Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki​—Rwisanai naDhiyabhorosi

Vechidiki​—Rwisanai naDhiyabhorosi

“Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.”​—VAEF. 6:11.

NZIYO: 79, 140

1, 2. (a) Chii chiri kuita kuti vaKristu vechidiki vabudirire pakurwisana nezvisikwa zvakaipa zvemweya? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Tichaongororei munyaya ino?

MUAPOSTORA PAURO akafananidza upenyu hwedu sevaKristu nehwemasoja ari muhondo. Asi hondo yatiri kurwa ihondo yemweya. Kunyange zvakadaro, vavengi vedu havasi vekufungidzira. Satani nemadhimoni vane unyanzvi hwekurwa uye vagara nebasa. Tichingozvitarisa, tingaona sekuti hatikwanisi kubudirira pakurwisana navo. VaKristu vechidiki ndivo vanonyanya kuita sevari nyore kukurirwa. Vangabudirira sei pakurwisana nezvisikwa zvemweya zvakaipa uye zvine simba? Chokwadi ndechekuti vechidiki vanogona kubudirira, uye vari kutobudirira. Nei vari kubudirira? Nekuti vanoramba ‘vachiwana simba munaShe.’ Asi kunze kwekungopiwa simba naMwari vakapfekawo nhumbi dzekurwa. Semasoja akanyatsodzidziswa ‘vakashonga nhumbi dzese dzekuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.’​—Verenga VaEfeso 6:10-12.

2 Paaitaura mufananidzo wake, Pauro anogona kunge aifunga nezvenhumbi dzekuzvidzivirira nadzo dzaipfekwa nemasoja eRoma. (Mab. 28:16) Ngationgororei kuti nei mufananidzo iwoyo wakakodzera. Patinenge tichidaro, ona kuti vamwe vechidiki vakatii nezvematambudziko anogona kuvapo uye kubatsira kwazvinoita kana vakapfeka nhumbi imwe neimwe yekuzvidzivirira nayo.

Nhumbi Dzako Dzekuzvidzivirira Nadzo Dzakakwana Here?

‘BHANDI RECHOKWADI’

3, 4. Chokwadi chiri muBhaibheri chakafanana papi nebhandi remusoja weRoma?

3 Verenga VaEfeso 6:14. Bhandi remusoja weRoma raiva netumarata twaidzivirira chiuno chemusoja. Raibatsirawo kuti musoja asanyanya kuremerwa nechinovhariridza chipfuva. Mamwe mabhandi aiva netusimbi twakasimba twekuti musoja aigona kukochekera bakatwa nebanga rake. Musoja aigona kurwa aine chivimbo kana akasunga bhandi rake zvakanaka.

4 Saizvozvowo, chokwadi chatinodzidza muShoko raMwari chinotidzivirira kuti tisakanganiswa nedzidziso dzenhema. (Joh. 8:31, 32; 1 Joh. 4:1) Uye kana tikawedzera kuda chokwadi chiri muShoko raMwari, zvichawedzerawo kuva nyore kwatiri kutakura “chinovhariridza chipfuva,” kana kuti kurarama maererano nemirayiro yakarurama yaMwari. (Pis. 111:7, 8; 1 Joh. 5:3) Uyewo patinowedzera kunzwisisa chokwadi chiri muShoko raMwari, tinogona kuchidzivirira nechivimbo vamwe pavanochipikisa.​—1 Pet. 3:15.

5. Nei tichifanira kugara tichitaura chokwadi?

5 Kana takanyatsobatisisa chokwadi cheBhaibheri, zvichaita kuti tide kurarama maererano nacho uye kutaura chokwadi nguva dzese. Nei tichidzivisa kutaura nhema? Nekuti nhema chimwe chezvombo zvaSatani zvinobudirira chaizvo. Nhema dzinokanganisa anodzitaura neanodzibvuma. (Joh. 8:44) Saka kunyange zvazvo tiine chivi, tinoedza nepese patinogona napo kuti tisanyepa. (VaEf. 4:25) Asi zvingasava nyore. Abigail, uyo ane makore 18 anoti: “Kutaura chokwadi kungaita sekusingabatsiri, kunyanya kana kutaura nhema kuchiita kuti zvinhu zvikurerukire.” Saka nei achigara achiedza kutaura chokwadi? Anoti: “Pandinotaura chokwadi ndinova nehana yakachena pamberi paJehovha. Uye vabereki vangu neshamwari dzangu vanoziva kuti vanogona kuvimba neni.” Victoria, uyo ane makore 23 anoti: “Kana ukataura chokwadi uchitsigira zvaunotenda, unogona kushungurudzwa nevamwe. Asi kuita izvi kunobatsira chaizvo. Unova nechivimbo, unoswedera pedyo naJehovha uye unoremekedzwa nevanhu vanokuda.” Saka zvinobatsira chaizvo kuti tirambe ‘takasunga bhandi rechokwadi muzviuno zvedu’ nguva dzese.

