Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Kuvashumiri vaJehovha Vainge Vakavimbika

Dzidza Kuvashumiri vaJehovha Vainge Vakavimbika

Muchava akavimbika kune akavimbika.”—PIS. 18:25.

NZIYO: 63, 43

1, 2. Dhavhidhi akaratidza sei kuti akavimbika kuna Mwari? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

DHAVHIDHI naAbhishai vari kufamba chinyararire nepakarara masoja 3 000, uye patova pakati peusiku. Pavanosvika pakati pemusasa wemasoja iwayo, vanowana Mambo Sauro akafa nehope. Sauro auya ikoko, kurenje reJudhiya achitsvaga Dhavhidhi kuti amuuraye. Abhishai anozevezera kuna Dhavhidhi achiti: “Regai ndingomubayirira pasi nepfumo kamwe chete, uye handizomubayi kaviri.” Asi zvaanopindurwa naDhavhidhi zvinoshamisa! Dhavhidhi anoti: “Usamuparadza, nokuti ndiani akatambanudzira muzodziwa waJehovha ruoko rwake akaramba asina mhosva? . . . Handingambofungi zvakadaro, mukuona kwaJehovha, kuti nditambanudzire ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha!”—1 Sam. 26:8-12.

2 Dhavhidhi aiziva kuti kuvimbika kuna Mwari kunorevei. Akanga asingadi kuuraya Sauro. Nemhaka yei? Nekuti Sauro aiva mambo wevaIsraeri akazodzwa naMwari. Vashumiri vaJehovha vakavimbika vanoremekedza vaya vaanogadza. Jehovha anoda kuti vashumiri vake vose vave ‘vakavimbika.’—Verenga Pisarema 18:25.

3. Abhishai akaratidza sei kuti akanga akavimbika kuna Dhavhidhi?

3 Abhishai airemekedza Dhavhidhi. Somuenzaniso: Dhavhidhi paaida kuvhara upombwe hwaakaita naBhati-shebha, akaronga kuti Joabhi, aite kuti Uriya aurayiwe muhondo. (2 Sam. 11:2-4, 14, 15; 1 Mak. 2:16) Abhishai naJoabhi vaiva mukoma nemunin’ina, saka Abhishai anogona kunge aiva nezvaaiziva nezvenyaya iyoyo, asi akaramba achiremekedza Dhavhidhi samambo akagadzwa naMwari. Haanawo kumbobvira ashandisa chinzvimbo chake semukuru weuto kuti azviite mambo wevaIsraeri. Asi akatodzivirira Dhavhidhi pavapanduki uye vavengi vake.—2 Sam. 10:10; 20:6; 21:15-17.

4. (a) Dhavhidhi akaratidza sei kuti akanga akavimbika kuna Mwari? (b) Ndezvipi zvimwe zvatichaongorora munyaya ino?

4 Kuramba kwakaita Dhavhidhi kuuraya Mambo Sauro kwairatidza kuti Dhavhidhi aiva mushumiri waJehovha akavimbika. Paakanga achiri mudiki, Dhavhidhi akashinga kurwisana naGoriyati, hofori yechiFiristiya, yakanga yataura mashoko ekutsvinya ichishora “mauto akarongwa aMwari mupenyu.” (1 Sam. 17:23, 26, 48-51) Dhavhidhi paakanga ava mambo, akaita zvivi zvakakura zvaisanganisira upombwe uye kuurayisa munhu, asi akabvuma kutsiurwa nemuprofita Natani uye akapfidza. (2 Sam. 12:1-5, 13) Paakanga akwegura, Dhavhidhi akaramba akavimbika kuna Mwari. Somuenzaniso, akapa zvipo zvakawanda zvaidiwa kuti temberi yaJehovha ivakwe. (1 Mak. 29:1-5) Kunyange zvazvo akambokanganisa chaizvo, Dhavhidhi akanga akavimbika kuna Mwari. (Pis. 51:4, 10; 86:2) Patichange tichiongorora zvimwe zvakaitwa naDhavhidhi uye zvakaitwa nevamwe vakararama panguva yake, ngatitsvakei mhinduro dzemibvunzo inotevera: Ndiani watinofanira kuramba takavimbika kwaari? Kana tichida kuva vanhu vakavimbika, tinofanira kuva neunhu hupi?

UCHAVIMBIKA KUNA JEHOVHA HERE?

