJonatani naDhavhidhi hwakaramba hwakasimba, pasinei nekuti Mwari akanga asarudza Dhavhidhi kuti azova mambo wevaIsraeri panzvimbo paSauro. Jonatani akanetseka paakaziva kuti Sauro aida kuuraya Dhavhidhi. Kuti asimbise shamwari yake, Jonatani akaenda kurenje reJudhiya kuHoreshi. Jonatani akabatsira Dhavhidhi kuti arambe achivimba naJehovha. Akamuudza kuti: “Usatya . . . , iwe uchava mambo waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri.”—1 Sam. 23:16, 17.

3. Chii chainyanya kukosha kuna Jonatani kupfuura kuvimbika kuna Dhavhidhi, uye tinoziva sei izvozvo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Vanhu vakawanda vanoyemura munhu akavimbika. Asi tinogona kurasikirwa nechidzidzo chinokosha chaizvo kana tikangoyemura kuvimbika kwakanga kwakaita Jonatani kuna Dhavhidhi tisingafungiwo kuvimbika kwaakanga akaita kuna Mwari. Nei Jonatani aiona Dhavhidhi seshamwari kwete semunhu ari kukwikwidzana naye? Zviri pachena kuti pane chimwe chinhu chaikosha kwaari kupfuura kuva mambo. Yeuka kuti akabatsira Dhavhidhi kuti arambe achivimba naJehovha. Izvi zvinoratidza kuti kuvimbika kuna Mwari ndiko kwainyanya kukosha kupfuura zvinhu zvose muupenyu hwaJonatani. Kuvimbika kwaainge akaita kuna Jehovha ndiko kwakaita kuti azoramba akavimbika kuna Dhavhidhi. Uye varume ava vakaita zvavakanga vatsidzirana kuti: “Jehovha ngaave pakati pangu newe nepakati pevana vangu nevana vako nokusingagumi.”—1 Sam. 20:42.

4. (a) Chii chichaita kuti tifare uye tigutsikane? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

4 SevaKristu, hatingogumiri pakuyemura kuvimbika kwevamwe. Tinoratidza kuti takavimbika kune vemumhuri, shamwari, uye vatinonamata navo. (1 VaT. 2:10, 11) Asi tinofanira kuvimbika kuna Jehovha kupfuura kune vamwe vose nekuti ndiye akatipa upenyu. (Zvak. 4:11) Kana tikaramba takavimbika kuna Mwari zvichaita kuti tifare uye tigutsikane. Asi kuti tiratidze kuti takavimbika kuna Mwari tinofanira kuramba tichiita zvaanoda kunyange patinosangana nemiedzo yakaoma. Munyaya ino tichakurukura kuti muenzaniso waJonatani unotibatsira sei kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha: (1) patinoona sekuti munhu ane masimba haana kukodzera kuremekedzwa, (2) patinenge tichifanira kusarudza kuti tovimbika kuna ani, (3) patinobatwa zvisina kunaka kana kuti mumwe munhu paanotadza kutinzwisisa, uye (4) patinoomerwa nekuita zvatinenge tavimbisa.

PATINOONA SEKUTI MUNHU ANE MASIMBA HAANA KUKODZERA KUREMEKEDZWA

5. Nei zvainge zvakaoma kuti vaIsraeri varambe vakavimbika kuna Jehovha paitonga Sauro?

5 Kunyange zvazvo Mwari akazodza Sauro baba vaJonatani kuti ave mambo, Sauro akazotsauka ndokurambwa naJehovha. (1 Sam. 15:17-23) Jehovha haana kubvisa Sauro pachigaro ipapo-ipapo, saka kusateerera kwaSauro kwakaisa vanhu vaaitonga pamuedzo. Zvakanga zvakaoma kuti varambe vakavimbika kuna Mwari nekuti mambo aiva “pachigaro choumambo chaJehovha” aiita zvakaipa.—1 Mak. 29:23.

