Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu Nesimba Rangu

Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu Nesimba Rangu

Nyaya Youpenyu

Jehovha Ndiye Utiziro Hwangu Nesimba Rangu

YAKATAURWA NAMARCEL FILTEAU

“Kana ukaroorwa naye, uchatoenda kujeri chete.” Izvozvo ndozvaitaurwa nevanhu kumukadzi wandaironga kuti ndizoroora. Regai nditsanangure kuti nei vaitaura chinhu chakadaro.

PANDAKAZVARWA muna 1927, nharaunda yeCanada yeQuebec yaiva muzinda wevaKaturike. Anenge makore mana gare gare, Cécile Dufour, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, akatanga kusvika pamba pedu muguta reMontreal. Nokuita kudaro, aiwanzotyisidzirwa nevavakidzani vedu. Zvakaitika chaizvo ndezvokuti, akasungwa uye akatambudzwa kakawanda nemhaka yokuparidza shoko reBhaibheri. Naizvozvo takakurumidza kuona kuti mashoko aJesu ndeechokwadi, okuti: “Muchavengwa nemarudzi ose nemhaka yezita rangu.”—Mateu 24:9.

Panguva iyoyo, vazhinji vaiona zvisingafungidziriki kuti mhuri yomuCanada yakabva kuFrance isiye chitendero chayo chechiKaturike. Kunyange zvazvo vabereki vangu vasina kuzombova Zvapupu zvakabhabhatidzwa, vakakurumidza kugumisa kuti dzidziso dzeChechi yeKaturike dzakanga dzisingabvumirani neBhaibheri. Saka vakakurudzira vana vavo vasere kuverenga mabhuku aibudiswa neZvapupu, uye vakatsigira isu vamwe takasarudza chokwadi cheBhaibheri.

Kutsigira Munguva Dzakaoma

Muna 1942, pandakanga ndichiri pachikoro, ndakatanga kunyatsofarira kudzidza Bhaibheri. Mabasa eZvapupu zvaJehovha akanga achirambidzwa muCanada panguva iyoyo nokuti zvaitevera muenzaniso wevaKristu vepakuvamba uye hazvina kubatanidzwa muhondo dzemarudzi. (Isaya 2:4; Mateu 26:52) Mukoma wangu mukuru, Roland, akaiswa mumusasa wechibharo nemhaka yokuramba kwake kurwa muhondo yenyika yose yairwiwa panguva iyoyo.

Panenge panguva iyoyo, Baba vakandipa bhuku rechiFrench raitsanangura nezvekutambura kweZvapupu zvokuGermany nokuda kwokuramba kwazvo kutsigira mabasa emauto aAdolph Hitler. * Ndakakurudzirwa kuda kufanana nemienzaniso youshingi yakadaro yokuperera, uye ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha yaiitirwa pamba pomumwe munhu. Nokukurumidza ndakakokwa kuzogoverana mubasa rokuparidzira. Ndakabvuma kukokwa kwacho ndichinyatsoziva kuti ndaigona kusungwa ndikaiswa mujeri.

Ndapedza kunyengeterera simba, ndakagogodza pasuwo rangu rokutanga. Mumwe mukadzi ane mutsa akapindura, uye pashure pokuzvisuma, ndakamuverengera mashoko a2 Timoti 3:16 anoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa.”

“Mungafarira kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri here?” ndakabvunza kudaro.

“Hungu,” mukadzi wacho akapindura.

Saka ndakamuudza kuti ndaizouya neshamwari yaiziva Bhaibheri zviri nani kundipfuura, zvinova zvandakazoita vhiki yaitevera yacho. Pashure pechiitiko ichocho chokutanga, ndakanzwa kusimbiswa zvikuru, uye ndakadzidza kuti hatiiti ushumiri nesimba redu pachedu. Sezvakataurwa nemuapostora Pauro, tinoita kudaro tichibetserwa naJehovha. Zvechokwadi, zvinokosha kuti tizive kuti “simba rinopfuura romuzvarirwo [nde]raMwari kwete rinobva matiri.”—2 VaKorinde 4:7.

