Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Shamwari Dzepedyo dzaJehovha

Tevedzera Shamwari Dzepedyo dzaJehovha

“Kuva shamwari yepedyo yaJehovha ndokwevaya vanomutya.”—PIS. 25:14.

NZIYO: 106, 118

1-3. (a) Sei tiine chokwadi chekuti tinogona kuva shamwari dzaMwari? (b) Ndivanaani vatichakurukura nezvavo munyaya ino?

ABRAHAMU ndiye ega anotaurwa nezvake muBhaibheri zvakananga achinzi shamwari yaMwari. (Isa. 41:8; Jak. 2:23) Izvi zvinoreva here kuti Abrahamu ndiye ega aiva shamwari yaJehovha? Kwete. Bhaibheri rinoratidza kuti munhu wese anogona kuva shamwari yaMwari.

2 Shoko raMwari rakazara nemienzaniso yevarume nevakadzi vaitya Jehovha, vaitenda maari, uye vakava shamwari dzake dzepedyo. (Verenga Pisarema 25:14.) Muapostora Pauro akataura nezvevamwe vevanhu ivavo achivati ‘igore guru rezvapupu.’ (VaH. 12:1) Vanhu ava vainge vakasiyana-siyana asi vose vaiva shamwari dzaMwari.

3 Ngatimbokurukurai nezvevamwe vanhu vatatu vanotaurwa nezvavo muBhaibheri vaiva shamwari dzaJehovha dzepedyo. Tichakurukura nezva(1) Rute, mukadzi wechidiki aibva kuMoabhi uyo aiva chirikadzi uye ainge akavimbika; (2) Hezekiya, mambo weJudha aiva akarurama; uye (3) Mariya amai vaJesu, avo vaizvininipisa. Mumwe nemumwe wavo akaitei kuti ave shamwari yaMwari, uye tingadzidzei kwavari?

AKARATIDZA KUTI AKAVIMBIKA

4, 5. Chisarudzo chipi chakaoma chaifanira kuitwa naRute, uye nei zvakanga zvakamuomera kusarudza? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Ita seuri kuona vakadzi vatatu vachifamba nenzira inopfuura nemumapani eMoabhi vakananga kunyika yeIsraeri. Vakadzi ava ndiNaomi nevaroora vake, Rute naOpa uye vese vari vatatu ichirikadzi. Opa anosarudza kudzokera kumusha kwake kuMoabhi. Naomi anoramba achienda kumusha kwake kuIsraeri. Iye zvino Naomi asara naRute uyo ava kuda kuita chisarudzo chingangodaro chiri icho chinokosha zvikuru muupenyu hwake. Rute anogona kusarudza kudzokerawo kumusha kwake kuMoabhi kana kuti kuramba achienda kuBhetrehema navamwene vake Naomi.—Rute 1:1-8, 14.

5 Rute aigona kufunga kuti zviri nani kudzokera kuMoabhi nokuti ndiko kwaiva naamai vake nehama dzake, avo vaigona kumutora vogara naye. KuMoabhi ndiko kwaiva kumusha kwake uye ainyatsoziva tsika dzeko, mutauro weko uye vanhu veko. KuBhetrehema zvinhu zvaizenge zvakasiyana chaizvo nezvaakakura achiziva. Naomi akatoudza Rute kuti adzokere kuMoabhi. Aityira kuti aigona kuzotadza kuwanira muroora wake murume kana kuti pekugara. Sezvataona Opa akadzokera “kuvanhu vake navanamwari vake.” (Rute 1:9-15) Asi Rute akaitei? Aida here kudzokerawo kuna vanamwari venhema vainamatwa nevanhu vekumusha kwavo? Aiwa, akanga asingadi.

6. (a) Chisarudzo chipi chakanaka chakaitwa naRute? (b) Nei Bhoazi akati Rute akapotera mumapapiro aJehovha?