6. Chii chinoratidza kuti Jonatani akaramba akavimbika kuna Jehovha?

6 Sauro paakarega kuteerera Mwari, mwanakomana wake Jonatani akaratidza kuti akanga akavimbika kuna Jehovha. (1 Sam. 13:13, 14) Muprofita Samueri akanga ataura kuti: “Jehovha haazosiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru.” (1 Sam. 12:22) Jonatani akaratidza kuti aitenda mashoko iwayo vaIsraeri pavakanga vava kuda kurwiswa neuto rakakura revaFiristiya raiva nengoro dzehondo 30 000. Sauro aingova nevarume 600 chete, uye iye naJonatani ndivo chete vaiva nezvombo. Asi Jonatani nemushandi wake aimutakurira zvombo vakaenda kwaiva nemasoja evaFiristiya airinda. Jonatani akati: “Hapana chinotadzisa Jehovha kuponesa nevazhinji kana kuti nevashomanana.” Varume vaviri ava vakarwisa masoja evaFiristiya airinda ndokuuraya vanenge 20 vavo. Zvadaro “nyika yakatanga kudengenyeka,” uye Mwari akaita kuti vaFiristiya vatye zvikuru. Vakabva vavhiringidzika, vakatanga kurwisana pachavo. Saka kutenda kwaiva naJonatani muna Mwari kwakaita kuti vaIsraeri vakunde.—1 Sam. 13:5, 15, 22; 14:1, 2, 6, 14, 15, 20.

7. Kunyange zvazvo Sauro airamba achiita zvakaipa, Jonatani akaita sei?

7 Kunyange zvazvo Sauro airamba achiita zvakaipa, Jonatani akaramba achiteerera baba vake pese pazvainge zvakakodzera. Somuenzaniso, Jonatani akabatana nababa vake pakurwira vanhu vaMwari.—1 Sam. 31:1, 2.

8, 9. Patinenge tichiremekedza vane masimba tinenge tichiratidza sei kuti takavimbika kuna Mwari?

8 Tinogona kuratidza kuti takavimbika kuna Jehovha sezvakaita Jonatani patinoramba tichizviisa pasi pevanhu vane masimba sezvatinorayirwa naMwari, kunyange paya patinoona sekuti vamwe vavo havana kukodzera kuti tivaremekedze. Somuenzaniso mumwe mushandi wehurumende anogona kunge aine uori, asi tinoramba tichimuremekedza nekuti tinoziva kuti tinofanira kuzviisa pasi “pevanhu vane masimba makuru.” (Verenga VaRoma 13:1, 2.) Tose tinogona kuratidza kuti takavimbika kuna Jehovha patinoremekedza vanhu vose vaanopa masimba kusanganisira mumhuri nemuungano.—1 VaK. 11:3; VaH. 13:17.

Kuremekedza watakaroorana naye kunyange asingatendi kunoratidza kuti takavimbika kuna Jehovha (Ona ndima 9)

9 Olga [1] wekuSouth America airemekedza murume wake kunyange pazvainge zvakaoma, uye izvi zvairatidza kuti ainge akavimbika kuna Mwari. Kwemakore, murume wake akanga asingatombofari kuti mudzimai wake aiva Chapupu chaJehovha. Aimboramba kutaura naye uye dzimwe nguva aitaura mashoko ekumurwadzisa. Aitombomuudza kuti achamusiya oenda nevana. Asi Olga haana kudzorera chakaipa nechakaipa. Akaita zvose zvaaigona kuti ave mudzimai akanaka, achibikira nekuwachira murume wake uye airatidza kuti aiva nehanya nehama dzemurume wake. (VaR. 12:17) Pazvaiita, vaienda kumba kwehama neshamwari dzemurume wake vari vese. Somuenzaniso, murume wake paakafirwa nababa vake avo vaigara kune rimwe guta, Olga akagadzirira zvose zvaidiwa kuti vaende kumariro acho nevana vavo. Pavakanga vava kumariro Olga akamirira murume wake panze kusvika pavakapedza kuita zvechechi. Olga akaramba aine mwoyo murefu, achiremekedza murume wake zvokuti pashure pemakore akawanda murume wake akazotanga kuchinja. Iye zvino ava kutoperekedza mudzimai wake kuImba yoUmambo, uye anotomukurudzira kuti aende. Dzimwe nguva anotopindawo misangano naye.—1 Pet. 3:1.

