Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinoita Kuti Tibudirire?

Chii Chinoita Kuti Tibudirire?

Chii Chinoita Kuti Tibudirire?

VARUME vaviri vechiduku vakanga vachigadzirira kuti vaedze nenzira yacho chaiyo muchini unoshamisa. Nenguva isipi, chamupupuri chine simba chakatakura mudziyo wacho unopwanyika, ndokuutenderedza mumhepo, uye noruzha runosembura chakaupwanyira pasi. Vaodzwa mwoyo, varume vacho vakamira vakati mwiro. Basa ravo ravakanga vanyatsoita nesimba rakanga rangova murwi wemapuranga nemarata.

Kuna Orville naWilbur Wright, chakaitika zuva iroro muna October 1900 chaiva chisiri chibingamupinyi chokutanga mukuedza kugadzira ndege inorema kupfuura mhepo. Vakanga vatopedza makore akati nemari yakawanda vachiedza izvozvo.

Zvisinei, pakupedzisira, kupfuurira kwavo kwakawana mubayiro. Musi waDecember 17, 1903, paKitty Hawk, North Carolina, U.S.A., vanakomana vokwaWright vakagona kugadzira kandege kanobhururutswa neinjini kakabhururuka masekondi 12—nguva pfupi inodarikwa nokure mukubhururuka kwamazuva ano, asi yakanga yakawanda zvokuchinja nyika zvachose!

Kubudirira pakuedza kwakawanda kunowanzotsamira pakutsungirira kune kushivirira. Kungave kudzidzira mutauro mutsva, basa, kana kuti kutanga ukama, zvinhu zvakawanda zvinoitwa kuti zvibudirire nokuedza kunopfuurira. “Kapfumbamwe mugumi,” anodaro munyori Charles Templeton, “kubudirira kunokonzerwa zvakananga nechinhu chimwe: kushanda nesimba.” Munyori wepepanhau Leonard Pitts, Jr., anoti: “Tinotaura zvechipo, tinogutsurira musoro tichibvuma zvemhanza, asi tinowanzosiya zvinhu zvinokosha kwazvo. Kushanda nesimba nokukundikana kuzhinji. Kukurumidza kusvika pabasa nokunonoka kubva pabasa.”

Izvi zvinosimbisa zvakataurwa neBhaibheri kare kuti: “Ruoko rwavasina usimbe ruchabata ushe.” (Zvirevo 12:24) Kusava nousimbe zvinoreva kuti tinotsungirira munhamburiko dzedu. Izvi zvinodiwa kana tichida kupedza chatinenge tichida kuita. Kutsungirira chii? Tingatsungirira sei patinotsvaka kuita zvatinoda, uye tinofanira kutsungirira pachii? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

U.S. National Archives photo