Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsikirira Mabhuku eBhaibheri Takarambidzwa

Kutsikirira Mabhuku eBhaibheri Takarambidzwa

Kutsikirira Mabhuku eBhaibheri Takarambidzwa

YAKATAURWA NAMALCOLM G. VALE

“Tsikirirai bhuku raChildren.” Ndakagamuchira iyi nhungamiro inoshamisa kubva kumutariri webazu reZvapupu zvaJehovha muAustralia mukati meHondo yeNyika II, chinguvana pashure pokubudiswa kwebhuku racho pakokorodzano yeSt. Louis, Missouri, U.S.A., pana August 10, 1941. Neikonhungamiro yacho yakanga ichishamisa?

EYA, basa redu rokuparidzira rakanga rarambidzwa muna January 1941, naizvozvo kutsikirira kunopfuuridzirwa kunyange munzira yakaganhurirwa kwaizova denho. Kunze kwezvo, Children rakanga riri bhuku rine mapeji 384 rine mifananidzo ina mavara ose. Midziyo yedu yokutsikirira yaida kuvandudza, mapepa aiva mashoma, uye vashandi vakanga vasina kurovedzwa nokuda kwokuita mabhuku makuru.

Ndisati ndarondedzera kuti takabudirira sei mukutsikirira takarambidzwa, regai ndikuudzei kuti ndakasvika sei pakubatira nehofisi yebazu yeAustralia somutariri wamabasa okutsikirira.

Mashoko Apakuvamba

Baba vangu vaiva nebhizimisi rokutsikirira muguta rinobudirira reBallarat, Victoria, umo ndakaberekerwa muna 1914. Naizvozvo ndakadzidza bhizimisi rokutsikirira ndichishanda munzvimbo yokutsikirira yaBaba. Ndakabatanidzwawo mumibato yeChechi yeEngland, ndichiimba mukwaya yechechi nokuridza mabhero echechi. Ndakatosvika pakutova nekariro yokudzidzisa Sandisikuru, asi ndakanga ndisina kusununguka pamusoro paikoku.

Chikonzero chacho chaiva chokuti ndaiva nemibvunzo yakakomba pamusoro pedzidziso dzakati dzechechi. Idzodzi dzakabatanidza Utatu, hero yomwoto, uye kusafa kwomweya womunhu, uye hakuna munhu akandipa mhinduro dzinogutsa. Kwakandikatyamadzawo kuti panguva nenguva, mufundisi wedu aitaura zvinonzwika nehasha pamusoro peboka rorudzidziso duku vaizvidana vamene kuti Zvapupu zvaJehovha. Ndakashamisika chikonzero nei boka risingakoshi rakadaro raizova reitiro hanya yakadaro kuguta ravanhu 40 000.

Svondo rimwe, ndakanga ndakamira panze pechechi pashure pomunamato wamadekwana apo boka ravasikana rakabva muChechi yeMethodist yaiva pedyo rakafamba richipfuura. Ndakavamba ushamwari nomumwe wavo. Zita rake rakanga riri Lucy, uye munguva yakafanira iye akandikoka kumusha kwake kuzosangana navabereki vake. Fungidzira shamisiko yangu apo ndakaziva kuti amai vake, Vera Clogan, vakanga vari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Takava nekurukurirano dzine upenyu dzakawanda dzeBhaibheri, uye zvaakataura zvaiva nomufungo chaizvoizvo.

Nokukurumidza, Lucy neni takaroorana, uye pakasvika 1939 takanga tichigara muMelbourne, dzimbahwe reVictoria. Kunyange zvazvo Lucy akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndakanga ndichiri asati asarudza. Zvisinei, apo Hondo yeNyika II yakatanga muna September wegore iroro, ndakavamba kufunga zvakakomba pamusoro peizvo ndakanga ndadzidza muMagwaro. Kurambidzwa kwebasa reZvapupu zvaJehovha muna January 1941 kwakandibetsera chaizvoizvo kusarudza. Ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha Mwari uye ndakabhapatidzwa nokukurumidza pashure paikoku.