PATINOFANIRA KUSARUDZA KUTI TOVIMBIKA KUNA ANI

10. Chii chakabatsira Jonatani kusarudza munhu waaifanira kuramba akavimbika kwaari?

10 Sauro paakabuda pachena kuti akanga atsunga kuuraya Dhavhidhi, Jonatani aifanira kusarudza kuti oramba akavimbika kuna ani. Kunyange zvazvo akanga aita sungano naDhavhidhi, Jonatani aizviisawo pasi pababa vake. Asi Jonatani aiziva kuti Mwari aiva naDhavhidhi kwete naSauro. Saka akasarudza kuramba akavimbika kuna Dhavhidhi. Akaudza Dhavhidhi kuti avande uye akataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro.—Verenga 1 Samueri 19:1-6.

11, 12. Kuda Mwari kunotibatsira sei kuti tisarudze kuramba takavimbika kwaari?

11 Kuvimbika kuna Mwari kwakabatsira Alice, imwe hanzvadzi yekuAustralia kuti izive kuti yaifanira kuramba yakavimbika kune vamwe vanhu kusvika papi. Paakatanga kudzidza Bhaibheri, Alice aiudzawo vemumhuri make zvinhu zvakanaka zvaakanga achidzidza. Akazovaudza kuti akanga asingachapembereri Krisimasi uye akavatsanangurira zvikonzero zvacho. Pakutanga vaingoratidza kuti havasi kufara nazvo asi vakazopedzisira vamutsamwira zvisingaite. Vainzwa sekuti akanga achivapandukira. Alice anoti: “Amai vangu vakazopedzisira vandiudza kuti handisisiri mwana wavo. Ndakavhunduka nezvavakaita uye zvakandirwadza nekuti ndaida chaizvo vemumhuri mangu. Zvisinei, ndakasarudza kuti Jehovha uye Mwanakomana wake ndivo vandaizotanga kuteerera, uye ndakabva ndabhabhatidzwa gungano rakatevera racho.”—Mat. 10:37.

12 Kana tikasangwarira, kuvimbika kunyika yedu, kuchikoro, kana kuti kumitambo yatinofarira, kunogona kupedzisira kwatitadzisa kuramba takavimbika kuna Mwari. Somuenzaniso Henry anofarira kutamba mutambo wechess. Chikoro chavo ndicho chaigara chichitora mukombe pamutambo uyu, saka aidawo kushanda nesimba kuti mukombe urambe uri wechikoro chavo. Asi akazoti: “Zvishoma nezvishoma, ndakanga ndava kukoshesa zvemitambo kuchikoro kupfuura kuvimbika kuna Mwari. Kuenda kunotamba chess pakupera kwevhiki kwakanga kwava kunditadzisa kuita zvinhu zvokunamata. Saka ndakasarudza kubuda mutimu yechess.”Mat. 6:33.

13. Kuvimbika kuna Mwari kunotibatsira sei patinosangana nezvinetso mumhuri?

13 Dzimwe nguva zvakaoma kuti tirambe takavimbika kuvanhu vese vemumhuri medu. Somuenzaniso Ken anoti: “Ndaida kugara ndichishanyira amai vangu avo vakanga vakura, uye ndaidawo kuti vapote vachimbogarawo nesu. Asi amai vangu nemudzimai wangu vakanga vasinganyatsowirirana. Pakutanga zvakanga zvakandiomera nekuti ndaiti ndikafadza uyu ndaibva ndagumbura mumwe. Asi ndakazoona kuti mudzimai wangu ndiye wandaifanira kutanga kufadza. Saka ndakafunga zano rekugadzirisa nyaya yacho uye mudzimai wangu akazvifarirawo.” Ken akatsanangurira mudzimai wake kuti nei aifanira kuratidza amai vake mutsa uye akatsanangurirawo amai vake kuti nei vaifanira kuremekedza mudzimai wake. Kuvimbika kuna Mwari uye kuremekedza Shoko rake ndiko kwakabatsira Ken kuti ave neushingi hwekugadzirisa zvinhu.—Verenga Genesisi 2:24; 1 VaKorinde 13:4, 5.