Kubvira ipapo, basa rokuparidza rakava muitiro wenguva dzose woupenyu hwangu uye ndozvakaitawo kusungwa nokuiswa mumajeri. Ndosaka mukadzi wandaizoroora akaudzwa kuti, “Kana ukaroorwa naye, uchatoenda kujeri chete”! Asi, zviitiko zvakadaro zvakanga zvisina kunyanya kuoma. Pashure pokupedzera usiku mujeri, chimwe Chapupu chaitibvisira mari yokuti tibude.

Zvisarudzo Zvinokosha

Muna April 1943, ndakazvitsaurira kuna Jehovha uye ndakaratidza kudaro nokubhabhatidzwa mumvura. Zvino, muna August 1944, ndakapinda kokorodzano yangu yokutanga huru muBuffalo, New York, U.S.A., pedyo nemuganhu wenyika yeCanada. Pakanga pane 25 000 vakapinda, uye purogiramu yacho yakakudziridza chido changu chokuva piyona, sekudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Kurambidzwa kwebasa reZvapupu zvaJehovha muCanada kwakapera muna May 1945, uye ndakatanga kupayona mwedzi wakatevera wacho.

Zvisinei, sezvandaiwedzera ushumiri hwangu, nokuenda kwangu kujeri kwakawedzerawo. Ndakamboiswa muchitokisi naMike Miller, mushumiri waJehovha ave akatendeka kwenguva refu. Takagara pauriri hwesimende ndokukurukura. Kurukurirano yedu inovaka yezvinhu zvokumudzimu yakandisimbisa zvikuru. Zvisinei, gare gare, mubvunzo wakauya mupfungwa dzangu, ‘Zvakadini kudai takanga tisingazwisisani uye tisingataudzani?’ Nguva yandakapedza ndine hama inodikanwa iyi mujeri yakandidzidzisa chimwe chezvidzidzo zvakaisvonaka zvomuupenyu hwangu—tinoda hama dzedu uye naizvozvo tinofanira kukanganwirana nokuitirana mutsa. Pamwe, sezvakanyorwa nomuapostora Pauro: “Kana muchiramba muchirumana nokudyana, chenjerai kuti hamupedzani.”—VaGaratiya 5:15.

Muna September 1945, ndakakokwa kuti ndinoshanda pahofisi yebazi yeWatch Tower Society muToronto Canada, yatinoti Bheteri. Purogiramu yokumudzimu ipapo yaivaka zvechokwadi uye ichisimbisa kutenda. Gore rakatevera racho, ndakagoverwa kunoshanda papurazi reBheteri, makiromita 40 kuchamhembe kwehofisi yebazi. Sezvandainhonga mastrawberries naAnne Wolynec muduku, ndakacherekedza kwete chete runako rwomuviri wake asiwo rudo rwake nekushingairira Jehovha. Ushamwari hwakatanga, uye takaroorana muna January 1947.

Kwemakore maviri nehafu akatevera, takapayona muLondon, Ontario, uye pashure pacho paCape Breton Island, apo takabatsira kuumba ungano. Ipapo, muna 1949, takakokwa kukirasi yechi14 yeWatchtower Bible School of Gilead, uko takarovedzwa kuva vafundisi.

Basa Roufundisi muQuebec

Makirasi evanhu vokuCanada vakanga vapedza chikoro cheGilead akanga agoverwa kuti anotanga basa rokuparidza muQuebec. Muna 1950, isu nevamwe 25 vemukirasi yedu yechi14 takabatana navo. Basa roufundisi rakawedzerwa rakauyisa kutambudzwa kwakanyanya nokuitirwa chisimba nemhomho, kwaikurudzirwa nevatungamiriri veChechi yeRoma Katurike.

