Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bheeri-shebha—Uko Tsime Rakareva Upenyu

Bheeri-shebha—Uko Tsime Rakareva Upenyu

Zviono Zvomu Nyika Yakapikirwa

Bheeri-shebha—Uko Tsime Rakareva Upenyu

“KUBVA paDhani kusvikira paBheeri-shebha.” Ichocho chitsama chamashoko chakarovedzeka kuvaravi veBhaibheri. Icho chinorondedzera Israeri wose, kubva paDhani, pedyo nomuganhu wokuchamhembe, kusvikira kuBheeri-shebha, kumaodzanyemba. Rugare rwokutonga kwaSoromoni rwakafananidzira kudai: “VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, mazuva ose aSoromoni.”—1 Madzimambo 4:25; Vatongi 20:1.

Misiano pakati peDhani neBheeri-shebha, kunyanguvezvo, yakabatanidza rinopfuura daro razvo kubva kune chimwe nechimwe. Somuenzaniso, Dhani yakafarikanya mvura yakawanda; mvura yaiyerera ichibva pasi kuti iumbe mamwe amanyuko oRwizi rwaJoridhani, sezvinoonwa mumufananidzo uri kurudyi. Bheeri-shebha yakanga yakasiana sei, nokuti yakanga iri muruwa rwakaoma, pakati pemhenderekedzo yegungwa nomugumo wokumaodzanyemba weGungwa Rakafa.

Munharaunda yeBheeri-shebha, kunaya kwegore negore kwaibvira bedzi pamasendimita gumi namashanu kusvikira kumakumi maviri. Uchiziva izvozvo, cherechedza mufananidzo uri pamusoro apa wegomo, kana kuti chikomo, cheBheeri-shebha. * Kusvibira kwaunoona kunoratidzira kuti mufananidzo wacho wakatorwa pashure pemvura dzakaganhurirwa dzomunguva yechando, apo kwenguva pfupi minda iri Bheeri-shebha yakasvibira. Mapani ari pedyo akanga—uye achiri—akaisvonaka nokuda kwembesanwa.

Nemhaka yokuti nharaunda yacho yakanga yakaoma, nhauro dzeBhaibheri pamusoro peBheeri-shebha dzinosimbisa matsime namaruramiro emvura. Guta racho raiva pedyo nemigwagwa kana kuti nzira dzavanhu vanofamba pamwe chete idzo dzaigura renje kure kumaodzanyemba. Sezvaunogona kufungidzira, vafambi vaipfuura kana kuti kumira pano vaida mvura nokuda kwavo vamene uye nokuda kwemhuka dzavo. Mvura yakadaro yaisabuda pasi, sapaDhani, asi yaigona kuwanwa mumatsime. Kutaura idi, shoko rechiHebheru rokuti beʼerʹ rainongedzera kugomba kana kuti mwena wakacherwa kuwana mugove wemvura wapasi pevhu. Bheeri-shebha rinoreva “Tsime reMhiko” kana kuti, “Tsime reNomwe.”

Abrahama nemhuri yake vakagara kwenguva refu muBheeri-shebha nemakapoteredza, uye vaiziva nezvoukoshi hwamatsime. Apo murandakadzi waSara Hagari akatizira kurenje, angave akaronga kuwana mvura mumatsime kana kuti kumuBedouin uyo anoashandisa—zvakadai somukadzi weBedouin ari papeji inotevera, pamusoro apa, achichera mvura patsime muSinai Peninsula. Apo Abrahama gare gare aifanira kudzinga Hagari nomwanakomana wake anotuka, iye nenzira yomutsa akagovera mugove wemvura. Chii chakaitika apo iyoyo yakapera? “Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu nemvura, akanwisa mukomana.”—Genesi 21:19.

Abrahama akawanepi mvura yokuzadza guchu raHagari? Zvichida patsime raakanga achera, pedyo paro akasima mutamariski. (Genesi 21:25-33) Kungataurwa kuti masayendisiti zvino anoona kufanira kwechisarudzo chaAbrahama chomutamariski, nokuti uyu muti une mashizha maduku anorasikirwa nemvura shomanene, naizvozvo unogona kukura zvakanaka pasinei zvapo nokuoma kweiyi nharaunda.—Ona mufananidzo uri pasi apa.

Kuchera kwaAbrahama tsime kwakadudzwa pamusoro pegakava pakati pake namambo weFiristia. Tsime chaiva chinhu chinokosha nemhaka yokuwanzoshaika kwemvura nebasa raidikanwa kuchera tsime rakadzama. Kutaura idi, shure panguva iyeyo yakanga iri vhozhokerwo yamaruramiro oumwene kushandisa tsime pasina mvumo.—Enzanisa naNumeri 20:17, 19.

Kana iwe ukashanyira Gomo reBheeri-shebha, unogona kudongorera tsime rakadzama pamawere okumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva. Hapana munhu anoziva nhambo yakatanga kucherwa mudombo rakasimba nechikamu charo chiri kumusoro (chinoonwa pasi apa) chakasimbiswa panguva iyeyo namabwe. Voruzivo rwokuchera matongo vazvino uno vakarichenesa kwamamita makumi matatu vachidzika pasina kusvika pasi. Mumwe wavo akati: “Kunoedza kuzivisa kuti iri tsime rakanga . . . riri ‘Tsime reMhiko’ apo Abrahama naAbhimereki vakaita sungano yavo.”—Biblical Archaeology Review.

Sezviri pachena Bheeri-shebha yakakura muukuru gare gare munhambo yeBhaibheri, ichiva guta rakasimbiswa raiva nesuo hombe. Asi pfundo guru kukuvapo kwaro nebudiriro yakanga iri mvura inokosha yakabva mutsime rayo rakadzama.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Nokuda kwechiono chikuru zvikuru cheGomo reBheeri-shebha, ona 1993 Karenda reZvapupu zvaJehovha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.