Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufamba Nouchenjeri Pamusoro Penyika

Kufamba Nouchenjeri Pamusoro Penyika

Kufamba Nouchenjeri Pamusoro Penyika

“Fambai nokuchenjera kuna vari kunze.”—VAKOROSE 4:5.

1. MaKristu apakuvamba akanangana nechii, uye izanoi iro Pauro akapa kuungano yomuKorose?

MAKRISTU apakuvamba aigara mumaguta enyika yeRoma akanga achinangana nguva dzose nokunamata zvidhori, kutsvaka mufaro kwoutere, uye miitiro netsika zvechihedheni. Ayo aigara muKorose, guta raiva pakati pokumadokero kweAsia Minor, pasina panikiro akanangana nokunamatwa kwamai mwarikadzi nokushandisa midzimu kwavagari vemo veFrigia, uzivi hwechihedheni hwavagari vechiGiriki, uye chiJudha chenyika yechiJudha. Muapostora Pauro akapa zano ungano yechiKristu kuti “fambai nokuchenjera” kuna “vari kunze” vakadaro.—VaKorose 4:5.

2. Neiko Zvapupu zvaJehovha nhasi zvichidikanirwa kufamba nouchenjeri kuna avo vari kunze?

2 Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinonangana nemiitiro isakarurama yakafanana, uye yakatowanda. Izvowo, naizvozvo, zvinoda kushandisa uchenjeri muukama hwazvo naavo vari kunze kweungano yechokwadi yechiKristu. Vazhinji vari munzvimbo dzorudzidziso nedzamatongerwe enyika pamwe chete navari mune zvinobudisa nhau vanozvishora. Vamwe vaivava, kupfurikidza nokudenha chaiko kana kuti zvimwe, kazhinji kazhinji zvikuru, kupfurikidza nechibhende, vanoedza kusvibisa mukurumbira weZvapupu zvaJehovha ndokumutsa fungira mano yakaipa pazviri. Kungofanana namaKristu apakuvamba akarangarirwa zvisakarurama se“sekete” inonyanyisa uye kunyange ine ngozi, Zvapupu zvaJehovha nhasi kazhinji kazhinji chipfuro chefungira mano yakaipa nemirangariro isakarurama.—Mabasa 24:14; 1 Petro 4:4.

Kukurira Fungira Mano Yakaipa

3, 4. (a) Neiko maKristu echokwadi asati achizotongodiwa nenyika, asi chii chatinofanira kuedza kuita? (b) Chii icho munyori akanyora pamusoro peZvapupu zvaJehovha zvakachengetwa mumusasa wechibharo weNazi?

3 MaKristu echokwadi haakariri kudiwa nenyika, iyo, mukuwirirana nomuapostora Johane, “igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinokurudzira maKristu kuedza kuwanira Jehovha nokunamatwa kwake kwakachena vanhu vamwe navamwe. Tinoita ikoku kupfurikidza nokupupurira kwakananga uyewo kupfurikidza nomufambiro wedu wakanaka. Muapostora Petro akanyora, kuti: “Mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.”—1 Petro 2:12.

4 Mubhuku rake Forgive—But Do Not Forget, munyori Sylvia Salvesen akati nezveZvapupu zvechikadzi zvaiva vasungwa biyake mumusasa wechibharo weNazi: “Vaviri ivavo, Käthe naMargarethe, uye vamwe vakawanda, vakandibetsera zvikuru, kwete bedzi nokutenda kwavo asi munhau dzinoshanda. Vakatiwanira machira akachena okutanga atakava nawo nokuda kwamaronda edu . . . Mukupfupikisa takazviwana timene tiri pakati pavanhu vaitishuvira zvakanaka, uye vairatidza mirangariro yavo youshamwari kupfurikidza nezviito zvavo.” Chipupuriro chakaisvonaka zvakadini chinobva “kuna vari kunze”!

5, 6. (a) Ibasai iro Kristu ari kuita panguva yazvino, uye chii chatisingafaniri kukanganwa? (b) Chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro kuna vanhu venyika, uye nemhaka yei?

