Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rugare—Ungaruwana Sei?

Rugare—Ungaruwana Sei?

SEZVO tichirarama munyika izere nematambudziko, tinofanira kushanda nesimba kuti tive nerugare. Asi kunyange tikava nerugare, hazvisi nyore kuti tirambe tiinarwo. Zvii zvinotaurwa neShoko raMwari zvinogona kutibatsira kuti tiwane rugare rwechokwadi uye rusingaperi? Uye tingabatsira sei vamwe kuti varuwanewo?

CHII CHINODIWA KUTI PAVE NERUGARE RWECHOKWADI?

Kuti tive nerugare rwechokwadi, tinofanira kunzwa takachengeteka uye takagadzikana mupfungwa. Tinofanirawo kuva neushamwari hwakasimba nevamwe. Chinonyanya kukosha ndechekuti tinofanira kuva neushamwari hwepedyo naMwari kuti tive nerugare rusingaperi. Tingazviita sei izvozvo?

Matambudziko eupenyu anoita kuti vakawanda vasava nerugare

Patinoteerera mirayiro yaJehovha nemazano ake, tinenge tichiratidza kuti tinovimba naye uye kuti tinoda kuva nerugare naye. (Jer. 17:7, 8; Jak. 2:22, 23) Izvi zvinoita kuti aswedere pedyo nesu uye atikomborere nekutipa rugare rwechokwadi. Isaya 32:17 inoti: “Basa rokururama kwechokwadi richava rugare; uye kubatsira kwokururama kwechokwadi, kuchava runyararo nokuchengeteka nokusingagumi.” Tinowana rugare rwechokwadi kana tikateerera Jehovha nemwoyo wese.​—Isa. 48:18, 19.

Chipo chakanaka zvikuru chemweya mutsvene icho chinobva kuna Baba vedu vekudenga chinotibatsirawo kuti tive nerugare.​—Mab. 9:31.

MWEYA WAMWARI UNOTIBATSIRA KUTI TIVE NERUGARE

Paaitaura ‘nezvechibereko chemweya,’ muapostora Pauro akadoma rugare pechitatu. (VaG. 5:22, 23) Sezvo mweya waMwari uri iwo unoita kuti pave nerugare rwechokwadi, tinofanira kubvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene kuti tive nerugare rwechokwadi. Ngationei nzira mbiri dzatinobatsirwa nemweya waMwari kuti tive nerugare.

Yekutanga, kugara tichiverenga Shoko raMwari rakafemerwa kunotibatsira kuti tive nerugare. (Pis. 1:2, 3) Patinofungisisa zvinhu zviri muBhaibheri, mweya waMwari unotibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, tinoona chinoita kuti arambe achiita kuti pave nerugare uye kuti nei rugare ruchikosha chaizvo kwaari. Patinoshandisa zvidzidzo zvakadaro zviri muShoko raMwari, tinowedzera kuva nerugare muupenyu hwedu.​—Zvir. 3:1, 2.

Yechipiri, tinofanira kunyengeterera mweya mutsvene waMwari. (Ruka 11:13) Jehovha anotivimbisa kuti kana tikatsvaga kubatsirwa naye, “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nesimba [redu] rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaF. 4:6, 7) Patinogara tichinyengetera kuna Jehovha tichikumbira kuti atipe mweya wake, Mwari wedu anotipa rugare rwechokwadi urwo runongova nevaya vane ushamwari hwakanaka naye.​—VaR. 15:13.

Vamwe vakashandisa sei mazano emuMagwaro ndokuchinja upenyu hwavo zvikaita kuti vave nerugare rwechokwadi​naJehovha, nevamwe uye vave nerugare mupfungwa?

MAWANIRO AVAKAITA RUGARE RWECHOKWADI

Muungano yechiKristu mazuva ano, mune vamwe vakanga ‘vasingatani kutsamwa’ asi iye zvino vava vanhu vanofungawo vamwe, vane mutsa, vane mwoyo murefu, uye vanoita kuti pave nerugare. * (Zvir. 29:22) Cherechedza kuti izvozvo zvakaitika sei kune vamwe vaparidzi veUmambo vaviri avo vakabatsirwa kusiya hasha ndokuva nerugare nevamwe.

Kushandisa mazano eBhaibheri uye kunyengeterera mweya waMwari zvichatibatsira kuti tive nerugare

Mafungiro aDavid asina kunaka aikanganisa matauriro ake. Asati azvitsaurira kuna Mwari, aiwanzotsoropodza vamwe uye aitaura nehasha nevanhu vemumhuri make. Nekufamba kwenguva, David akaona kuti aifanira kuchinja ova nerugare nevamwe. Akava sei nerugare nevamwe? Anoti: “Ndakatanga kushandisa mazano eBhaibheri muupenyu hwangu, uye izvozvo zvakaita kuti nditange kuremekedzana nevemumhuri mangu.”