6 Zvinoita sekuti Rute akanga adzidza nezvaJehovha Mwari kubva kumurume wake akanga afa kana kuti kubva kuna Naomi. Jehovha akanga akasiyana navanamwari veMoabhi. Rute aiziva kuti aifanira kuda Jehovha uye kumunamata. Asi kungoziva izvozvo kwakanga kusina kukwana. Rute aifanira kusarudza kuti oshumira Jehovha here kana kuti vanamwari veMoabhi. Rute akaita chisarudzo chakanaka zvikuru. Akaudza Naomi kuti: “Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo.” (Rute 1:16) Rute aida Naomi zvikuru asi chinonyanya kukosha ndechekuti aida Jehovha zvakadzama. Bhoazi akazorumbidza Rute nemhaka yekuti akasarudza kupotera mumapapiro aJehovha. (Verenga Rute 2:12.) Izvi zvinogona kutiyeuchidza nezvekanhiyo kanovanda mumapapiro. (Pis. 36:7; 91:1-4) Ikoko ndiko kudzivirirwa kwakaitwa Rute naJehovha. Akakomborerwa nemhaka yekutenda kwake, uye haana kumbobvira ademba zvaakasarudza.

7. Munhu anenge achizeza kuzvitsaurira kuna Jehovha anofanira kufunga nezvei?

7 Kune vanhu vakawanda vanodzidza nezvaJehovha, asi vanozeza kupotera kwaari. Vanozeza kuzvitsaurira kwaari, uye kubhabhatidzwa. Kana uchitya kuzvitsaurira kuna Jehovha, wakambozvibvunza here kuti chii chinoita kuti udaro? Munhu wese anotova namwari waanoshumira. (Josh. 24:15) Saka wadii wasarudza kupotera kuna Mwari mumwe chete anofanira kunamatwa. Kuzvitsaurira kuna Jehovha inzira yakanaka yekuratidza kuti tinotenda maari. Achakubatsira kuti urarame maererano nechisarudzo ichocho, uye kuti utsungirire chero miedzo yaungasangana nayo. Ndizvo zvakaitwa naMwari kuna Rute.

“AKARAMBA AKANAMATIRA KUNA JEHOVHA” PASINEI NEZVAIITIKA MUMHURI MAVO

8. Rondedzera kuti zvinhu zvakanga zvakamira sei Hezekiya achiri mudiki.

8 Kusiyana naRute, Hezekiya akazvarwa murudzi rwakanga rwasarudzwa naJehovha. Asi havasi vaIsraeri vose vaiteerera Jehovha. Baba vaHezekiya, Mambo Ahazi, ndivo mumwe wevanhu vakaita zvakaipa chaizvo. Ahazi akaita kuti vanhu vaiva muumambo hweJudha vatange kunamata zvidhori, achitoita zvinhu zvairatidza kuti akanga asingaremekedzi temberi yaJehovha yaiva muJerusarema. Akakandawo vamwe vanakomana vake mumoto vari vapenyu, achivapa sezvibayiro kuvanamwari venhema. Zvinorwadza chaizvo kana tikafunga kuti Hezekiya akakurira mumhuri yakadai.—2 Madz. 16:2-4, 10-17; 2 Mak. 28:1-3.

9, 10. (a) Chii chaigona kuita kuti Hezekiya atsamwire Jehovha? (b) Nei tisingafaniri kutsamwira Mwari? (c) Nei tisingafaniri kufunga kuti zvinhu zvatinoita muupenyu zvinobva pakuti takarerwa sei?

9 Zvakaipa zvaiitwa naAhazi zvaigona kuita kuti mwana wake Hezekiya apedzisire atsamwira Jehovha kana kuti aitewo zvakaipa. Mazuva ano vamwe vanosangana nematambudziko asina kukura seaHezekiya, asi vanofunga kuti vane chikonzero ‘chekutsamwira Jehovha’ kana kuti kutsamwira sangano rake. (Zvir. 19:3) Uye vamwe vanofunga kuti kana vakakurira mumhuri yaiitwa zvakaipa naivowo ndizvo zvavachaita. (Ezek. 18:2, 3) Asi mafungiro akadaro ndeechokwadi here?

10 Upenyu hwaHezekiya hunonyatsoratidza kuti mafungiro akadaro ndeenhema. Hapana chikonzero chekuti titsamwire Jehovha nekuti haakonzeri zvakaipa zvinoitika munyika. (Job. 34:10) Ndizvo hazvo kuti zvinoitwa nevabereki zvinogona kubatsira kana kuti kukanganisa vana vavo. (Zvir. 22:6; VaK. 3:21) Asi izvi hazvirevi kuti mwana achatongoita zvaiitwa nevabereki vake. Jehovha akapa munhu wese chipo chekusarudza zvaanoda kuita uye chekusarudza kuti anoda kuva munhu akaita sei. (Dheut. 30:19) Hezekiya akashandisa sei chipo ichocho?