5 Tinogona kuita zvakawanda kukurira fungira mano yakaipa kupfurikidza nenzira yokuchenjera iyo tinozvibata timene nayo kuna vari kunze. Chokwadi, tiri kurarama panguva apo Mambo wedu anotonga, Kristu Jesu, ari kuparadzanisa vanhu vamarudzi, “somufudzi unoraura makwai nembudzi.” (Mateo 25:32) Asi usatongokanganwa kuti Kristu ndiye Mutongi; iye ndiye anosarudza vari “makwai” uye vari “mbudzi.”—Johane 5:22.

6 Ikoku kunofanira kupesvedzera chimiro chedu chendangariro kuna avo vasati vari rutivi rwesangano raJehovha. Tingafunga nezvavo savanhu venyika, asi ivo rutivi rwenyika yorudzi rwomunhu iyo “Mwari wakada . . . kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Kuri nani zvikuru kurangarira vanhu kuva makwai anokarirwa kupfuura kusarudza nenzira yokuzvitutumadza kuti ivo imbudzi. Vamwe vaichimbova vanoshora zvokwadi namasimba masimba zvino vava Zvapupu zvakazvitsaurira. Uye vazhinji vaivava vakatanga kuwanwa kupfurikidza namabasa omutsa, vasati vagamuchira kupupurira kupi nokupi kwakananga. Ona, somuenzaniso, mufananidzo uri papeji 18.

Zvinoshingaira, Hazvina Ukono

7. Kutsoropodzai uko papa akataura, asi mubvunzoi watingabvunza?

7 Papa John Paul II akatsoropodza masekete ose zvawo, uye zvikurukuru Zvapupu zvaJehovha, apo akati: “Shingairo inodokuva youkono iyo vamwe vanotsvaka nayo vatsigiri vatsva, vachienda paimba neimba, kana kuti kumisa vapfuuri pamakona emigwagwa, inyengedzo yesekete yeshingairo yavaapostora navafundisi.” Kungabvunzwa, Kana yedu iri “nyengedzo yeshingairo yavaapostora navafundisi,” shingairo chaiyoiyo yokuparidza evhangeri ichawanwa kupiko? Zvamazvirokwazvo kwete pakati pavaKaturike kana kuti, ndoda pakati pavaPurotesitendi kana kuti mitezo yechechi dzeOrthodox.

8. Tinofanira kuita sei kupupurira kwedu kwapaimba neimba, nenzira yetariro nomuuyoi?

8 Kunyanguvezvo, kuti tibvumikise kuva yenhema pomero ipi neipi youkono mukupupurira kwedu, tinofanira kuva vane mutsa nguva dzose, vanoremekedza, uye vakapfava apo tinosvika vanhu. Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambire wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.” (Jakobho 3:13) Muapostora Pauro anotiraira kuti “varege kuva negakava.” (Tito 3:2) Somuenzaniso, panzvimbo pokushurikidza chose chose zvitendero zvomunhu watiri kupupurira kwaari, huregererei kuratidza fariro yechokwadi mumirangariro yake? Ipapo udza munhu wacho mashoko akanaka ari muBhaibheri. Kupfurikidza nokuva nokusvika kwakanaka uye kuratidza ruremekedzo rwakafanira nokuda kwavanhu vane zvimwe zvitendero, tichavabetsera kupinda muchimiro chiri nani chendangariro chokuteerera, uye zvichida vachanzwisisa ukoshi hwamashoko eBhaibheri nokuda kwavo. Muuyo wacho ungava wokuti vamwe vachasvika pakuti “varumbidze Mwari.”—1 Petro 2:12.

