Jehovha Haanganonoki
Jehovha Haanganonoki
“Kunyange [zvakaratidzwa izvi] zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.”—HABHAKUKI 2:3.
1. Vanhu vaJehovha vave vachiratidza kutsungai, uye izvi zvave zvichivaita kuti vaitei?
“NDICHANDOMIRA panzvimbo yangu yokutaririra.” Ndiko kwaiva kutsunga kwomuprofita waMwari Habhakuki. (Habhakuki 2:1) Vanhu vaJehovha vomuzana ramakore rechi20 vakaratidza kutsunga kwakafanana. Saka, vakapindura nokushingaira kudanidzira kwakaziviswa pakokorodzano yakachinja zvinhu muna September 1922 kwokuti: “Rino izuva rinokosha. Tarirai, Mambo wotonga! Muri vazivisi vake. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.”
2. Pavakadzorerwa kubasa rinofadza Hondo Yenyika I yapera, vaKristu vakazodzwa vaigona kuzivisei?
2 Hondo Yenyika I yapera, Jehovha akadzorera vakasara vakazodzwa kuti vaitezve basa nokushingaira. SaHabhakuki, mumwe nomumwe wavo ipapo aigona kuzivisa kuti: “Ndichazviisa parutura rwangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni.” Mashoko echiHebheru okuti “tarira” uye “mira” anodzokororwa muuprofita hwakawanda.
“Hazvingaiti Nguva Huru”
3. Nei tichifanira kuramba takarinda?
3 Zvapupu zvaJehovha zvazvinozivisa nyevero yaMwari nhasi, zvinofanira kugara zvakagadzirira kuteerera mashoko okupedzisira ouprofita hukuru hwaJesu okuti: “Rambai makarinda, nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani; kuitira kuti paanongosvika kamwe kamwe, haakuwanii makarara. Asi zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.” (Mako 13:35-37) SaHabhakuki, uye maererano nemashoko aJesu, tinofanira kuramba takarinda!
4. Zvakaita zvinhu nhasi zvakafanana sei nezvomuzuva raHabhakuki munenge muna 628 B.C.E.?
4 Habhakuki angava akapedza kunyora bhuku rake munenge muna 628 B.C.E., kunyange Bhabhironi risati rava simba guru renyika. Kutonga kwakaita Jehovha Jerusarema rakaramba kutenda kwakaziviswa kwemakore akawanda. Asi, kwakanga kusina chiratidzo chakajeka chokuti kutonga kwacho kwaizoitwa rini. Ndiani angadai akatenda kuti aingova makore 21 gare gare uye kuti Jehovha aizoshandisa Bhabhironi kuuraya? Saizvozvowo nhasi, hatizivi ‘zuva neawa’ zvakagadzwa nokuda kwokuguma kwegadziriro ino, asi Jesu akafanotinyevera kuti: “Ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—Mateu 24:36, 44.
5. Chii chinonyanya kukurudzira pamashoko aMwari akanyorwa pana Habhakuki 2:2, 3?
5 Nokuda kwechikonzero chakanaka, Jehovha akapa Habhakuki basa iri rinofadza achiti: “Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa, kuti zvigone kuraviwa nounomhanya. Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:2, 3) Nhasi, uipi nechisimba zvapararira munyika yose, zvichiratidza kuti tamira pamucheto chaipo pe“zuva guru raJehovha rinotyisa.” (Joere 2:31) Zvechokwadi, anokurudzira ndiwo mashoko aJehovha pachake evimbiso anoti: “Hazvingaiti nguva huru”!
6. Tingapukunyuka sei zuva rokutonga riri kuuya?
6 Ipapo, tingapukunyuka sei zuva rokutonga riri kuuya? Jehovha anopindura nokuratidza musiyano uri pakati pavakarurama nevasina kururama achiti: “Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi wakarurama uchararama nokutenda kwake.” (Habhakuki 2:4) Vatongi vanodada nevane makaro uye vamwe vanhu vashatisa nhau yazvino uno neropa remamiriyoni evanhu vasina mhaka, kunyanya muhondo mbiri dzenyika uye nokuurayana kwamadzinza. Kusiyana neizvi, vashumiri vaMwari vakazodzwa vanoda rugare vakatsungirira nokutendeka. Ivo “rudzi rwakarurama, runochengeta zvokwadi.” Rudzi urwu, pamwe neshamwari dzarwo, “mamwe makwai,” runotevera kurayira kwokuti: “Vimbai naJehovha nokusingaperi; nokuti muna Jehovha, iye Jehovha, mune dombo risingaperi.”—Isaya 26:2-4; Johani 10:16.