Bhandi rechokwadi (Ona ndima 3-5)

“CHINOVHARIRIDZA CHIPFUVA, CHOKURURAMA”

6, 7. Nei kururama kuchifananidzwa nechinovhariridza chipfuva?

6 Imwe mhando yechinovhariridza chipfuva chaipfekwa nemusoja weRoma panguva yevaKristu vekutanga chaiva nemarata ainge akapfekana-pfekana. Marata aya aibhendeswa kuti aenderane nemuviri wemusoja uye aibatanidzwa netambo dzematehwe pachishandiswa tusimbi tudiki. Mapendekete emusoja aidzivirirwa nemamwe marata ainge akabatanidzwa nedehwe. Musoja aisanyatsosununguka kana akapfeka nhumbi iyi, uye aifanira kugara achitarisa kuti rata rimwe nerimwe riri panzvimbo yaro here. Asi nhumbi iyi yaidzivirira mwoyo wake nedzimwe nhengo dzemuviri dzinokosha kuti zvisabayiwa nebakatwa kana nemuseve.

7 Mufananidzo uyu unoratidza kuti mirayiro yaJehovha yakarurama inodzivirira sei mwoyo yedu yekufananidzira. (Zvir. 4:23) Musoja aisazosiya chinovhariridza chipfuva chakagadzirwa nemarata akasimba achitora chakagadzirwa nemarata asina kusimba. Saizvozvowo, hatingambodi kusiya mirayiro yaJehovha, tichiita zvatinofunga kuti ndizvo zvakarurama. Maonero edu akakanganisika chaizvo zvekuti haangambotibatsiri kudzivirira mwoyo yedu. (Zvir. 3:5, 6) Pane kudaro, tinogara tichitarisa kuti “chinovhariridza chipfuva” chedu chichiri kudzivirira mwoyo yedu here.

8. Nei zvichibatsira kuti munhu arambe achirarama maererano nemirayiro yaJehovha?

8 Dzimwe nguva unomboona here sekuti mirayiro yaJehovha yakarurama inokuremera kana kuti inokanganisa rusununguko rwako? Daniel, uyo ane makore 21, anoti: “Vadzidzisi nevamwe vadzidzi vaindiseka nekuti ndinorarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. Izvi zvakamboita kuti ndisava nechivimbo uye ndiore mwoyo kwekanguva.” Asi iye zvino anonzwa sei? Anoti: “Ndakazoona kubatsira kunoita kurarama maererano nemirayiro yaJehovha. Vamwe vandaidzidza navo vakatanga kuita zvemadhiragi uye vamwe vakasiyira chikoro panzira. Zvaisiririsa kuona zvakazoitika kwavari. Jehovha anotidzivirira zvechokwadi.” Madison, ane makore 15 anoti: “Zvinondiomera kuramba ndichiita zvinodiwa naJehovha uye kusaita zvinofungwa nevezera rangu kuti zvinonakidza.” Saka anoita sei? Anoti: “Ndinozviyeuchidza kuti ndakatakura zita raJehovha uye kuti miedzo ingori nzira yaSatani yekundirwisa. Pandinokunda muedzo, ndinofara.”

Chinovhariridza chipfuva chokururama (Ona ndima 6-8)

‘TSOKA DZAKAPFEKA KUGADZIRIRWA KWEMASHOKO AKANAKA ERUGARE’

9-11. (a) Ishangu dzipi dzekufananidzira dzinopfekwa nevaKristu? (b) Chii chingatibatsira kuti tisanyanya kunetseka patinenge tichiparidza mashoko akanaka?

9 Verenga VaEfeso 6:15. Musoja weRoma aisakwanisa kuenda kuhondo asina kupfeka shangu dzake. Shangu dzake, idzo dzakanga dzakaita sehwashu, dzainge dzakagadzirwa nematehwe uye dzaiita kuti musoja afambe zvakanaka asingatsvedzi. Magadzirirwo adzakanga dzakaitwa aiita kuti dzigare kwenguva refu uye dzisarwadza.