9. Tinogona sei kushandisa zano iro Pauro akapa (a) pana VaKorose 4:5? (b) pana VaKorose 4:6?

9 Muapostora Pauro akapa zano, kuti: “Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu.” (VaKorose 4:5) Achitsanangura uku kutaura kwapashure, J. B. Lightfoot akanyora, kuti: “Musingaregi banza richikupfuurai, rokutaura nokuita zvingapfuuridzira donzo raMwari.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Hungu, tinofanira kuva vakagadzirira namashoko nezviito panguva yakafanira. Uchenjeri hwakadaro hunobatanidzawo kusarudza nguva yakafanira yezuva yokuita shanyo. Kana shoko redu rikarambwa, kuri nemhaka yokuti vanhu havarinzwisisi, kana kuti kuri nemhaka yokuti tashanya panguva iyo yaisava sezvingabvira yakafanira here? Pauro akanyorawo, kuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.” (VaKorose 4:6) Ikoku kunoda kungwarira norudo rwechokwadi nokuda kwomuvakidzani. Nguva dzose ngatipei shoko roUmambo nenyasha.

Vanoremekedza uye “Vakazvigadzira Kubata Mabasa Ose Akanaka”

10. (a) Izanoi iro muapostora Pauro akapa kumaKristu aigara muKrete? (b) Zvapupu zvaJehovha zvave zviri zvomuenzaniso sei mukutevera zano raPauro?

10 Hatigoni kubvumirana pane zvisino kufanira panheyo dzeBhaibheri. Pano rumwe rutivi, hatifaniri kupokanidza nenzira isiri madikanwa mibvunzo isingabatanidzi perero yechiKristu. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Uvayeudzire [maKristu aiva muKrete] kuti vazviise pasi pavabati navane simba, kuti vateerere, kuti vave vanhu vakazvigadzira kubata mabasa ose akanaka, varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.” (Tito 3:1, 2) Nyanzvi yeBhaibheri E. F. Scott yakanyora pamusoro peichi chikamu chamashoko, kuti: “MaKristu aisafanira bedzi kuteerera chiremera, asi aifanira kuva akagadzirira nokuda kwebasa ripi neripi rakanaka. Ikoku . . . kunoreva kuti, apo nguva yairaira, maKristu aifanira kuva pakati povokutanga mukuratidza mudzimu wokubetsera. Paiwanzova nemwoto, dambudziko, ngwavaira yamarudzi akasiana-siana, apo vagari vemo vose vakanaka vaizoshuva kubetsera vavakidzani vavo.” Munyika yose kwave kune zvinoitika zvakawanda zvokurova kwengwavaira uye Zvapupu zvaJehovha zvichiva pakati pevokutanga kuita basa rokubetsera. Zvakabetsera kwete bedzi hama dzazvo asiwo vokunze.

11, 12. (a) MaKristu anofanira kuita sei kuzviremera? (b) Kuzviisa pasi pezviremera kunobatanidzei pakunouya kukuvaka Horo dzoUmambo?

11 Chikamu chamashoko chimwe chetechi chomutsamba yaPauro kuna Tito chinosimbisawo ukoshi hwokuva nechimiro chendangariro chokuremekedza kuzviremera. MaKristu maduku ayo nemhaka yechimiro chawo pakusatora rutivi anooneka pamberi pavatongi anofanira kungwarira zvikuru kufamba nouchenjeri kuna avo vari kunze. Anogona kuita zvizhinji kuita kana kuti kuvandudza mukurumbira wavanhu vaJehovha kupfurikidza nechitarisiko chawo, mufambiro wawo, uye nzira iyo anotaura nayo kuzviremera zvakadaro. Anofanira ku“ripira . . . kukudza kuna vanofanira kukudzwa,” uye kuita kuzvidzivirira kwawo noruremekedzo rukuru.—VaRoma 13:1-7; 1 Petro 2:17; 3:15.

12 “Zviremera” zvinobatanidza vakuru vakuru vehurumende vomunzvimbomo. Zvino sezvo Horo dzoUmambo dzakawanda kwazvo dziri kuvakwa, kubata nezviremera zvomunzvimbomo hakudzivisiki. Kazhinji kazhinji, vakuru vanosangana nefungira mano yakaipa. Asi kwakawanwa kuti uko vamiriri veungano vanotanga ukama hwakanaka nezviremera ndokubatira pamwe neboka rinoronga reguta, iyi fungira mano yakaipa inogona kuparadzwa. Kazhinji kazhinji uchapupu hwakaisvonaka hunopiwa kuvanhu vaiziva zvishomanene kare kana kuti kusaziva chinhu pamusoro peZvapupu zvaJehovha neshoko razvo.

