Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoda Vaya ‘Vanobereka Zvibereko Nekutsungirira’

Jehovha Anoda Vaya ‘Vanobereka Zvibereko Nekutsungirira’

‘Kana iri iya yepaivhu rakanaka, iyi ndivo vaya . . . vanobereka zvibereko nekutsungirira.’​—RUKA 8:15.

NZIYO: 68, 72

1, 2. (a) Nei tichikurudzirwa nevaya vanoparidza vakatendeka mundima dzine vanhu vasingafariri mashoko akanaka? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Jesu akatii nezvekuparidza “munharaunda yokumusha kwake”? (Ona mashoko emuzasi.)

SERGIO naOLINDA murume nemudzimai vane makore ekuma80. Vaviri ava vanopayona uye vanogara muUnited States. Iye zvino kufamba kwava kunyanya kuvaomera nekuti vanorwadziwa nemakumbo. Kunyange zvakadaro, sezvavagara vachiita kwemakumi emakore, vanofamba vachienda kunzvimbo inopfuura nevanhu vakawanda mutaundi uye vanosvika ikoko nenguva dza7 mangwanani. Vanomira pedyo nepanomira mabhazi kuti vape mabhuku edu kuvanhu vanenge vachipfuura. Vakawanda havana basa navo, asi vaviri ava vanoramba vakamira panzvimbo yavo, vachinyemwerera vese vanovatarisa. Nenguva dza12 masikati, vanonanaira vachienda kumba. Mangwana acho nenguva dza7 mangwanani vanenge vadzoka zvakare panzvimbo yavo. Vaviri ava vanoramba vachiparidza kwemazuva 6 pavhiki, gore negore.

2 Kufanana naSergio naOlinda, hama nehanzvadzi dzakawanda pasi rese dzava nemakumi emakore dzichigara uye dzichiparidza mundima dzine vanhu vasingafariri mashoko akanaka. Kana uri kutsungirira dambudziko rakadai, tinoti uri kuita zvakanaka. * Kutsungirira kwako pakushumira Jehovha kunokurudzira vakawanda, kunyange vaya vava nemakore akawanda vachishumira Jehovha. Ona zvimwe zvakataurwa nevatariri vematunhu: “Pandinoita ushumiri nehama nehanzvadzi dzakatendeka kudaro, ndinosimbiswa chaizvo nemuenzaniso wadzo.” “Kutendeka kwavo kunondikurudzira kuti nditsungirire uye kuti ndive neushingi muushumiri hwangu.” “Muenzaniso wavo unonyevenutsa mwoyo wangu.”

3. Mibvunzo ipi mitatu yatichakurukura, uye nechikonzero chei?

3 Kuti tirambe takatsunga kupedza basa rekuparidza ratakapiwa naJesu, ngationei mhinduro dzemibvunzo mitatu inoti: Nei dzimwe nguva tingaora mwoyo? Tingava sei nezvibereko? Chii chichatibatsira kuti tirambe tichibereka zvibereko nekutsungirira?

NEI TINGAORA MWOYO?

4. (a) Zvakaitwa nevaJudha vakawanda zvakaita kuti Pauro anzwe sei? (b) Nei Pauro akanzwa saizvozvo?

4 Kana wakamboora mwoyo pawaiparidza mundima ine vanhu vakawanda vasingafariri mashoko akanaka, unogona kunzwisisa manzwiro aPauro. Mumakore anenge 30 aaiita ushumiri hwake, akabatsira vanhu vakawanda kuti vave vadzidzi vaKristu. (Mab. 14:21; 2 VaK. 3:2, 3) Kunyange zvakadaro, haana kubudirira pakubatsira vaJudha vakawanda kuti vave vanamati vechokwadi. Panzvimbo paizvozvo, vakawanda vairamba kuteerera zvaitaurwa naPauro uye vamwe vaitomutambudza. (Mab. 14:19; 17:1, 4, 5, 13) Zvakaitwa nevaJudha zvakaita kuti Pauro anzwe sei? Akati: “Ndiri kutaura chokwadi muna Kristu . . . Ndine shungu kwazvo uye ndine marwadzo asingaperi mumwoyo mangu.” (VaR. 9:1-3) Nei Pauro ainzwa saizvozvo? Nekuti mwoyo wake waiva pabasa rekuparidza. Akaparidzira vaJudha nekuti aiva nehanya navo zvikuru. Saka zvairwadza Pauro kuvaona vachiramba ngoni dzaMwari.

5. (a) Chii chinoita kuti tiparidzire vavakidzani vedu? (b) Nei dzimwe nguva tingaora mwoyo?

