Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuziva Nguva Yemberi!

Unogona Kuziva Nguva Yemberi!

Unogona Kuziva Nguva Yemberi!

Vanhu vazhinji vanofunga zvakanyanya nezvenguva yemberi. Vanoda kuronga, kushandisa mari noungwaru, uye kunzwa vakachengeteka. Asi pane nzira here yokuva nechokwadi chokuti ramangwana rinei?

MUKUEDZA kuzvitsvaka, vanhu vakaedza zvinhu zvemarudzi ose. Vasayendisiti venzanga vanonzi vaongorori vezvichaitika mberi vanonzvera zviri kuitika panguva ino vofungidzira zvichaitika mberi vachitsamira pane izvi. Vezvemari vanoita zvakafanana kudivi ravo pachavo. Vaongorori venyeredzi nevafemberi vanotarira michina inoongorora mamiriro akaita nyika dzomudenga, bhora rinoshandiswa kufembera, uye mashiripiti, uye vane vateveri vakawanda. Somuenzaniso, muongorori wenyeredzi wokuFrance Nostradamus achakangokurumbira, kunyange akafa mazana emakore apfuura.

Vose ava vanozviti vaprofita vakaratidza kuva vasingavimbiki zvikuru nevanoodza mwoyo. Nei? Nokuti havana kuteerera Jehovha Mwari neShoko rake, Bhaibheri. Nokuda kwechikonzero ichochi vanotadza kupindura mibvunzo inokosha yakadai seiyi: ‘Nei ndichigona kuva nechokwadi chokuti zvinhu zvakafanotaurwa muBhaibheri zvichaitika? Zvinokwana sei muchinangwa chaMwari nokuda kwevanhu? Ini nemhuri yangu tingabetserwa sei nouprofita uhwu?’ Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi.

Uprofita hweBhaibheri hwakakwirirawo mune dzimwe nzira dzakawanda. Kusiyana nokufungidzira kwevaongorori venyeredzi, hunobvumira rusununguko rwokuzvisarudzira. Saka, hapana anosarudzirwa ramangwana. (Dheuteronomio 30:19) Zvinyorwa zvakadai sezviya zvaNostradamus hazvina tsika, uye zvinovhara kusava nechinhu uku nezvinhu zvisinganzwisisiki uye kunakidza. Asi uprofita hweBhaibheri hune tsika dzakasimba. Hunotsanangura kuti nei Mwari achaita sezvaakaronga kuita. (2 Makoronike 36:15) Uye uprofita hwaJehovha haukundikani nokuti, “Mwari [ha]amborevi nhema.” (Tito 1:2) Saka, vanhu vanotungamirirwa neShoko raMwari vanorarama upenyu hune chiedza, hune chinangwa, uye hunofadza pasina kupambadza nguva yavo inokosha nezvinhu vachitevera zvisingakoshi.—Pisarema 25:12, 13.

Pfungwa idzi nedzimwe dzakawanda dzakakurukurwa paKokorodzano Dzoruwa dzeZvapupu zvaJehovha dzakaitwa pasi pose muna 1999/2000 dze“Shoko raMwari Rouprofita.” Hurukuro, kubvunzurudza, mienzaniso, uye mutambo weBhaibheri zvakaita kuti vateereri vade kuziva nezvenhaka yomudzimu inoshamisa ine vaya vanodzidza nokushandisa shoko raMwari rouprofita. Nyaya inotevera ichadzokorora dzimwe pfungwa huru dzinofadza dzekokorodzano.