Makuriro akaita Rachel akakanganisa mafungiro ake. Anoti: “Kunyange iye zvino, hazvisi nyore kuti ndidzore hasha nekuti ndakakurira mumhuri yaiva nevanhu vane hasha.” Chii chinomubatsira kuti ave nerugare nevamwe? Anopindura kuti: “Ndinogara ndichinyengetera kuna Jehovha ndichikumbira kubatsirwa.”

David naRachel vanongova mienzaniso miviri chete inoratidza kuti kana tikashandisa mazano ari muMagwaro uye tikakumbira kubatsirwa nemweya waMwari tinova vanhu vane rugare. Saka pasinei nekuti tiri kurarama munyika isina rugare, tinogona kuva nerugare rwechokwadi urwo runoita kuti pave nekubatana mumhuri dzedu uye muungano. Kunyange zvakadaro, Jehovha anotikurudzira kuti ‘tive nerugare nevanhu vese.’ (VaR. 12:18) Izvozvo zvinoita here, uye kuedza kwatinoita kuva nerugare nevamwe kunobatsirei?

IVA NERUGARE NEVAMWE

Patinoparidza, tinokoka vanhu kuti vabatsirwe nemashoko erugare ane chekuita neUmambo hwaMwari. (Isa. 9:6, 7; Mat. 24:14) Zvinofadza kuti vakawanda vanoteerera. Izvi zviri kuita kuti vasarasa tariro kana kunyanya kugumburwa nemhaka yezvavanoona zvichiitika munyika. Panzvimbo pezvo, vava netariro yechokwadi yeramangwana uye vanoda ‘kutsvaga rugare, vorutevera.’​—Pis. 34:14

Asi havasi vese vanoteerera mashoko edu patinotanga kutaura navo. (Joh. 3:19) Kunyange zvakadaro, tinobatsirwa nemweya waMwari kuti tivazivise mashoko akanaka nenzira ine rugare neruremekedzo. Patinodaro tinenge tichitevera mirayiro yaJesu ine chekuita nebasa rekuparidza iri pana Mateu 10:11-13, paanotaura kuti: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; uye kana imba yacho yakakodzera, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi; asi kana isina kukodzera, rugare runobva kwamuri ngarudzokere kwamuri.” Kana tikateerera zano raJesu, tinogona kubva pamba ipapo tiine rugare rwedu uye tiine tariro yekuti tichakwanisa kubatsira munhu wacho pane imwe nguva.

Tinoitawo kuti pave nerugare patinotaura nevakuru vakuru vehurumende zvine ruremekedzo, kusanganisira vaya vangangopikisa basa redu. Semuenzaniso, hurumende yeimwe nyika iri muAfrica yaisatipa mvumo yekuvaka Dzimba dzeUmambo nemhaka yekuti vanhu vemo vaisafarira basa redu. Paine tarisiro yekuti nyaya yacho igadziriswe zvine rugare, imwe hama yakamboshumira semumishinari munyika iyoyo yakatumwa kuti ishanyire mumiririri wenyika yacho muLondon, England. Yaifanira kunoudza mumiririri wacho nezvebasa reZvapupu zvaJehovha rinoitwa zvine rugare munyika iyoyo yemuAfrica. Kushanya kwacho kwakabudirira here?

Hama yacho inoti: “Pandakapinda munosvikira vaenzi, ndakaona nemapfekero ainge akaita mukadzi aishandamo kuti aiva werudzi runotaura mutauro wandainge ndakadzidza. Saka ndakamukwazisa nerurimi rwaamai vake. Akashamisika ndokundibvunza kuti, ‘Nei matishanyira?’ Ndakamuudza neruremekedzo kuti ndaida kuona mumiririri wenyika yacho. Mukadzi wacho akamufonera, ndokubva auya kuzondiona ndokundikwazisa nemutauro wekunyika yake. Zvadaro akanyatsonditeerera pandaitsanangura mabasa eZvapupu zvaJehovha anoitwa zvine rugare.”

Kutsanangura kwakaita hama yacho zvine ruremekedzo kwakaita kuti mumiririri wacho atange kunzwisisa basa redu. Nekufamba kwenguva, hurumende yenyika iyoyo yemuAfrica yakatanga kutibvumira kuvaka Dzimba dzeUmambo. Izvi zvakaita kuti hama dzifare chaizvo. Chokwadi, kuremekedza vamwe kunoita kuti pave nezvakanaka zvakawanda zvinovapo, kusanganisira rugare.

IVA NERUGARE NEKUSINGAPERI

Mazuva ano, vanhu vaJehovha vari muparadhiso yezvekunamata ine rugare rwechokwadi. Sezvaunoshandira kuva neunhu uhwu hunobatanidzwa pazvinhu zvinoumba chibereko chemweya, uchaita kuti rugare irworwo ruwedzere. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti uchafarirwa naJehovha uye uchawana rugare rwakakura uye rusingaperi munyika itsva yaMwari.​—2 Pet. 3:13, 14.

^ ndima 13 Mutsa uchakurukurwa mune imwe yenyaya dzechikamu chino chenyaya dzinotevedzana dzinotaura nezvechibereko chemweya mutsvene waMwari.