7. Maererano nokushandisa kwaPauro Habhakuki 2:4, tinofanira kuitei?
7 Achinyorera vaKristu vechiHebheru, muapostora Pauro akadzokorora mashoko aHabhakuki 2:4 paaiudza vanhu vaJehovha kuti: “Munofanira kutsungirira, kuitira kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugamuchire kuzadzika kwechipikirwa. Nokuti ‘nguva duku zvikuru’ ichiripo, uye ‘iye anouya achasvika uye haanganonoki.’ ‘Asi akarurama wangu achararama nemhaka yokutenda,’ uye, ‘kana akadzokera shure, mweya wangu haumufariri.’” (VaHebheru 10:36-38) Zuva redu harisi nguva yokurembedza ruoko kana kuti yokuiswa mumusungo nenzira dzokuda zvinhu zvenyika zvakanyanya, uye mufaro wenyika yaSatani. Tinofanira kuitei kusvikira “nguva duku zvikuru” yapera? SaPauro, isu vorudzi rutsvene rwaJehovha tinofanira ‘kusveerera zvinhu zviri mberi, tichitevera kuti tibate vavariro’ youpenyu husingaperi. (VaFiripi 3:13, 14) Uye saJesu, tinofanira ‘kutsungirira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pedu.’—VaHebheru 12:2.
8. “Murume” anotaurwa muna Habhakuki 2:5 ndiani, uye nei asingazobudiriri?
8 Habhakuki 2:5 inorondedzera “murume” uyo, kusiyana nevashumiri vaJehovha, anokundikana kuita zvaanovavarira, kunyange zvazvo a“kashamisa kukara kwake seSheori.” Ndiani murume iyeyu asi“ngaguti”? Nokukara kwakafanana nekweBhabhironi renguva yaHabhakuki, “murume” iyeyu anobatanidza vazhinji, anoumbwa nemasimba ezvematongerwe enyika—angava echiFascist, Nazi, Komonisti, kana kuti kunyange inonzi gutsaruzhinji—anorwa hondo kuti akudziridze nyika dzake. Anozadzawo Sheori, guva, nemweya isina mhaka. Asi “murume” iyeyu anonyengera wenyika yaSatani anoumbwa nevazhinji, akadhakwa nokuzvikudza kwokuzvivimba, haabudiriri mu“kuzviunganidzira marudzi ose, anozvikokerera marudzi ose avanhu.” Jehovha Mwari bedzi ndiye anogona kubatanidza vanhu, uye achaita izvi achishandisa Umambo hwaMesiya.—Mateu 6:9, 10.
Yokutanga Yenhamo Shanu Dzinoshamisa
9, 10. (a) Jehovha anopfuurira kuzivisei achishandisa Habhakuki? (b) Maererano nokuwana pfuma isina kururama, zvinhu zvakamira sei nhasi?
9 Achishandisa muprofita wake Habhakuki, Jehovha anopfuurira kuzivisa nhamo shanu dzinotevedzana, kutonga kunofanira kuitwa mukugadzirira pasi nokuda kwokugarwa nevanamati vaMwari vakatendeka. Vane mwoyo yakarurama vakadaro ‘havangamudadiri nechirahwe’ chinopiwa naJehovha. Tinorava pana Habhakuki 2:6 kuti: “Une nhamo unowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye unozviremedza noubatso!”
10 Pano chinosimbiswa ndechemhindu isina kururama. Munyika yakatipoteredza, vapfumi vanowedzera kupfuma, uye varombo vanowedzera kuva varombo. Vanotengesa zvinodhaka nevanokorovhera vanowana pfuma huru, nepo vanhuwo zvavo vakawanda vachitambura. Zvikamu zvina muzana zvevanhu vose munyika zvinonzi zvinorarama muurombo hwakanyanya. Nzira yokurarama nayo iri kutyisa munyika dzakawanda. Vaya vanopanga kururama pasi pano vanotaura kuti: “Kusvikira riniko” uipi uhwu huchiwanda! Asi, mugumo wasvika! Zvechokwadi, zvakaratidzwa izvi “hazvingaiti nguva huru.”
11. Habhakuki anotii pamusoro pokuteura ropa ravanhu, uye nei tingati kune mhaka yeropa yakakura pasi pano nhasi?
11 Muprofita wacho anoudza vakaipa kuti: “Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai imi, nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.” (Habhakuki 2:8) Imhaka yeropa yakadini yatinowana panyika nhasi! Jesu akataura pachena kuti: “Vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Asi, muzana ramakore rechi20 bedzi, marudzi ane mhaka yeropa uye mapoka emadzinza ave achikonzera kuurayiwa kwevanhu vanopfuura mamiriyoni zana. Vane nhamo vanobatanidzwa mukuteura ropa uku!
Nhamo Yechipiri
12. Nhamo yechipiri yakanyorwa naHabhakuki chii, uye tingava sei nechokwadi chokuti pfuma isiri yokutendeseka haizoyamuri?