Mazuva maviri pashure pokusvika pamugove wedu woufundisi wokutanga muguta reRouyn, Anne akasungwa ndokuiswa kumashure kwemota yemapurisa. Ichi chakanga chiri chiitiko chitsva kwaari, sezvo aibva mumusha muduku munharaunda yeManitoba, Canada, uko aiona mapurisa kashoma. Sezvingakarirwa, akanzwa atyisidzirwa uye akarangarira mashoko okuti, “Kana ukaroorwa naye, uchatoenda kujeri chete.” Zvisinei, mapurisa acho asati aenda, akandiwana akandiisa mumotokari naAnne. “Ndiri kufara kukuona!” akadanidzira kudaro. Asi akanga akadzikama zvinoshamisa, achiti, “Hungu, chinhu chimwe chetecho chakaitika kuvaapostora nokuparidza kwavo nezvaJesu.” (Mabasa 4:1-3; 5:17, 18) Gare gare zuva iroro takasunungurwa tabvisa mari.

Rinoda kuva gore pashure pechiitiko ichocho, tiri muushumiri hwepamba nemba mumugove wedu mutsva muMontreal, ndakanzwa mhere mhere mumugwagwa uye ndakaona mhomho yakanga ine hasha ichikanda matombo. Pandakaenda kuti ndinobatsira Anne neshamwari yake, mapurisa akabva asvika ipapo. Panzvimbo pokusunga vaiita bongozozo vacho, mapurisa acho akasunga Anne neshamwari yake! Vari mujeri, Anne akayeuchidza Chapupu chitsva chacho kuti vakanga vari kuona mashoko aJesu achiitika okuti: “Muchavengwa nevanhu vose nemhaka yezita rangu.”—Mateu 10:22.

Pane imwe nguva, mhosva 1 700 dzeZvapupu zvaJehovha dzaiva dzakamirira kutongwa muQuebec. Kazhinji kacho, taipomerwa kuti taiparadzira mabhuku anokurudzira kupandukira kana kuti kugovera mabhuku tisina rezinesi. Somugumisiro, Dhipatimendi reMitemo reWatch Tower Society rakatorera hurumende yeQuebec matanho. Pashure pemakore akawanda ehondo yemutemo, Jehovha akatiita kuti tikunde kaviri pamberi peDare Repamusorosoro reCanada. Muna December 1950, kupomerwa kwatakanga tichiitwa kuti mabhuku edu anokurudzira kupandukira kwakabviswa, uye muna October 1953, kodzero yedu yokugovera mabhuku eBhaibheri tisina rezinesi yakatsigirwa. Saka takaona munzira yakajeka kuti Jehovha zvechokwadi ndiye nzvimbo ye“hutiziro nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.”—Pisarema 46:1.

Sezvinooneka, nhamba yeZvapupu muQuebec yakawedzera kubva pa356 muna 1945, pandakatanga kupayona, kusvika kuvanopfuura 24 000 nhasi! Zvechokwadi zvakaitika sezvakafanotaurwa neuprofita hweBhaibheri kuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe.”—Isaya 54:17.

Basa Redu muFrance

Muna September 1959, Anne neni takakokwa kuti tizoshanda paBheteri muParis, France, uko ndakagoverwa kuti nditungamirire basa rokudhinda. Kusvikira panguva yatakazosvika muna January 1960, kudhindwa kwaiitwa nefemu inoita basa rokudhinda. Sezvo Nharireyomurindi panguva iyoyo yairambidzwa muFrance, taidhinda magazini yacho mwedzi woga woga yakaita kabhuku kemapeji 64. Kabhuku kacho kainzi The Interior Bulletin of Jehovah’s Witnesses, uye kakanga kaine zvidzidzo zvaifanira kudzidzwa muungano zvomwedzi iwoyo. Kubva muna 1960 kusvika muna 1967, nhamba yeavo vaigoverana mubasa rokuparidzira muFrance yakawedzera kubva pa15 439 kusvika ku26 250.

