Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MaKristu Nechaunga Chavanhu Nhasi

MaKristu Nechaunga Chavanhu Nhasi

MaKristu Nechaunga Chavanhu Nhasi

“Muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.”—MATEO 24:9.

1. Chii chaizova chiratidzo chinosianisa chechiKristu?

KUPARADZANA nenyika chaiva chiratidzo chinosianisa chamaKristu apakuvamba. Mumunyengetero kuna Baba vake vokudenga, Jehovha, Kristu akati nezvavadzidzi vake: “Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.” (Johane 17:14) Paakadanwa pamberi paPontio Pirato, Jesu akati: “Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino.” (Johane 18:36) Kuparadzana kwechiKristu chapakuvamba nenyika kunopupurirwa naMagwaro echiKristu echiGiriki uye nevezvenhau.

2. (a) Kwaizova nokuchinja kupi nokupi muukama pakati pavateveri vaJesu nenyika sezvo nguva yakapfuura here? (b) Umambo hwaJesu hwaizouya kupfurikidza nokutendeutswa kwamarudzi here?

2 Jesu gare gare akazivisa kuti kwaizova nokuchinja muukama pakati pavateveri vake nenyika uye kuti Umambo hwake hwaizouya kupfurikidza nokutendeutsirwa kwenyika kuchiKristu here? Aiwa. Hapana chinhu icho vateveri vake vakafuridzirwa kunyora pashure porufu rwaJesu chakambokarakadza chinhu chakadaro. (Jakobho 4:4 [rakanyorwa chinguvana pamberi pa 62 N.V.]; 1 Johane 2:15-17; 5:19 [rakanyorwa munenge muna 98 N.V.]) Mukupesana, Bhaibheri rinobatanidza “kuvapo” kwaJesu no“kuuya” kwapashure musimba roUmambo ne“mhedziso yetsika yezvinhu,” inoperera mumu“gumo” wayo, kana kuti ruparadziko. (Mateo 24:3, 14, 29, 30, NW; Dhanieri 2:44; 7:13, 14) Muchiratidzo icho Jesu akapa chepa·rou·siʹa yake, kana kuti kuvapo, akati nezvavateveri vake vechokwadi: “Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.”—Mateo 24:9.

MaKristu Echokwadi Nhasi

3, 4. (a) Enisaikoropidhia yeKaturike inorondedzera sei maKristu apakuvamba? (b) Zvapupu zvaJehovha namaKristu apakuvamba zvinorondedzerwa mumashokoi akafanana?

3 Ibokai rorudzidziso nhasi rakazviwanira rimene mukurumbira wokutendeka kunheyo dzechiKristu nokukuparadzana nenyika ino, mitezo yaro ichivengwa nokutambudzwa? Eya, isanganoi rechiKristu renyika yose rinowirirana murutivi rwuri rwose nerondedzero dzenhau dzamaKristu apakuvamba? Nezvaiwaya, New Catholic Encyclopedia inoti: “Nzanga yechiKristu yapakuvamba, kunyange zvazvo yakarangarirwa pakutanga seimwe seketewo zvayo mukati memhoteredzo yechiJudha, yakabvumikisa kuva yakasiana mudzidziso yayo youmwari, uye zvikurukuru mukushingaira kwemitezo yayo, iyo yakabatira sezvapupu kuna Kristu ‘muJudhea rose neSamaria uye kunyange kusvikira kumigumo yapasi’ (Mabasa 1.8).”—Vhoriyamu 3, peji 694.