PATINOBATWA ZVISINA KUNAKA KANA KUTI MUMWE MUNHU PAANOTADZA KUTINZWISISA

14. Jonatani akabatwa sei zvisina kunaka naSauro?

14 Tinogona kuomerwa nekuramba takavimbika kuna Jehovha kana mumwe munhu anenge achitungamirira akatadza kutinzwisisa. Izvi ndizvo zvinogona kunge zvakaitika kuna Jonatani. Mambo Sauro, uyo aiva muzodziwa waMwari, aitadza kunzwisisa kuti nei mwanakomana wake aishamwaridzana naDhavhidhi. Sauro akapopotera Jonatani achimunyadzisa. Asi Jonatani haana kutsiva. Akaramba akavimbika kuna Mwari uye kuna Dhavhidhi uyo aizova mambo wevaIsraeri.—1 Sam. 20:30-41.

15. Kana imwe hama ikatibata zvisina kunaka tinofanira kuita sei?

15 Muungano dzevanhu vaJehovha mazuva ano, kashoma kuti tibatwe zvisina kunaka. Asi vaya vari kutungamirira vanokanganisawo sesu uye vanogona kutifungira zvisiri izvo. (1 Sam. 1:13-17) Saka kana zvikaitika kuti tabatwa zvisina kunaka kana kuti mumwe munhu atadza kutinzwisisa, ngatirambei takavimbika kuna Jehovha.

PATINOOMERWA NEKUITA ZVATINENGE TAVIMBISA

16. Ndepapi patinofanira kuramba takavimbika kuna Mwari, tisingangofungi zvakatinakira chete?

16 Jonatani aikurudzirwa nababa vake kuti aite zvakangomunakira chete. (1 Sam. 20:31) Asi Jonatani akanga akavimbika kuna Mwari, saka akasarudza kuramba achishamwaridzana naDhavhidhi pane kusarudza kuzova mambo. Tinogona kutevedzera Jonatani kana tikaramba tichiyeuka kuti munhu anodiwa naJehovha ndeuya “anoti kana apika, kunyange zvikazomuipira, haachinji.” (Pis. 15:4) Jonatani haana ‘kuchinja’ pane zvaakanga avimbisa Dhavhidhi, saka nesuwo hatifaniri kuchinja pane zvatinenge tavimbisa. Somuenzaniso kana tiine zvatinenge tabvumirana nemumwe munhu pabasa ratinenge tichiita, tozoomerwa nekuita zvatinenge tavimbisa, kuvimbika kuna Mwari uye kuremekedza kwatinoita Bhaibheri kuchaita kuti tiite zvatinenge tavimbisa. Ko kana tikazosangana nematambudziko akaoma kupfuura zvataitarisira muwanano yedu? Kuda Mwari kuchaita kuti tirambe takavimbika kune watakaroorana naye.—Verenga Maraki 2:13-16.

Tinoratidza kuti takavimbika kuna Mwari uye kuti tinoremekedza Bhaibheri patinoita zvatinenge tavimbisa kunyange pazvinenge zvakatiomera (Ona ndima 16)

17. Nyaya ino yakubatsira sei?

17 Patinofungisisa muenzaniso waJonatani, tinonzwa tichida kutevedzera kuvimbika kwaakanga akaita kuna Mwari. Ngatiregei kungofunga zvakatinakira. Uyewo sezvakaitwa naJonatani, ngatiratidzei kuti takavimbika kuna Jehovha, toramba takavimbika kuvanhu vake, kunyange kana vakaita zvinotirwadza. Patinoramba takavimbika kuna Jehovha Mwari kunyange pazvinenge zvakaoma, tinoita kuti mwoyo wake ufare, uye izvozvo zvinoita kuti tinyatsogutsikana. (Zvir. 27:11) Kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha, tichaona kubatsira kwaanoita vaya vanoratidza kuti vanomuda. Munyaya inotevera, tichakurukura zvidzidzo zvinokosha zvatinowana patinoongorora zvakaitwa nevamwe vanhu vakanga vakavimbika nevakanga vasina vakararama mumazuva aDhavhidhi.

^ [1] (ndima 9) Mamwe mazita akachinjwa.