Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhengo Itsva dzeDare Rinodzora

Nhengo Itsva dzeDare Rinodzora

Nhengo Itsva dzeDare Rinodzora

MUSI woMugovera, October 2, 1999, Musangano Wegore Negore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania wakagumiswa nechiziviso chinoshamisa. Vanhu 10 594 vaivapo kana kuti vaiteerera mashoko achiuya netambo dzefoni vakafara zvikuru kunzwa kuti nhengo itsva ina dzakanga dzawedzerwa kuDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Nhengo itsva dzacho, dzose dziri vaKristu vakazodzwa, ndiSamuel F. Herd; M. Stephen Lett; Guy H. Pierce naDavid H. Splane.

• Samuel Herd akatanga kupayona muna 1958, uye kubva muna 1965 kusvika muna 1997, akanga ari mutariri wedunhu uye weruwa. Kubvira ipapo, iye nomudzimai wake, Gloria, vave vari nhengo dzemhuri yeBheteri yeUnited States, uko Hama Herd vave vachishanda muDhipatimendi Rebasa. Vakanga vachishandawo somubatsiri muDare Rebasa.

• Stephen Lett akatanga kupayona muna December 1966, uye kubva muna 1967 kusvika muna 1971, akashanda paBheteri yeUnited States. Muna October 1971, akaroora mudzimai wake, Susan, ndokubva vaenda kubasa roupiyona chaihwo. Kubva muna 1979 kusvika muna 1998, akashanda somutariri wedunhu. Kubvira muna April 1998, iye naSusan vave vari nhengo dzemhuri yeBheteri yeUnited States. Ikoko akashanda muDhipatimendi Rebasa uye aibatsira muDare Rokudzidzisa.

• Guy Pierce akarera mhuri akazotanga kupayona muna April 1982 nomudzimai wake. Aiva mutariri wedunhu kubva muna 1986 kusvika muna 1997, apo iye nomudzimai wake, Penny, vakava nhengo dzemhuri yeBheteri yeUnited States. Hama Pierce vaishanda somubatsiri muDare Ravashandi.

• David Splane akatanga kupayona muna September 1963. Apedza kudzidza mukirasi yechi42 yeGilead, akashanda somufundisi muSenegal, Africa, uye mudunhu muCanada kwemakore 19. Iye nomudzimai wake, Linda, vave vari paBheteri muUnited States kubva muna 1990, uko Hama Splane vakashanda mudhipatimendi reBasa neRokunyora. Kubvira muna 1998, vaiva vari mubatsiri muDare Rokunyora.

Mukuwedzera kunhengo itsva ina, Dare Rinodzora zvino rina C. W. Barber, J. E. Barr, M. G. Henschel, G. Lösch, T. Jaracz, K. F. Klein, A. D. Schroeder, L. A. Swingle, naD. Sydlik. Munyengetero wavose kuti Jehovha achapfuurira kukomborera uye kusimbisa Dare Rinodzora, zvino rakura, sezvarinopfuurira kutarisira mabasa evanhu vaMwari munyika yose uye kushumira zvavanoda mune zvokunamata.