12 Nhamo yechipiri, yakanyorwa pana Habhakuki 2:9-11, inowira “unozviwanira imba yake pfuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa!” Pfuma yakaipa haizoyamuri, sezvinojekeswa nomunyori wepisarema kuti: “Usatya hako iwe kana mumwe munhu achipfumiswa, kana pfuma yeimba yake ichiwedzerwa; nokuti kana achifa hapana chaachaenda nacho; mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.” (Pisarema 49:16, 17) Ipapo, rinokosha izano rokuchenjera raPauro rokuti: “Rayira vakapfuma mugadziriro ino yezvinhu iripo kuti varege kuzvikudza, uye kuti vaise tariro yavo, kwete papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotigovera zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.”—1 Timoti 6:17.
13. Nei tichifanira kuramba tichizivisa nyevero yaMwari?
13 Zvinokosha sei kuti mashoko aMwari okutonga aziviswe nhasi! VaFarise pavakaramba kurumbidza kwaiitwa Jesu neboka sa“Iye anouya saMambo muzita raJehovha,” iye akati: “Ndinokuudzai kuti, Kudai ava vaizoramba vakanyarara, matombo aizodanidzira.” (Ruka 19:38-40) Saizvozvowo, kudai vanhu vaMwari nhasi vaizokundikana kufumura uipi huripo munyika ino, ‘ibwe pacharo raizodanidzira riri parusvingo.’ (Habhakuki 2:11) Saka ngatirambei tichizivisa nyevero yaMwari nokushingaira!
Nhamo Yechitatu uye Nhau Yeropa
14. Zvitendero zvenyika zvave zvine mutoroi wemhaka yeropa?
14 Nhamo yechitatu yakaziviswa naHabhakuki inorondedzera nhau yeropa. Habhakuki 2:12 inoti: “Une nhamo unovaka musha neropa, unovamba guta nezvakaipa!” Mugadziriro ino yezvinhu, kusarurama nokuteurwa kweropa zvinowanzofambirana. Sezvinocherechedzwa, zvitendero zvenyika zvave zvine mutoro wokuteurwa kweropa kwakaipisisa munhau. Tinongotaura nezvehondo dzevaKristu, dzakarwisanisa vanonzi vaKristu nevaMuslim; Dare reChechi Rinobvunzurudza rechiKaturike muSpain nomuLatin America; Hondo yokuEurope Yemakore Makumi Matatu pakati pavaPurotesitendi nevaKaturike; uye dzakateura ropa rakawanda kupinda dzose, hondo mbiri dzenyika dzezana redu ramakore, dzose dzakatangira muchiKristudhomu.
15. (a) Marudzi ari kupfuurira kuitei nokutsigira kana kuti kubvumira kwechechi? (b) Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose ringamisa kuti nyika ino ivezve nezvombo here?
15 Chimwe chezvinhu zvakaipisisa chehondo yenyika yechipiri chaiva Kuparadza Kukuru kweNazi, kwakauraya zviuru zvevaJudha uye vamwe vasina mhaka muEurope. Nguva pfupi yapfuura bedzi vakuru vakuru veRoma Katurike muFrance ndipo pavakabvuma kuti vakakundikana kushora kutumirwa kwemazana ezviuru zvevanhu kumusasa worufu weNazi. Asi, marudzi anopfuurira kugadzirira kuteura ropa, chechi ichizvitsigira kana kuti kuzvibvumira. Ichitaura nezveChechi yokuRussia yeOrthodox, magazini inonzi Time (chinyorwa chenyika dzakawanda) munguva pfupi yapfuura yakati: “Chechi yakamutsiridzwa inoshandisawo pesvedzero huru munzvimbo yakanga isingambofungidzirwi: varwi vokuRussia. . . . Kukomborera ndege nezvivako unenge wava muitiro. Muna November, Mumusha weMamongi womuDanilovsky womuMoscow, munogara Mukuru Mukuru wokuRussia, chechi yakatosvika pakuyeresa dura rezvombo zvenyukireya zveRussia.” Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose ringamisa kuti nyika ino ivezve nezvombo zvehondo zvoutsinye here? Kana! Maererano nepepanhau rinonzi The Guardian rokuLondon, England, akawana Mubayiro woRugare weNobel akatsinhira kuti: “Chinovhiringidza zvechokwadi ndechokuti nhengo shanu dzechigarire dzeUN Security Council ndidzo nhengo shanu dzenyika huru dzinogovera zvombo.”
16. Jehovha achaitei nemarudzi anokurudzira hondo?
16 Jehovha achatonga marudzi anokurudzira hondo here? Habhakuki 2:13 inoti: “Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo?” “Jehovha wehondo”! Hungu, Jehovha ane mauto engirozi dzokudenga, aachashandisa kuparadza vanhu uye marudzi anoda hondo!