5 Kufanana naPauro, tinoparidzira vanhu nekuti tine hanya navo. (Mat. 22:39; 1 VaK. 11:1) Kubva pane zvatinoona muupenyu hwedu, tinoziva kuti vaya vanosarudza kushumira Jehovha vachava nemakomborero akawanda chaizvo. Patinofunga nezvevanhu vari mundima yedu, tinozviudza kuti: ‘Kudai taingokwanisa kuvabatsira kuti vaone zvavari kurasikirwa nazvo.’ Naizvozvo, tinoramba tichivakurudzira kuti vadzidze nezvaJehovha uye chinangwa chaakasikira vanhu. Patinodaro, tinenge tichitoudza vaya vatinoparidzira kuti: ‘Takuunzirai chipo chakanaka. Dai machigamuchirawo.’ Saka vanhu pavanoramba kugamuchira chipo ichocho tingava ‘nemarwadzo mumwoyo medu.’ Manzwiro akadaro haaratidzi kuti hatina kutenda, asi anoratidza kuti mwoyo yedu iri pabasa rekuparidza. Saka pasinei nekuti tinomboora mwoyo, tinotsungirira. Elena, uyo ava nemakore 25 achipayona, anotaura manzwiro evakawanda vedu paanoti: “Ndinoomerwa nebasa rekuparidza. Kunyange zvakadaro, hapana rimwe basa randingada kuita.”

TINGAVA SEI NEZVIBEREKO?

6. Mubvunzo upi watichakurukura, uye tichazviita sei?

6 Nei tingava nechokwadi chekuti tinogona kuva nezvibereko muushumiri hwedu pasinei nekwatinoparidza? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo unokosha, ngationgororei mifananidzo miviri yaJesu inotaura nezvekukosha ‘kwekubereka zvibereko.’ (Mat. 13:23) Wekutanga ndewemuzambiringa.

7. (a) Ndivanaani vanomiririrwa ‘nemurimi,’ “muzambiringa” uye ‘mapazi’? (b) Tinoda kuwana mhinduro yemubvunzo upi?

7 Verenga Johani 15:1-5, 8. Cherechedza kuti Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvizhinji uye munoratidza kuti muri vadzidzi vangu.” Jesu akati Jehovha ndiye “murimi,” iye pachake ndiye “muzambiringa wechokwadi,” uye vadzidzi vake ndivo “mapazi.” * Saka zvibereko zvinofanira kuberekwa nevateveri vaKristu ndezvipi? Mumufananidzo uyu, Jesu haana kutaura zvakananga kuti zvibereko izvozvo zvii, asi akataura chimwe chinhu chinokosha chinogona kutibatsira kuwana mhinduro yacho.

8. (a) Mumufananidzo uyu, nei zvibereko zvisiri vadzidzi vatsva? (b) Jehovha anoti tiite zvinhu zvakaita sei?

8 Achitaura nezvaBaba vake, Jesu akati: “Bazi rose riri pandiri risingabereki zvibereko vanoribvisa.” Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anotiona sevashumiri vake ndokunge tichibereka zvibereko. (Mat. 13:23; 21:43) Saka mumufananidzo uyu, zvibereko zvinofanira kuberekwa nemuKristu mumwe nemumwe hazvigoni kureva vadzidzi vatsva vatingava navo. (Mat. 28:19) Kana zvakadaro, Zvapupu zvakatendeka zvisingabudiriri pakuita vadzidzi nekuti zvinoparidza mundima ine vanhu vasingafariri mashoko akanaka zvinenge zvafanana nemapazi asingabereki anotaurwa mumufananidzo waJesu. Asi izvi handizvo. Nei tichidaro? Nekuti hatigoni kumanikidza vanhu kuti vave vadzidzi. Uyewo, Jehovha ane rudo. Haazombofi akati tiite zvatisingakwanisi. Zvese zvatinonzi naJehovha kuti tiite tinozvikwanisa.​—Dheut. 30:11-14.

9. (a) Tinobereka zvibereko nekuita basa ripi? (b) Mufananidzo upi watichaongorora, uye nechikonzero chei?

9 Saka zvibereko zvatinofanira kubereka ndezvipi? Zviri pachena kuti zvibereko zvacho zvinofanira kunge zvichireva basa iro mumwe nemumwe wedu anokwanisa kuita. Tinobereka zvibereko patinoita basa ripi? Tinodaro patinoita basa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. * (Mat. 24:14) Mufananidzo waJesu wemudyari unoita kuti izvi zvinyatsojeka. Ngationgororei mufananidzo uyu wechipiri.

10. (a) Mumufananidzo uyu, mbeu neivhu zvinomiririrei? (b) Chirimwa chegorosi chinoberekei?