Vechidiki vakawanda vakabvuma chokwadi pasinei nekuti vakarerwa mumhuri dzakaita sei (Ona ndima 9, 10)

11. Chii chakaita kuti Hezekiya ave mambo weJudha akanaka chaizvo?

11 Kunyange zvazvo Hezekiya akanga ari mwana wamambo weJudha aiva akaipa zvisingaite, akazova mambo akanaka chaizvo. (Verenga 2 Madzimambo 18:5, 6.) Baba vake vaiita zvakaipa, asi kwaivawo nevamwe vanhu vaiita zvakanaka vaaigona kutevedzera. Kwaiva nemuprofita Isaya, Mika, naHosiya. Mambo Hezekiya anofanira kunge aifungisisa mashoko aJehovha aitaurwa nevarume ava vakatendeka, achibvuma kutsiurwa kana akanganisa. Saka Hezekiya akashanda nesimba kuti agadzirise zvakaipa zvakanga zvaitwa nababa vake. Akachenesa temberi, akaita kuti vanhu vayananiswe naMwari, uye akaparadza zvidhori zvainamatwa munzvimbo yacho yese. (2 Mak. 29:1-11, 18-24; 31:1) Zvinhu pazvaioma, Hezekiya airatidza ushingi uye kutenda kwakasimba. Somuenzaniso, pakauya Saniheribhi mambo weAsiriya achida kurwisa Jerusarema, Hezekiya akavimba naMwari kuti aizomuponesa uye akasimbisa vanhu nemashoko ake uye zvaakaita. (2 Mak. 32:7, 8) Pane imwe nguva Hezekiya akazvikudza asi paakatsiurwa, akazvininipisa, ndokupfidza. (2 Mak. 32:24-26) Saka Hezekiya haana kurega zvinhu zvakaitika paakanga achiri mudiki zvichimutadzisa kuita zvakanaka muupenyu hwake. Asi akava shamwari yaJehovha uye tinogona kumutevedzerawo.

12. VaKristu vakawanda mazuva ano vakatevedzera sei Hezekiya?

12 Tiri kurarama munyika yakazara zvakaipa uye ine vanhu vasina rudo, saka vabereki vakawanda havaratidzi vana vavo rudo. (2 Tim. 3:1-5) VaKristu vakawanda mazuva ano vakakura vasingaratidzwi rudo asi vakasarudza kuva shamwari dzaJehovha dzepedyo. Kungofanana naHezekiya, vakaratidza kuti marererwo emunhu haafaniri kumutadzisa kuva shamwari yaJehovha. Mwari akatipa chipo chekusarudza zvatinoda, uye tine ropafadzo yekushandisa chipo ichocho kuti tirambe tichishumira Jehovha uye tichimukudza sezvakaitwa naHezekiya.

AKATI: “TARIRAI! MURANDASIKANA WAJEHOVHA!”

13, 14. Chii chaigona kuita kuti basa rakapiwa Mariya rimuomere, asi akapindura sei Gabrieri?

13 Mazana emakore Hezekiya afa, mumwe musikana wechiJudha aizvininipisa akavawo shamwari yaJehovha. Hakuna mumwe munhu akambopiwa ropafadzo yakafanana neyakapiwa musikana uyu wekuNazareta. Aizobata pamuviri, obereka Mwanakomana waMwari, omurera. Jehovha anofanira kunge aivimba naMariya mwanasikana waHirai, ndosaka akazomupa ropafadzo iyoyo. Asi Mariya anogona kunge akaita sei paakatanga kunzwa kuti ndizvo zvaizoitika?

“Tarirai! Murandasikana waJehovha!” (Ona ndima 13, 14)

14 Zviri nyore kuti tingofunga kuti Mariya akawana ropafadzo yakakura asi tichikanganwa kuti ane zvimwe zvinhu zvaangangodaro aityira. Ngirozi yaMwari, Gabrieri, yakamuudza kuti aizova nepamuviri asina kurara nemurume. Ngirozi iyi haina kutaura kuti yaizotsanangurira hama dzaMariya neshamwari dzake kuti aizobata sei pamuviri. Vaizofungei? Pamwe Mariya aifungawo nezvemukomana wake Josefa. Aizomutsanangurira sei kuti akanga abata pamuviri asi iye asina kurara nemurume? Uye raizova basa rakakura kuti arere uye adzidzise Mwanakomana weWokumusoro-soro akaberekwa ari mumwe oga! Hatigoni kuziva zvese zvingangova zvakanetsa Mariya paakataura naGabrieri. Asi tinoziva kuti akapindura achiti: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri maererano nezvamazivisa.”—Ruka 1:26-38.