4 Cherechedza kutaura kwokuti “yakarangarirwa . . . seimwe seketewo zvayo,” “yakasiana mudzidziso . . . yayo,” “mukushingaira . . . sezvapupu.” Uye zvino cherechedza kuti enisaikoropidhia imwe cheteyo inorondedzera sei Zvapupu zvaJehovha: “Sekete . . . Zvapupu zvinopwiswa zvikuru kuti mugumo wenyika uchasvika mukati mamakore mashomanene zvikuru. Ichi chitendero chakajeka chinoratidzika kuva simba rinosunda rakasimba zvikurusa rinotsigira shingairo yazvo isinganeti. . . . Musengwa mukuru womutezo mumwe nomumwe wesekete kupa uchapupu kuna Jehovha kupfurikidza nokuzivisa Umambo Hwake huri kuswedera. . . . Zvinorangarira Bhaibheri samanyuko azvo bedzi echitendero nomurairo womufambiro . . . Kuva Chapupu chechokwadi munhu anofanira kuparidza zvinobudirira munzira yakati.”—Vhoriyamu 7, mapeji 864-5.

5. (a) Dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzakasiana mumativii? (b) Ipa mienzaniso inoratidza kuti zvitendero zveZvapupu zvaJehovha zviri mutsinhirano naMagwaro.

5 Mumativii umo dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzakasiana? New Catholic Encyclopedia inodudza shomanene: “Izvo [Zvapupu zvaJehovha] zvinoshurikidza Utatu sokunamata zvidhori kwechihedheni . . . Zvinorangarira Jesu somukurusa weZvapupu zvaJehovha, ‘mwari’ (zvinoshandura kudaro Johane 1.1), asiri muduku kumunhu upi noupi asi kuna Jehovha. . . . Akafa somunhu uye akamutswa soMwanakomana womudzimu asingafi. Kutambura kwake norufu waiva mutengo waakaripira kuwanirazve rudzi rwomunhu maruramiro okurarama nokusingagumi pasi pano. Zvamazvirokwazvo, ‘vazhinji zhinji’ (Ap 7.9) veZvapupu zvechokwadi vanokarira Paradhiso yapasi; vane 144 000 bedzi vakatendeka (Ap 7.4; 14.1, 4) vangafarikanya mbiri yokudenga naKristu. Vakaipa vachaparadzwa chose chose. . . . Rubhapatidzo—urwo Zvapupu zvinoita kupfurikidza nokunyudza . . . [ndicho] chiratidzo chokunze chokuzvitsaurira kwazvo kubasa raJehovha Mwari. . . . Zvapupu zvaJehovha zvakakwezva ngwariro yavose kupfurikidza nokuramba kuisirwa ropa . . . Tsika dzazvo dzeroorano nedzevatano ndedzerumano zvikuru.” Zvapupu zvaJehovha zvingava zvakasiana mumativi iwaya, asi chimiro chazvo pamapfundo ose aya chakavakirwa zvakasimba paBhaibheri.—Pisarema 37:29; Mateo 3:16; 6:10; Mabasa 15:28, 29; VaRoma 6:23; 1 VaKorinte 6:9, 10; 8:6; Zvakazarurwa 1:5.

6. Chimiroi chakachengetwa neZvapupu zvaJehovha? Nemhaka yei?

6 Iri bhuku reRoma Katurike rinowedzera kuti muna 1965 (sezviri pachena gore apo nyaya yacho yakanyorwa) “Zvapupu zvakanga zvichigere kurangarira kuti zvaiva zvechaunga umo zvaigara.” Munyori anoratidzika kuva akafunga kuti sezvo nguva yakapfuura uye Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvikuru ndokuva “naakawanda zvikuru amavara echechi mukusiana nesekete,” zvaizova rutivi rwenyika ino. Asi kwakadaro hakuna kubvumikisa kuva chokwadi. Nhasi, neZvapupu zvinopfuura zvomuna 1965 nekana, Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvakachengeta chimiro chazvo pamusoro penyika ino. “Havazi venyika,” sezvo Jesu akanga asiri “wenyika.”—Johane 17:16.

Zvakaparadzana asi Hazvina Utsinye

7, 8. Sezvakanga zviri zvechokwadi nezvamaKristu apakuvamba, chii chiri chechokwadi neZvapupu zvaJehovha nhasi?