‘Kana Zvichibvira, Ivai Norugare Navose’

13, 14. Izanoi iro Pauro akapa kumaKristu muRoma, uye tinogona sei kurishandisa muukama hwedu novokunze?

13 Pauro akapa zano rinotevera kumaKristu aigara muRoma yechihedheni: “Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: ‘Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira—ndizvo zvinoreva [Jehovha, NW].’ Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omwoto pamusoro wake. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:17-21.

14 Muukama hwedu novokunze, isu samaKristu echokwadi nenzira isingadzivisiki tinonangana navashori. Muchikamu chamashoko chiri pamusoro apa, Pauro anoratidza kuti nzira yokuchenjera kuedza kukurira chishoro nezviito zvomutsa. Kufanana namarasha omwoto, izvi zviito zvomutsa zvingapedza ruvengo ndokuwanira mushori kuchimiro chendangariro chakanaka zvikuru kuvanhu vaJehovha, zvichida kunyange kunyandura fariro yake mumashoko akanaka. Apo ikoku kunoitika, zvakaipa zvinokurirwa nezvakanaka.

15. Ndirini apo maKristu anofanira kungwaririra zvikuru kufamba nouchenjeri kuna avo vari kunze?

15 Kufamba nouchenjeri kuna avo vari kunze kunokosha zvikuru mudzimba umo mumwe wavakwanyina veroorano asati agamuchira zvokwadi. Kuchengetwa kwenheyo dzeBhaibheri kunoita varume vari nani, vadzimai vari nani, madzibaba ari nani, vanaamai vari nani, uye vana vanoteerera zvikuru navanodzidza zvakaoma kuchikoro. Asingadaviri anofanira kukwanisa kuona muuyo wakanaka nheyo dzeBhaibheri dzinova nawo pamudaviri. Nokudaro, vamwe “vangawanwa pasina shoko kupfurikidza nomufambiro” wemitezo yemhuri yakazvitsaurira.—1 Petro 3:1, 2, NW.

‘Kuita Zvakanaka Kuna Vose’

16, 17. (a) Mwari anosanofadzwa nezvibairoi? (b) Tinofanira ku“ita zvakanaka” sei kuhama dzedu uyewo kuna avo vari kunze?

16 Zvakanaka zvikurusa zvatinogona kuitira muvakidzani wedu kumuunzira shoko roupenyu ndokumudzidzisa pamusoro peyananiswo naJehovha kupfurikidza naJesu Kristu. (VaRoma 5:8-11) Naizvozvo muapostora Pauro anotiudza, kuti: “Naizvozvo ngatirambe tichibaira Mwari naye [Kristu] chibairo chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” (VaHebheru 13:15) Pauro anowedzera, kuti: “Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibairo zvakadai.” (VaHebheru 13:16) Mukuwedzera kukupupurira kwedu pachena, hatifaniri kukanganwa “kuita zvakanaka.” Kunoita rutivi rwuri madikanwa rwezvibairo izvo Mwari anosanofadzwa nazvo.

17 Nenzira yomuzvarirwo, tinoita zvakanaka kuhama dzedu dzomudzimu, dzingave dzichishaiwa mundangariro, mumudzimu, mumuviri, kana kuti muzvinhu zvokunyama. Pauro akaratidzira ikoku apo akanyora, kuti: “Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10; Jakobho 2:15, 16) Tinofanira, zvisinei, kusakanganwa mashoko, “Ngatiitire vose zvakanaka.” Chiito chomutsa kuhama yokunyama, muvakidzani, kana kuti mushandi biyedu chingagona kuita zvizhinji kuparadza fungira mano yakaipa mukurwisana nesu ndokuzarurira mwoyo womunhu wacho kuzvokwadi.

18. (a) Ingozii dzatinofanira kudzivisa? (b) Tinogona sei kushandisa runako rwedu rwechiKristu sechitsigiso nokuda kwebasa redu rokupupurira rapachena?