5. Tinodzidzei pakukanganisa kwakaitwa naAbhishai?

5 Abhishai paaida kuuraya Mambo Sauro akanga ava kuvimbika kuna Dhavhidhi kupfuura kuna Jehovha. Asi Dhavhidhi aiziva kuti hazvina kunaka kuuraya “muzodziwa waJehovha,” saka akamudzivisa. (1 Sam. 26:8-11) Nyaya iyi inotipa chidzidzo chinokosha chekuti: Kunyange zvazvo tiine vanhu vakawanda vatinofanira kuvimbika kwavari, zvatinodzidza muBhaibheri ndizvo zvinofanira kutibatsira kuti tizive kuti ndiani watinofanira kutanga kuvimbika kwaari.

6. Kunyange zvazvo tichifanira kuratidza kuti takavimbika kuhama neshamwari dzedu, nei tichifanira kungwarira?

6 Kuvimbika kunotangira mumwoyo. Zvisinei mwoyo unonyengera. (Jer. 17:9) Saka zvinogona kuitika kuti munhu akavimbika kuna Mwari anzwe achida kuramba akavimbika kuhama kana kuti shamwari yake, kunyange kana ichiita zvakaipa. Saka kana mumwe munhu wepedyo akasiya chokwadi, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha ndiye watinofanira kuramba takavimbika kwaari.—Verenga Mateu 22:37.

7. Imwe hanzvadzi yakaramba sei yakavimbika kuna Mwari zvinhu pazvainge zvakaoma?

7 Zvinogona kutiomera kuramba takavimbika kuna Jehovha kana hama yedu yepedyo ikadzingwa. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi inonzi Anne [1] yakafonerwa naamai vayo vakanga vakadzingwa. Vaida kushanyira Anne. Vakanga vachirwadziwa nekuti mhuri yavo yairamba kutaura navo. Anne akanetseka chaizvo nechikumbiro chacho, saka akavaudza kuti aizovanyorera tsamba achivapindura. Asati ainyora, akaongorora zvinotaurwa neBhaibheri. (1 VaK. 5:11; 2 Joh. 9-11) Akazovanyorera achivatsanangurira kuti ndivo vakanga vazviparadzanisa nemhuri pavakaita chivi, ndokuramba kupfidza. Anne akavaudza kuti, “Kana musingadi kuramba muchirwadziwa munotofanira kudzoka kuna Jehovha.”—Jak. 4:8.

8. Unhu hupi huchatibatsira kuti tivimbike kuna Mwari?

8 Vashumiri vaMwari vakavimbika vakararama pamwe chete naDhavhidhi vaivawo vanhu vanozvininipisa, uye vaiva neushingi nemutsa. Ngatimboonai kuti unhu ihwohwo hunotibatsira sei kuti tive vanhu vakavimbika kuna Jehovha.

TINOFANIRA KUZVININIPISA

9. Nei Abhineri akaedza kuuraya Dhavhidhi?

9 Dhavhidhi paakaenda nemusoro waGoriyati kuna Mambo Sauro paivawo nevamwe vakazviona. Mumwe wacho ndiJonatani mwanakomana waSauro uyo akaita sungano naDhavhidhi, ndokuva shamwari yake yepedyo. Mumwe wacho ndiAbhineri, mutungamiriri weuto revaIsraeri. (1 Sam. 17:57–18:3) Abhineri akazotsigira Sauro paaida kuuraya Dhavhidhi. “Vadzvinyiriri vari kutsvaka mweya wangu,” akanyora kudaro Dhavhidhi. (Pis. 54:3; 1 Sam. 26:1-5) Nei zvakaitwa naJonatani kuna Dhavhidhi zvakasiyana nezvakaitwa naAbhineri? Kungofanana naJonatani, Abhineri aiziva kuti Mwari akanga asarudza Dhavhidhi kuti ave mambo wevaIsraeri. Pashure pekufa kwaSauro, Abhineri angadai akaratidza kuti akavimbika kuna Mwari nekutsigira Dhavhidhi achizvininipisa, kwete Ishi-bhosheti mwanakomana waSauro. Abhineri paakazorara nemurongo waMambo Sauro, anogona kunge aida kuva mambo.—2 Sam. 2:8-10; 3:6-11.