Nokufamba kwenguva, vafundisi vazhinji vakagoverwa kune dzimwe nzvimbo, vamwe kunyika dzinotaura chiFrench muAfrica uye vamwe vakadzoka kuQuebec. Sezvo Anne akanga asinganzwi zvakanaka uye aida kuvhiyiwa, takadzokera kuQuebec. Pashure pemakore matatu okurapwa, utano hwaAnne hwakaita zvakanaka. Ipapo ndakazogoverwa kubasa redunhu, ndichishanyira ungano yakasiyana vhiki yoga yoga kuti ndigovere kurudziro yekumudzimu.

Basa Roufundisi muAfrica

Makore mashomanana gare gare, muna 1981, takafara nokugamuchira mugove mutsva sevafundisi muZaire, zvino yava Democratic Republic of Congo. Vanhu vacho vakanga vari varombo, uye vakatambura zvinetso zvakawanda. Patakasvika, kwakanga kune Zvapupu 25 753, asi nhasi nhamba iyoyo yawedzera kupfuura 113 000 uye 446 362 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu muna 1999!

Muna 1984 takawana nzvimbo yamaeka 500 kubva kuhurumende kuti tivake hofisi yebazi idzva. Ipapo, muna December 1985, kokorodzano yamarudzi ose yakaitwa muguta guru Kinshasa, ine vamiririri 32 000 vakapinda vachibva kumativi akawanda epasi. Pashure paizvozvo, kushorwa kwaitungamirirwa nevafundisi kwakavhiringidza basa redu muZaire. Pana March 12, 1986, hama dzaitarisira dzakapiwa tsamba yaitaura kuti sangano reZvapupu zvaJehovha romuZaire harisi repamutemo. Kurambidzwa uku kwakasainwa neaiva purezidhendi wenyika panguva iyoyo, mushakabvu Mobutu Sese Seko.

Nemhaka yekuchinja ikoko kwekamwe kamwe, taitofanira kushandisa zano reBhaibheri: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda.” (Zvirevo 22:3) Takawana nzira dzokuwana nadzo mapepa, ingi, firimu, zvokudhindisa, uye mishonga kubva kunze kwenyika kuti tidhinde mabhuku edu muKinshasa. Takavawo nenzira yedu yokuparadzira mabhuku. Patakanga tangorongeka, maitiro edu akashanda zvakanaka kupfuura positi yehurumende!

Zviuru zveZvapupu zvakasungwa, uye zvizhinji zvakatambudzwa nenzira youtsinye. Asi, kusara kwevashoma chete, vazhinji vakatsungirira mabatirwo akadaro uye vakaramba vakatendeka. Iniwo ndakambosungwa ndikaona zvinhu zvakaipa kwazvo izvo hama dzaitambura nazvo mumajeri. Nguva zhinji taitambudzwa munzira iri yose nemapurisa epachivande uye nevakuru vehurumende, asi nguva dzose Jehovha aitigovera nzira yokubuda nayo.—2 VaKorinde 4:8.

Takanga taviga makatoni anenge 3 000 emabhuku muimba yokuchengetera zvinhu yemumwe muzvinabhizimisi. Zvisinei, pakupedzisira, mumwe wevashandi vake akaudza mapurisa epachivande, uye akasunga muzvinabhizimisi uya. Vari munzira kuenda kujeri, sezvineiwo vakasangana neni ndiri mumotokari yangu. Muzvinabhizimisi uya akavataurira kuti ndini ndakanga ndaronga naye kuti achengete mabhuku acho. Mapurisa acho akamira ndokundibvunza nezvazvo, vachindipomera kuisa mabhuku asingabvumirwi munochengeterwa zvinhu momurume uyu.

“Mune rimwe remabhuku acho here?” ndakabvunza kudaro.

“Chokwadika, tinaro,” vakapindura kudaro.

“Ndingarionawo here?” ndakakumbira kudaro.

Vakandipa kopi, uye ndakavaratidza peji yomukati inoti: “Rakadhindwa muUnited States of America neWatch Tower Bible & Tract Society.”