Chinjo Dzinoshamisa Muupenyu Hwedu

Panguva yacho, takanga tichirenda furati yakanaka muMelbourne. Nguva refu isati yapfuura, zvisinei, takakokwa kutamira muimba yaiva nezvimwe Zvapupu zvinoverengeka. Takatengesa fanicha yedu yose kunze kwezvomukamuri rokurara ndokupinda muwainzi musha wamapiona. Ndakapfuurira kushanda somutsikiriri uye nokudaro ndakakwanisa kugovera kundyiko dzokushandisa musha wacho. Vamwe varume vakaita zvimwe chetezvo. Vadzimai vedu, somuuyo, vaigona kugoverana mumubato wokuparidzira nguva yakazara, uye isu varume taivakumbanira mubasa rokuparidza evhangeri napamisangano yechiKristu mukati mamadekwana napakupera kwamavhiki.

Nokukurumidza pashure paikoko, mudzimai wangu neni takagamuchira tsamba yakabva kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society ichitikoka kuuya kuSydney. Takatengesa zvomukamuri redu rokurara ndokubhadhara zvikwereti zvishomanene zvataiva nazvo, asi kuti tiwane mari yokubhara kwedu chitima kuenda kuSydney, taifanira kutengesa mhete yevimbisano yokuroorana yaLucy!

Nemhaka yeganhuriro dzomunguva yehondo nechirambidzo chakanga chichangobva kuiswa, hapana maBhaibheri kana kuti mabhuku eBhaibheri zvaigona kutorwa kubva kumhiri kwamakungwa. Nokuda kweichi chikonzero hofisi yebazu yeAustralia yakasarudza kutanga basa rokutsikirira pasi pevhu kuchengeta kuyerera kwezvokudya zvomudzimu, uye ini ndakakokwa kuzotarisira basa racho. Ndakaropafadzwa kushanda pamwe chete nomuScot, George Gibb, uyo akabatira mukamuri rokutsikirira rebazu reAustralia kwamakore 60. * Ipapo ndipo apo ndakagamuchira nhungamiro: “Tsikirirai bhuku raChildren.”

Kuwanazve Zvokutsikiririsa

Zvakawanda zvakanga zviri zvinoitika zvinofadza, pane dzimwe nguva zvinotyisa, zvataiva nazvo mumakore iwayo anokosha ehondo. Somuenzaniso, kutanga mumabasa edu okutsikirira, taida zvokutsikiririsa. Izvo taishandisa kare kuita kutsikirira kwakaganhurirwa mumakore apamberi pehondo zvakanga zvabvutwa nezviremera zvehurumende, uye zvino nzvimbo yokutsikirira duku yeSosaiti yakakiiwa ndokurindwa. Taigona sei kuendesa zvokutsikiririsa kunzvimbo dzakakodzera nokuda kwokutsikirira kwapasi pevhu?

Varindiri vakashongedzerwa nezvombo, vachishanda mumadzoro, vakachengeta nzvimbo yeSosaiti maawa 24 pazuva. Zvisinei, rumwe rwamasvingo okuseri rwaiva pedyo nechiteshi chechitima chaishandiswa zvishomanene. Naizvozvo usiku, vachishandisa mitoo inoyeuchidza Ezekieri 12:5-7, vashandi veBheteri vanotanga kuita zvinhu vakapinda nomurusvingo kupfurikidza nokubvisa zvidhina. Vangopinda bedzi, vakadzorera zvidhina parusvingo kudzivisa kucherechedzwa. Kupfurikidza nokuita idzi vhozhokero dzousiku kwenhambo yaanenge mavhiki maviri, vakagurunura nokungwarira muchina muduku wokutsikirira, Linotype, uye mimwe michina mishomanene. Ipapo chinyararire vakabudisa zvidimbu, vachionekwa chaizvo navarindiri vaiva pabasa!