10. Nei Absaromu akanga asina kuvimbika kuna Mwari?

10 Mwanakomana waDhavhidhi, Absaromu akanga asingazvininipisi uye izvi zvakamutadzisa kuvimbika kuna Mwari. Akatoita “kuti agadzirirwe ngoro, yaiva nemabhiza nevarume makumi mashanu vaimhanya pamberi pake.” (2 Sam. 15:1) Akatsausa vanhu achiita kuti vamude iye. Kungofanana naAbhineri, Absaromu akaedza kuuraya Dhavhidhi, kunyange zvazvo aiziva kuti Jehovha akanga agadza Dhavhidhi kuti ave mambo wevaIsraeri.—2 Sam. 15:13, 14; 17:1-4.

11. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Abhineri, Absaromu, uye Bharuki?

11 Zvakaitwa naAbhineri naAbsaromu zvinonyatsoratidza kuti kunyanya kuda chinzvimbo kunogona kuita kuti munhu apedzisire asisina kuvimbika kuna Mwari. Hapana mushumiri waJehovha akatendeka angada kuita zvakaipa kudaro. Asi kuda pfuma kana kuti kuda mukurumbira munyika ino kunogona kukanganisa manamatiro emuKristu. Bharuki munyori wemuprofita Jeremiya akamboda zvimwe zvinhu zvaakanga asina uye izvi zvakaita kuti asafara pakushumira Mwari. Jehovha akati kuna Bharuki: “Tarira! Ndichaputsa zvandakavaka, uye ndichadzura zvandakadyara, iyo nyika yacho yose. Asi iwe, unoramba uchizvitsvakira zvinhu zvikuru. Usaramba uchitsvaka.” (Jer. 45:4, 5) Bharuki akabvuma kururamiswa. Zvinokosha chaizvo kuti titeerere mashoko iwayo aMwari, sezvatinomirira kuguma kwenyika ino yakaipa.

12. Tsanangura kuti nei tisingakwanisi kuramba takavimbika kuna Mwari kana tichingotsvaka zvakatinakira.

12 Imwe hama yekuMexico inonzi Daniel yaifanira kusarudza kuti yoita zvinhu zvakangoinakira here kana kuti yovimbika kuna Mwari. Yaida kuroora musikana akanga asiri Chapupu. Danielakati: “Ndakaramba ndichinyorerana naye kunyange pandakanga ndava piyona. Asi ndakazoona kuti ndaifanira kuzvininipisa, uye ndakabva ndaenda kunoudza mukuru agara nebasa kuti ndainetseka kuti ndosarudza zvipi. Akandibatsira kuziva kuti, kana ndichida kuratidza kuti ndakavimbika kuna Mwari ndaifanira kurega kunyorerana nemusikana iyeye. Ndakanyengetera kakawanda uye ndaitochema, asi ndakazorega kunyorerana naye. Pasina nguva, ndakawedzera kufara muushumiri.” Daniel akazoroora hanzvadzi yechiKristu inoda Jehovha uye iye zvino ava mutariri wedunhu.

KUVIMBIKA KUNA MWARI KUNOBATSIRA KUTI TIVE NEMUTSA

Kana ukaziva kuti shamwari yako yaita chivi chakakura, uchaita kuti ibatsirwe nevakuru here? (Ona ndima 14)

13. Dhavhidhi paakaita chivi, Natani akaramba sei akavimbika kwaari uye kuna Mwari?

13 Kana takavimbika kuna Jehovha zviri nyore kuti tivewo vakavimbika kune vamwe vanhu. Muprofita Natani akaramba akavimbika kuna Mwari uye akanga akavimbikawo kuna Dhavhidhi. Natani akaziva kuti Dhavhidhi akanga aita upombwe naBhati-shebha uye kuti akanga aurayisa murume waBhati-shebha muhondo. Kunyange zvazvo akanga akavimbika kuna Dhavhidhi, Natani akabvuma kutumwa naJehovha, ndokushinga kunotsiura Dhavhidhi. Akaratidza uchenjeri uye mutsa paakatsiura Dhavhidhi. Kuti amubatsire kuona kukura kwezvivi zvake, Natani akataura mufananidzo wemupfumi akatora gwayana remurombo. Dhavhidhi paakanzwa nyaya yacho akagumburwa nezvakaitwa nemupfumi uyu. Natani akabva ati: “Imi ndimi munhu wacho!” Dhavhidhi akabva aona kuti akanga atadzira Jehovha.—2 Sam. 12:1-7, 13.