7 Achidudza kuzvidzivirira kwamaKristu apakuvamba kwakaitwa muzana ramakore rechipiri nomudziviriri wedzidziso Justin Martyr, Robert M. Grant akanyora mubhuku rake Early Christianity and Society, kuti: “Kudai maKristu aiva vapandukiri aizoramba ari muuvando kuitira kuti agosvika nharidzano yawo. . . . Ndidzo shamwari dzamambo dzakanakisisa mukuparira rugare nenhevedzano yakanaka.” Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinozivikanwa munyika yose kuva vagari vemo vanoda rugare navane nhevedzano. Hurumende, yorudzi rupi kana rupi, inoziva kuti haina chinhu chokutya kuZvapupu zvaJehovha.

8 Mupepeti wenhau weNorth America akanyora, kuti: “Kunoda fungidziro yakaganhurirwa neyakavhiringidzwa kudavira kuti Zvapupu zvaJehovha zvinopa rudzi rupi norupi rwetyisidziro kuhurumende ipi neipi yezvamatongerwe enyika; hazvimukiri uye zvinoda rugare seizvo boka rorudzidziso rinogona kuva.” Mubhuku rake L’objection de conscience (Conscientious Objection), Jean-Pierre Cattelain anonyora kuti: “Zvapupu zvinozviisa zvakakwana pasi pezviremera uye kazhinji kazhinji zvinoteerera mitemo; zvinoripa mitero yazvo uye hazvitsvaki kubvunza, kuchinja, kana kuti kuparadza hurumende, nokuti hazvizvinetsi zvimene nezvinhu zvenyika ino.” Cattelain anowedzera kuti kana bedzi Hurumende ikada upenyu hwazvo, iyo zvakatsaurira zvizere kuna Mwari, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kuteerera. Muna ikoku zvakasanofanana namaKristu apakuvamba.—Marko 12:17; Mabasa 5:29.

Haana Kunzwisiswa Neboka Rinotonga

9. Pamusoro pokuparadzana nenyika, musianoi wakatanhamara uripo pakati pamaKristu apakuvamba navaKaturike vomuzuva razvino uno?

9 Vazhinjisa vamadzimambo eRoma havana kunzwisisa maKristu apakuvamba uye vakaatambudza. Ichiratidza chikonzero nei, The Epistle to Diognetus, inofungwa navamwe kuva inovambira muzana ramakore rechipiri N.V., inozivisa, kuti: “MaKristu anogara munyika, asi haabatanidzwi nenyika.” Pano rumwe rutivi, Second Vatican Council, muyayo Dogmatic Constitution on the Church, yakataura kuti vaKaturike vanofanira “kutsvaka umambo hwaMwari kupfurikidza nokupinda muzvinhu zvenyika” ndo“kushandira kutsveneswa kwenyika kuvambira mukati.”

10. (a) MaKristu apakuvamba airangarirwa sei namapoka aitonga? (b) Zvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji zvinorangarirwa sei, uye chii chiri kuita kwazvo?

10 Wezvenhau E. G. Hardy anotaura kuti madzimambo eRoma airangarira maKristu apakuvamba kuva “vashingairi vanoti zvidzikei.” Wezvenhau weFrance Étienne Trocmé anotaura nezve“ruzvidzo urwo vaGiriki vakafunda uye vakuru vakuru vehurumende veRoma vakarangarira narwo zvavakaona sesekete yechienzi zvikuru yokuMabvazuva [maKristu].” Kunyorerana pakati paPliny Muduku, gavhuna weRoma weBhitinia, uye Mambo Trajan kunoratidza kuti mapoka aitonga kazhinji kazhinji akanga asingazivi nezvechimiro chechokwadi chechiKristu. Nenzira yakafanana nhasi, Zvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji hazvinzwisiswi uye kunyange kushorwa namapoka anotonga enyika. Zvisinei, ikoku hakushamisi kana kuti kuodza mwoyo Zvapupu.—Mabasa 4:13; 1 Petro 4:12, 13.