17. Zivo yaJehovha ichazadza pasi zvakadini pashure pokutonga kwake marudzi ane chisimba?
17 Chii chichatevera kutonga kwaJehovha mapoka emarudzi iwayo ane chisimba? Habhakuki 2:14 inopa mhinduro yokuti: “Nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.” Itariro yakaisvonaka zvakadini! PaAmagedhoni, uchangamire hwaJehovha hucharevererwa nokusingaperi. (Zvakazarurwa 16:16) Anotivimbisa kuti acha‘ita kuti nzvimbo yetsoka dzake ive nembiri,’ pasi pano patinogara. (Isaya 60:13) Vanhu vose vachadzidziswa munzira dzaMwari dzoupenyu, zvokuti zivo yezvinangwa zvine mbiri zvaJehovha ichazadza pasi sokuzadza kunoita makungwa hova dzenyanza.
Nhamo Yechina Neyechishanu
18. Nhamo yechina yakaziviswa nokuna Habhakuki chii, uye inoratidzwa sei namamiriro ezvinhu enyika nhasi?
18 Nhamo yechina inotsanangurwa pana Habhakuki 2:15 namashoko aya: “Une nhamo unopa wokwake zvinobata azvinwe, unovhenganisiramo uturu hwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo!” Izvi zvinoratidza mararamire okusazvidzora, okuzvidira enyika yamazuva ano. Unzenza hwayo, hunotsigirwa kunyange nemasangano ezvitendero zvinoregeredza, hwazova hwakaipa zvikuru. Matambudziko, akadai seAIDS uye dzimwe hosha dzinotapuriranwa pabonde, zviri kupararira pasi rose. Panzvimbo pokuratidza “kubwinya kwaJehovha,” chizvarwa chanhasi chokuti ini pakutanga chiri kudererazve kuva chakaora uye chakananga kukutongwa naMwari. Ichi“zvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa,” iyi nyika yakasindimara yava pedyo nokunwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha, kunomirira kuda kwake nokuda kwayo. ‘Mbiri yayo ichanyadziswa.’—Habhakuki 2:16.
19. Zvinotangira nhamo yechishanu yakaziviswa naHabhakuki zvinorevei, uye nei mashoko akadaro achikosha munyika yanhasi?
19 Inotangira nhamo yechishanu inyevero yakasimba pamusoro pokunamatwa kwezvifananidzo zvakavezwa. Jehovha anoita kuti muprofita azivise mashoko aya ane simba okuti: “Une nhamo unoti kudanda: Muka! kana kubwe risingagoni kutaura: Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here? Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivheri, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku.” (Habhakuki 2:19) Nhasi, chiKristudhomu nechinonzi chihedheni zvinopfugamira zvipiyaniso zvavo, vanaMadonna, mifananidzo, uye zvimwe zvakafanana nomunhu nemhuka. Hapana chimwe chazvo chingamuka ndokuponesa vanamati vazvo Jehovha paanouya kuzotonga. Kunamwa kwazvo nendarama nesirivheri kunopera zvachose pakunoenzaniswa norunako rwaMwari asingagumi, Jehovha, uye mbiri yezvaakasika. Ngatirumbidzei zita rake risina rinoenzana naro nokusingaperi!
20. Takaropafadzwa kushumira nomufaro mugadziriroi yetemberi?
20 Hungu, Mwari wedu, Jehovha, anofanirwa nokurumbidzwa kwose. Nokunzwa kwokumuremekedza kwakadzama, ngatiteererei kunyevera ikoko kune simba pamusoro pokunamata zvidhori. Asi teerera! Jehovha achiri kutaura: “Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.” (Habhakuki 2:20) Pasina mubvunzo muprofita aifunga nezvetemberi yeJerusarema. Zvisinei, isu nhasi takaropafadzwa kunamatira mugadziriro yetemberi yomudzimu yakanaka kwazvo kupfuura iya, Jesu Kristu Ishe wedu maakagadzwa soMupristi Mukuru. Pano, pachivanze chepasi chetemberi iyoyo, tinosangana, tinoshumira, uye tinonyengetera, tichipa Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake rine mbiri. Mufaro wakadini watinawo mukunamata nemwoyo wose kuna Baba vedu vane rudo vokudenga!
Unoyeuka Here?
• Unoona sei mashoko aJehovha anoti: “Hazvingaiti nguva huru”?
• Nhamo dzakaziviswa naHabhakuki dzamazuva ano dzinorevei?
• Nei tichifanira kuramba tichizivisa nyevero yaJehovha?
• Muchivanze chetemberi ipi matine ropafadzo yokushumira?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 15]
SaHabhakuki, vashumiri vaMwari vamazuva ano vanoziva kuti Jehovha haanganonoki
[Mifananidzo iri papeji 18]
Unoonga ropafadzo yokunamata Jehovha muchivanze chetemberi yake yomudzimu here?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
U.S. Army photo