10 Verenga Ruka 8:5-8, 11-15. Mumufananidzo wemudyari, mbeu “ishoko raMwari” kana kuti shoko reUmambo. Ivhu rinomiririra mwoyo wekufananidzira wemunhu. Mbeu yakawira paivhu rakanaka yakava nemidzi, ikamera, ikakura ndokuva chirimwa. Zvadaro, “yakabereka zvibereko zvine zana.” Kana chirimwa ichocho chiri gorosi, chinobereka zvibereko zvakaita sei? Chinobereka zvimwe zvirimwa zvegorosi here? Kwete, chinobereka mbeu, iyo inogona kuzova zvimwe zvirimwa zvegorosi. Mumufananidzo uyu, tsanga imwe chete yembeu yakabereka tsanga zana. Izvi zvinotidzidzisei nezveushumiri hwedu?

Tinobereka sei ‘zvibereko nekutsungirira’? (Ona ndima 11)

11. (a) Mufananidzo wemudyari unoshanda sei paushumiri hwedu? (b) Tinobereka sei mbeu itsva yeUmambo?

11 Ngatitii makore akawanda apfuura, zvimwe Zvapupu kana kuti vabereki vedu vechiKristu vakatiudza mashoko eUmambo. Vakafara chaizvo pavakaona kuti mwoyo yedu yakagamuchira shoko reUmambo rakaita sembeu. Sezvakaita ivhu rakanaka rinotaurwa mumufananidzo waJesu, iro rakachengeta mbeu, takagamuchira shoko tikaribatisisa. Izvi zvakaita kuti shoko reUmambo rakaita sembeu ridzike midzi uye rikure sechirimwa chegorosi icho chakazobereka zvibereko nekufamba kwenguva. Uye sezvinongoita chirimwa icho chinobereka mbeu itsva kwete zvirimwa zvitsva, zvibereko zvedu imbeu itsva yeUmambo kwete vadzidzi vatsva. * Tinobereka sei mbeu itsva yeUmambo? Pese patinoparidza mashoko eUmambo, tinoita setiri kumwaya mbeu yakafanana neyakadyarwa mumwoyo yedu. (Ruka 6:45; 8:1) Saka mufananidzo uyu unotidzidzisa kuti chero bedzi tikaramba tichiparidza mashoko eUmambo, ‘tinobereka zvibereko nekutsungirira.’

12. (a)  Tinodzidzei pamufananidzo waJesu wemuzambiringa uye wemudyari? (b)  Chidzidzo ichocho chinoita kuti unzwe sei?

12 Tinodzidzei kubva pamufananidzo waJesu wemuzambiringa uye wemudyari? Mifananidzo iyi inotibatsira kunzwisisa kuti kubereka kwatinoita zvibereko hakunei nekuti vanhu vari mundima yedu vanofarira mashoko akanaka here kana kuti kwete. Asi kunobva pakuti tinoramba tichiparidza here. Pauro akataura pfungwa yakafanana neiyi paakati: “Mumwe nomumwe achawana mubayiro wake maererano nebasa rake.” (1 VaK. 3:8) Tinowana mubayiro maererano nebasa redu, kwete maererano nezvatinokohwa pabasa racho. Matilda uyo ava nemakore 20 achipayona anoti: “Zvinondifadza kuziva kuti Jehovha anokomborera zvese zvatinoita.”

TINGATSUNGIRIRA SEI PAKUBEREKA ZVIBEREKO?

13, 14. Maererano naVaRoma 10:1, 2, Pauro akataura zvikonzero zvipi zvakaita kuti asamborega kuparidza?

13 Chii chichatibatsira kuti tirambe tichibereka zvibereko nekutsungirira? Sezvataona, Pauro akaodzwa mwoyo nekusateerera mashoko eUmambo kwaiitwa nevaJudha. Kunyange zvakadaro, haana kurega kuvaparidzira. Ona zvaakanyorera vaKristu vemuRoma achitaura manzwiro ake nezvevaJudha ivavo. Akati: “Zvandinoda mumwoyo mangu nezvandinoteterera kuna Mwari nokuda kwavo, chokwadi, ndezvokuti ivo vaponeswe. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama.” (VaR. 10:1, 2) Saka Pauro akataura zvikonzero zvipi zvakaita kuti arambe achiita ushumiri hwake?

14 Kutanga, Pauro akataura kuti nei airamba achiparidzira vaJudha. Ndizvo ‘zvaidiwa nemwoyo wake.’ Chaiva chido chemwoyo wake kuti vamwe vaJudha vaponeswe. (VaR. 11:13, 14) Chechipiri, Pauro akataura kuti ‘aiteterera kuna Mwari nokuda kwavo.’ Akateterera kuna Mwari kuti abatsire muJudha mumwe nemumwe kugamuchira mashoko eUmambo. Chechitatu, Pauro akawedzera kuti: “Vanoshingairira kushumira Mwari.” Akaona kuti vaikwanisa kuita zvakanaka. Pauro aiziva kuti sezvaakaita iye, vaJudha ivavo vaigona kuva vadzidzi vaKristu vanoshingaira.