“Inorambwa Kwose Kwose”

11. (a) Zvinhui zvakataurwa nezvamaKristu apakuvamba, uye chii chakataurwa nezveZvapupu zvaJehovha? (b) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvisingatori rutivi mune zvamatongerwe enyika?

11 NezvamaKristu apakuvamba kwakanzi: “Nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose kwose.” (Mabasa 28:22) Muzana ramakore rechipiri N.V., Celsus wechihedheni akataura kuti chiKristu chaifadza bedzi vakadereresa vechaunga chavanhu. Nenzira yakafanana kwakataurwa nezveZvapupu zvaJehovha kuti “kazhinji kazhinji, zvinotorwa muvasina chinhu muchaunga chedu.” Wezvenhau yechechi Augustus Neander akashuma kuti “maKristu aimirirwa savanhu vakafa kunyika, uye vasingabetseri nokuda kwezvinoitika zvose zvoupenyu; . . . uye kwakabvunzwa kuti, chii chaizova basa roupenyu, kudai vose vakanga vakafanana nawo?” Nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinorega kutora rutivi mune zvamatongerwe enyika, izvowo kazhinji kazhinji zvinopomerwa kuva zvisingabetseri muchaunga chavanhu. Asi zvaigona sei kuva vashingairi vezvamatongerwe enyika uye panguva imwe chete kuva varevereri voUmambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu? Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira zvakakomba mashoko omuapostora Pauro, okuti: “Goverana mukutambura somurwi akanaka waKristu Jesu. Hapana murwi ari pabasa anobatanidzwa muzvirondwa zvavasiri varwi, sezvo nharidzano yake iri kugutsa uyo akamunyora pabasa.”—2 Timotio 2:3, 4, Revised Standard Version, an Ecumenical Edition.

12. Zvapupu zvaJehovha zvakafanana namaKristu apakuvamba murutivii runokosha rwokuparadzana?

12 Mubhuku rake A History of Christianity, Purofesa K. S. Latourette anonyora, kuti: “Imwe yenhau iyo maKristu apakuvamba aisiana pamusoro payo nenyika yeGirisi neRoma yaiva kutora rutivi muhondo. Kwamazana amakore matatu okutanga hapana chinyorwa chechiKristu chakapukunyuka kusvika kunguva yedu chaifuratira kutora rutivi kwechiKristu muhondo.” Bhuku raEdward Gibbon The History of the Decline and Fall of the Roman Empire rinoti: “Kwaiva kusingabviri kuti maKristu, pasina kuramba basa rinoyera zvikuru, aigona kutora chimiro chavarwi, chavatongi, kana kuti chamachinda.” Zvapupu zvaJehovha nenzira yakafanana zvinotora chimiro chokusatora rutivi chose chose uye zvinotevera nheyo dzeBhaibheri dzakarongwa pana Isaya 2:2-4 naMateo 26:52.

13. Ipomeroi inoitirwa Zvapupu zvaJehovha, asi maidi anoratidzei?

13 Zvapupu zvaJehovha zvinopomerwa navavengi vazvo kuputsa mhuri. Chokwadi, pane zvinoitika zvemhuri dzinova dzinokamuraniswa apo mutezo mumwe kana kuti yakawanda inova Zvapupu zvaJehovha. Jesu akadeya kutaura kuti ikoku kwaizoitika. (Ruka 12:51-53) Zviverengero zvinoratidza, zvisinei, kuti roorano dzinoputsika nokuda kwechikonzero ichochi ishoma. Pakati peZvapupu zvaJehovha muFrance, somuenzaniso, murume mumwe nomudzimai muvarume vatatu navadzimai vanobatanidza mukwanyina weroorano asiri Chapupu. Bva, mwero wechatanuro pakati peidzi roorano dzakasangana hauna kukwira zvikuru kupfuura avhareji yorudzi rwacho. Nemhaka yei? Vaapostora Pauro naPetro vakapa zano rokuchenjera, rakafuridzirwa kumaKristu akaroora vasingatendi, uye Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevera mashoko avo. (1 VaKorinte 7:12-16; 1 Petro 3:1-4) Kana roorano yakasangana ikaputsika, kutanga kuzhinjisa nguva dzose kunobva kumukwanyina asiri Chapupu. Pano rumwe rutivi, zviuru zvizhinji zveroorano zvakaponeswa nemhaka yokuti vakwanyina veroorano vakava Zvapupu zvaJehovha ndokutanga kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo.