10 Masoja eRoma aipfeka shangu dzawo achienda kuhondo asi shangu dzekufananidzira dzinopfekwa nevaKristu dzinovabatsira kuti vaendese mashoko erugare. (Isa. 52:7; VaR. 10:15) Kunyange zvakadaro, zvinoda ushingi kuti uparidze panomuka mukana wacho. “Ndaitya kuparidzira vandaidzidza navo,” anodaro Bo, uyo ane makore 20. “Ndinofunga kuti kwaiva kunyara. Asi pandinotarisa shure, ndinoshaya kuti ndainyarei. Iye zvino ndinofarira kuparidzira vezera rangu.”

11 Vechidiki vakawanda vakaona kuti havanyanyi kunetseka nekuparidza kana vakanyatsogadzirira. Ungaitei kuti ugare wakagadzirira? Julia, ane makore 16, anoti: “Ndinogara ndiine mabhuku mubhegi rangu rekuchikoro uye ndinoteerera vandinodzidza navo pavanotaura zvavanofunga nezvavanotenda. Izvi zvinoita kuti ndifunge kuti ndezvipi zvingavabatsira. Kana ndakagadzirira, ndinokwanisa kutaura navo nezvezvinhu zvinonyatsovabatsira.” Makenzie, ane makore 23 anoti: “Kana uine mutsa uye uchinyatsoteerera vezera rako pavanotaura, unogona kunzwisisa kuti zvii zvavari kusangana nazvo. Ndinova nechokwadi chekuti ndaverenga zvinhu zvese zvinobudisirwa vechidiki. Izvi zvinoita kuti ndikwanise kuratidza vezera rangu zvinhu zvinovabatsira zviri muBhaibheri kana pajw.org.” Sezvinoratidzwa nemashoko aya, kugara wakagadzirira kuparidza kwakafanana nekupfeka “shangu” dzaunonyatsokwana.

Tsoka dzakapfeka kugadzirira (Ona ndima  9-11)

“NHOO HURU YOKUTENDA”

12, 13. Ndezvipi zvimwe “zvombo zvinopisa” zvaungakandirwa naSatani?

12 Verenga VaEfeso 6:16. “Nhoo huru” yaitakurwa nemusoja weRoma yaimudzivirira kubva kumapendekete ake kusvikira kumabvi. Yaiita kuti asakuvadzwa nemapakatwa, mapfumo uye miseve.

13 Zvimwe “zvombo zvinopisa” zvaungakandirwa naSatani inhema pamusoro paJehovha. Anoti Jehovha haana hanya newe uye haakudi. Ida, ane makore 19, anogara achinetseka nekuti anonzwa sekuti haakoshi. Anoti: “Ndinogara ndichinzwa sekuti Jehovha ari kure neni uye haadi kuva Shamwari yangu.” Anoita sei paanova nemafungiro akadaro? “Misangano inosimbisa chaizvo kutenda kwangu,” anodaro Ida. “Kare ndaingogara ndisingambopinduriwo pamisangano, ndichifunga kuti hapana aizoda kunzwa zvandaida kutaura. Iye zvino ndinogadzirira misangano yacho uye ndinoedza kupindura kaviri kana katatu. Zvakaoma, asi pandinozviita ndinonzwa kufara. Uye hama nehanzvadzi dzinondikurudzira chaizvo. Nguva dzese ndinobva pamisangano ndiine chokwadi chekuti Jehovha anondida.”

14. Zvakaitika kuna Ida zvinobudisa pachena chokwadi chipi?

14 Zvakaitika kuna Ida zvinobudisa pachena chokwadi chinokosha. Nhoo yaipiwa musoja yaisachinja kukura kwayo asi nhoo yedu yekutenda inogona kudzoka kuva diki kana kuwedzera kukura. Zviri kwatiri kuti tisarudze zvatinoda. (Mat. 14:31; 2 VaT. 1:3) Zvakakosha chaizvo kuti tisimbise kutenda kwedu.

Nhoo huru yokutenda (Ona ndima 12-14)

“NGOWANI YORUPONESO”

15, 16. Tariro yakafanana papi nengowani?

15 Verenga VaEfeso 6:17. Ngowani yaipfekwa nemusoja weRoma yainge yakagadzirirwa kuti imudzivirire musoro, mutsipa uye kumeso. Dzimwe ngowani dzaiva nemubato kuitira kuti musoja akwanise kuitakura muruoko.

16 Sezvinoita ngowani inochengetedza uropi hwemusoja, ‘tariro yedu yoruponeso’ inodzivirira pfungwa dzedu. (1 VaT. 5:8; Zvir. 3:21) Tariro inoita kuti tirambe takaisa pfungwa dzedu pane zvakavimbiswa naMwari uye inotibatsira kuti tisapedzwa simba nematambudziko. (Pis. 27:1, 14; Mab. 24:15) Asi kana tichida kuti “ngowani” yedu itibatsire, tinofanira kuipfeka mumusoro medu, kwete kuitakura muruoko.