18 Kuti tiite ikoku, hatidikanirwi kuva shamwari dzapedyo dzaavo vari kunze. Songaniro dzakadaro dzine ngozi inobvira. (1 VaKorinte 15:33) Uye hapana vavariro yokuva shamwari nenyika. (Jakobho 4:4) Asi runako rwedu rwechiKristu runogona kutsigira kuparidzira kwedu. Mune dzimwe nyika kuri kuva kwakaoma nomutoo unowedzera kutaura kuvanhu padzimba dzavo. Mamwe mafurati akadzivirirwa nezvinhu zvinotidzivisa kuonana navagari. Munyika dzakabudirira runhare runogovera nzira yokuparidzira nayo. Munyika dzakawanda zvikurusa kupupurira kwomumugwagwa kunogona kuitwa. Bva, munyika dzose, kuva anofara, akapfava, ane mutsa, uye anobetsera kuna vamwe kunovhura mabanza okuparadza fungira mano yakaipa ndokupa uchapupu hwakaisvonaka.

Kunyaradza Vashori

19. (a) Sezvo tisingadi kufadza vanhu, chii chatinogona kukarira? (b) Tinofanira kuedza sei kutevedzera muenzaniso waDhanieri ndokushandisa zano raPetro?

19 Zvapupu zvaJehovha hazvisi vafadzi vavanhu kana kuti zvimwe vatyi vavanhu. (Zvirevo 29:25; VaEfeso 6:6) Zvinoziva zvizere kuti pasinei zvapo nenhamburiko dzazvo dzose dzokuva varipi vomutero vomuenzaniso navagari vemo vakanaka, vashori vachaparadzira nhema dzinokuvadza ndokutaura nenzira yokuzvidza pamusoro pazvo. (1 Petro 3:16) Zvichiziva ikoku, zvinoedza kutevedzera Dhanieri, uyo nezvake vavengi vake vakati: “Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanieri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurairo waMwari wake.” (Dhanieri 6:5) Hatisati tichizotongobvumiranisa nheyo dzeBhaibheri pane zvisina kufanira kuti tifadze vanhu. Pano rumwe rutivi, hatitsvaki kufira kutendeka. Tinoedza kugara norugare ndokuteerera zano romuapostora, rokuti: “Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi.”—1 Petro 2:15.

20. (a) Tinopwiswa nezvechii, uye ikurudziroi iyo Jesu akatipa? (b) Tinogona sei kuramba tichifamba nouchenjeri kuna avo vari kunze?

20 Tinopwiswa kuti chimiro chedu chokuparadzana nenyika chiri mutsinhirano yakazara neBhaibheri. Chinotsigirwa nenhau yamaKristu omuzana ramakore rokutanga. Tinosimbiswa namashoko aJesu, okuti: “Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.” (Johane 16:33) Hatityi. “Ndianiko uchakuitirai zvakaipa, kana muchishingairira zvakanaka? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwavo, uye musakanganiswa. Asi itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya.” (1 Petro 3:13-15) Apo tinenge tichiita neiyi nzira, tichapfuurira kufamba nouchenjeri kuna avo vari kunze.

Nokuhwirudzura

◻ Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichidikanirwa kufamba nouchenjeri kuna avo vari kunze?

◻ Neiko maKristu echokwadi asingatongokariri kudiwa nenyika, asi chii chaanofanira kuedza kuita?

◻ Chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangairo kuna vanhu venyika, uye nemhaka yei?

◻ Neiko tichifanira ku“ita zvakanaka” kwete bedzi kuhama dzedu asiwo kuna avo vari kunze?

◻ Kufamba kwedu nouchenjeri kuna avo vari kunze kunogona sei kutibetsera mubasa redu rokupupurira pachena?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuruboshwe: MaKristu echokwadi muFrance achibetsera vavakidzani vawo pashure pamafashamo

[Mufananidzo uri papeji 20]

Zviito zvechiKristu zvomutsa zvinogona kuita zvizhinji kuparadza fungira mano yakaipa

[Mufananidzo uri papeji 23]

MaKristu anofanirakuva “vakazvigadzira kubatamabasa ose akanaka”