MaKristu, Havasati Vari vezvoUtatu

14. Ipomeroi yakaitirwa maKristu apakuvamba, uye nei ikoku kuchisetsa?

14 Kunosetsa kuti muUmambo hweRoma, imwe yepomero yakaunzirwa maKristu apakuvamba yaiva yokuti aisadavira kuvapo kwaMwari. Dr. Augustus Neander anonyora, kuti: “Varambi vavamwari, vasingadaviri kuvapo kwaMwari, . . . raiva zita rinozivikanwa iro maKristu aidanwa naro pakati pavanhu.” Ndokwechienzi sei kuti maKristu, ainamata Musiki mupenyu uye kwete vamwari vazhinji, aifanira kunzi asingadaviri kuvapo kwaMwari navahedheni vainamata “vakanga vasiri vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe.”—Isaya 37:19.

15, 16. (a) Chii icho vamwe vezvorudzidziso vakataura nezveZvapupu zvaJehovha, asi ikoku kunomutsa mubvunzoi? (b) Chii chinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha maKristu zvechokwadi?

15 Rinosetsa zvakaenzana iidi rokuti nhasi zvimwe zviremera muchiKristudhomu zvinoramba kuti Zvapupu zvaJehovha maKristu. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti Zvapupu zvinoramba Utatu. Mukuwirirana nerondedzero yakaipa yechiKristudhomu, “maKristu ndiavo vanogamuchira Kristu saMwari.” Mukupesana naikoku, duramashoko razvino uno rinotsanangura zita rokuti “muKristu” so“munhu anodavira muna Jesu Kristu uye anotevera dzidziso dzake” uye “chiKristu” so“rudzidziso rwakavakirwa padzidziso dzaJesu Kristu nechitendero chokuti akanga ari mwanakomana waMwari.” Nderipi boka rinosanokodzera zvikuru iyi rondedzero?

16 Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira chipupuriro chaJesu amene pamusoro pokuti iye ndiani. Akati: “Ndiri Mwanakomana waMwari,” kwete, “Ndiri Mwari Mwanakomana.” (Johane 10:36; enzanisa naJohane 20:31.) Zvinogamuchira kutaura kwakafuridzirwa kwomuapostora Pauro pamusoro paKristu: “Uyo, ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuenzana naMwari sechimwe chinhu chinofanira kubatwa.” * (VaFiripi 2:6, The New Jerusalem Bible) Bhuku rinonzi The Paganism in Our Christianity, rinoti: “Jesu Kristu haana kutongodudza chinhu chakadaro [Utatu hwakaenzana], uye hapana muTestamente Itsva apo shoko rokuti ‘Utatu’ rinowanika. Pfungwa yacho yakagamuchirwa bedzi neChechi mazana matatu amakore pashure porufu rwaShe wedu; uye mavambo omufungo wacho ndeechihedheni chose chose.” Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira kudzidzisa kweBhaibheri pamusoro paKristu. Izvo maKristu, kwete vezvoUtatu.

Hapana MubatanidzwawechiKristu

17. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvisingabatiri pamwe nesangano romubatanidzwa wechiKristu, kana kuti rokutenda kwakavhengana?