Pashure penguva yakati takawana zvokutsikiririsa zvokuwedzera kubva kumamwe manyuko, uye nokukurumidza taiva namabasa okutsikirira apasi pevhu aipfuurira zvakazara munzvimbo dzakasiana-siana muSydney mose. Nokudaro, takakwanisa kutsikirira nokusunga kwete bedzi bhuku raChildren asiwo mabhuku makuru, The New World, “The Truth Shall Make You Free,” uye The Kingdom Is At Hand, pamwe chete namaYearbook of Jehovah’s Witnesses nokuda kwa 1942, 1943, 1944, uye 1945. Mukuwedzera, mukati mokurambidzwa kwamakore iwayo ehondo, Zvapupu zvaJehovha muAustralia mose hazvina kutongopotsa chinyorwa chimwe cheNharireyomurindi. Ikoku kwakatinyaradza munzira yomunhu oga zvikuru kuti ruoko rwaJehovha harusati ruchitongova rupfupi.—Isaya 59:1.

Kugonana Neshanyo Dzisingakarirwi

Mukati menhambo yenzvero huru yomunguva yehondo, nzvimbo dzokutsikirira zvokutengesa dzaiwanzoshanyirwa zvisingakarirwi navakuru vakuru vehurumende avo vaiongorora zvakanga zvichitsikirirwa. Naizvozvo, imwe yenzvimbo dzedu dzakavanda dzokutsikirira yakanga yakashongedzerwa nechinonyevera, bhatani pauriri raisvikwa nyore nyore nomugamuchiri wavaenzi. Panguva ipi neipi munhu upi noupi uyo akanga asingazivi kana kuti aifungidzirwa kuva inisipikita akakwira manera, aidzvinya bhatani.

Apo bhatani raidzvinywa, chaiva chiono chinoshamisa kuona mitumbi ichibuda napamawindo mumativi ose! Vashandi vakanga vakanyorwa savashandi vaisara shure kuti vafukidze nokukurumidza mapepa api neapi akatsikirirwa amagazini eNharireyomurindi kana kuti mamwe mabhuku eBhaibheri aishandwa paari. Kuti vaite izvozvi, ivo vaishandisa mapepa akatsikirirwa oukuru humwe chetehwo nezvimwe zvinyorwa zvakanga zvichigadzirirwa kutengeserwa vatengi.

Mukati meshanyo imwe yakadaro, vanainisipikita vaviri vakagara pamakomiki, ayo akanga achiri mumapepa mahombe, asi pasi pakanga pane mapepa amagazini eNharireyomurindi ayo akanga atsikirirwa usiku hwakapfuura. Muimwe nzvimbo yokutsikirira murumwe rutivi rweguta, taitsikirira zvokutengesa mukati mezuva ndokutsikirira zvinyorwa zveNharireyomurindi usiku napakupera kwamavhiki.

Kugovera Zvinodikanwa Zvedu Zvamapepa

Kuwana mapepa okutsikirira chakanga chiri chinetso chikuru. Zvisinei, dzimwe nzvimbo huru dzokutsikirira idzo dzakanga dzisingadi migove yadzo yakazara yamapepa nemhaka yebhizimisi rakaderedzwa mukati mehondo dzakanga dzichidisa kutengesa muraudzo wadzo—nguva dzose nomutengo mukuru, chokwadika. Pane imwe nhambo, kunyanguvezvo, takagamuchira mapepa kubva kumamwe manyuko.

Ngarava inotakura zvinhu yaiuya kuAustralia yaiva nomugove mukuru wamapepa ebhuraundi, asi ngarava yacho yakakuvadzwa mugungwa uye mvura yakapinda muakawanda amapepa acho. Mugove wacho wose wakapiwa nokuda kweokisheni, uye kushamisiko yedu ndisu bedzi takapa mutengo. Ikoku kwakatigonesa kuatenga nomutengo wakaderera zvikuru. Takaomesa mapepa acho muzuva, nokudaro tichichengetedza mazhinjisa awo, uye ipapo takaacheka muzvikamu zvakakodzera muchina wedu wokutsikirira.