15. Chii chinoratidza kuti Mariya aiva nekutenda kunoshamisa?

15 Mariya aiva nekutenda kunoshamisa. Aida kuita zvose zvaidiwa naTenzi wake, sezvinongoita murandasikana. Aivimba kuti Jehovha, Tenzi wake, achamuchengetedza uye achamudzivirira. Mariya aida kuita zvose zvaainzi naJehovha aite. Chii chakaita kuti ave nekutenda kwakadaro? Munhu haaberekwi aine kutenda. Anotofanira kushanda nesimba uye kukumbira Mwari kuti amukomborere. (VaG. 5:22; VaEf. 2:8) Pane here zvinoratidza kuti Mariya akashanda nesimba kuti ave nekutenda kwakasimba? Hongu zviripo. Ngatimbokurukurai nezvekuteerera kwake uye matauriro aaiita.

16. Chii chinoratidza kuti Mariya ainyatsoteerera?

16 Kuteerera kwaiita Mariya. Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tikurumidze kunzwa, tononoka kutaura.’ (Jak. 1:19) Mariya aiteerera zvaainzwa here? Hongu. MuEvhangeri yaRuka munoratidza kuti Mariya ainyatsoteerera mashoko ane chokuita nekunamata, uye aizofungisisa zvaanenge anzwa. Pakaberekwa Jesu, vafudzi vakauya vakaudza Mariya mashoko avakanga vaudzwa nengirozi. Jesu paakanga ava nemakore 12, akataura mashoko anokosha chaizvo kuna Mariya. Mariya akateerera zvose zvaaiudzwa, akazvichengeta mumwoyo, uye akazvifungisisa.—Verenga Ruka 2:16-19, 49, 51.

17. Mashoko akataurwa naMariya anoratidzei?

17 Zvaitaurwa naMariya. MuBhaibheri munongova nemashoko mashomanana akataurwa naMariya. Pana Ruka 1:46-55 ndipo patinotowana mashoko akati wandei aakataura. Mashoko aripo anoratidza kuti Mariya ainyatsoziva Magwaro. Mashoko acho akada kufanana neakataurwa naHana amai vemuprofita Samueri pavainyengetera. (1 Sam. 2:1-10) Zvinoita sekuti Mariya akataura nezvepfungwa dzinenge 20 dziri muMagwaro. Izvi zvinonyatsoratidza kuti aifarira kutaura zvinhu zvekunamata. Zvinhu zvaaitaura ainge azvidzidza kuShamwari yake inopfuura dzimwe dzose, Jehovha Mwari.

18. Tingatevedzera sei kutenda kwaMariya?

18 Sezvakaitika kuna Mariya, Jehovha anogona kuita kuti tiite mabasa atingafunga kuti akaoma. Kana zvakadaro zvikaitika, ngatibvumei basa ratinenge tapiwa sezvakaita Mariya, tichivimba kuti Jehovha achatibatsira. Patinonyatsoteerera zvatinodzidza nezvaJehovha uye zvinangwa zvake, tozvifungisisa, uye tozviudzawo vamwe tichifara, tinenge tichitotevedzera kutenda kwaMariya.—Pis. 77:11, 12; Ruka 8:18; VaR. 10:15.

19. Kana tikatevedzera vanhu vaiva nekutenda vanotaurwa muBhaibheri, tichawanei?

19 Zviri pachena kuti Rute, Hezekiya, uye Mariya vaiva shamwari dzaJehovha, sezvakanga zvakaita Abrahamu. Kunewo vamwe vakawanda vari ‘mugore guru rezvapupu’ nevamwewo vakaramba vakatendeka. Vose ivavo vakawana ropafadzo yakanaka chaizvo yekuva shamwari dzaMwari. Ngatirambei tichitevedzera vanhu ivavo vaiva nekutenda. (VaH. 6:11, 12) Kana tikadaro, tichawana mubayiro mukuru wekuva shamwari dzaJehovha nekusingaperi!