17 Dzimwe nyunyuto mbiri dzinoitirwa Zvapupu zvaJehovha ndedzokuti zvinoramba kutora rutivi musangano romubatanidzwa wechiKristu uye kuti zvinopinda mukunonzi “kutendeutsa kwoukono.” Dzose dzeidzi pomero mbiri dzakaitirwa maKristu apakuvamba. ChiKristudhomu, namativi echiKaturike chacho, echiOrthodox, uye echiPurotesitendi, rutivi rwenyika ino nenzira isingarambwi. Kufanana naJesu, Zvapupu zvaJehovha “havazi venyika.” (Johane 17:14) Zvingagona sei kuzvibatanidza zvimene kupfurikidza namasangano okutenda kwakavhengana namasangano orudzidziso anokwidziridza mufambiro nezvitendero zvisati zviri zvechiKristu?

18. (a) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvisingagoni kutsoropodzwa nokuda kwokutaura kuti izvo zvoga zvinoshandisa rudzidziso rwechokwadi? (b) Nepo vachidavira kuti vane rudzidziso rwechokwadi, chii chisina vaRoma Katurike?

18 Ndiani anogona kutsoropodza Zvapupu zvaJehovha nenzira yakarurama nokuda kwokudavira, sezvakaita maKristu apakuvamba, kuti izvo zvoga zviri kushandisa rudzidziso rwechokwadi? Kunyange Chechi yeKaturike, nepo nenzira yokunyengera ichitaura kubatira pamwe nesangano romubatanidzwa wechiKristu, inozivisa kuti: “Tinodavira kuti urwu rudzidziso rumwe rwechokwadi runopfuurira kuvapo muChechi yeKaturike neyeApostolic, uko Ishe Jesu akaronzesa mutoro wokuiparadzira pakati pavanhu vose apo akati kuvaapostora: ‘Endai naizvozvo muite vadzidzi vamarudzi ose.’” (Vatican Council II, “Ziviso Parusununguko Rworudzidziso”) Sezviri pachena, kunyanguvezvo, chitendero chakadaro hachina kukwana kuisa muvaKaturike shingairo isinganeti mukuenda kunoita vadzidzi.

19. (a) Chii icho Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kuita, uye nevavariroi? (b) Chii chichanzverwa munyaya inotevera?

19 Zvapupu zvaJehovha zvine shingairo yakadaro. Zvakatsunga kupfuurira kupupurira chero bedzi Mwari achida kuti zviite saizvozvo. (Mateo 24:14) Kupupurira kwazvo ndokwokushingaira asi kwete kwoukono. Kunosundwa norudo rwomuvakidzani, kwete noruvengo rworudzi rwomunhu. Zvinokarira kuti vakawanda vorudzi rwomunhu savanobvira vachaponeswa. (1 Timotio 4:16) Kufanana namaKristu apakuvamba, zvinoedza ku“va norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18, NW) Kuti zvinoita sei ikoku kuchakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Nokuda kwokukurukurwa kwechikamu chino pamusoro pedzidziso yoUtatu, ona Nharireyomurindi yechiNgezi, June 15, 1971, mapeji 355-6.

Nokuhwirudzura

◻ Chii chakazivisa maKristu apakuvamba, uye Zvapupu zvaJehovha zvakafanana sei nawo?

◻ Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kuti vagari vemo vakanaka mumativii?

◻ Mapoka anotonga akarangarira sei maKristu apakuvamba, uye kwakambosiana here nhasi?

◻ Chii icho kupwiswa kweZvapupu kwokuti zvine zvokwadi kunozvisunda kuita?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kupfuurira kupupurira chero bedzi Mwari achida kuti zvidaro

[Mufananidzo uri papeji 17]

Pirato akati: “Tarirai! Munhu”—Uyo akanga asiri rutivi rwenyika.—Johane 19:5

[Kwazvakatorwa]

“Ecce Homo” by A. Ciseri: Florence, Galleria d’Arte Moderna / Alinari/Art Resource, N.Y.