Taizoshandisa sei mapepa ebhuraundi? Takawana, uye nomazvo, kuti varavi vamabhuku ekomiki vaizongofarikanya makomiki avo akanyorwa papepa rine mavara. Nokudaro, takashandisa mapepa machena atakanga tapiwa nokuda kwamabhuku ekomiki kutsikirira Nharireyomurindi namamwe mashoko eSosaiti.

Basa Rinokosha Ravakadzi

Mukati mamakore ehondo, vakadzi vazhinji vechiKristu muAustralia vakadzidza mabasa okusunga mabhuku. Mamwe masikati ezhezha aipisa zvikuru, vamwe vavo vakanga vachishanda voga mugaraji duku ratakanga tarenda musendiraini yenzvimbo inogarwa kunze kweguta reSydney. Nokuda kwezvikonzero zvechengeteko, vakachengeta windo riri rose nesuo zvakapfigwa. Poto dzeguruu dzakabudisa utsi hunopisa, hunonhuwa, uye kupisa kwacho kwaidokuva kusingatsungiririki. Naizvozvo vakabvisa zvipfeko kusiya zvomukati.

Kamwe kamwe, pasuo pakanga pachigogodzwa. Hanzvadzi dzechiKristu dzakashevedzera dzichibvunza akanga aripo, uye mukuru mukuru wavashandi wehurumende akapindura. Aibva kubato raiva namasimba omunguva yehondo okutungamirira vanhu vamwe navamwe kunharaunda ipi neipi iko vashandi vaidikanwa. Hanzvadzi dzakapindura zvinonzwika kuti dzaisagona kumupinza iko zvino sezvo dzakanga dzichishanda dzakapfeka zvomukati zvadzo nemhaka yokupisa.

Mukuru mukuru wacho akanyarara kwenguva yakati; ipapo akashevedzera kuti aiva neimwe rangano munharaunda macho. Iye akati aizodzoka zuva rinotevera kuzoita nzvero yake. Nokukurumidza ava vakadzi vechiKristu vakatiridzira runhare, uye takatumira rori usiku ihwohwo kuzotora chinhu chiri chose icho munosungwa mabhuku makanga muchishanda pachiri, tichichiendesa kune imwe nzvimbo.

Vazhinjisa vaavo vakabatanidzwa mukutsikirira kwedu kwapasi pevhu vakanga vasina ruzivo rwokuzviwanira rwebasa rwomunguva yakapfuura mubasa rokutsikirira, naizvozvo chakaitwa hachina kusiya panikiro mundangariro yangu kuti mudzimu waJehovha wakagovera betsero yaidikanwa nenhungamiro. Yakanga iri ropafadzo huru kuti ini nomudzimai wangu, Lucy, uyo aishanda munosungwa mabhuku, tive rutivi rwako kwose.

Basa redu raitarisirwa sei munguva idzodzo dzinotambudza? Mutariri webazu anobatira nzvimbo weZvapupu zvaJehovha akanga agamuchira murairo weganhuriro wakabva kuhurumende, waimuda kugara mutaundi anenge makiromita 100 kunze kweSydney. Murairo wacho wakamurambidza kubuda kunze kwenharaunda yamakiromita masere apakati petaundi racho. Peturu yaigoverwa marita mana pamotokari pamwedzi. Asi hama dzakagadzira chinhu chounyanzvi chinozivikanwa sechinobudisa mafuta—mugomo wakatenderera unorema inenge hafu yetani, wakaiswa shure kwemotokari. Marasha aipiswa muna iwoyu, uchibudisa carbon monoxide sepeturu. Usiku hunoverengeka vhiki rimwe nerimwe, dzimwe hama dzine mutoro neni taifamba nouyu mutoo kuti tisangane nomutariri muhova pedyo netaundi routapwa hwake. Nokudaro, taigona kukurukura zvinhu zvakawanda tisati takuchidzirazve chinobudisa peturu zvakare nokuchaira tichidzokera Sydney mumaawa amangwanani-ngwanani.