“Zvamakabata mumaoko zvinhu zveAmerica uye hazvisi zvemuZaire,” ndakavayeuchidza. “Hurumende yenyu yakarambidza sangano rapamutemo reZvapupu zvaJehovha zvomuZaire uye kwete Watch Tower Bible & Tract Society yeUnited States.” Saka munofanira kungwarira nezvamunoita nemabhuku aya.”

Ndakabvumidzwa kuenda nokuti vakanga vasina murayiro wedare wokuti vandisunge. Usiku ihwohwo, takatora marori maviri tikaenda kuimba yokuchengetera zvinhu tikapedza kutora mabhuku ose. Apo zviremera zvakauya zuva rakatevera, zvakatsamwa zvikuru pazvakaona nzvimbo yacho isina chinhu. Ipapo vakanga vave kunditsvaka sezvo vakanga vave nemurayiro wedare wokuti vandisunge. Vakandiwana, uye nokuti vakanga vasina motokari, ndakatyaira ndoga kuenda kujeri! Chimwe Chapupu chakaenda neni kuti chizodzoka nemota yangu vasati vaitora.

Pashure pokundibvunzurudza kwemaawa masere, vakasarudza kundibudisa munyika. Asi ndakavaratidza kopi yetsamba yakabva kuhurumende yairatidza kugadzwa kwangu kuti nditengese midziyo yesangano rakarambidzwa reZvapupu zvaJehovha zvomuZaire. Saka ndakabvumidzwa kupfuurira nebasa rangu paBheteri.

Pashure pemakore mana okushanda ndakamanikidzika nokurambidzwa kwebasa muZaire, ndakaita ronda romudumbu raibuda ropa raigona kuuraya. Zvakasarudzwa kuti ndibve ndiende kuSouth Africa kunorapwa, uko bazi rakandichengeta zvakanaka, uye ndakapora. Pashure pokushanda kwemakore masere muZaire, ayo zvechokwadi aiva chiitiko chinofadza nechisingakanganwiki, takatamira kubazi reSouth Africa muna 1989. Muna 1998 takadzokera kumusha kwedu uye kubva ipapo tave tichishanda zvekare paBheteri romuCanada.

Kufarira Kushanda

Pandinotarira shure mumakore angu 54 ndiri muushumiri hwenguva yakazara, ndinofara nokuti ndakashandisa simba rangu rouduku mubasa rinokosha raJehovha. Kunyange zvazvo Anne aitofanira kutsungirira mamiriro ezvinhu akawanda anoedza, haana kumbotsutsumwa asi akanga achitsigira zvose zvataiita. Tiri pamwe, takava neropafadzo yokubatsira vakawanda kuti vasvike pakuziva Jehovha, vakawanda vavo vari muushumiri hwenguva yakazara zvino. Mufaro chaiwo kuona vamwe vevana vavo uye kunyange vazukuru vavo vachishumira Mwari wedu mukuru, Jehovha!

Ndine chokwadi chokuti hapana chimwe chinhu icho nyika ino inopa chingaenzana neropafadzo nezvikomborero izvo Jehovha akatipa. Chokwadi, takatsungirira miedzo yakawanda, asi yose yakashanda kuvaka kutenda kwedu nechivimbo muna Jehovha. Zvechokwadi akaratidza kuva rusvingo runosimbisa, nzvimbo youtiziro, uye rubatsiro runowanika nyore nyore panguva dzokutambudzika.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Bhuku racho rakatanga kubudiswa muchiGerman richinzi Kreuzzug gegen das Christentum (Hondo Yokurwisana nechiKristu). Rakashandurirwa muchiFrench nechiPolish asi kwete muchiNgezi.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Tichipayona pamwechete muna 1947; uye ndina Anne nhasi

[Mufananidzo uri papeji 29]

Vanhu vatakasangana navo muZaire vaida chokwadi cheBhaibheri