14. Ungaratidza sei kuti wakavimbika kuna Jehovha uyewo kushamwari kana hama yako?

14 Kuva nemutsa kunogona kukubatsira kusarudza waunofanira kuvimbika kwaari. Somuenzaniso, unogona kunge uchitoziva kuti mumwe mushumiri waMwari akaita chivi chakakura. Unogona kuda kuramba wakavimbika kwaari, kunyanya kana ari hama yako kana kuti shamwari yepedyo. Asi kana ukaedza kuvhara nyaya yacho, unenge usisina kuvimbika kuna Mwari. Jehovha ndiye waunofanira kuvimbika kwaari kupfuura vamwe vese. Sezvakaitwa naNatani, iva nemutsa asi ramba uchitsigira zvinhu zvakarurama. Kurudzira hama yako kana kuti shamwari kuti itsvake rubatsiro kuvakuru. Kana akatora nguva asati aenda kuvakuru, kuvimbika kuna Mwari kunofanira kuita kuti iwe utaure nyaya yacho kuvakuru. Izvozvo zvinoratidza kuti wakavimbika kuna Jehovha uye unenge uchiitira hama yako kana kuti shamwari mutsa. Vakuru vechiKristu vachaedza kururamisa munhu akadaro neunyoro.—Verenga Revhitiko 5:1; VaGaratiya 6:1.

TINOFANIRA KUSHINGA KUTI TIVIMBIKE KUNA MWARI

15, 16. Nei Hushai aifanira kushinga kuti arambe akavimbika kuna Mwari?

15 Murume anonzi Hushai aifanira kushinga kuti arambe akavimbika kuna Mwari. Hushai aiva shamwari yaMambo Dhavhidhi yakavimbika. Asi Absaromu mwanakomana waDhavhidhi, paakatsausa vanhu, achida kuti vamuite mambo, Hushai aifanira kuratidza kuti akavimbika kunaani. (2 Sam. 15:13; 16:15) Dhavhidhi paakatiza muJerusarema, Hushai akaita sei? Akatanga kutsigira Absaromu here kana kuti akaramba achitsigira mambo akwegura uyo akanga achitotiza kuti asaurayiwe? Hushai akasarudza kuramba akavimbika kuna mambo akazodzwa naMwari, akaenda kunosangana naDhavhidhi kuGomo reMiorivhi.—2 Sam. 15:30, 32.

16 Dhavhidhi akaudza Hushai kuti adzokere kuJerusarema kuti anonyepedzera kuva shamwari yaAbsaromu, oita kuti zvakanga zvarongwa naAhitoferi zvisashande. Kunyange zvazvo zvaigona kumuurayisa, Hushai akaramba akavimbika kuna Jehovha uye akaita zvaakanzi naDhavhidhi aite. Sekunyengetera kwakanga kwaita Dhavhidhi, Hushai akabudirira kuita kuti zano raAhitoferi rikundikane.—2 Sam. 15:31; 17:14.

17. Nei tichifanira kuva neushingi kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha?

17 Zvinotoda ushingi kuti tive vanhu vakavimbika kuna Jehovha. Vakawanda vedu tinoratidza ushingi patinoramba takavimbika kuna Mwari pane kuita zvinodiwa nevemumhuri medu, vekubasa, kana kuti nevanhu vemuhurumende. Somuenzaniso, Taro wekuJapan aiteerera vabereki vake uye ainge akavimbika kwavari kubvira achiri mudiki. Aiteerera nemwoyo wese, kwete nekungoti ndizvo zvaaifanira kuita. Aida kunyatsofadza vabereki vake. Saka pavakaratidza kuti vakanga vasingadi kuti awadzane neZvapupu zvaJehovha, zvakamuomera kuvaudza kuti akanga asarudza kupinda misangano yechiKristu. Taro akati: “Vakatsamwa chaizvo zvekuti vakaita makore vasingatombodi kundiona pamba. Ndakanyengetera kuti ndive neushingi hwekuramba ndichiita zvandakanga ndasarudza. Iye zvino vati chinjei, uye ndava kupota ndichivashanyira.”—Verenga Zvirevo 29:25.

18. Nyaya ino yakubatsira sei?

18 Dai tose tikawana mufaro unobva pakuramba takavimbika kuna Jehovha sezvakaita Dhavhidhi, Jonatani, Natani uye Hushai. Asi ngatingwarirei kuti tisaita zvakaitwa naAbhineri naAbsaromu. Tinoda kuramba tiri pedyo naJehovha saDhavhidhi. Sevanhu vane chivi, tinombokanganisa. Asi ngatiratidzei kuti kuvimbika kuna Jehovha kunokosha kwatiri kupfuura zvimwe zvinhu zvose muupenyu hwedu.

^ [1] (ndima 7) Mamwe mazita akachinjwa.