15. Tingatevedzera sei Pauro? Taura mienzaniso.

15 Tingatevedzera sei Pauro? Kutanga, tinoedza kuramba tiine chido chekutsvaga chero ani zvake ane ‘mafungiro akanaka ekuti ave neupenyu husingaperi.’ Chechipiri, tinoteterera Jehovha kuti azarure mwoyo yevanoda chokwadi. (Mab. 13:48; 16:14) Silvana, uyo ava nemakore anoda kusvika 30 achipayona anoti, “Ndisati ndapinda pane imwe imba mundima yedu, ndinonyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira kuti andibatsire kuva nemaonero akanaka.” Tinonyengeterawo kuti ngirozi dzititungamirire kuti tiwane vanhu vanoda chokwadi. (Mat. 10:11-13; Zvak. 14:6) Robert uyo ava nemakore anopfuura 30 achipayona anoti: “Kushanda pamwe chete nengirozi dzinoziva zviri kuitika muupenyu hwavanasaimba kunonakidza chaizvo.” Chechitatu, tinoedza kuona zvakanaka zviri muvanhu. Mumwe mukuru anonzi Carl uyo ava nemakore anopfuura 50 abhabhatidzwa anoti, “Ndinoedza kutarisa chero chinhu chidiki chingaratidza kuti munhu anoda kuteerera mashoko akanaka, chingava kunyemwerera, chiso chakasununguka kana kuti mubvunzo unoratidza kuti ari kuda kuziva chokwadi.” Kufanana naPauro, tinogona kutsungirira pakubereka zvibereko.

“USAREGA RUOKO RWAKO RUCHIZORORA”

16, 17. (a) Tinodzidzei pamurayiro uri pana Muparidzi 11:6? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti kudyara kwedu kunobata-bata sei vanhu vanoticherechedza.

16 Kunyange zvikaita sekuti mashoko eUmambo atinoparidza haasi kusvika pamwoyo yevanhu, hatifaniri kurerutsa kubatsira kunoita basa redu rekudyara. (Verenga Muparidzi 11:6.) Ichokwadi kuti vanhu vakawanda havatiteereri, asi vanoticherechedza. Vanoona kupfeka kwatinoita zvakanaka, tsika dzedu dzakanaka uye kunyemwerera kwatinoita zvine ushamwari. Nekufamba kwenguva, maitiro edu anogona kubatsira vamwe kuti vaone kuti maonero avanotiita haana kururama. Izvi ndizvo zvakaonekwa naSergio naOlinda vambotaurwa nezvavo.

17 Sergio anoti: “Nemhaka yekurwara, takaita chinguva tisina kuenda kunzvimbo iya inopfuura nevanhu vakawanda. Patakazoenda, vanhu vaipfuura vaiti, ‘Ko kurova kudai? Tanga takusuwai.’” Olinda anonyemwerera achiwedzera kuti: “Vatyairi vemabhazi vaitisimudzira maoko uye vamwe vaishevedzera vachiti, ‘Tafara kuti madzoka pabasa renyu!’ Vaitokumbira magazini edu.” Sergio naOlinda vakashamisika mumwe murume paakamira pachingoro chavo ndokuvapa maruva, uye akavatenda nebasa ravanoita.

18. Nei watsunga kubereka ‘zvibereko nekutsungirira’?

18 Chero bedzi tisingaregi ‘ruoko rwedu ruchizorora’ pakudyara mbeu yeUmambo, tinenge tichiita basa rinokosha pakupa “uchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14) Kupfuura zvese, tinowana mufaro mukuru unobva pakuziva kuti tinofarirwa naJehovha, nekuti anoda vese vaya ‘vanobereka zvibereko nekutsungirira’!

^ ndima 2 Kunyange Jesu akataura kuti kuparidza “munharaunda yokumusha kwake” kwaisava nyore. Izvi zvakanyorwa muEvhangeri ina dzeushumiri hwake.​—Mat. 13:57; Mako 6:4; Ruka 4:24; Joh. 4:44.

^ ndima 7 Kunyange zvazvo mapazi anotaurwa mumufananidzo uyu achimiririra vaya vachaenda kudenga, mufananidzo wacho une zvidzidzo zvinobatsira vashumiri vaMwari vese.

^ ndima 9 Kunyange zvazvo ‘kubereka zvibereko’ kuchirevawo kuva ‘nezvibereko zvemweya,’ munyaya ino neinotevera, tichanyanya kutaura nezvekuva ‘nezvibereko zvemiromo’ kana kuti kuparidza nezveUmambo.​—VaG. 5:22, 23; VaH. 13:15.

^ ndima 11 Pane dzimwe nguva, Jesu akashandisa muenzaniso wekudyara nekukohwa achiufananidza nebasa rekuita vadzidzi.​—Mat. 9:37; Joh. 4:35-38.