17, 18. (a) Satani angatinyengera sei kuti tibvise ngowani yedu? (b) Tingaratidza sei kuti hatina kunyengerwa naSatani?

17 Satani angatinyengera sei kuti tibvise ngowani yedu? Ona zvaakaita kuna Jesu. Satani ainyatsoziva kuti Jesu aiva netariro yekuzotonga vanhu. Asi Jesu aifanira kumirira kusvikira nguva yaJehovha yakwana. Uye nguva iyoyo isati yasvika, aifanira kutambura ofa. Saka Satani akapa Jesu mukana wekuti akurumidze kutonga. Satani akati kana Jesu akamunamata kamwe chete, aigona kutanga kutonga ipapo ipapo. (Ruka 4:5-7) Saizvozvowo, Satani anoziva kuti Jehovha achatipa zvinhu zvakanaka munyika itsva. Asi tinofanira kumirira uye patinenge takamirira tingatosangana nematambudziko. Saka Satani anoedza kutikwezva nekutipa mukana wekurarama upenyu hwakanaka panguva ino. Anoda kuti kutsvaga zvinhu kuve pekutanga muupenyu hwedu, uye kuti tide kuwana zvese zvatinoda iye zvino. Satani anotikurudzira kuti tiise Umambo panzvimbo yechipiri.​—Mat. 6:31-33.

18 Kufanana nevaKristu vechidiki vakawanda, Kiana, uyo ane makore 20, haana kunyengerwa nemafungiro akadaro. Anoti, “Ndinoziva kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchagadzirisa matambudziko edu ese.” Tariro iyoyo yakajeka inoita kuti ave nemafungiro akaita sei uye inoita kuti aitei panguva ino? Inomubatsira kuyeuka kuti zvinhu zvenyika ino zvichapfuura. Pane kuisa pfungwa pakuva nebasa rakanaka munyika ino, Kiana ari kushandisa nguva yake nesimba rake pakushumira Jehovha.

Ngowani yoruponeso (Ona ndima 15-18)

‘BAKATWA REMWEYA,’ SHOKO RAMWARI

19, 20. Tingavandudza sei unyanzvi hwedu pakushandisa Shoko raMwari?

19 Bakatwa raishandiswa nemasoja eRoma rainge rakareba masendimita anenge 50 uye rainge rakagadzirirwa kurwisana nemunhu ari pedyo. Chimwe chaiita kuti masoja eRoma abudirire ndechekuti zuva rega rega aidzidzira kushandisa zvombo zvawo.

20 Pauro akafananidza Shoko raMwari nebakatwa ratakapiwa naJehovha. Asi tinofanira kurishandisa neunyanzvi patinenge tichidzivirira zvatinotenda kana kuti patinenge tichigadzirisa mafungiro edu. (2 VaK. 10:4, 5; 2 Tim. 2:15) Ungavandudza sei unyanzvi hwako? Sebastian, uyo ane makore 21 anoti: “Ndinonyora pasi vhesi imwe chete kubva muchitsauko chimwe nechimwe cheBhaibheri chandinoverenga. Ndiri kuunganidza mavhesi andinonyanya kufarira. Kuita izvi kunondibatsira kuti ndive nemafungiro aJehovha.” Daniel, ambotaurwa nezvake anoti: “Pandinenge ndichiverenga Bhaibheri rangu, ndinocherechedza mavhesi anogona kubatsira vanhu vandinosangana navo muushumiri. Ndakaona kuti vanhu vanowanzoteerera kana vakaona kuti unonyatsotaura zviri muBhaibheri nechido uye kuti uri kuedza zvese zvaunogona kuti uvabatsire.”

Bakatwa remweya (Ona ndima 19-20)

21. Nei tisingafaniri kutya Satani nemadhimoni?

21 Sezvaratidzwa nemashoko evechidiki vataurwa munyaya ino, hapana chikonzero chekuti titye Satani nemadhimoni. Vane simba asi haripfuuri raJehovha. Uye havazorambi varipo nekusingaperi. Munguva pfupi iri kuuya, muKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, vachange vasina kana zvavanokwanisa kuita uye pashure pacho vachaparadzwa. (Zvak. 20:1-3, 7-10) Tinoziva muvengi wedu, zvaanoshandisa uye vavariro dzake. Tichibatsirwa naJehovha tinogona kumira takasimba pakurwisana naye.