Pakupedzisira, chirambidzo paZvapupu zvaJehovha chakauya pamberi peDare Rapamusoro reAustralia. Mutongi akazivisa chirambidzo chacho kuva “chisina mufungo, chechienzi, uye chinodzvinyirira” uye akasunungura chose chose Zvapupu zvaJehovha pamubato upi noupi wokumukira. Dare Rapamusoro rose rakatsigira ichi chisarudzo, zvokuti takakwanisa kubuda pamusoro pevhu kuti tipfuuridzire mibato yedu yapamutemo yoUmambo.

Mimwe Migove Nezvikomborero

Pashure pehondo vazhinji vakanga vashanda mumabasa edu okutsikirira apasi pevhu vakapinda muushumiri hwoupiona. Vamwe vavo gare gare vakapfuurira kuWatchtower Bible School of Gilead muNew York. Lucy neni tairangarirawo nharidzano iyoyo, asi ipapo takava vabereki kumwanasikana uye ndakasarudza kudzokera mubasa rokutsikirira. Takanyengetera kuti Jehovha aizotibetsera nguva dzose kuisa fariro dzoUmambo pakutanga, uye iye akadaro. Ndakava anobatanidzwa mumumwe mugove woushumiri munzira inotevera.

Ndakagamuchira runhare kubva kuna Lloyd Barry, uyo zvino anobatira somumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha paBrooklyn, New York. Panguva iyoyo akanga ari mutariri anofambira muSydney. Iye akabvunza kana ndaiziva nezvomusi wegungano redu rinotevera. Apo ndakapindura kuti ndaiziva, akati: “Tinoda kuti mutarisire gadziriro dzezvokudya.”

Ndashamiswa kwechinguvana, ndakati ndakati netei: “Asi handisati ndatongoita chinhu chipi nechipi chakafanana naichocho muupenyu hwangu.”

“Eya, Hama,” akapindura kudaro achiti shereketei, “yava nguva yakafanira kuti mudzidze!” Ndakadzidza, uye ndakapfuurira kuva neropafadzo yokutarisira zvokudya, kunyange pakokorodzano huru, kwaanopfuura makore 40.

Mumakore apfuura, femu yedu yokutsikirira zvokutengesa yakakura, uye ikoku kwakaraira nzendo dzebhizimisi dzinoverengeka dzokumhiri kwamakungwa. Nguva dzose ndaikodzeresa idzodzi nekokorodzano dzamarudzi ose dzakaitwa muNew York City nokudzimwe nzvimbo muUnited States. Ikoku kwakandipa banza rokupedza nguva ndine avo vaitarisira mapato ekokorodzano akasiana-siana, zvikurukuru zvokudya. Nokudaro, shure muAustralia, ndakakwanisa zviri nani kubatira zvinodikanwa pakokorodzano dzedu.

Nokukwegura kwedu, Lucy neni pane dzimwe nguva tinoshamisika kana taigona kuva takaita zvakawanda kudai takanga taberekwa gare gare zvishomanene. Pane rumwe rutivi, zvatakaberekwa muna 1916 na 1914 mukutevedzana, tinoirangarira kuva ropafadzo inoshamisa kuva takaona uporofita hweBhaibheri huchifutunuka pamberi pameso edu. Uye tinoonga Jehovha nokuda kwechikomborero chatakava nacho mukufunda navanhu vazhinji nokuvabetsera kudzidza zvokwadi nokuvaona zvino vachimubatira savashumiri vakabhapatidzwa. Munyengetero wedu ndowokuti tigone kupfuurira kumubatira nokusingagumi, tichimubvuma nokusingaperi saChangamire mukuru Mutongi wechisiko chose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Ona Nharireyomurindi, yechiNgezi yaSeptember 15, 1978, mapeji 24-7.

[Mifananidzo iri papeji 29]

Nzvimbo yokutsikirira paBheteri yeStrathfield, 1929-73

George Gibb akamira parutivi pomumwe wemichina yokutsikirira iyo yakabudiswa munzvimbo yokutsikirira naparusvingo rwokushure